Ezequiel 45
Biblica® Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi 2017 · Toque num versículo para ver as referências cruzadas.
Kuganhurwa kweNyika
1“ ‘Pamunogovera nyika senhaka, munofanira kutsaurira Jehovha mugove wenyika sedunhu dzvene, rakareba makubhiti zviuru makumi maviri nezvishanu rine upamhi hwezviuru makumi maviri amakubhiti; nzvimbo yose iyoyo ichava tsvene. 2Panzvimbo iyoyi, chikamu chinosvika makubhiti mazana mashanu paupamhi uye panofanira kuva neimwe nzvimbo yakaipoteredza inosvika makubhiti makumi mashanu paupamhi uye panofanira kuva neimwe nzvimbo inosvika makubhiti makumi mashanu. 3Mudunhu dzvene, unofanira kuyera chikamu chinosvika makubhiti zviuru makumi maviri nezvishanu paurefu uye makubhiti zviuru gumi paupamhi. Imomo ndimo muchava nenzvimbo tsvene, iyo Nzvimbo Tsvene-tsvene. 4Ichava chikamu chitsvene chenyika yavaprista, vanoshumira munzvimbo tsvene vanoswedera kuti vashumire pamberi paJehovha. Ichava nzvimbo yedzimba dzavo uyewo nenzvimbo tsvene yeimba tsvene. 5Nzvimbo inosvika makubhiti zviuru makumi maviri nezvishanu paurefu uye makubhiti zviuru gumi paupamhi ichava yavaRevhi, vanoshumira mutemberi, senhaka yavo pavangavaka maguta avanogara.
6“ ‘Munofanira kupa guta somugove waro nzvimbo ino upamhi hunosvika makubhiti zviuru zvishanu nourefu hunosvika zviuru makumi maviri nezvishanu, parutivi pechikamu chitsvene; inofanira kuva yeimba yose yaIsraeri.
7“ ‘Muchinda achapiwa nyika inoganhurana nedunhu dzvene kuno rumwe rutivi uye inoganhurana nomugove weguta. Kurutivi rwokumavirazuva zvichienda kumavirazuva, nokurutivi rwokumabvazuva zvichienda kumabvazuva, pakureba inofanira kuenzana nomugove mumwe chete kubva kumuganhu wokumavirazuva kusvika kumuganhu wokumabvazuva, zvichienderana nomumwe wemigove yedzimba. 8Nyika iyi ichava yake pakati paIsraeri. Uye machinda angu haachazomanikidzizve vanhu vangu asi vachatendera imba yaIsraeri kuti vatore nyika zvinoenderana namarudzi avo.
9“ ‘Zvanzi naIshe Jehovha: Makabvira kure kwazvo, imi imba yaIsraeri! Siyai kuita nechisimba kwenyu nokumanikidza kwenyu mugoita zvakanaka nezvakarurama. Regai kutorera vanhu vangu zvinhu, ndizvo zvinotaura Ishe Jehovha. 10Munofanira kushandisa zviyero zvakarurama, efa yakarurama uye bhati rakarurama. 11Efa nebhati zvinofanira kuenzana, bhati rine chegumi chimwe chete chehomeri neefa ine chegumi chimwe chete chehomeri; homeri ndicho chinofanira kuva chiyero chazvo zvose. 12Shekeri rinofanira kuva namagera makumi maviri. Mashekeri makumi maviri kusanganisa namashekeri makumi maviri namashanu, kusanganisa namashekeri gumi namashanu zvinokwana mina rimwe chete.
Zvipiriso naMazuva Matsvene
13“ ‘Ichi ndicho chipo chakatsaurwa chaunofanira kupa: chikamu chimwe chete kubva muzvitanhatu cheefa chichibva pahomeri imwe neimwe yebhari. 14Nechiyero chakatarwa chamafuta, chakayerwa nebhati, ndicho chegumi chebhati kubva pakori rimwe nerimwe (rina mabhati gumi kana homeri imwe chete, pamabhati gumi anoenzana nehomeri imwe chete). 15Uyewo gwai rimwe chete rinofanira kutorwa kubva paboka rimwe nerimwe ramazana maviri achibva kumafuro akawana mvura yakakwana eIsraeri. Izvi zvichashandiswa pazvipiriso zvezviyo, nezvipiriso zvinopiswa nezvipiriso zvokuwadzana kuti zviyananisire vanhu, ndizvo zvinotaura Ishe Jehovha. 16Vanhu vose venyika vachabatirana pachipo ichi chakatsaurirwa kushandiswa nomuchinda muIsraeri. 17Richava basa romuchinda kuti auye nezvibayiro zvinopiswa, nezvezviyo nezvokunwa pamitambo yakatarwa, pakugara kwomwedzi napamaSabata, napamitambo yose yakatarwa yeimba yaIsraeri. Achauya nezvipiriso zvezvivi, nezvipiriso zvezviyo, nezvibayiro zvinopiswa nezvipiriso zvokuwadzana kuti ayananisire imba yaIsraeri.
18“ ‘Zvanzi naIshe Jehovha: Mumwedzi wokutanga pazuva rokutanga unofanira kutora hando duku isina kuremara ugonatsa nzvimbo tsvene. 19Muprista anofanira kutora rimwe reropa rechipiriso chechivi agoriisa pamagwatidziro emikova yetemberi, pamakona mana omusara wapamusoro wearitari uye napambiru dzamasuo omuruvazhe rwomukati. 20Munofanira kuita zvimwe chetezvo pazuva rechinomwe romwedzi kuna ani zvake asina kutadza nobwoni kana nokusaziva; saka munofanira kuyananisira temberi.
21“ ‘Mumwedzi wokutanga pazuva regumi namana munofanira kucherechedza Pasika, mutambo unopedza mazuva manomwe, munofanira kudya chingwa chisina mbiriso pamazuva iwayo. 22Pazuva iro, muchinda anofanira kuuya nehando sechipiriso chechivi chake iye nechavanhu vose venyika. 23Zuva rimwe nerimwe pamazuva manomwe aya oMutambo, anofanira kuuya nehando nomwe namakondobwe manomwe asina chaanopomerwa sechibayiro chinopiswa kuna Jehovha, nenhongo yembudzi yechipiriso chechivi. 24Anofanira kuuya nechipiriso chezviyo paefa imwe chete pahando imwe neimwe, uyewo efa pagondobwe rimwe nerimwe, pamwe chete nehini yamafuta paefa imwe neimwe.
25“ ‘Pamazuva manomwe oMutambo, unotanga nomwedzi wechinomwe pazuva regumi namashanu, anofanira kuramba achiuya nezvipiriso zvezvivi, nezvibayiro zvinopiswa, nezvipiriso zvezviyo namafuta.

Você sabia?
A porção santa da terra e a liderança justa
- A visão estabelece um distrito sagrado dedicado ao santuário, com terras designadas para sacerdotes, levitas e a cidade, ladeado por propriedades para o príncipe, para que os governantes não desapropriassem nem oprimissem o povo.Fontes: o próprio texto bíblico
- O texto exige justiça econômica ao padronizar as medidas comerciais, fixando tanto o bate líquido quanto o efa seco em um décimo de um ômer, e definindo uma mina como sessenta siclos.Fontes: o próprio texto bíblico
- Em vez de exigir sacrifícios para benefício próprio, o príncipe é encarregado de fornecer as ofertas comunitárias de cereais, azeite e animais para as festas fixas, os sábados e a Páscoa.Fontes: o próprio texto bíblico
Notas escritas com auxílio de IA a partir de fontes abertas (Theographic Bible Metadata, CC BY-SA 4.0; Easton’s Bible Dictionary, domínio público) e revisadas antes de publicar.
Lugares deste capítulo
- Most Holy Place · Hoje: on Mount Moriah · 31.778, 35.236 · versículo 3
Só aparecem lugares com identificação de alta confiança (90% ou mais segundo as fontes acadêmicas reunidas pelo OpenBible). Mapa da época: DARE (Digital Atlas of the Roman Empire), CC BY 4.0; mapa atual: © colaboradores do OpenStreetMap; lugares: OpenBible.info (CC BY 4.0).
Créditos e licença desta tradução
Biblica® Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi 2017 The Holy Bible in the Shona language of Zimbabwe: Biblica® Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi 2017 copyright © 2005, 2018 Biblica, Inc. Language: chiShona Contributor: Biblica, Inc. Biblica® Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi™ Kopakodzero © 2005, 2018 ne Biblica, Inc. Biblica® Open Shona Contemporary Bible™ Copyright © 2005, 2018 by Biblica, Inc. “Biblica” chiratidzo chekutengeserana chakanyoreswa mu United States uye chiratidzo chehofisi yeBiblica, Inc. Inoshandiswa zviripamutemo. “Biblica” is a trademark registered in the United States Patent and Trademark Office by Biblica, Inc. Used with permission. Creative Commons License Iri basa rinowanikwa pasi peCreative Commons Attribution-ShareAlike 4.0 International License (CC BY-SA). Kuti utarise kopi yeiri rezinesi, shanyira https://creativecommons.org/licenses/by-sa/4.0 kana kutumira tsamba kuCreative Commons, PO Box 1866, Mountain View, CA 94042, USA. Biblica® chiratidzo chinozikanwa chakanyorwa neBiblica, Inc., uye kushandiswa kwechiratidzo cheBiblica® kunoda mvumo yakanyorwa yeBiblica, Inc. Pasi pemitemo ye rizinesi re CC BY-SA, unogona kuteedzera uye kugovera patsva basa iri risina kugadziridzwa bedzi kana uchichengetedza chiratidzo che Biblica®. Kana iwe ukachinja kopi kana kushandura iri basa, nokudaro uchigadzira rimwe basa, unofanira kubvisa chiratidzo cheBiblica®. Pabasa rakatorwa, unofanirwa kuratidza shanduko dzawakaita uye woratidza sezvinotevera: “Basa rekutanga reBiblica, Inc. rinowanikwa mahara pa www.biblica.com uye nepa open.bible.” Cherechedzo yekopakodzero inofanirwa kuoneka pamusoro wenyaya kana peji rekopakodzero sezvinotevera: Biblica® Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi™ Kopakodzero © 2005, 2018 ne Biblica, Inc. Biblica® Open Shona Contemporary Bible™ Copyright © 2005, 2018 by Biblica, Inc. “Biblica” chiratidzo chekutengeserana chakanyoreswa mu United States uye chiratidzo chehofisi yeBiblica, Inc. Inoshandiswa zviripamutemo. “Biblica” is a trademark registered in the United States Patent and Trademark Office by Biblica, Inc. Used with permission. Unofanirwa zvakare kuita kuti basa rawachinja riwanikwe pasi pe rezinesi yakafanana (CC BY-SA). Kana iwe uchida kuzivisa Biblica, Inc. maererano neshanduro yako yebasa iri, taura nesu pa https://open.bible/contact-us . This work is made available under the Creative Commons Attribution-ShareAlike 4.0 International License (CC BY-SA). To view a copy of this license, visit https://creativecommons.org/licenses/by-sa/4.0 or send a letter to Creative Commons, PO Box 1866, Mountain View, CA 94042, USA. Biblica® is a trademark registered by Biblica, Inc., and use of the Biblica® trademark requires the written permission of Biblica, Inc. Under the terms of the CC BY-SA license, you may copy and redistribute this unmodified work as long as you keep the Biblica® trademark intact. If you modify a copy or translate this work, thereby creating a derivative work, you must remove the Biblica® trademark. On the derivative work, you must indicate what changes you have made and attribute the work as follows: “The original work by Biblica, Inc. is available for free at www.biblica.com and open.bible.” Notice of copyright must appear on the title or copyright page of the work as follows: Biblica® Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi™ Kopakodzero © 2005, 2018 ne Biblica, Inc. Biblica® Open Shona Contemporary Bible™ Copyright © 2005, 2018 by Biblica, Inc. “Biblica” chiratidzo chekutengeserana chakanyoreswa mu United States uye chiratidzo chehofisi yeBiblica, Inc. Inoshandiswa zviripamutemo. “Biblica” is a trademark registered in the United States Patent and Trademark Office by Biblica, Inc. Used with permission. You must also make your derivative work available under the same license (CC BY-SA). If you would like to notify Biblica, Inc. regarding your translation of this work, please contact us at https://open.bible/contact-us . This translation is made available to you under the terms of the Creative Commons Attribution Share-Alike license 4.0. You have permission to share and redistribute this Bible translation in any format and to make reasonable revisions and adaptations of this translation, provided that: You include the above copyright and source information. If you make any changes to the text, you must indicate that you did so in a way that makes it clear that the original licensor is not necessarily endorsing your changes. If you redistribute this text, you must distribute your contributions under the same license as the original. Pictures included with Scriptures and other documents on this site are licensed just for use with those Scriptures and documents. For other uses, please contact the respective copyright owners. Note that in addition to the rules above, revising and adapting God's Word involves a great responsibility to be true to God's Word. See Revelation 22:18-19. 2023-04-14
Fonte: http://ebible.org/sna/ · eBible.org