Apocalipsis 7
Biblica® Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi 2017 · Toca un versículo para ver sus referencias cruzadas.
Vanhu Zviuru Zana naMakumi Mana neZvina vanoiswa Chisimbiso
1Shure kwaizvozvi, ndakaona vatumwa vana vamire pamakona mana enyika, vakabata mhepo ina dzenyika kuti vadzivise mhepo ipi zvayo kuvhuvhuta panyika kana pamusoro pegungwa kana pamuti upi zvawo. 2Ipapo ndakaona mumwe mutumwa achibva kumabvazuva, ane chisimbiso chaMwari mupenyu. Akadanidzira nenzwi guru kuvatumwa vana vakanga vapiwa simba rokuti vatadzire nyika negungwa akati: 3“Musatadzira nyika kana gungwa kana miti kusvikira taisa chisimbiso pahuma dzavaranda vaMwari.” 4Ipapo ndakanzwa kuwanda kwaavo vakanga vaiswa chisimbiso: zviuru zana namakumi mana nezvina, kubva kumarudzi ose avaIsraeri.
5Kubva kurudzi rwaJudha, zviuru gumi nezviviri vakaiswa chisimbiso,
kubva kurudzi rwaRubheni, zviuru gumi nezviviri,
kubva kurudzi rwaGadhi, zviuru gumi nezviviri,
6kubva kurudzi rwaAsheri, zviuru gumi nezviviri,
kubva kurudzi rwaNafutari, zviuru gumi nezviviri,
kubva kurudzi rwaManase, zviuru gumi nezviviri,
7kubva kurudzi rwaSimeoni, zviuru gumi nezviviri,
kubva kurudzi rwaRevhi, zviuru gumi nezviviri,
kubva kurudzi rwaIsakari, zviuru gumi nezviviri,
8kubva kurudzi rwaZebhuruni, zviuru gumi nezviviri,
kubva kurudzi rwaJosefa zviuru gumi nezviviri,
kubva kurudzi rwaBhenjamini zviuru gumi nezviviri.
Vazhinji zhinji vakanga vakapfeka nguo chena
9Shure kwaizvozvi ndakatarira uye ndikaona ipapo pamberi pangu vazhinji zhinji vakanga vasingagoni kuverengwa, vaibva kundudzi dzose, nokumarudzi ose, navanhu vemitauro yose, vamire pamberi pechigaro choushe napamberi peGwayana. Vakanga vakapfeka nguo chena uye vakabata matavi emichindwe mumaoko avo. 10Uye vakadanidzira nenzwi guru vachiti:
“Ruponeso ndorwaMwari wedu,
anogara pachigaro choushe,
uye ndorweGwayana.”
11Vatumwa vose vakanga vamire vakakomberedza chigaro choushe uye vakakomberedza vakuru nezvisikwa zvipenyu zvina. Vakawira pasi nezviso zvavo pamberi pechigaro choushe vakanamata Mwari, 12vachiti:
“Ameni!
Kurumbidzwa nokubwinya
nouchenjeri nokuvonga nokukudzwa
noushe nesimba
ngazvive kuna Mwari wedu nokusingaperi-peri.
Ameni!”
13Ipapo mumwe wavakuru akandibvunza akati, “Ava vakapfeka nguo chena, ndivanaaniko, uye vakabvepi?”
14Ndakapindura ndikati, “Ishe, imi munoziva.”
Uye iye akati, “Ava ndivo vaya vakabuda mukutambudzika kukuru; vakasuka nguo dzavo vakadzichenesa muropa reGwayana. 15Naizvozvo,
“vari pamberi pechigaro chaMwari
uye vanomushumira masikati nousiku mutemberi yake;
uye iye anogara pachigaro choushe achatambanudza tende rake pamusoro pavo.
16Havachazoziyi nenzara zvakare;
havachazonzwi nyota zvakare.
Havachazopiswi nezuva,
kana nokupisa kupi zvako.
17Nokuti Gwayana riri pakati pechigaro choushe richava mufudzi wavo;
richavatungamirira kumatsime emvura mhenyu.
Uye Mwari achapukuta misodzi yose pameso avo.”

¿Sabías que…?
Las tribus selladas y la gran multitud
- Apocalipsis 7 presenta el número de los sellados como 144,000, doce mil de cada una de las tribus de Israel nombradas en el capítulo. Israel era otro nombre de Jacob, el segundo de los hijos gemelos de Isaac y Rebeca; el Easton's Bible Dictionary (1897) explica el nombre de Jacob como alguien que sigue los talones de otro, o un suplantador.Fuentes: el propio texto bíblico · Jacob (Israel)
- Aunque Rubén era el hijo mayor de Jacob y Lea, la lista de los sellados comienza con Judá y luego nombra a Rubén. La lista incluye también tanto a José como a Manasés; Manasés era el hijo mayor de José, y Jacob lo adoptó a él y a su hermano Efraín como hijos propios.Fuentes: el propio texto bíblico · Reuben · Manasseh (son of Joseph)
- Después del sellado, la visión muestra una multitud demasiado grande para contarse, de toda nación, tribu, pueblo y lengua, de pie ante el trono y el Cordero, con vestiduras blancas y ramas de palma en las manos. Uno de los ancianos dice que han salido de la gran tribulación y han lavado sus vestiduras, dejándolas blancas en la sangre del Cordero.Fuentes: el propio texto bíblico
Notas escritas con ayuda de IA a partir de fuentes abiertas (Theographic Bible Metadata, CC BY-SA 4.0; Easton’s Bible Dictionary, dominio público) y revisadas antes de publicarse.
Créditos y licencia de esta traducción
Biblica® Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi 2017 The Holy Bible in the Shona language of Zimbabwe: Biblica® Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi 2017 copyright © 2005, 2018 Biblica, Inc. Language: chiShona Contributor: Biblica, Inc. Biblica® Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi™ Kopakodzero © 2005, 2018 ne Biblica, Inc. Biblica® Open Shona Contemporary Bible™ Copyright © 2005, 2018 by Biblica, Inc. “Biblica” chiratidzo chekutengeserana chakanyoreswa mu United States uye chiratidzo chehofisi yeBiblica, Inc. Inoshandiswa zviripamutemo. “Biblica” is a trademark registered in the United States Patent and Trademark Office by Biblica, Inc. Used with permission. Creative Commons License Iri basa rinowanikwa pasi peCreative Commons Attribution-ShareAlike 4.0 International License (CC BY-SA). Kuti utarise kopi yeiri rezinesi, shanyira https://creativecommons.org/licenses/by-sa/4.0 kana kutumira tsamba kuCreative Commons, PO Box 1866, Mountain View, CA 94042, USA. Biblica® chiratidzo chinozikanwa chakanyorwa neBiblica, Inc., uye kushandiswa kwechiratidzo cheBiblica® kunoda mvumo yakanyorwa yeBiblica, Inc. Pasi pemitemo ye rizinesi re CC BY-SA, unogona kuteedzera uye kugovera patsva basa iri risina kugadziridzwa bedzi kana uchichengetedza chiratidzo che Biblica®. Kana iwe ukachinja kopi kana kushandura iri basa, nokudaro uchigadzira rimwe basa, unofanira kubvisa chiratidzo cheBiblica®. Pabasa rakatorwa, unofanirwa kuratidza shanduko dzawakaita uye woratidza sezvinotevera: “Basa rekutanga reBiblica, Inc. rinowanikwa mahara pa www.biblica.com uye nepa open.bible.” Cherechedzo yekopakodzero inofanirwa kuoneka pamusoro wenyaya kana peji rekopakodzero sezvinotevera: Biblica® Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi™ Kopakodzero © 2005, 2018 ne Biblica, Inc. Biblica® Open Shona Contemporary Bible™ Copyright © 2005, 2018 by Biblica, Inc. “Biblica” chiratidzo chekutengeserana chakanyoreswa mu United States uye chiratidzo chehofisi yeBiblica, Inc. Inoshandiswa zviripamutemo. “Biblica” is a trademark registered in the United States Patent and Trademark Office by Biblica, Inc. Used with permission. Unofanirwa zvakare kuita kuti basa rawachinja riwanikwe pasi pe rezinesi yakafanana (CC BY-SA). Kana iwe uchida kuzivisa Biblica, Inc. maererano neshanduro yako yebasa iri, taura nesu pa https://open.bible/contact-us . This work is made available under the Creative Commons Attribution-ShareAlike 4.0 International License (CC BY-SA). To view a copy of this license, visit https://creativecommons.org/licenses/by-sa/4.0 or send a letter to Creative Commons, PO Box 1866, Mountain View, CA 94042, USA. Biblica® is a trademark registered by Biblica, Inc., and use of the Biblica® trademark requires the written permission of Biblica, Inc. Under the terms of the CC BY-SA license, you may copy and redistribute this unmodified work as long as you keep the Biblica® trademark intact. If you modify a copy or translate this work, thereby creating a derivative work, you must remove the Biblica® trademark. On the derivative work, you must indicate what changes you have made and attribute the work as follows: “The original work by Biblica, Inc. is available for free at www.biblica.com and open.bible.” Notice of copyright must appear on the title or copyright page of the work as follows: Biblica® Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi™ Kopakodzero © 2005, 2018 ne Biblica, Inc. Biblica® Open Shona Contemporary Bible™ Copyright © 2005, 2018 by Biblica, Inc. “Biblica” chiratidzo chekutengeserana chakanyoreswa mu United States uye chiratidzo chehofisi yeBiblica, Inc. Inoshandiswa zviripamutemo. “Biblica” is a trademark registered in the United States Patent and Trademark Office by Biblica, Inc. Used with permission. You must also make your derivative work available under the same license (CC BY-SA). If you would like to notify Biblica, Inc. regarding your translation of this work, please contact us at https://open.bible/contact-us . This translation is made available to you under the terms of the Creative Commons Attribution Share-Alike license 4.0. You have permission to share and redistribute this Bible translation in any format and to make reasonable revisions and adaptations of this translation, provided that: You include the above copyright and source information. If you make any changes to the text, you must indicate that you did so in a way that makes it clear that the original licensor is not necessarily endorsing your changes. If you redistribute this text, you must distribute your contributions under the same license as the original. Pictures included with Scriptures and other documents on this site are licensed just for use with those Scriptures and documents. For other uses, please contact the respective copyright owners. Note that in addition to the rules above, revising and adapting God's Word involves a great responsibility to be true to God's Word. See Revelation 22:18-19. 2023-04-14
Fuente: http://ebible.org/sna/ · eBible.org