1 Crônicas 29
Biblica® Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi 2017 · Toque num versículo para ver as referências cruzadas.
Zvipo Zvokuvakisa Temberi
1Ipapo Mambo Dhavhidhi akati kuungano yose, “Mwanakomana wangu Soromoni uyo asarudzwa naMwari mudiki uye haasati ava kunyatsogona. Basa iri iguru kwazvo nokuti muzinda uyu hausi womunhu asi ndowaJehovha Mwari. 2Nokuwana kwangu kwose ndapa kutemberi yaMwari wangu goridhe pabasa regoridhe, sirivha pabasa resirivha, ndarira pabasa rendarira, simbi pabasa resimbi uye matanda pabasa ramatanda, pamwe chete neonikisi, namabwe okuisa mukati namatombo amavara akasiyana-siyana, namamwe mabwe akaurungana amarudzi ose namamwe machena, zvose izvi zvakawanda kwazvo. 3Pamusoro pezvo mukuzvipira kwangu kutemberi yaMwari wangu zvino ndava kupa upfumi hwangu pachangu hwegoridhe nesirivha kutemberi yaMwari wangu, ndichiwedzera pamusoro pezvose zvandakapa kutemberi iyi tsvene zvinoti: 4Matarenda zviuru zvitatu egoridhe (goridhe reOfiri) namatarenda zviuru zvinomwe esirivha yakanatswa yokufukidza madziro edzimba, 5kuitira basa regoridhe, nebasa resirivha uye kuti basa rose riitwe navarume voumhizha. Zvino ndiani anoda kuzvitsaurira kuna Jehovha nhasi!”
6Ipapo vatungamiri vemhuri, vakuru vamarudzi eIsraeri, vatungamiri vezviuru, vatungamiri vamazana namachinda aitungamirira basa ramambo vakapa nomwoyo unoda. 7Vakapa kubasa rapatemberi matarenda zviuru zvishanu namadhariki zviuru gumi egoridhe, matarenda zviuru gumi esirivha, matarenda zviuru gumi nezvisere endarira, namatarenda zviuru zana esimbi. 8Ani naani akanga ane matombo anokosha akapa ose kuimba yokuchengeta pfuma yetemberi yaJehovha zvichichengetwa naJehieri muGerishoni. 9Vanhu vakapembera nomufaro pavakaona kuti vatungamiri vavo vakanga vapa nomwoyo unoda, nokuti vakanga vapa kuna Jehovha vakasununguka uye nomwoyo wose. Mambo Dhavhidhi akafarawo zvikuru.
Munyengetero waDhavhidhi
10Dhavhidhi akarumbidza Jehovha pamberi peungano yose achiti,
“Rumbidzwai imi Jehovha,
Mwari wababa vedu Israeri,
kubva kusingaperi kusvika kusingaperi.
11Ukuru nesimba ndezvenyu, imi Jehovha,
kukudzwa noushe nokubwinya,
nokuti zvose zviri kudenga napasi ndezvenyu.
Umambo ndohwenyu,
imi Jehovha munokudzwa somusoro wezvose.
12Upfumi nokuremekedzwa zvinobva kwamuri;
ndimi mutongi wezvinhu zvose.
Mumaoko enyu mune simba noushe
kuti musimudzire uye musimbise vanhu vose.
13Zvino, Mwari wedu, tinokuvongai,
uye tinorumbidza zita renyu rakanakisa.
14“Asi ini ndini aniko, uye vanhu vangu ndivanaaniko kuti tingakwanisa kupa zvakawanda kudai? Zvose zvinobva kwamuri, uye tangokupai chete zvinobva mumaoko enyu. 15Tiri vatorwa navapfuuri pamberi penyu, sezvakanga zvakaita madzibaba edu ose. Mazuva edu panyika akaita somumvuri, asina tariro. 16Imi Jehovha, Mwari wedu, izvi zvose zvakawanda kudai zvatapa kuti temberi yenyu ivakwe nokuda kweZita renyu Dzvene zvinobva muruoko rwenyu uye zvose ndezvenyu. 17Ndinoziva, Mwari wangu, kuti munoedza mwoyo uye munofadzwa nokururama. Zvinhu zvose izvi ndakupai ndichida uye nomwoyo wakatendeka. Uye zvino ndaona ndikafadzwa namapiro aita vanhu venyu vari pano kwamuri nomwoyo unoda. 18Imi Jehovha, Mwari wamadzibaba edu Abhurahama, Isaka, naIsraeri, chengetedzai kudokwairira kwakadai mumwoyo yavanhu venyu nokusingaperi, uye muite kuti mwoyo yavo irambe yakazvipira kwamuri. 19Uye ipai mwanakomana wangu Soromoni mwoyo wakaperera kuti achengete mirayiro yenyu, zvose zvamunoda nemitemo yenyu uye kuti aite zvose kuti avake muzinda wandagadzirira zvose izvi.”
20Ipapo Dhavhidhi akati kuungano yose, “Rumbidzai Jehovha Mwari wenyu.” Saka vose vakarumbidza Jehovha, Mwari wamadzibaba avo; vakakotamira pasi vakawira pasi nezviso pamberi paJehovha naMambo.
Soromoni anogamuchirwa saMambo
21Zuva raitevera vakapa zvipiriso kuna Jehovha vakapa zvipiriso zvinopiswa kwaari zvinoti: hando chiuru, makondobwe chiuru, namakwayana makono chiuru, pamwe chete nezvipiriso zvavo zvokunwa, nezvimwe zvibayiro zvakawanda zveIsraeri. 22Vakadya uye vakanwa nomufaro mukuru pamberi paJehovha zuva iroro.
Ipapo vakazogamuchira Soromoni mwanakomana waDhavhidhi samambo kechipiri, vakamuzodza pamberi paJehovha kuti ave mutongi, uye Zadhoki ave muprista. 23Saka Soromoni akagara pachigaro choushe chaJehovha samambo panzvimbo yababa vake Dhavhidhi. Akabudirira uye Israeri yose yakamuteerera. 24Vatungamiri vose pamwe chete navarume voumhare, pamwe chete navanakomana vose vaMambo vaDhavhidhi vakavimbisa kuzviisa pasi paMambo Soromoni.
25Jehovha akasimudzira Soromoni kwazvo pamberi peIsraeri yose akaisa paari kukudzwa kwoumambo kusina kumbopiwa mumwe mambo weIsraeri akamutangira.
Kufa kwaDhavhidhi
26Dhavhidhi mwanakomana waJese aiva mambo pamusoro peIsraeri yose. 27Akatonga Israeri kwamakore makumi mana, manomwe muHebhuroni uye makumi matatu namatatu muJerusarema. 28Akafa akwegura zvikuru ararama upenyu hurefu, hune upfumi nokukudzwa. Mwanakomana wake Soromoni akamutevera paumambo.
29Kana zviri zvinhu zvakaitika panguva yokutonga kwaMambo Dhavhidhi kubva pakutanga kusvika kumagumo, zvakanyorwa muzvinyorwa zvaSamueri muoni, zvinyorwa zvaNatani muprofita, uye nomuzvinyorwa zvaGadhi muoni, 30pamwe chete nenhoroondo dzokutonga kwake, uye nesimba, nezvinhu zvakaitika kwaari iye neIsraeri noumambo hwedzimwe nyika dzose.

Você sabia?
A despedida de Davi e a coroação de Salomão
- Davi contribuiu com três mil talentos de ouro de Ofir de seu próprio tesouro pessoal para a edificação do templo. Ofir era uma região antiga famosa por seu ouro de alta pureza, associada por diferentes tradições a locais na Arábia, na Índia ou na Península Malaia.Fontes: o próprio texto bíblico · Ophir
- O resumo do reinado de Davi registra quarenta anos de governo: sete anos na antiga cidade serrana de Hebrom, ao sul, seguidos de trinta e três anos em Jerusalém.Fontes: o próprio texto bíblico · Hebron · Jerusalem
- O capítulo é concluído citando três fontes históricas distintas sobre a vida de Davi: as crônicas do vidente Samuel, do profeta Natã e do vidente Gade, figuras centrais durante a época da monarquia.Fontes: o próprio texto bíblico · Samuel · Nathan · Gad
Notas escritas com auxílio de IA a partir de fontes abertas (Theographic Bible Metadata, CC BY-SA 4.0; Easton’s Bible Dictionary, domínio público) e revisadas antes de publicar.
Lugares deste capítulo
Só aparecem lugares com identificação de alta confiança (90% ou mais segundo as fontes acadêmicas reunidas pelo OpenBible). Mapa da época: DARE (Digital Atlas of the Roman Empire), CC BY 4.0; mapa atual: © colaboradores do OpenStreetMap; lugares: OpenBible.info (CC BY 4.0).
Créditos e licença desta tradução
Biblica® Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi 2017 The Holy Bible in the Shona language of Zimbabwe: Biblica® Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi 2017 copyright © 2005, 2018 Biblica, Inc. Language: chiShona Contributor: Biblica, Inc. Biblica® Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi™ Kopakodzero © 2005, 2018 ne Biblica, Inc. Biblica® Open Shona Contemporary Bible™ Copyright © 2005, 2018 by Biblica, Inc. “Biblica” chiratidzo chekutengeserana chakanyoreswa mu United States uye chiratidzo chehofisi yeBiblica, Inc. Inoshandiswa zviripamutemo. “Biblica” is a trademark registered in the United States Patent and Trademark Office by Biblica, Inc. Used with permission. Creative Commons License Iri basa rinowanikwa pasi peCreative Commons Attribution-ShareAlike 4.0 International License (CC BY-SA). Kuti utarise kopi yeiri rezinesi, shanyira https://creativecommons.org/licenses/by-sa/4.0 kana kutumira tsamba kuCreative Commons, PO Box 1866, Mountain View, CA 94042, USA. Biblica® chiratidzo chinozikanwa chakanyorwa neBiblica, Inc., uye kushandiswa kwechiratidzo cheBiblica® kunoda mvumo yakanyorwa yeBiblica, Inc. Pasi pemitemo ye rizinesi re CC BY-SA, unogona kuteedzera uye kugovera patsva basa iri risina kugadziridzwa bedzi kana uchichengetedza chiratidzo che Biblica®. Kana iwe ukachinja kopi kana kushandura iri basa, nokudaro uchigadzira rimwe basa, unofanira kubvisa chiratidzo cheBiblica®. Pabasa rakatorwa, unofanirwa kuratidza shanduko dzawakaita uye woratidza sezvinotevera: “Basa rekutanga reBiblica, Inc. rinowanikwa mahara pa www.biblica.com uye nepa open.bible.” Cherechedzo yekopakodzero inofanirwa kuoneka pamusoro wenyaya kana peji rekopakodzero sezvinotevera: Biblica® Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi™ Kopakodzero © 2005, 2018 ne Biblica, Inc. Biblica® Open Shona Contemporary Bible™ Copyright © 2005, 2018 by Biblica, Inc. “Biblica” chiratidzo chekutengeserana chakanyoreswa mu United States uye chiratidzo chehofisi yeBiblica, Inc. Inoshandiswa zviripamutemo. “Biblica” is a trademark registered in the United States Patent and Trademark Office by Biblica, Inc. Used with permission. Unofanirwa zvakare kuita kuti basa rawachinja riwanikwe pasi pe rezinesi yakafanana (CC BY-SA). Kana iwe uchida kuzivisa Biblica, Inc. maererano neshanduro yako yebasa iri, taura nesu pa https://open.bible/contact-us . This work is made available under the Creative Commons Attribution-ShareAlike 4.0 International License (CC BY-SA). To view a copy of this license, visit https://creativecommons.org/licenses/by-sa/4.0 or send a letter to Creative Commons, PO Box 1866, Mountain View, CA 94042, USA. Biblica® is a trademark registered by Biblica, Inc., and use of the Biblica® trademark requires the written permission of Biblica, Inc. Under the terms of the CC BY-SA license, you may copy and redistribute this unmodified work as long as you keep the Biblica® trademark intact. If you modify a copy or translate this work, thereby creating a derivative work, you must remove the Biblica® trademark. On the derivative work, you must indicate what changes you have made and attribute the work as follows: “The original work by Biblica, Inc. is available for free at www.biblica.com and open.bible.” Notice of copyright must appear on the title or copyright page of the work as follows: Biblica® Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi™ Kopakodzero © 2005, 2018 ne Biblica, Inc. Biblica® Open Shona Contemporary Bible™ Copyright © 2005, 2018 by Biblica, Inc. “Biblica” chiratidzo chekutengeserana chakanyoreswa mu United States uye chiratidzo chehofisi yeBiblica, Inc. Inoshandiswa zviripamutemo. “Biblica” is a trademark registered in the United States Patent and Trademark Office by Biblica, Inc. Used with permission. You must also make your derivative work available under the same license (CC BY-SA). If you would like to notify Biblica, Inc. regarding your translation of this work, please contact us at https://open.bible/contact-us . This translation is made available to you under the terms of the Creative Commons Attribution Share-Alike license 4.0. You have permission to share and redistribute this Bible translation in any format and to make reasonable revisions and adaptations of this translation, provided that: You include the above copyright and source information. If you make any changes to the text, you must indicate that you did so in a way that makes it clear that the original licensor is not necessarily endorsing your changes. If you redistribute this text, you must distribute your contributions under the same license as the original. Pictures included with Scriptures and other documents on this site are licensed just for use with those Scriptures and documents. For other uses, please contact the respective copyright owners. Note that in addition to the rules above, revising and adapting God's Word involves a great responsibility to be true to God's Word. See Revelation 22:18-19. 2023-04-14
Fonte: http://ebible.org/sna/ · eBible.org