Nations Bible

1 Reis 14

Biblica® Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi 2017 · Toque num versículo para ver as referências cruzadas.

Ahija anoprofita nezvokutongwa kwaJerobhoamu

1Panguva iyoyo Abhija, mwanakomana waJerobhoamu, akarwara, 2Jerobhoamu akati kumukadzi wake, “Enda undozvivanza, kuti urege kuzivikanwa kuti ndiwe mukadzi waJerobhoamu. Ipapo ugoenda kuShiro. Ahija muprofita ariko ikoko, uya akandiudza kuti ndichava mambo wavanhu ava. 3Tora zvingwa gumi, makeke negaba rouchi ugoenda nazvo kwaari. Achakuudza zvichaitika kumukomana.” 4Naizvozvo mukadzi waJerobhoamu akaita sezvaakataura akaenda kumba kwaAhija muShiro.

Zvino Ahija akanga asisaoni; meso ake akanga asisaoni nokuti akanga akwegura. 5Asi Jehovha akaudza Ahija kuti, “Mukadzi waJerobhoamu ari kuuya kuzokubvunza nezvomwanakomana wake, nokuti ari kurwara. Zvino iwe uchamupa mhinduro yokuti neyokuti. Paachasvika achazviita somumwe munhu.”

6Zvino Ahija paakanzwa mutsindo wetsoka dzake pamusuo, akati, “Pinda, mukadzi waJerobhoamu. Sei uchizviita somumwe munhu? Ndatumwa kwauri namashoko asina kunaka. 7Enda undoudza Jerobhoamu kuti izvi ndizvo zvinotaura Jehovha, Mwari waIsraeri: ‘Ndakakusimudza kubva pakati pavanhu ndikakuita mutungamiri wavanhu vangu Israeri. 8Ndakabvarura umambo kubva muimba yaDhavhidhi ndikahupa kwauri, asi hauna kuva somuranda wangu Dhavhidhi, akachengeta mirayiro yangu uye akanditevera nomwoyo wake wose, akaita zvakanaka chete pamberi pangu. 9Iwe wakaita zvakaipa kupfuura vose vakararama iwe usati wavapo. Wakazviitira vamwe vamwari, zviumbwa zvakaitwa nesimbi; waita kuti nditsamwe uye ukandirasira shure kwako.

10“ ‘Nokuda kwezvinhu izvi ndichauyisa dambudziko paimba yaJerobhoamu. Ndichauraya varume vose vaJerobhoamu nhapwa, neakasununguka. Ndichapisa imba yaJerobhoamu sezvinoita munhu anopisa ndove, kusvikira pasisina chinhu. 11Imbwa dzichadya vose vachafira muguta, uye shiri dzedenga dzichadya avo vachafira kusango. Jehovha ataura!’

12“Kana uriwe, dzokera kumba. Panotsika tsoka yako muguta rako, mwanakomana achafa. 13Israeri yose ichamuchema igomuviga. Ndiye oga waJerobhoamu achavigwa, nokuti ndiye oga mumba maJerobhoamu aonekwa naJehovha, Mwari waIsraeri, kuti ane chakanaka maari.

14“Jehovha achazvimutsira mambo waIsraeri achaparadza mhuri yaJerobhoamu. Nhasi ndiro zuva racho! Hongu, kana iye zvino. 15Zvino Jehovha acharova Israeri, zvokuti ichaita setsanga iri kuzungunuswa mumvura. Achadzura Israeri kubva munyika yakanaka iyi yaakapa kumadzitateguru avo agovaparadzira mhiri kwoRwizi, nokuti vakaita kuti Jehovha atsamwe nehasha pavakaitira Ashera mapango. 16Acharamwa Israeri nokuda kwezvivi zvakaitwa naJerobhoamu nezvaakaita kuti Israeri iite.”

17Ipapo mukadzi waJerobhoamu akasimuka akaenda, akasvika kuTiza. Achingoti tsikei pachikumbaridzo cheimba, mwanakomana akabva afa. 18Vakamuviga, uye Israeri yose yakamuchema, sezvazvakanga zvarehwa naJehovha kubudikidza nomuranda wake muprofita Ahija.

19Zvimwe zvakaitika panguva yokutonga kwaJerobhoamu, hondo dzake namatongero ake, zvakanyorwa mubhuku renhoroondo dzegore negore dzamadzimambo eIsraeri. 20Akatonga kwamakore makumi maviri namaviri akazorora namadzibaba ake. Nadhabhi mwanakomana wake akamutevera paumambo.

Rehobhoamu Mambo weJudha

21Rehobhoamu mwanakomana waSoromoni akanga ari mambo munyika yeJudha. Akanga ana makore makumi mana nerimwe chete paakava mambo, uye akatonga kwamakore gumi namanomwe muJerusarema, guta rakanga rasarudzwa naJehovha kubva pamarudzi ose aIsraeri kuti aise Zita rake mariri. Zita ramai vake raiva Naama; vaiva muAmoni.

22VaJudha vakaita zvakaipa pamberi paJehovha. Vakamutsa godo rake, kupfuura zvakaitwa namadzibaba avo, nezvivi zvavakaita. 23Vakazvivakirawo nzvimbo dzakakwirira, matombo anoera namapango aAshera pazvikomo zvose zvakakwirira napasi pemiti yose mikuru. 24Kwaivawo navarume vaizviita vakadzi vavamwe varume munyika, vanhu vakaita zvose zvinonyangadza zvaiitwa nendudzi idzo dzakanga dzadzingwa naJehovha pamberi pavaIsraeri.

25Mugore rechishanu raMambo Rehobhoamu, Shishaki, mambo weIjipiti, akarwisa Jerusarema. 26Akatora pfuma yose yetemberi yaJehovha nepfuma yose yomuzinda wamambo. Akatora zvinhu zvose, kusanganisira nenhoo dzose dzegoridhe dzakanga dzagadzirwa naSoromoni. 27Naizvozvo Mambo Rehobhoamu akagadzira nhoo dzendarira kuti dzitore nzvimbo yadzo uye akadzipa kuvatungamiri vavarindi vaichengeta suo romuzinda wamambo. 28Nguva dzose paienda mambo kutemberi yaJehovha, varindi vaitakura nhoo, mushure mezvo vachizodzidzosera kuimba yavarindi.

29Zvino mamwe amabasa okutonga kwaRehobhoamu nezvose zvaakaita, hazvina kunyorwa here mubhuku renhoroondo dzegore negore dzamadzimambo eJudha? 30Rehobhoamu naJerobhoamu vaingogara vachirwisana. 31Rehobhoamu akazorora namadzibaba ake uye akavigwa pavakanga vakavigwa muguta raDhavhidhi. Zita ramai vake raiva Naama; vaiva muAmoni. Abhija mwanakomana wake akamutevera paumambo.

Ilustração artística — interpretação, não registro histórico.

Você sabia?

O julgamento sobre Jeroboão e a invasão de Judá

  • Quando Abias, filho de Jeroboão, adoeceu, o rei enviou sua esposa disfarçada a Siló para consultar o profeta Aías, que havia anteriormente anunciado a ascensão de Jeroboão ao trono. Embora Aías estivesse cego pela velhice, Deus o advertiu de sua chegada, levando o profeta a proclamar a destruição da dinastia de Jeroboão e a morte da criança assim que ela retornasse a Tirza.Fontes: o próprio texto bíblico · Ahijah · Abijah · Tirzah
  • No quinto ano do reinado de Roboão em Jerusalém, o rei Sisaque do Egito invadiu Judá e saqueou os tesouros do templo e do palácio real. Entre os itens confiscados estavam os escudos de ouro feitos durante o reinado de Salomão, que Roboão substituiu por escudos de bronze para a guarda real.Fontes: o próprio texto bíblico · Rehoboam · Solomon · Jerusalem
  • O capítulo destaca o conflito contínuo e a divisão entre os dois reinos: Roboão governava Judá a partir de Jerusalém, enquanto Jeroboão liderava as tribos do norte a partir de Tirza, mantendo-se em guerra constante durante todos os seus dias.Fontes: o próprio texto bíblico · Jeroboam · Rehoboam · Tirzah

Notas escritas com auxílio de IA a partir de fontes abertas (Theographic Bible Metadata, CC BY-SA 4.0; Easton’s Bible Dictionary, domínio público) e revisadas antes de publicar.

Lugares deste capítulo

  • Shiloh · Hoje: Khirbet Seilun · 32.056, 35.290 · versículos 2, 4
  • Euphrates · Hoje: Euphrates River · 31.004, 47.442 · versículo 15
  • Jerusalem · 31.777, 35.234 · versículos 21, 25
  • Egypt · 30.129, 31.308 · versículo 25
  • City of David · 31.774, 35.236 · versículo 31

Só aparecem lugares com identificação de alta confiança (90% ou mais segundo as fontes acadêmicas reunidas pelo OpenBible). Mapa da época: DARE (Digital Atlas of the Roman Empire), CC BY 4.0; mapa atual: © colaboradores do OpenStreetMap; lugares: OpenBible.info (CC BY 4.0).

Créditos e licença desta tradução
Biblica® Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi 2017
The Holy Bible in the Shona language of Zimbabwe: Biblica® Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi 2017
copyright © 2005, 2018 Biblica, Inc.
Language: chiShona
Contributor: Biblica, Inc.
Biblica® Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi™
Kopakodzero © 2005, 2018 ne Biblica, Inc.
Biblica® Open Shona Contemporary Bible™
Copyright © 2005, 2018 by Biblica, Inc.
“Biblica” chiratidzo chekutengeserana chakanyoreswa mu United States uye chiratidzo chehofisi yeBiblica, Inc. Inoshandiswa zviripamutemo.
“Biblica” is a trademark registered in the United States Patent and Trademark Office by Biblica, Inc. Used with permission.
Creative Commons License
Iri basa rinowanikwa pasi peCreative Commons Attribution-ShareAlike 4.0 International License (CC BY-SA). Kuti utarise kopi yeiri rezinesi, shanyira https://creativecommons.org/licenses/by-sa/4.0 kana kutumira tsamba kuCreative Commons, PO Box 1866, Mountain View, CA 94042, USA.
Biblica® chiratidzo chinozikanwa chakanyorwa neBiblica, Inc., uye kushandiswa kwechiratidzo cheBiblica® kunoda mvumo yakanyorwa yeBiblica, Inc. Pasi pemitemo ye rizinesi re CC BY-SA, unogona kuteedzera uye kugovera patsva basa iri risina kugadziridzwa bedzi kana uchichengetedza chiratidzo che Biblica®. Kana iwe ukachinja kopi kana kushandura iri basa, nokudaro uchigadzira rimwe basa, unofanira kubvisa chiratidzo cheBiblica®. Pabasa rakatorwa, unofanirwa kuratidza shanduko dzawakaita uye woratidza sezvinotevera: “Basa rekutanga reBiblica, Inc. rinowanikwa mahara pa www.biblica.com uye nepa open.bible.”
‪
Cherechedzo yekopakodzero inofanirwa kuoneka pamusoro wenyaya kana peji rekopakodzero sezvinotevera:
Biblica® Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi™
Kopakodzero © 2005, 2018 ne Biblica, Inc.
Biblica® Open Shona Contemporary Bible™
Copyright © 2005, 2018 by Biblica, Inc.
“Biblica” chiratidzo chekutengeserana chakanyoreswa mu United States uye chiratidzo chehofisi yeBiblica, Inc. Inoshandiswa zviripamutemo.
“Biblica” is a trademark registered in the United States Patent and Trademark Office by Biblica, Inc. Used with permission.
Unofanirwa zvakare kuita kuti basa rawachinja riwanikwe pasi pe rezinesi yakafanana (CC BY-SA).
Kana iwe uchida kuzivisa Biblica, Inc. maererano neshanduro yako yebasa iri, taura nesu pa https://open.bible/contact-us .
This work is made available under the Creative Commons Attribution-ShareAlike 4‪.0 International License (CC BY-SA). To view a copy of this license, visit https://creativecommons.org/licenses/by-sa/4‪.0 or send a letter to Creative Commons, PO Box 1866, Mountain View, CA 94042, USA.
Biblica® is a trademark registered by Biblica, Inc., and use of the Biblica® trademark requires the written permission of Biblica, Inc. Under the terms of the CC BY-SA license, you may copy and redistribute this unmodified work as long as you keep the Biblica® trademark intact. If you modify a copy or translate this work, thereby creating a derivative work, you must remove the Biblica® trademark. On the derivative work, you must indicate what changes you have made and attribute the work as follows: “The original work by Biblica, Inc. is available for free at www.biblica.com and open.bible.”
‪
Notice of copyright must appear on the title or copyright page of the work as follows:
Biblica® Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi™
Kopakodzero © 2005, 2018 ne Biblica, Inc.
Biblica® Open Shona Contemporary Bible™
Copyright © 2005, 2018 by Biblica, Inc.
“Biblica” chiratidzo chekutengeserana chakanyoreswa mu United States uye chiratidzo chehofisi yeBiblica, Inc. Inoshandiswa zviripamutemo.
“Biblica” is a trademark registered in the United States Patent and Trademark Office by Biblica, Inc. Used with permission.
You must also make your derivative work available under the same license (CC BY-SA).
‪If you would like to notify Biblica, Inc. regarding your translation of this work, please contact us at https://open.bible/contact-us .
This translation is made available to you under the terms of the
Creative Commons Attribution Share-Alike license 4.0.
You have permission to share and redistribute this Bible translation in any format and to make reasonable revisions and adaptations of this translation, provided that:
You include the above copyright and source information.
If you make any changes to the text, you must indicate that you did so in a way that makes it clear that the original licensor is not necessarily endorsing your changes.
If you redistribute this text, you must distribute your contributions under the same license as the original.
Pictures included with Scriptures and other documents on this site are licensed just for use with those Scriptures and documents.
For other uses, please contact the respective copyright owners.
Note that in addition to the rules above, revising and adapting God's Word involves a great responsibility to be true to God's Word. See Revelation 22:18-19.
2023-04-14

Fonte: http://ebible.org/sna/ · eBible.org

Fale com a gente

Conte de onde você lê, como a Bíblia tem te ajudado ou o que podemos melhorar. Lemos todas as mensagens.