1 Reis 13
Biblica® Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi 2017 · Toque num versículo para ver as referências cruzadas.
Munhu waMwari aibva kuJudha
1Nokuda kweshoko raJehovha munhu waMwari akabva kuJudha akauya kuBheteri, Jerobhoamu paakanga akamira pedyo nearitari ava kupirisa zvinonhuhwira. 2Akadanidzira kuaritari akati, “Iwe aritari, aritari! Zvanzi naJehovha: ‘Mwanakomana anonzi Josia achaberekwa muimba yaDhavhidhi. Vaprista vamatunhu akakwirira vari kupisira zvinonhuhwira pano zvino, achavabayira pamusoro pako, uye mapfupa avanhu achapiswa pamusoro pako.’ ” 3Musi mumwe chete iwoyo munhu waMwari akapa chiratidzo akati, “Ichi ndicho chiratidzo chataurwa naJehovha: Aritari ichatsemuka uye madota ari pamusoro payo acharasirwa pasi.”
4Zvino Mambo Jerobhoamu paakanzwa zvakanga zvadanidzirwa nomunhu waMwari kuaritari paBheteri, akatambanudza ruoko rwake ruchibva kuaritari akati, “Mubatei!” Asi ruoko rwaakatambanudzira kumurume uyu rwakaoma, zvokuti akatadza kurudzosa zvakare. 5Aritariwo yakatsemuka uye madota ayo akarasikira pasi zvichienderana nechiratidzo chakanga chapiwa nomunhu waMwari nokuda kweshoko raJehovha.
6Ipapo mambo akati kumunhu waMwari, “Ndinamatirewo kuna Jehovha Mwari wako uchindinamatira kuti ruoko rwangu ruporeswe.” Naizvozvo munhu waMwari akamunamatira kuna Jehovha ruoko rwamambo rukaporeswa rukaita sezvarwakanga rwakaita pakutanga.
7Mambo akati kumunhu waMwari, “Handei kumba kwangu undowana zvaungadya, uye ndichakupa chipo.”
8Asi munhu waMwari akapindura mambo akati, “Kunyange maindipa hafu yezvose zvamunazvo, handaimboenda nemi, uye handaimbodya chingwa kana kunwa mvura kuno. 9Nokuti ndakarayirwa neshoko raJehovha kuti, ‘Haufaniri kudya chingwa kana kunwa mvura kana kudzoka nenzira yawabva nayo.’ ” 10Saka akaenda neimwe nzira, haana kudzokera nenzira yaakanga auya nayo kuBheteri.
11Zvino paiva nomumwe muprofita akanga ava harahwa aigara muBheteri, vana vake vakauya vakamuudza zvose zvakanga zvaitwa nomunhu waMwari musi iwoyo muBheteri. Vakaudzawo baba vavo zvaakanga ataura kuna mambo. 12Baba vavo vakavabvunza kuti, “Aenda nenzira ipiko?” Zvino vana vake vakamuratidza nzira yakanga yaendwa nayo nomunhu waMwari aibva kuJudha. 13Saka akati kuvana vake, “Ndisungirirei chigaro pambongoro.” Zvino vakati vamusungirira chigaro pambongoro, akaitasva. 14Akatevera munhu waMwari. Akamuwana agere pasi pomuti womuouki akamubvunza akati, “Ndiwe here munhu waMwari akabva kuJudha?”
Akapindura akati, “Ndini.”
15Ipapo muprofita akati kwaari, “Handei kumba kwangu undodya.”
16Munhu waMwari akati, “Handigoni kudzoka nemi, zvakare handigoni kudya chingwa kana kunwa mvura nemi panzvimbo ino. 17Ndakaudzwa neshoko raJehovha kuti, ‘Haufaniri kudya chingwa kana kunwa mvura ikoko kana kudzoka nenzira yaunenge wauya nayo.’ ”
18Muprofita akanga ava harahwa akapindura akati, “Neniwo ndiri muprofita sezvawakaita. Zvino mutumwa ati kwandiri neshoko raJehovha, ‘Dzoka naye kumba kwako kuitira kuti adye chingwa uye anwe mvura.’ ” Asi akanga achimunyepera. 19Saka munhu waMwari akadzokera naye akandodya uye akanwa mumba make.
20Zvavakanga vachakagara patafura, shoko raJehovha rakauya kumuprofita akanga ava harahwa, uyo akanga amudzosa. 21Akadanidzira kumunhu waMwari akanga abva kuJudha akati, “Zvanzi naJehovha: ‘Hauna kuteerera shoko raJehovha uye hauna kuchengeta murayiro wawakapiwa naJehovha Mwari wako. 22Wadzoka ukadya chingwa uye ukanwa mvura munzvimbo yaakakuudza kuti usadya kana kunwa. Naizvozvo mutumbi wako hausi kuzovigwa muguva ramadzibaba ako.’ ”
23Munhu waMwari paakapedza kudya nokunwa, muprofita akanga amudzosa akamusungirira chigaro pambongoro. 24Akati ava munzira, shumba yakasangana naye panzira, ikamuuraya, mutumbi wake ukakandwa munzira, mbongoro neshumba zvikamira pauri. 25Vamwe vanhu vaipfuura nepo vakaona mutumbi uyu wakakandwa panzira, shumba yakamira parutivi pomutumbi, vakaenda vakandozvitaura muguta maigara muprofita uya akanga ava harahwa.
26Muprofita akanga amudzosa parwendo rwake paakazvinzwa, akati, “Ndiye munhu waMwari asina kuteerera shoko raJehovha. Jehovha amupa kushumba, iyo yamubvambura nokumuuraya, sokumuyambira kwakanga kwaita shoko raJehovha.”
27Muprofita akati kuvanakomana vake, “Ndisungirirei chigaro pambongoro,” ivo vakaita saizvozvo. 28Ipapo akaenda akandoona mutumbi wakakandwa panzira, mbongoro neshumba zvakamira parutivi pawo. Shumba yakanga isina kudya mutumbi kana kubvambura mbongoro. 29Saka muprofita akasimudza mutumbi womunhu waMwari, akauisa pamusoro pembongoro akadzoka nawo kuguta rake kuti andomuchema uye amuvige. 30Akaisa mutumbi wake muguva rake, vakamuchema vakati, “Yowe-e, hama yangu!”
31Mushure mokumuviga, akati kuvanakomana vake, “Kana ndafa, mundivige muguva mataviga munhu waMwari; muise mapfupa angu parutivi peake. 32Nokuti zvaakataura neshoko raJehovha pamusoro pearitari iri muBheteri napamusoro pedzimba dzose dziri panzvimbo dzakakwirira mumaguta eSamaria zvichaitika saizvozvo.”
33Kunyange shure kwaizvozvi, Jerobhoamu haana kupinduka pamaitiro ake akaipa, asi akasarudzazve vaprista venzvimbo dzakakwirira kubva kuvanhu vakangosiyana-siyana. Munhu wose wose aida kuva muprista aigadzwa kuti ashande panzvimbo dzakakwirira. 34Ichi ndicho chivi cheimba yaJerobhoamu chakaita kuti iwe uye iparare pamusoro penyika.

Você sabia?
A Advertência de um Profeta em Betel
- O homem de Deus vindo de Judá profetizou que um futuro descendente de Davi chamado Josias profanaria o altar em Betel, sacrificando sobre ele os seus sacerdotes e queimando ossos humanos. Betel situava-se na Palestina central, cerca de dezesseis quilômetros ao norte de Jerusalém.Fontes: o próprio texto bíblico · Josiah · Bethel (of Palestine)
- O homem de Deus recebeu a ordem divina expressa de não comer pão, não beber água e não retornar pelo mesmo caminho que havia percorrido até Betel, enfatizando a recusa total de comunhão com o culto estabelecido por Jeroboão.Fontes: o próprio texto bíblico
- Mesmo após presenciar a divisão milagrosa do altar e o ressecamento seguido da cura de sua própria mão, Jeroboão continuou nomeando sacerdotes para os lugares altos entre qualquer pessoa que o desejasse, sem se arrepender.Fontes: o próprio texto bíblico
Notas escritas com auxílio de IA a partir de fontes abertas (Theographic Bible Metadata, CC BY-SA 4.0; Easton’s Bible Dictionary, domínio público) e revisadas antes de publicar.
Lugares deste capítulo
- Samaria · 32.276, 35.195 · versículo 32
Só aparecem lugares com identificação de alta confiança (90% ou mais segundo as fontes acadêmicas reunidas pelo OpenBible). Mapa da época: DARE (Digital Atlas of the Roman Empire), CC BY 4.0; mapa atual: © colaboradores do OpenStreetMap; lugares: OpenBible.info (CC BY 4.0).
Créditos e licença desta tradução
Biblica® Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi 2017 The Holy Bible in the Shona language of Zimbabwe: Biblica® Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi 2017 copyright © 2005, 2018 Biblica, Inc. Language: chiShona Contributor: Biblica, Inc. Biblica® Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi™ Kopakodzero © 2005, 2018 ne Biblica, Inc. Biblica® Open Shona Contemporary Bible™ Copyright © 2005, 2018 by Biblica, Inc. “Biblica” chiratidzo chekutengeserana chakanyoreswa mu United States uye chiratidzo chehofisi yeBiblica, Inc. Inoshandiswa zviripamutemo. “Biblica” is a trademark registered in the United States Patent and Trademark Office by Biblica, Inc. Used with permission. Creative Commons License Iri basa rinowanikwa pasi peCreative Commons Attribution-ShareAlike 4.0 International License (CC BY-SA). Kuti utarise kopi yeiri rezinesi, shanyira https://creativecommons.org/licenses/by-sa/4.0 kana kutumira tsamba kuCreative Commons, PO Box 1866, Mountain View, CA 94042, USA. Biblica® chiratidzo chinozikanwa chakanyorwa neBiblica, Inc., uye kushandiswa kwechiratidzo cheBiblica® kunoda mvumo yakanyorwa yeBiblica, Inc. Pasi pemitemo ye rizinesi re CC BY-SA, unogona kuteedzera uye kugovera patsva basa iri risina kugadziridzwa bedzi kana uchichengetedza chiratidzo che Biblica®. Kana iwe ukachinja kopi kana kushandura iri basa, nokudaro uchigadzira rimwe basa, unofanira kubvisa chiratidzo cheBiblica®. Pabasa rakatorwa, unofanirwa kuratidza shanduko dzawakaita uye woratidza sezvinotevera: “Basa rekutanga reBiblica, Inc. rinowanikwa mahara pa www.biblica.com uye nepa open.bible.” Cherechedzo yekopakodzero inofanirwa kuoneka pamusoro wenyaya kana peji rekopakodzero sezvinotevera: Biblica® Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi™ Kopakodzero © 2005, 2018 ne Biblica, Inc. Biblica® Open Shona Contemporary Bible™ Copyright © 2005, 2018 by Biblica, Inc. “Biblica” chiratidzo chekutengeserana chakanyoreswa mu United States uye chiratidzo chehofisi yeBiblica, Inc. Inoshandiswa zviripamutemo. “Biblica” is a trademark registered in the United States Patent and Trademark Office by Biblica, Inc. Used with permission. Unofanirwa zvakare kuita kuti basa rawachinja riwanikwe pasi pe rezinesi yakafanana (CC BY-SA). Kana iwe uchida kuzivisa Biblica, Inc. maererano neshanduro yako yebasa iri, taura nesu pa https://open.bible/contact-us . This work is made available under the Creative Commons Attribution-ShareAlike 4.0 International License (CC BY-SA). To view a copy of this license, visit https://creativecommons.org/licenses/by-sa/4.0 or send a letter to Creative Commons, PO Box 1866, Mountain View, CA 94042, USA. Biblica® is a trademark registered by Biblica, Inc., and use of the Biblica® trademark requires the written permission of Biblica, Inc. Under the terms of the CC BY-SA license, you may copy and redistribute this unmodified work as long as you keep the Biblica® trademark intact. If you modify a copy or translate this work, thereby creating a derivative work, you must remove the Biblica® trademark. On the derivative work, you must indicate what changes you have made and attribute the work as follows: “The original work by Biblica, Inc. is available for free at www.biblica.com and open.bible.” Notice of copyright must appear on the title or copyright page of the work as follows: Biblica® Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi™ Kopakodzero © 2005, 2018 ne Biblica, Inc. Biblica® Open Shona Contemporary Bible™ Copyright © 2005, 2018 by Biblica, Inc. “Biblica” chiratidzo chekutengeserana chakanyoreswa mu United States uye chiratidzo chehofisi yeBiblica, Inc. Inoshandiswa zviripamutemo. “Biblica” is a trademark registered in the United States Patent and Trademark Office by Biblica, Inc. Used with permission. You must also make your derivative work available under the same license (CC BY-SA). If you would like to notify Biblica, Inc. regarding your translation of this work, please contact us at https://open.bible/contact-us . This translation is made available to you under the terms of the Creative Commons Attribution Share-Alike license 4.0. You have permission to share and redistribute this Bible translation in any format and to make reasonable revisions and adaptations of this translation, provided that: You include the above copyright and source information. If you make any changes to the text, you must indicate that you did so in a way that makes it clear that the original licensor is not necessarily endorsing your changes. If you redistribute this text, you must distribute your contributions under the same license as the original. Pictures included with Scriptures and other documents on this site are licensed just for use with those Scriptures and documents. For other uses, please contact the respective copyright owners. Note that in addition to the rules above, revising and adapting God's Word involves a great responsibility to be true to God's Word. See Revelation 22:18-19. 2023-04-14
Fonte: http://ebible.org/sna/ · eBible.org