Nations Bible

Jeremiah 34

Biblica® Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi 2017 · Tap a verse to see its cross-references.

Zedhekia anoyambirwa

1Shoko iri rakasvika kuna Jeremia richibva kuna Jehovha, panguva iyo Nebhukadhinezari mambo weBhabhironi nehondo yake yose, noushe hwose hwapanyika hwaakanga akabata, navanhu vose vakanga vachirwa neJerusarema namaguta ose akanga akaripoteredza, richiti, 2“Zvanzi naJehovha, Mwari waIsraeri: Enda kuna Zedhekia mambo weJudha umuudze kuti, ‘Zvanzi naJehovha: Ndava pedyo nokuisa guta rino muruoko rwamambo weBhabhironi, uye acharipisa. 3Iwe haungapukunyuki muruoko rwake asi zvirokwazvo uchabatwa ugoiswa mumaoko ake. Uchaona mambo weBhabhironi nameso ako, uye achataura newe makatarisana. Uye iwe uchaenda kuBhabhironi.

4“ ‘Asi chinzwa chivimbiso chaJehovha, iwe Zedhekia mambo weJudha. Zvanzi naJehovha pamusoro pako iwe: Haungafi nomunondo; 5uchafa murunyararo. Vanhu sezvavakavesa moto pamariro vachiremekedza madzibaba ako, iwo madzimambo akare akakutangira, saizvozvo vachavesa moto vachikuremekedza vagochema vachiti, “Yowe-e, nhai tenzi!” Ndini pachangu ndavimbisa izvi, ndizvo zvinotaura Jehovha.’ ”

6Ipapo muprofita Jeremia akataurira Zedhekia mambo weJudha zvose izvi, ari muJerusarema, 7hondo yamambo weBhabhironi payakanga ichirwa neJerusarema namamwe maguta eJudha akanga achakashingirira, Rakishi neAzeka. Aya ndiwo chete maguta akanga asara muJudha akakomberedzwa namasvingo.

Kusunungurwa kweNhapwa

8Shoko rakasvika kuna Jeremia richibva kuna Jehovha mushure mokunge Mambo Zedhekia aita sungano navanhu vose vemuJerusarema kuti vadanidzire kusunungurwa kwenhapwa. 9Mumwe nomumwe aifanira kusunungura varanda vake vechiHebheru, vose varume navakadzi; hakuna aifanira kurega hama yake yechiJudha iri pausungwa. 10Saka machinda ose navanhu vose vakapinda pasungano iyi, vakatenderana ndokuvasunungura. 11Asi mushure maizvozvo vakashandura pfungwa dzavo, vakadzosa nhapwa dzavakanga vasunungura ndokuvaita varanda zvakare.

12Ipapo shoko raJehovha rakasvika kuna Jeremia, richiti, 13“Zvanzi naJehovha, Mwari weIsraeri: Ndakaita sungano namadzitateguru enyu pandakavabudisa kubva muIjipiti, munyika youranda. Ndakati, 14‘Gore rechinomwe roga roga, mumwe nomumwe wenyu anofanira kusunungura hama ipi zvayo yechiHebheru yakazvitengesa kwaari. Mushure mokukushandira makore matanhatu, unofanira kumurega aende.’ Kunyange zvakadaro, madzibaba enyu haana kunditeerera kana kundirerekera nzeve dzavo. 15Munguva shoma yakapfuura, makatendeuka mukaita zvakanaka pamberi pangu: Mumwe nomumwe wenyu akadanidzira rusununguko kuvanhu venyika yokwake. Makabva maita sungano pamberi pangu muimba inodanwa neZita rangu. 16Asi zvino mashanduka ndokuzvidza zita rangu; mumwe nomumwe wenyu adzosa nhapwa dzavarume navakadzi vamakanga masunungura kuti vaende kwavaida. Mavamanikidza kuti vave nhapwa dzenyu zvakare.

17“Naizvozvo zvanzi naJehovha: Hamuna kunditeerera; hamuna kudanidzira rusununguko kuvanhu venyika yokwenyu. Saka, zvino ini ndava kukudanidzirai rusununguko, ndizvo zvinotaura Jehovha, ‘rusununguko’ rwokufa nomunondo, nenzara uye nedenda. Ndichakuitai chinhu chinonyangadza kuushe hwose hwenyika. 18Varume vakadarika sungano yangu uye vakasazadzisa zvakatemwa zvesungano yavakaita pamberi pangu, ndichavaita semhuru yavakagura kuita mapandi maviri vakafamba napakati pamapandi acho. 19Vatungamiri veJudha neJerusarema, namachinda omuruvazhe, navaprista navanhu vose venyika vakafamba napakati pamapandi emhuru, 20Ndichavaisa mumaoko avavengi vavo vanotsvaka kuvauraya. Zvitunha zvavo zvichava zvokudya zveshiri dzedenga nezvikara zvenyika.

21“Ndichaisa Zedhekia mambo weJudha namachinda ake mumaoko avavengi vavo avo vanotsvaka kuvauraya, nomumaoko ehondo yamambo weBhabhironi, iyo yakabva kwamuri. 22Ndicharayira, ndizvo zvinotaura Jehovha, uye ndichavadzosa kuguta rino. Vacharwa naro, vagorikunda, uye vagoripisa. Uye ndichaparadza maguta eJudha, zvokuti hakuna angagaramo.”

Did you know?

The Broken Covenant and Judah's Last Strongholds

  • As Nebuchadnezzar's forces advanced against Jerusalem, Lachish and Azekah were the only two other fortified cities in Judah left standing. Both were key defensive strongholds located in the Shephelah, the low foothills of western Judah.Sources: the Bible text itself · Lachish · Azekah · Nebuchadnezzar
  • The chapter describes an ancient covenant ritual where participants cut a calf in two and walked between the severed halves. This ceremony symbolized that anyone who violated the oath would suffer the same fate as the slaughtered animal.Sources: the Bible text itself
  • Under siege, King Zedekiah and the leaders of Jerusalem agreed to release their Hebrew slaves in accordance with ancient law. However, once the Babylonian army temporarily withdrew, the slaveholders reneged on their oath and forced the freed individuals back into servitude.Sources: the Bible text itself · Zedekiah

Notes written with AI assistance from open sources (Theographic Bible Metadata, CC BY-SA 4.0; Easton’s Bible Dictionary, public domain) and reviewed before publishing.

Places in this chapter

  • Babylon · 32.543, 44.422 · verses 1, 2, 3, 7, 21
  • Jerusalem · 31.777, 35.234 · verses 1, 6, 7, 8, 19, 21
  • Lachish · Today: Tell ed Duweir · 31.565, 34.849 · verse 7
  • Egypt · 30.129, 31.308 · verse 13

Only places identified with high confidence are shown (90% or more according to the scholarly sources compiled by OpenBible). Period map: DARE (Digital Atlas of the Roman Empire), CC BY 4.0; modern map: © OpenStreetMap contributors; places: OpenBible.info (CC BY 4.0).

Credits and license for this translation
Biblica® Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi 2017
The Holy Bible in the Shona language of Zimbabwe: Biblica® Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi 2017
copyright © 2005, 2018 Biblica, Inc.
Language: chiShona
Contributor: Biblica, Inc.
Biblica® Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi™
Kopakodzero © 2005, 2018 ne Biblica, Inc.
Biblica® Open Shona Contemporary Bible™
Copyright © 2005, 2018 by Biblica, Inc.
“Biblica” chiratidzo chekutengeserana chakanyoreswa mu United States uye chiratidzo chehofisi yeBiblica, Inc. Inoshandiswa zviripamutemo.
“Biblica” is a trademark registered in the United States Patent and Trademark Office by Biblica, Inc. Used with permission.
Creative Commons License
Iri basa rinowanikwa pasi peCreative Commons Attribution-ShareAlike 4.0 International License (CC BY-SA). Kuti utarise kopi yeiri rezinesi, shanyira https://creativecommons.org/licenses/by-sa/4.0 kana kutumira tsamba kuCreative Commons, PO Box 1866, Mountain View, CA 94042, USA.
Biblica® chiratidzo chinozikanwa chakanyorwa neBiblica, Inc., uye kushandiswa kwechiratidzo cheBiblica® kunoda mvumo yakanyorwa yeBiblica, Inc. Pasi pemitemo ye rizinesi re CC BY-SA, unogona kuteedzera uye kugovera patsva basa iri risina kugadziridzwa bedzi kana uchichengetedza chiratidzo che Biblica®. Kana iwe ukachinja kopi kana kushandura iri basa, nokudaro uchigadzira rimwe basa, unofanira kubvisa chiratidzo cheBiblica®. Pabasa rakatorwa, unofanirwa kuratidza shanduko dzawakaita uye woratidza sezvinotevera: “Basa rekutanga reBiblica, Inc. rinowanikwa mahara pa www.biblica.com uye nepa open.bible.”
‪
Cherechedzo yekopakodzero inofanirwa kuoneka pamusoro wenyaya kana peji rekopakodzero sezvinotevera:
Biblica® Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi™
Kopakodzero © 2005, 2018 ne Biblica, Inc.
Biblica® Open Shona Contemporary Bible™
Copyright © 2005, 2018 by Biblica, Inc.
“Biblica” chiratidzo chekutengeserana chakanyoreswa mu United States uye chiratidzo chehofisi yeBiblica, Inc. Inoshandiswa zviripamutemo.
“Biblica” is a trademark registered in the United States Patent and Trademark Office by Biblica, Inc. Used with permission.
Unofanirwa zvakare kuita kuti basa rawachinja riwanikwe pasi pe rezinesi yakafanana (CC BY-SA).
Kana iwe uchida kuzivisa Biblica, Inc. maererano neshanduro yako yebasa iri, taura nesu pa https://open.bible/contact-us .
This work is made available under the Creative Commons Attribution-ShareAlike 4‪.0 International License (CC BY-SA). To view a copy of this license, visit https://creativecommons.org/licenses/by-sa/4‪.0 or send a letter to Creative Commons, PO Box 1866, Mountain View, CA 94042, USA.
Biblica® is a trademark registered by Biblica, Inc., and use of the Biblica® trademark requires the written permission of Biblica, Inc. Under the terms of the CC BY-SA license, you may copy and redistribute this unmodified work as long as you keep the Biblica® trademark intact. If you modify a copy or translate this work, thereby creating a derivative work, you must remove the Biblica® trademark. On the derivative work, you must indicate what changes you have made and attribute the work as follows: “The original work by Biblica, Inc. is available for free at www.biblica.com and open.bible.”
‪
Notice of copyright must appear on the title or copyright page of the work as follows:
Biblica® Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi™
Kopakodzero © 2005, 2018 ne Biblica, Inc.
Biblica® Open Shona Contemporary Bible™
Copyright © 2005, 2018 by Biblica, Inc.
“Biblica” chiratidzo chekutengeserana chakanyoreswa mu United States uye chiratidzo chehofisi yeBiblica, Inc. Inoshandiswa zviripamutemo.
“Biblica” is a trademark registered in the United States Patent and Trademark Office by Biblica, Inc. Used with permission.
You must also make your derivative work available under the same license (CC BY-SA).
‪If you would like to notify Biblica, Inc. regarding your translation of this work, please contact us at https://open.bible/contact-us .
This translation is made available to you under the terms of the
Creative Commons Attribution Share-Alike license 4.0.
You have permission to share and redistribute this Bible translation in any format and to make reasonable revisions and adaptations of this translation, provided that:
You include the above copyright and source information.
If you make any changes to the text, you must indicate that you did so in a way that makes it clear that the original licensor is not necessarily endorsing your changes.
If you redistribute this text, you must distribute your contributions under the same license as the original.
Pictures included with Scriptures and other documents on this site are licensed just for use with those Scriptures and documents.
For other uses, please contact the respective copyright owners.
Note that in addition to the rules above, revising and adapting God's Word involves a great responsibility to be true to God's Word. See Revelation 22:18-19.
2023-04-14

Source: http://ebible.org/sna/ · eBible.org

Talk to us

Tell us where you read from, how the Bible has helped you, or what we could improve. We read every message.