Ezequiel 44
Biblica® Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi 2017 · Toque num versículo para ver as referências cruzadas.
Muchinda, vaRevhi, naVaprista
1Ipapo murume uyu akandidzosera kusuo rokunze renzvimbo tsvene rakanga rakatarisa kumabvazuva, uye rakanga rakapfigwa. 2Jehovha akati kwandiri, “Suo iri rinofanira kugara rakapfigwa. Harifaniri kuzarurwa; hakuna munhu angapinda naro. Rinofanira kugara rakapfigwa nokuti Jehovha, Mwari waIsraeri, akapinda napariri: 3Muchinda pachake ndiye chete angagara mukati mesuo kuti adye ari pamberi paJehovha. Anofanira kupinda nenzira yapabiravira resuo agobuda nenzira imwe cheteyo.”
4Ipapo murume uyu akandiuyisa nenzira yesuo rokumusoro nechemberi kwetemberi. Ndakatarisa ndikaona kubwinya kwaJehovha kuchizadza temberi yaJehovha, ndikawira pasi nechiso changu.
5Jehovha akati kwandiri, “Mwanakomana womunhu, cherechedza zvakanaka, nyatsoteerera uye unzwisise zvinhu zvose zvandinokuudza maererano nemitemo yose yetemberi yaJehovha. Ucherechedze panopindwa napo mutemberi uye napanobudiwa napo panzvimbo tsvene. 6Uti kuimba inondimukira yaIsraeri, ‘Zvanzi naIshe Jehovha: Nhai imba yaIsraeri, chigutsikanai nezvinonyangadza zvamunoita! 7Pamusoro pezvinonyangadza zvamakaita, makapinza vatorwa vasina kudzingiswa pamwoyo napanyama munzvimbo yangu tsvene, muchizvidza temberi yangu muchindipa zvokudya, mafuta neropa, uye makaputsa sungano yangu. 8Pachinzvimbo chokuita mabasa enyu akafanira zvinhu zvangu zvitsvene, makagadza vamwe vanhu kuti vave vatariri venzvimbo yangu tsvene. 9Zvanzi naIshe Jehovha: Hakuna mutorwa asina kudzingiswa pamwoyo napanyama angapinde munzvimbo yangu tsvene, kunyange vatorwa zvavo vagere pakati pavaIsraeri.
10“ ‘VaRevhi vakaenda kure neni panguva yakatsauka Israeri uye vakadzungaira vachibva kwandiri vachitevera zvifananidzo zvavo vanofanira kuzvitakurira zvibereko zvechivi chavo. 11Vangashumira havo munzvimbo yangu tsvene, vari vatariri vamasuo etemberi uye vachishanda mairi; vangabayira havo zvibayiro zvinopiswa vagobayira zvibayiro zvavanhu, vagomira pamberi pavanhu vagovashumira. 12Asi nemhaka yokuti vakavashumira pamberi pezvifananidzo zvavo vakaita kuti imba yaIsraeri iwire muchivi, naizvozvo ndakapika ruoko rwangu rwakasimudzwa kuti vanofanira kutakura vamene zvibereko zvechivi chavo, ndizvo zvinotaura Ishe Jehovha. 13Havafaniri kuswedera kuti vandishumire savaprista kana kuswedera pane chinhu chipi nechipi chezvinhu zvangu zvitsvene kana pazvipiriso zvangu zvitsvene-tsvene; vanofanira kuzvitakurira kunyadziswa kwezvinyangadzo zvavakaita. 14Asi hazvo ndichavaita vatariri vamabasa omutemberi nebasa rose rinofanira kuitwamo.
15“ ‘Asi vaprista, ivo vaRevhi nezvizvarwa zvaZadhoki, vakaita mabasa avo omunzvimbo yangu tsvene nokutendeka panguva yakatsauka vaIsraeri kubva kwandiri, ndivo vanofanira kuswedera kwandiri kuti vashumire pamberi pangu; vanofanira kumira pamberi pangu kuti vabayire zvibayiro zvamafuta neropa, ndizvo zvinotaura Ishe Jehovha. 16Ivo chete ndivo vanofanira kupinda munzvimbo yangu tsvene; ndivo chete vanofanira kuswedera patafura yangu kuti vashumire pamberi pangu vagoita basa rangu.
17“ ‘Pavanopinda pamasuo omuruvazhe rwomukati, vanofanira kupfeka nguo dzomucheka, havafaniri kupfeka nguo dzamakushe pavanenge vachishumira pamasuo oruvazhe rwomukati kana mukati metemberi. 18Vanofanira kupfeka nguwani dzomucheka pamisoro yavo uye nguo dzomukati dzomucheka muzviuno zvavo. Havafaniri kufuka chinhu chinovaitisa ziya. 19Pavanobuda vachipinda muruvazhe rwokunze kunova ndiko kuna vanhu, vanofanira kubvisa nguo dzavanga vachishumira nadzo vagodzisiya mumakamuri matsvene, vagopfeka dzimwe nguo, kuti varege kunatsa vanhu nenguo dzavo.
20“ ‘Havafaniri kuveura misoro yavo kana kurega bvudzi ravo richireba, asi vanofanira kugara vakachekerera bvudzi remisoro yavo. 21Muprista haafaniri kunwa waini panguva yaanopinda muruvazhe rwomukati. 22Havafaniri kuwana chirikadzi kana mukadzi akarambwa, vanofanira kuwana mhandara dzorudzi rwaIsraeri kana chirikadzi dzavaprista. 23Vanofanira kudzidzisa vanhu vangu mutsauko wezvitsvene nezvinhu zvisati zviri zvitsvene nokuvaratidza kusiyana kuri pakati pechisakachena nechakachena.
24“ ‘Vaprista vanofanira kushanda savatongi, pagakava ripi zvaro, uye vanofanira kutonga zviri pamitemo yangu. Vanofanira kuchengeta mirayiro yangu nemitemo yangu pamitambo yose yakatarwa uye vanofanira kuchengetedza maSabata angu ave matsvene.
25“ ‘Muprista haafaniri kuzvisvibisa nokuswedera pachitunha chomunhu akafa; kunyange zvakadaro hazvo, kana munhu akafa ari baba vake kana mai vake, mwanakomana wake kana mwanasikana, mukoma nomununʼuna kana hanzvadzi yanga isina kuwanikwa, ipapo angazvisvibisa hake. 26Shure kwokunatswa kwake, anofanira kumirira kwamazuva manomwe. 27Pazuva raanopinda muruvazhe rwomukati rwenzvimbo tsvene kuti anoshumira munzvimbo tsvene, anofanira kupa chipiriso chake chechivi, ndizvo zvinotaura Ishe Jehovha.
28“ ‘Ndini chete ndichava nhaka yavaprista. Haufaniri kuvapa mugove pakati paIsraeri; ini ndichavapa mugove wavo. 29Vachadya zvipiriso zvezviyo, zvipiriso zvechivi nezvipiriso zvemhosva; uye zvinhu zvose zvakatsaurirwa Jehovha pakati paIsraeri zvichava zvavo. 30Zvakanakisisa, zvezvibereko zvenyu zvokutanga nezvipo zvenyu zvose zvakatsaurwa zvichava zvavaprista. Munofanira kuvapa mugove wokutanga woupfu hwakakuyiwa kuitira kuti makomborero agogara paimba yenyu. 31Vaprista havafaniri kungodya zvinhu zvose, ingava shiri kana chipfuwo, chawanikwa chakafa kana chaurayiwa nezvikara zvesango.

Você sabia?
Ordenanças do Santuário e o Sacerdócio
- O profeta distingue entre os levitas em geral e os sacerdotes descendentes de Zadoque. Porque a linhagem de Zadoque permaneceu fiel quando Israel se desviou, somente eles receberam o privilégio de entrar no santuário interior e ministrar junto ao altar.Fontes: Zadok · o próprio texto bíblico
- Os sacerdotes que entravam no átrio interior deviam usar roupas e turbantes de puro linho em vez de lã para evitar o suor. Antes de retornar ao átrio exterior entre o povo, eles precisavam trocar de roupa nas câmaras sagradas para não transmitir santidade ao povo por meio de suas vestes consagradas.Fontes: o próprio texto bíblico
- A porta exterior oriental do templo ficava permanentemente fechada porque a glória do Deus de Israel havia entrado por ela. Apenas o príncipe tinha permissão para se sentar em seu pórtico para participar de refeições diante do Senhor.Fontes: o próprio texto bíblico
Notas escritas com auxílio de IA a partir de fontes abertas (Theographic Bible Metadata, CC BY-SA 4.0; Easton’s Bible Dictionary, domínio público) e revisadas antes de publicar.
Lugares deste capítulo
- Most Holy Place · Hoje: on Mount Moriah · 31.778, 35.236 · versículo 13
- Holy Place · Hoje: on Mount Moriah · 31.778, 35.236 · versículo 27
Só aparecem lugares com identificação de alta confiança (90% ou mais segundo as fontes acadêmicas reunidas pelo OpenBible). Mapa da época: DARE (Digital Atlas of the Roman Empire), CC BY 4.0; mapa atual: © colaboradores do OpenStreetMap; lugares: OpenBible.info (CC BY 4.0).
Créditos e licença desta tradução
Biblica® Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi 2017 The Holy Bible in the Shona language of Zimbabwe: Biblica® Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi 2017 copyright © 2005, 2018 Biblica, Inc. Language: chiShona Contributor: Biblica, Inc. Biblica® Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi™ Kopakodzero © 2005, 2018 ne Biblica, Inc. Biblica® Open Shona Contemporary Bible™ Copyright © 2005, 2018 by Biblica, Inc. “Biblica” chiratidzo chekutengeserana chakanyoreswa mu United States uye chiratidzo chehofisi yeBiblica, Inc. Inoshandiswa zviripamutemo. “Biblica” is a trademark registered in the United States Patent and Trademark Office by Biblica, Inc. Used with permission. Creative Commons License Iri basa rinowanikwa pasi peCreative Commons Attribution-ShareAlike 4.0 International License (CC BY-SA). Kuti utarise kopi yeiri rezinesi, shanyira https://creativecommons.org/licenses/by-sa/4.0 kana kutumira tsamba kuCreative Commons, PO Box 1866, Mountain View, CA 94042, USA. Biblica® chiratidzo chinozikanwa chakanyorwa neBiblica, Inc., uye kushandiswa kwechiratidzo cheBiblica® kunoda mvumo yakanyorwa yeBiblica, Inc. Pasi pemitemo ye rizinesi re CC BY-SA, unogona kuteedzera uye kugovera patsva basa iri risina kugadziridzwa bedzi kana uchichengetedza chiratidzo che Biblica®. Kana iwe ukachinja kopi kana kushandura iri basa, nokudaro uchigadzira rimwe basa, unofanira kubvisa chiratidzo cheBiblica®. Pabasa rakatorwa, unofanirwa kuratidza shanduko dzawakaita uye woratidza sezvinotevera: “Basa rekutanga reBiblica, Inc. rinowanikwa mahara pa www.biblica.com uye nepa open.bible.” Cherechedzo yekopakodzero inofanirwa kuoneka pamusoro wenyaya kana peji rekopakodzero sezvinotevera: Biblica® Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi™ Kopakodzero © 2005, 2018 ne Biblica, Inc. Biblica® Open Shona Contemporary Bible™ Copyright © 2005, 2018 by Biblica, Inc. “Biblica” chiratidzo chekutengeserana chakanyoreswa mu United States uye chiratidzo chehofisi yeBiblica, Inc. Inoshandiswa zviripamutemo. “Biblica” is a trademark registered in the United States Patent and Trademark Office by Biblica, Inc. Used with permission. Unofanirwa zvakare kuita kuti basa rawachinja riwanikwe pasi pe rezinesi yakafanana (CC BY-SA). Kana iwe uchida kuzivisa Biblica, Inc. maererano neshanduro yako yebasa iri, taura nesu pa https://open.bible/contact-us . This work is made available under the Creative Commons Attribution-ShareAlike 4.0 International License (CC BY-SA). To view a copy of this license, visit https://creativecommons.org/licenses/by-sa/4.0 or send a letter to Creative Commons, PO Box 1866, Mountain View, CA 94042, USA. Biblica® is a trademark registered by Biblica, Inc., and use of the Biblica® trademark requires the written permission of Biblica, Inc. Under the terms of the CC BY-SA license, you may copy and redistribute this unmodified work as long as you keep the Biblica® trademark intact. If you modify a copy or translate this work, thereby creating a derivative work, you must remove the Biblica® trademark. On the derivative work, you must indicate what changes you have made and attribute the work as follows: “The original work by Biblica, Inc. is available for free at www.biblica.com and open.bible.” Notice of copyright must appear on the title or copyright page of the work as follows: Biblica® Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi™ Kopakodzero © 2005, 2018 ne Biblica, Inc. Biblica® Open Shona Contemporary Bible™ Copyright © 2005, 2018 by Biblica, Inc. “Biblica” chiratidzo chekutengeserana chakanyoreswa mu United States uye chiratidzo chehofisi yeBiblica, Inc. Inoshandiswa zviripamutemo. “Biblica” is a trademark registered in the United States Patent and Trademark Office by Biblica, Inc. Used with permission. You must also make your derivative work available under the same license (CC BY-SA). If you would like to notify Biblica, Inc. regarding your translation of this work, please contact us at https://open.bible/contact-us . This translation is made available to you under the terms of the Creative Commons Attribution Share-Alike license 4.0. You have permission to share and redistribute this Bible translation in any format and to make reasonable revisions and adaptations of this translation, provided that: You include the above copyright and source information. If you make any changes to the text, you must indicate that you did so in a way that makes it clear that the original licensor is not necessarily endorsing your changes. If you redistribute this text, you must distribute your contributions under the same license as the original. Pictures included with Scriptures and other documents on this site are licensed just for use with those Scriptures and documents. For other uses, please contact the respective copyright owners. Note that in addition to the rules above, revising and adapting God's Word involves a great responsibility to be true to God's Word. See Revelation 22:18-19. 2023-04-14
Fonte: http://ebible.org/sna/ · eBible.org