Jeremiah 33
Biblica® Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi 2017 · Tap a verse to see its cross-references.
Chivimbiso choKudzoredzanisa
1Shoko raJehovha rakasvika kechipiri kuna Jeremia panguva yaakanga akapfigirwa muruvazhe rwavarindi richiti, 2“Zvanzi naJehovha, iye akaita nyika, naiye akaiumba uye akaisimbisa, Jehovha ndiro zita rake, 3‘Danai kwandiri uye ndichakupindurai uye ndichakuudzai zvinhu zvikuru zvakavanzika zvamusingazivi.’ 4Nokuti zvanzi naJehovha, Mwari waIsraeri, pamusoro pedzimba dziri muguta rino uye nomuzinda wamadzimambo eJudha zvakakoromorerwa pasi kuti zvishandiswe pakuputsa mirwi yakakomba guta neminondo, 5mukurwisana navaBhabhironi, ‘Zvichazadzwa nezvitunha zvavanhu vandichauraya pakutsamwa kwangu nehasha dzangu. Ndichavanzira guta rino chiso changu nokuda kwokuipa kwaro kwose.
6“ ‘Kunyange zvakadaro hazvo, ndicharivigira utano nokurapwa; ndicharapa vanhu vangu uye ndichaita kuti vave norugare rwakawanda uye nokuchengetedzeka. 7Ndichabvisazve Judha neIsraeri norugare kubva kuutapwa ndivavakezve sepakutanga. 8Ndichavanatsa pachivi chose chavakanditadzira ndigovakanganwira zvivi zvavo zvose zvokundimukira. 9Ipapo guta rino richandivigira mukurumbira, mufaro, kurumbidzwa nokukudzwa pamberi pendudzi dzose dzepanyika dzinonzwa zvakanaka zvose zvandinoriitira; dzichatya uye dzichadedera nokuda kwokukura kwokubudirira norugare rwandinoripa.’
10“Zvanzi naJehovha: ‘Munoti pamusoro penzvimbo ino, “Yaparara, haina vanhu vanogaramo kana mhuka dzinogaramo.” Asi mumaguta eJudha nomumigwagwa yeJerusarema makasiyiwa musina chinhu, musisagarwi navanhu kana nemhuka, muchanzwikwazve 11manzwi nomufaro nokufarisisa, namanzwi emwenga nechikomba, namanzwi avaya vanouya nezvipo zvokuvonga kuimba yaJehovha, vachiti,
“ ‘ “Vongai Jehovha Wamasimba Ose,
nokuti Jehovha akanaka;
rudo rwake runogara nokusingaperi.”
Nokuti ndichadzosazve pfuma yenyika iyi sezvayaiva iri kare,’ ndizvo zvinotaura Jehovha.
12“Zvanzi naJehovha Wamasimba Ose, ‘Munzvimbo ino, yakaparara uye isina vanhu kana mhuka, mumaguta ayo ose aripo muchava namafuro avafudzi okuvatisa makwai avo. 13Mumaguta enyika yezvikomo, neemujinga mezvikomo zvokumavirira neokuNegevhi, munyika yaBhenjamini, nomumisha yakapoteredza Jerusarema nomumaguta eJudha, makwai achapfuurazve napasi poruoko rwounoaverenga,’ ndizvo zvinotaura Jehovha.
14“ ‘Mazuva anouya,’ ndizvo zvinotaura Jehovha, andichazadzisa chivimbiso chenyasha chandakaita kuimba yaIsraeri nokuimba yaJudha.
15“ ‘Mumazuva iwayo uye nenguva iyoyo
ndichameresa Davi rakarurama rinobva kurudzi rwaDhavhidhi;
iye achatonga nyika nokururamisira uye nokururama.
16Mumazuva iwayo Judha achaponeswa,
uye Jerusarema richagara rakachengetedzeka.
Iri ndiro zita rarichatumidzwa:
Jehovha Ndiye Kururama Kwedu.’
17Nokuti zvanzi naJehovha: ‘Dhavhidhi haangatongoshayiwi munhu angagara pachigaro choushe cheimba yaIsraeri, 18Kana vaprista, vorudzi rwaRevhi, havangashayiwi munhu angamira pamberi pangu nguva dzose kuti apisire zvipiriso, apisire zvipiriso zvezviyo uye ape zvibayiro.’ ”
19Shoko raJehovha rakasvika kuna Jeremia, richiti: 20“Zvanzi naJehovha: ‘Kana mukagona kuputsa sungano yangu namasikati uye nesungano yangu nousiku, zvokuti masikati nousiku zvirege kuvapo nenguva yakatarwa, 21ipapo sungano yangu naDhavhidhi muranda wangu, nesungano yangu navaRevhi avo vanova vaprista vanoshumira pamberi pangu, ingagona kuputsika uye Dhavhidhi haangazovizve nomwanakomana angatonga ari pachigaro chake choushe. 22Ndichawanza vana vomuranda wangu Dhavhidhi navaRevhi vanoshumira pamberi pangu zvokusaverengeka senyeredzi dzedenga uye zvokusagona kuyerwa sejecha regungwa.’ ”
23Shoko raJehovha rakasvika kuna Jeremia, richiti, 24“Hauna kucherechedza here kuti vanhu ava vanoti, ‘Jehovha akaramba umambo hwose huri huviri hwaakanga asarudza’? Saka vari kushora vanhu vangu nokusavaona sorudzi. 25Zvanzi naJehovha: ‘Kana ndikasasimbisa sungano yangu namasikati nousiku nemitemo yakatemwa yematenga napasi, 26ipapo ndicharamba vana vaJakobho naDhavhidhi muranda wangu uye handingasarudzi mumwe wavanakomana vake kuti abate ushe pamusoro pavana vaAbhurahama, Isaka naJakobho. Nokuti ndichadzosa nhaka yavo uye ndichavanzwira tsitsi.’ ”
Did you know?
Promises of Restoration and David's Branch
- Jeremiah received these reassuring prophecies while still confined in the courtyard of the guard, at a time when Jerusalem's houses and royal palaces were being demolished to construct defenses against Babylonian siege ramps.Sources: the Bible text itself · Jeremiah
- The chapter promises the sprouting of a righteous Branch from David to administer justice, affirming God's covenant with David and the Levites as enduring and unshakeable as the daily cycle of day and night.Sources: the Bible text itself · David
- Despite widespread desolation, the prophecy foretells the return of joy and pastoral life, promising that flocks will once more be tended and counted in the hill country, the foothills, the arid Negev, and the territory of Benjamin.Sources: the Bible text itself · Negeb · Benjamin (patriarch)
Notes written with AI assistance from open sources (Theographic Bible Metadata, CC BY-SA 4.0; Easton’s Bible Dictionary, public domain) and reviewed before publishing.
Places in this chapter
- Chaldea · 30.962, 46.104 · verse 5
- Jerusalem · 31.777, 35.234 · verses 6, 10, 13, 16
- Negeb · 31.245, 34.841 · verse 13
- Shephelah · 31.692, 34.875 · verse 13
Only places identified with high confidence are shown (90% or more according to the scholarly sources compiled by OpenBible). Period map: DARE (Digital Atlas of the Roman Empire), CC BY 4.0; modern map: © OpenStreetMap contributors; places: OpenBible.info (CC BY 4.0).
Credits and license for this translation
Biblica® Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi 2017 The Holy Bible in the Shona language of Zimbabwe: Biblica® Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi 2017 copyright © 2005, 2018 Biblica, Inc. Language: chiShona Contributor: Biblica, Inc. Biblica® Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi™ Kopakodzero © 2005, 2018 ne Biblica, Inc. Biblica® Open Shona Contemporary Bible™ Copyright © 2005, 2018 by Biblica, Inc. “Biblica” chiratidzo chekutengeserana chakanyoreswa mu United States uye chiratidzo chehofisi yeBiblica, Inc. Inoshandiswa zviripamutemo. “Biblica” is a trademark registered in the United States Patent and Trademark Office by Biblica, Inc. Used with permission. Creative Commons License Iri basa rinowanikwa pasi peCreative Commons Attribution-ShareAlike 4.0 International License (CC BY-SA). Kuti utarise kopi yeiri rezinesi, shanyira https://creativecommons.org/licenses/by-sa/4.0 kana kutumira tsamba kuCreative Commons, PO Box 1866, Mountain View, CA 94042, USA. Biblica® chiratidzo chinozikanwa chakanyorwa neBiblica, Inc., uye kushandiswa kwechiratidzo cheBiblica® kunoda mvumo yakanyorwa yeBiblica, Inc. Pasi pemitemo ye rizinesi re CC BY-SA, unogona kuteedzera uye kugovera patsva basa iri risina kugadziridzwa bedzi kana uchichengetedza chiratidzo che Biblica®. Kana iwe ukachinja kopi kana kushandura iri basa, nokudaro uchigadzira rimwe basa, unofanira kubvisa chiratidzo cheBiblica®. Pabasa rakatorwa, unofanirwa kuratidza shanduko dzawakaita uye woratidza sezvinotevera: “Basa rekutanga reBiblica, Inc. rinowanikwa mahara pa www.biblica.com uye nepa open.bible.” Cherechedzo yekopakodzero inofanirwa kuoneka pamusoro wenyaya kana peji rekopakodzero sezvinotevera: Biblica® Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi™ Kopakodzero © 2005, 2018 ne Biblica, Inc. Biblica® Open Shona Contemporary Bible™ Copyright © 2005, 2018 by Biblica, Inc. “Biblica” chiratidzo chekutengeserana chakanyoreswa mu United States uye chiratidzo chehofisi yeBiblica, Inc. Inoshandiswa zviripamutemo. “Biblica” is a trademark registered in the United States Patent and Trademark Office by Biblica, Inc. Used with permission. Unofanirwa zvakare kuita kuti basa rawachinja riwanikwe pasi pe rezinesi yakafanana (CC BY-SA). Kana iwe uchida kuzivisa Biblica, Inc. maererano neshanduro yako yebasa iri, taura nesu pa https://open.bible/contact-us . This work is made available under the Creative Commons Attribution-ShareAlike 4.0 International License (CC BY-SA). To view a copy of this license, visit https://creativecommons.org/licenses/by-sa/4.0 or send a letter to Creative Commons, PO Box 1866, Mountain View, CA 94042, USA. Biblica® is a trademark registered by Biblica, Inc., and use of the Biblica® trademark requires the written permission of Biblica, Inc. Under the terms of the CC BY-SA license, you may copy and redistribute this unmodified work as long as you keep the Biblica® trademark intact. If you modify a copy or translate this work, thereby creating a derivative work, you must remove the Biblica® trademark. On the derivative work, you must indicate what changes you have made and attribute the work as follows: “The original work by Biblica, Inc. is available for free at www.biblica.com and open.bible.” Notice of copyright must appear on the title or copyright page of the work as follows: Biblica® Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi™ Kopakodzero © 2005, 2018 ne Biblica, Inc. Biblica® Open Shona Contemporary Bible™ Copyright © 2005, 2018 by Biblica, Inc. “Biblica” chiratidzo chekutengeserana chakanyoreswa mu United States uye chiratidzo chehofisi yeBiblica, Inc. Inoshandiswa zviripamutemo. “Biblica” is a trademark registered in the United States Patent and Trademark Office by Biblica, Inc. Used with permission. You must also make your derivative work available under the same license (CC BY-SA). If you would like to notify Biblica, Inc. regarding your translation of this work, please contact us at https://open.bible/contact-us . This translation is made available to you under the terms of the Creative Commons Attribution Share-Alike license 4.0. You have permission to share and redistribute this Bible translation in any format and to make reasonable revisions and adaptations of this translation, provided that: You include the above copyright and source information. If you make any changes to the text, you must indicate that you did so in a way that makes it clear that the original licensor is not necessarily endorsing your changes. If you redistribute this text, you must distribute your contributions under the same license as the original. Pictures included with Scriptures and other documents on this site are licensed just for use with those Scriptures and documents. For other uses, please contact the respective copyright owners. Note that in addition to the rules above, revising and adapting God's Word involves a great responsibility to be true to God's Word. See Revelation 22:18-19. 2023-04-14
Source: http://ebible.org/sna/ · eBible.org