1 Crônicas 28
Biblica® Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi 2017 · Toque num versículo para ver as referências cruzadas.
Urongwa hwaDhavhidhi pamusoro peTemberi
1Dhavhidhi akarayira vabati veIsraeri vose kuti vaungane paJerusarema: vabati pamusoro pamarudzi, vatungamiri vamapoka aishandira mambo, vatungamiri vezviuru navatungamiri vamazana, navabati vaichengeta zvinhu nezvipfuwo zvamambo uye navanakomana vake, pamwe chete navabati vomumuzinda wamambo, varume vane simba nemhare dzose dzakashinga.
2Mambo Dhavhidhi akasimuka akamira akati, “Teererai kwandiri, hama dzangu navanhu vangu. Zvakanga zviri mumwoyo mangu kuti ndivake imba senzvimbo yokuzororera yeareka yesungano yaJehovha, kuti zvive chitsiko chetsoka dzaMwari wedu, uye ndakaita urongwa hwokuivaka. 3Asi Mwari akati kwandiri, ‘Iwe hausi kuzovakira Zita rangu imba, nokuti uri murwi uye wakateura ropa.’
4“Asi Jehovha, Mwari waIsraeri, akandisarudza kubva kumhuri yangu yose kuti ndive mambo pamusoro paIsraeri nokusingaperi. Akasarudza Judha kuti ave mhuri yangu, uye kubva muvanakomana vababa vangu akafadzwa nokundiita mambo pamusoro peIsraeri. 5Pavanakomana vangu vose, uye Jehovha akandipa vakawanda kwazvo, iye akasarudza mwanakomana wangu Soromoni kuti agare pachigaro choumambo hwaJehovha pamusoro paIsraeri. 6Akati kwandiri, ‘Soromoni mwanakomana wako ndiye achavaka imba yangu nezvivanze zvangu, ndichava baba vake. 7Ndichasimbisa umambo hwake nokusingaperi kana iye akatsungirira mukuita zvandakarayira nemitemo yangu sezviri kuitwa panguva ino.’
8“Saka zvino ndinokurayira pamberi peIsraeri yose uye napamberi peungano yaJehovha, uye Mwari wedu achinzwa: Chenjerera kuti utevere kurayira kwose kwaJehovha senhaka kuvana vako nokusingaperi.
9“Newewo mwanakomana wangu Soromoni, ziva Mwari wababa vako, uye umushumire nomwoyo wose uye nepfungwa dzako dzose, nokuti Jehovha anonzvera mwoyo uye anonzwisisa chinangwa chipi nechipi chiri mupfungwa. Ukamutsvaga achawanikwa newe, asi kana ukamurasa, iye achakuramba nokusingaperi. 10Funga zvino, nokuti Jehovha akusarudza kuti uvake temberi senzvimbo tsvene. Iva nesimba uye uite basa iri.”
11Ipapo Dhavhidhi akapa mwanakomana wake Soromoni urongwa hwebiravira retemberi, dzimba dzayo, matura ayo, makamuri ayo okumusoro, makamuri ayo omukati uye nenzvimbo yokuyananisira. 12Akamupa urongwa hwazvose zvakanga zvaiswa noMweya mupfungwa make pamusoro pezvivanze zvetemberi yaJehovha namakamuri ose akapoteredza, pamusoro pamatura epfuma yetemberi yaMwari napamusoro pamatura ezvinhu zvakakumikidzwa. 13Akamurayira zvokuita pamusoro pamapoka avaprista navaRevhi uye napamusoro pebasa rose rokushumira mutemberi yaJehovha, uyewo napamusoro pemidziyo yaizoshandiswa mubasa rayo. 14Akarayira uremu hwegoridhe remidziyo yose yaizoshandiswa mumhando dzose dzokushumira, nouremu hwesirivha yemidziyo yose yaizoshandiswa mumhando dzose dzokushumira: 15Uremu hwegoridhe rezvigadziko zvemwenje zvegoridhe nemwenje yazvo, nouremu hwechigadziko chomwenje chimwe nechimwe, nemwenje yacho, maererano nokushandiswa kwechigadziko chemwenje chimwe nechimwe. 16Uremu hwegoridhe retafura imwe neimwe yechingwa chakatsaurwa; uremu hwesirivha yetafura dzesirivha; 17uremu hwegoridhe rakanatswa reforogo, ndiro dzokusasa nemikombe; uremu hwegoridhe nedhishi rimwe nerimwe regoridhe; uremu hwesirivha yedhishi rimwe nerimwe resirivha; 18uye uremu hwegoridhe rakanatswa nearitari yezvinonhuhwira. Akamupawo mufananidzo wengoro iyo ina makerubhi egoridhe akatambanudza mapapiro awo achifukidza areka yesungano yaJehovha.
19Dhavhidhi akati, “Zvose izvi ndakazviziviswa zvanyorwa noruoko rwaJehovha uye akaita ndinzwisise urongwa hwake hwose.”
20Dhavhidhi akatiwo kumwanakomana wake Soromoni, “Simba utsunge mwoyo, uye uite basa iri. Usatya kana kuora mwoyo, nokuti Jehovha Mwari, Mwari wangu, anewe. Haachazokusiyi kana kukurasa, kusvikira basa rose rokushandira temberi yaJehovha rapera. 21Mapoka avaprista navaRevhi akagadzirira kuita basa rose rapatemberi yaMwari, uye murume wose anoda uye ane umhizha hupi nehupi pamabasa amaoko achakubatsira pabasa iri rose. Vabati vose navanhu vose vachateerera kurayira kwako kwose.”

Você sabia?
Davi comissiona Salomão e entrega os planos do templo
- Davi explicou à assembleia de líderes israelitas em Jerusalém que, embora desejasse construir um templo para a arca da aliança, Deus o proibiu por ele ter sido um homem de guerra que derramou sangue. Em vez disso, Deus escolheu Salomão, entre os muitos filhos de Davi, para reinar e edificar o santuário.Fontes: o próprio texto bíblico · David · Solomon
- Davi entregou a Salomão projetos arquitetônicos detalhados para os edifícios, divisões sacerdotais e utensílios sagrados, com os pesos exatos de ouro e prata e o modelo do querubim dourado. Ele declarou que todos os detalhes desse plano lhe foram revelados por escrito pela mão do Senhor.Fontes: o próprio texto bíblico
Notas escritas com auxílio de IA a partir de fontes abertas (Theographic Bible Metadata, CC BY-SA 4.0; Easton’s Bible Dictionary, domínio público) e revisadas antes de publicar.
Lugares deste capítulo
- Jerusalem · 31.777, 35.234 · versículo 1
Só aparecem lugares com identificação de alta confiança (90% ou mais segundo as fontes acadêmicas reunidas pelo OpenBible). Mapa da época: DARE (Digital Atlas of the Roman Empire), CC BY 4.0; mapa atual: © colaboradores do OpenStreetMap; lugares: OpenBible.info (CC BY 4.0).
Créditos e licença desta tradução
Biblica® Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi 2017 The Holy Bible in the Shona language of Zimbabwe: Biblica® Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi 2017 copyright © 2005, 2018 Biblica, Inc. Language: chiShona Contributor: Biblica, Inc. Biblica® Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi™ Kopakodzero © 2005, 2018 ne Biblica, Inc. Biblica® Open Shona Contemporary Bible™ Copyright © 2005, 2018 by Biblica, Inc. “Biblica” chiratidzo chekutengeserana chakanyoreswa mu United States uye chiratidzo chehofisi yeBiblica, Inc. Inoshandiswa zviripamutemo. “Biblica” is a trademark registered in the United States Patent and Trademark Office by Biblica, Inc. Used with permission. Creative Commons License Iri basa rinowanikwa pasi peCreative Commons Attribution-ShareAlike 4.0 International License (CC BY-SA). Kuti utarise kopi yeiri rezinesi, shanyira https://creativecommons.org/licenses/by-sa/4.0 kana kutumira tsamba kuCreative Commons, PO Box 1866, Mountain View, CA 94042, USA. Biblica® chiratidzo chinozikanwa chakanyorwa neBiblica, Inc., uye kushandiswa kwechiratidzo cheBiblica® kunoda mvumo yakanyorwa yeBiblica, Inc. Pasi pemitemo ye rizinesi re CC BY-SA, unogona kuteedzera uye kugovera patsva basa iri risina kugadziridzwa bedzi kana uchichengetedza chiratidzo che Biblica®. Kana iwe ukachinja kopi kana kushandura iri basa, nokudaro uchigadzira rimwe basa, unofanira kubvisa chiratidzo cheBiblica®. Pabasa rakatorwa, unofanirwa kuratidza shanduko dzawakaita uye woratidza sezvinotevera: “Basa rekutanga reBiblica, Inc. rinowanikwa mahara pa www.biblica.com uye nepa open.bible.” Cherechedzo yekopakodzero inofanirwa kuoneka pamusoro wenyaya kana peji rekopakodzero sezvinotevera: Biblica® Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi™ Kopakodzero © 2005, 2018 ne Biblica, Inc. Biblica® Open Shona Contemporary Bible™ Copyright © 2005, 2018 by Biblica, Inc. “Biblica” chiratidzo chekutengeserana chakanyoreswa mu United States uye chiratidzo chehofisi yeBiblica, Inc. Inoshandiswa zviripamutemo. “Biblica” is a trademark registered in the United States Patent and Trademark Office by Biblica, Inc. Used with permission. Unofanirwa zvakare kuita kuti basa rawachinja riwanikwe pasi pe rezinesi yakafanana (CC BY-SA). Kana iwe uchida kuzivisa Biblica, Inc. maererano neshanduro yako yebasa iri, taura nesu pa https://open.bible/contact-us . This work is made available under the Creative Commons Attribution-ShareAlike 4.0 International License (CC BY-SA). To view a copy of this license, visit https://creativecommons.org/licenses/by-sa/4.0 or send a letter to Creative Commons, PO Box 1866, Mountain View, CA 94042, USA. Biblica® is a trademark registered by Biblica, Inc., and use of the Biblica® trademark requires the written permission of Biblica, Inc. Under the terms of the CC BY-SA license, you may copy and redistribute this unmodified work as long as you keep the Biblica® trademark intact. If you modify a copy or translate this work, thereby creating a derivative work, you must remove the Biblica® trademark. On the derivative work, you must indicate what changes you have made and attribute the work as follows: “The original work by Biblica, Inc. is available for free at www.biblica.com and open.bible.” Notice of copyright must appear on the title or copyright page of the work as follows: Biblica® Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi™ Kopakodzero © 2005, 2018 ne Biblica, Inc. Biblica® Open Shona Contemporary Bible™ Copyright © 2005, 2018 by Biblica, Inc. “Biblica” chiratidzo chekutengeserana chakanyoreswa mu United States uye chiratidzo chehofisi yeBiblica, Inc. Inoshandiswa zviripamutemo. “Biblica” is a trademark registered in the United States Patent and Trademark Office by Biblica, Inc. Used with permission. You must also make your derivative work available under the same license (CC BY-SA). If you would like to notify Biblica, Inc. regarding your translation of this work, please contact us at https://open.bible/contact-us . This translation is made available to you under the terms of the Creative Commons Attribution Share-Alike license 4.0. You have permission to share and redistribute this Bible translation in any format and to make reasonable revisions and adaptations of this translation, provided that: You include the above copyright and source information. If you make any changes to the text, you must indicate that you did so in a way that makes it clear that the original licensor is not necessarily endorsing your changes. If you redistribute this text, you must distribute your contributions under the same license as the original. Pictures included with Scriptures and other documents on this site are licensed just for use with those Scriptures and documents. For other uses, please contact the respective copyright owners. Note that in addition to the rules above, revising and adapting God's Word involves a great responsibility to be true to God's Word. See Revelation 22:18-19. 2023-04-14
Fonte: http://ebible.org/sna/ · eBible.org