Nations Bible

Jeremiah 32

Biblica® Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi 2017 · Tap a verse to see its cross-references.

Jeremia anotenga Munda

1Iri ndiro shoko rakauya kuna Jeremia richibva kuna Jehovha mugore regumi raZedhekia mambo weJudha, riri gore regumi namasere raNebhukadhinezari. 2Hondo yamambo Nebhukadhinezari yakanga yakakomberedza Jerusarema, uye Jeremia muprofita akanga akapfigirwa muruvazhe rwavarindi rwakanga rwuri mumuzinda wamambo weJudha.

3Zvino Zedhekia mambo weJudha akanga amupfigira imomo, achiti, “Unoprofitirei sezvaunoita? Unoti, ‘Zvanzi naJehovha: Ndava kuda kuisa guta rino mumaoko amambo weBhabhironi, uye acharipamba. 4Zedhekia mambo weJudha haangapukunyuki pamaoko avaBhabhironi, asi zvirokwazvo achaiswa muruoko rwamambo weBhabhironi, vagotaurirana vakatarisana chiso nechiso achimuona nameso ake. 5Iye achaendesa Zedhekia kuBhabhironi, kwaachagara kusvikira ndagadzirisana naye, ndizvo zvinotaura Jehovha. Kana ukarwa navaBhabhironi haungavakundi.’ ”

6Jeremia akati, “Shoko raJehovha rakasvika kwandiri richiti: 7Hanameri mwanakomana wasekuru vako Sharumi achauya kwauri achiti, ‘Tenga munda wangu uri paAnatoti, nokuti sezvo uriwe hama yepedyo, ndiwe une kodzero yokuutenga.’

8“Ipapo, sokutaura kwakanga kwaita Jehovha, sekuru wangu Hanameri akauya kwandiri ndiri muruvazhe rwavarindi akati, ‘Tenga munda wangu uri paAnatoti munyika yeBhenjamini. Chizvitengera iwe kuti uve wako sezvo uriwe une kodzero yokuudzikinura.’

“Ndakazviziva kuti iri raiva shoko raJehovha; 9saka ndakatenga munda waiva paAnatoti kubva kuna sekuru vangu Hanameri ndokumuyerera mashekeri gumi namanomwe esirivha. 10Ndakanyora rugwaro rwokutenga ndikarunama, ndikaita kuti pave nezvapupu, ndikamuyerera sirivha pazviyero. 11Ndakatora gwaro rokutengeserana, riya rakanga rakanamwa riine mirayiro nezvimwe, pamwe chete neriya rakanga risina kunamwa, 12ndokupa gwaro iri kuna Bharuki mwanakomana waNeria, mwanakomana waMaseya, pamberi paHanameri mwanakomana wasekuru vangu napamberi pezvapupu zvakanga zvaisa runyoro pagwaro rokutengeserana, napamberi pavaJudha vose vakanga vagere muruvazhe rwavarindi.

13“Ndakarayira Bharuki pamberi pavo, ndichiti, 14‘Zvanzi naJehovha Wamasimba Ose, Mwari weIsraeri: Tora magwaro aya, okutengeserana ari maviri akanamwa neasina kunamwa, ugoisa muhari yevhu kuitira kuti agare kwamazuva mazhinji. 15Nokuti zvanzi naJehovha, Wamasimba Ose, Mwari waIsraeri: Dzimba, minda, uye minda yemizambiringa zvichatengwazve munyika ino.’

16“Mushure mokunge ndapa Bharuki mwanakomana waNeria gwaro rokutengeserana, ndakanyengetera kuna Jehovha, ndichiti:

17“Haiwa, Ishe Jehovha, ndimi makaita matenga nenyika nesimba renyu guru noruoko rwenyu rwakatambanudzwa. Hakuna chinhu chakaoma kwamuri. 18Imi munoratidza rudo rwenyu kuzviuru nezviuru asi muchiuyisa shamhu yezvivi zvamadzibaba pamakumbo avana vavo vanovatevera. Haiwa imi Mwari mukuru ane simba guru, mune zita rinonzi Jehovha Wamasimba Ose, 19zvinangwa zvenyu zvikuru uye mabasa enyu makuru. Meso enyu akasvinurira nzira dzose dzavanhu; munopa mumwe nomumwe zvakafanira mafambiro ake uye nezvakafanira mabasa ake. 20Makaita zviratidzo nezvishamiso muIjipiti uye mukaramba muchizviita kusvikira pazuva ranhasi, pakati peIsraeri napakati pendudzi dzimwe dzose, uye mukazviwanira mukurumbira sezvazvakaita nanhasi. 21Makabudisa vanhu venyu veIsraeri kubva muIjipiti nezviratidzo nezvishamiso, noruoko rune simba uye noruoko rwakatambanudzwa, uye nokutyisa kukuru. 22Makavapa nyika ino yamakanga mapikira kupa madzibaba avo, nyika inoyerera mukaka nouchi. 23Vakapinda vakaitora kuti ive yavo, asi havana kukuteererai kana kutevera murayiro wenyu; havana kuita zvamakanga mavarayira kuti vaite. Saka makauyisa njodzi yose iyi pamusoro pavo.

24“Tarirai mavakirwo ari kuitwa mirwi yokukomba kuti vatore guta. Nokuda kwomunondo, nenzara uye denda, guta richaiswa mumaoko avaBhabhironi vari kurirwisa. Zvamakataura zvaitika sezvamuri kuona zvino. 25Kunyange hazvo guta rino richizoiswa mumaoko avaBhabhironi, imi, Ishe Jehovha makati kwandiri, ‘Zvitengere munda nesirivha uye uite kuti zvapupu zvivepo pakutengeserana uku.’ ”

26Ipapo shoko raJehovha rakauya kuna Jeremia, richiti, 27“Ndini Jehovha, Mwari wavanhu vose. Ko, pane chinhu chingandiomera here? 28Naizvozvo zvanzi naJehovha: ndava pedyo nokuisa guta rino mumaoko avaBhabhironi, nokuna Nebhukadhinezari mambo weBhabhironi, uyo acharikunda. 29VaBhabhironi vari kurwisa guta rino vachauya vagopinda vagoritungidza nomoto; vacharipisa, pamwe chete nedzimba dzavanhu vakanditsamwisa nokupisira zvinonhuhwira kuna Bhaari pamusoro pamatenga adzo uye nokudururira zvipiriso zvokunwa kuna vamwe vamwari.

30“Vanhu veIsraeri navanhu veJudha havana kugona kuita chinhu chakanaka asi zvakaipa chete pamberi pangu kubva pauduku hwavo; zvirokwazvo vanhu veIsraeri havana kumbogona kuita zvakanaka asi vakanditsamwisa nezvavakaita namaoko avo, ndizvo zvinotaura Jehovha. 31Kubva pazuva rakavakwa guta rino kusvikira zvino, guta rino rakamutsa hasha dzangu nokunditsamwisa zvikuru zvokuti ndinofanira kuribvisa pamberi pangu. 32Vanhu veIsraeri navanhu veJudha vakanditsamwisa nezvakaipa zvose zvavakaita, ivo namadzimambo avo, namachinda avo, navaprista vavo, navaprofita vavo, ivo vanhu veJudha navanhu veJerusarema. 33Vakandifuratira uye havana kunditarisa nezviso zvavo; kunyange ndakavadzidzisa ndadzidzisazve, havana kuteerera kana kutsiurika. 34Vakaisa zvifananidzo zvavo zvinonyangadza mumba yakatumidzwa Zita rangu vakaisvibisa. 35Vakavakira Bhaari nzvimbo dzakakwirira muMupata weBheni Hinomi kuti vabayire vanakomana navanasikana vavo kuna Moreki, kunyange ndisina kuvarayira, kana kuzviisa mupfungwa dzangu, kuti vaite chinhu chinonyangadza zvakadai, nokudaro vagoita kuti Judha itadze.

36“Imi munotaura pamusoro peguta rino muchiti, ‘Guta rino richaiswa muruoko rwamambo weBhabhironi, nomunondo, nenzara, uye nedenda’; zvanzi naJehovha, Mwari weIsraeri: 37Zvirokwazvo ndichavaunganidza kubva kunyika dzose dzandakanga ndavadzingira pakutsamwa kwangu kukuru nehasha dzangu huru; ndichavadzosazve kunzvimbo ino ndigovagarisa zvakanaka. 38Vachava vanhu vangu, ini ndichava Mwari wavo. 39Ndichavapa mwoyo mumwe namaitiro mamwe, kuitira kuti vagare vachinditya zvigovanakira ivo navana vavo vanovatevera. 40Ndichaita sungano isingaperi navo: handingatongomiri pakuvaitira zvakanaka uye ndichavakurudzira kuti vanditye, kuitira kuti varege kuzotsauka kubva kwandiri. 41Ndichafarira kuvaitira zvakanaka uye zvirokwazvo ndichavasima munyika ino, nomwoyo wangu wose uye nomweya wangu wose.

42“Zvanzi naJehovha: Sezvandakauyisa njodzi huru yose iyi pamusoro pavanhu ava, saizvozvo ndichavapa kubudirira kwose kwandakavavimbisa. 43Zvakare, minda ichatengwa munyika ino yamunoti, ‘Idongo, haina vanhu kana zvipfuwo, nokuti yakaiswa mumaoko avaBhabhironi.’ 44Minda ichatengwa nesirivha, uye magwaro okutengeserana achanyorwa, agonamwa uye agopupurirwa munyika yeBhenjamini, mumisha yakapoteredza Jerusarema, nomumaguta eJudha nomumaguta omunyika yezvikomo, nomujinga mezvikomo zvokumavirira, nokuNegevhi, nokuti ndichadzosazve pfuma yavo, ndizvo zvinotaura Jehovha.”

Artistic illustration — an interpretation, not a historical record.

Did you know?

A Purchase of Land During the Siege of Jerusalem

  • The events of this chapter took place during the Babylonian siege of Jerusalem in the tenth year of King Zedekiah. Jeremiah had been confined by the king to the courtyard of the royal guard because he prophesied that the city would fall to King Nebuchadnezzar and that Zedekiah would be taken to Babylon.Sources: the Bible text itself · Zedekiah · Nebuchadnezzar
  • While still confined, Jeremiah exercised his family right of redemption to purchase a field in his hometown of Anathoth from his cousin Hanamel for seventeen shekels of silver. Following ancient legal practices, Jeremiah signed sealed and open deeds before witnesses and entrusted them to his scribe Baruch to be preserved in a clay jar.Sources: the Bible text itself · Hanameel · Baruch · Anathoth
  • The purchase served as a prophetic sign during a desperate military crisis. Although the city was facing imminent destruction and exile because of its idolatry, God assured Jeremiah that fields, houses, and vineyards would once again be bought and sold in the land.Sources: the Bible text itself

Notes written with AI assistance from open sources (Theographic Bible Metadata, CC BY-SA 4.0; Easton’s Bible Dictionary, public domain) and reviewed before publishing.

Places in this chapter

  • Babylon · 32.543, 44.422 · verses 2, 3, 4, 5, 28, 36
  • Jerusalem · 31.777, 35.234 · verses 2, 32, 44
  • Chaldea · 30.962, 46.104 · verses 4, 5, 24, 25, 28, 29, 43
  • Egypt · 30.129, 31.308 · verses 20, 21
  • Valley of Hinnom · Today: Hinnom Valley · 31.769, 35.228 · verse 35
  • Negeb · 31.245, 34.841 · verse 44
  • Shephelah · 31.692, 34.875 · verse 44

Only places identified with high confidence are shown (90% or more according to the scholarly sources compiled by OpenBible). Period map: DARE (Digital Atlas of the Roman Empire), CC BY 4.0; modern map: © OpenStreetMap contributors; places: OpenBible.info (CC BY 4.0).

Credits and license for this translation
Biblica® Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi 2017
The Holy Bible in the Shona language of Zimbabwe: Biblica® Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi 2017
copyright © 2005, 2018 Biblica, Inc.
Language: chiShona
Contributor: Biblica, Inc.
Biblica® Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi™
Kopakodzero © 2005, 2018 ne Biblica, Inc.
Biblica® Open Shona Contemporary Bible™
Copyright © 2005, 2018 by Biblica, Inc.
“Biblica” chiratidzo chekutengeserana chakanyoreswa mu United States uye chiratidzo chehofisi yeBiblica, Inc. Inoshandiswa zviripamutemo.
“Biblica” is a trademark registered in the United States Patent and Trademark Office by Biblica, Inc. Used with permission.
Creative Commons License
Iri basa rinowanikwa pasi peCreative Commons Attribution-ShareAlike 4.0 International License (CC BY-SA). Kuti utarise kopi yeiri rezinesi, shanyira https://creativecommons.org/licenses/by-sa/4.0 kana kutumira tsamba kuCreative Commons, PO Box 1866, Mountain View, CA 94042, USA.
Biblica® chiratidzo chinozikanwa chakanyorwa neBiblica, Inc., uye kushandiswa kwechiratidzo cheBiblica® kunoda mvumo yakanyorwa yeBiblica, Inc. Pasi pemitemo ye rizinesi re CC BY-SA, unogona kuteedzera uye kugovera patsva basa iri risina kugadziridzwa bedzi kana uchichengetedza chiratidzo che Biblica®. Kana iwe ukachinja kopi kana kushandura iri basa, nokudaro uchigadzira rimwe basa, unofanira kubvisa chiratidzo cheBiblica®. Pabasa rakatorwa, unofanirwa kuratidza shanduko dzawakaita uye woratidza sezvinotevera: “Basa rekutanga reBiblica, Inc. rinowanikwa mahara pa www.biblica.com uye nepa open.bible.”
‪
Cherechedzo yekopakodzero inofanirwa kuoneka pamusoro wenyaya kana peji rekopakodzero sezvinotevera:
Biblica® Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi™
Kopakodzero © 2005, 2018 ne Biblica, Inc.
Biblica® Open Shona Contemporary Bible™
Copyright © 2005, 2018 by Biblica, Inc.
“Biblica” chiratidzo chekutengeserana chakanyoreswa mu United States uye chiratidzo chehofisi yeBiblica, Inc. Inoshandiswa zviripamutemo.
“Biblica” is a trademark registered in the United States Patent and Trademark Office by Biblica, Inc. Used with permission.
Unofanirwa zvakare kuita kuti basa rawachinja riwanikwe pasi pe rezinesi yakafanana (CC BY-SA).
Kana iwe uchida kuzivisa Biblica, Inc. maererano neshanduro yako yebasa iri, taura nesu pa https://open.bible/contact-us .
This work is made available under the Creative Commons Attribution-ShareAlike 4‪.0 International License (CC BY-SA). To view a copy of this license, visit https://creativecommons.org/licenses/by-sa/4‪.0 or send a letter to Creative Commons, PO Box 1866, Mountain View, CA 94042, USA.
Biblica® is a trademark registered by Biblica, Inc., and use of the Biblica® trademark requires the written permission of Biblica, Inc. Under the terms of the CC BY-SA license, you may copy and redistribute this unmodified work as long as you keep the Biblica® trademark intact. If you modify a copy or translate this work, thereby creating a derivative work, you must remove the Biblica® trademark. On the derivative work, you must indicate what changes you have made and attribute the work as follows: “The original work by Biblica, Inc. is available for free at www.biblica.com and open.bible.”
‪
Notice of copyright must appear on the title or copyright page of the work as follows:
Biblica® Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi™
Kopakodzero © 2005, 2018 ne Biblica, Inc.
Biblica® Open Shona Contemporary Bible™
Copyright © 2005, 2018 by Biblica, Inc.
“Biblica” chiratidzo chekutengeserana chakanyoreswa mu United States uye chiratidzo chehofisi yeBiblica, Inc. Inoshandiswa zviripamutemo.
“Biblica” is a trademark registered in the United States Patent and Trademark Office by Biblica, Inc. Used with permission.
You must also make your derivative work available under the same license (CC BY-SA).
‪If you would like to notify Biblica, Inc. regarding your translation of this work, please contact us at https://open.bible/contact-us .
This translation is made available to you under the terms of the
Creative Commons Attribution Share-Alike license 4.0.
You have permission to share and redistribute this Bible translation in any format and to make reasonable revisions and adaptations of this translation, provided that:
You include the above copyright and source information.
If you make any changes to the text, you must indicate that you did so in a way that makes it clear that the original licensor is not necessarily endorsing your changes.
If you redistribute this text, you must distribute your contributions under the same license as the original.
Pictures included with Scriptures and other documents on this site are licensed just for use with those Scriptures and documents.
For other uses, please contact the respective copyright owners.
Note that in addition to the rules above, revising and adapting God's Word involves a great responsibility to be true to God's Word. See Revelation 22:18-19.
2023-04-14

Source: http://ebible.org/sna/ · eBible.org

Talk to us

Tell us where you read from, how the Bible has helped you, or what we could improve. We read every message.