Apocalipsis 6
Biblica® Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi 2017 · Toca un versículo para ver sus referencias cruzadas.
Zvisimbiso
1Ndakatarisa Gwayana paraizarura chimwe chezvisimbiso zvinomwe. Ipapo ndakanzwa chimwe chezvisikwa zvipenyu zvina chichiti nenzwi rainge rokutinhira, “Uya!” 2Ndakatarira, uye ipapo pamberi pangu pakanga pane bhiza jena! Akanga akaritasva akanga akabata uta, uye akapiwa korona, akakwira akabuda somukundi kuti andokunda.
3Gwayana rakati razarura chisimbiso chechipiri, ndakanzwa chisikwa chipenyu chechipiri chichiti, “Uya!” 4Ipapo rimwe bhiza rakabuda, riri dzvuku kwazvo. Mutasvi waro akapiwa simba rokubvisa rugare panyika nokuita kuti vanhu vaurayane. Munondo mukuru wakapiwa kwaari.
5Gwayana rakati razarura chisimbiso chechitatu, ndakanzwa chisikwa chipenyu chechitatu chichiti, “Uya!” Ndakatarira, uye pamberi pangu ipapo pakanga pane bhiza dema! Mutasvi waro akanga akabata zviyero zviviri muruoko rwake. 6Ipapo ndakanzwa kurira kwainge inzwi pakati pezvisikwa zvipenyu zvina richiti, “Chiyero chegorosi ndicho mubayiro webasa rezuva rimwe chete, uye zviyero zvitatu zvebhari ndizvo mubayiro webasa rezuva rimwe chete, uye musakanganisa mafuta newaini!”
7Gwayana rakati razarura chisimbiso chechina, ndakanzwa inzwi rechisikwa chipenyu chechina richiti, “Uya!” 8Ndakatarira, uye ipapo pamberi pangu pakanga pane bhiza rakanga rakacheneruka! Mutasvi waro ainzi Rufu, uye Hadhesi rakanga richimutevera riri pedyo mumashure make. Vakanga vapiwa simba pamusoro pechikamu chechina chenyika kuti vauraye nomunondo, nenzara nedenda, uye nezvikara zvenyika.
9Akati azarura chisimbiso chechishanu, ndakaona pasi pearitari mweya yaavo vakanga vaurayiwa nokuda kweshoko raMwari uye nokuda kwokupupura kwavakanga vaita. 10Vakadanidzira nenzwi guru vachiti, “Ishe Tenzi, mutsvene wezvokwadi, mucharega kutonga vanogara panyika nokutsiva ropa redu kusvikira riniko?” 11Ipapo mumwe nomumwe wavo akapiwa nguo chena, uye vakaudzwa kuti vamirire kwechinguva chiduku, kusvikira kuwanda, kwavamwe varanda pamwe chete navo nehama dzavo avo vaifanira kuurayiwa saivo, kwakwana.
12Ndakatarira paaizarura chisimbiso chechitanhatu. Pakava nokudengenyeka kwenyika kukuru. Zuva rakasviba rikaita senguo dzamasaga dzakaitwa namakushe embudzi, mwedzi wose ukashanduka ukatsvuka seropa, 13uye nyeredzi dzomudenga dzakawira panyika, samaonde eshure azuka kubva mumuonde paunenge wazungunuswa nemhepo ine simba. 14Denga rakabva sebhuku rinopetwa, uye makomo ose nezvitsuwa zvakabviswa panzvimbo dzazvo.
15Ipapo madzimambo enyika, machinda, vatungamiri, vapfumi, vane simba, navaranda vose uye navanhu vakasununguka vakavanda mumapako napakati pamabwe amakomo. 16Vakadanidzira kumakomo nokumabwe vachiti, “Wirai pamusoro pedu uye mutivige kubva kuchiso chaiye anogara pachigaro choushe nepahasha dzeGwayana! 17Nokuti zuva guru rehasha dzavo rasvika, uye ndianiko anogona kumira?”

¿Sabías que…?
La apertura de los seis sellos
- Los primeros cuatro sellos revelan cuatro jinetes sobre caballos blanco, bermejo, negro y pálido, llamados uno a uno por los cuatro seres vivientes. Cada jinete trae una aflicción distinta sobre la tierra, desde la conquista y la pérdida de la paz hasta la escasez generalizada, la peste y la muerte.Fuentes: el propio texto bíblico
- El tercer jinete lleva una balanza, acompañado por una proclamación que fija el precio de una medida de trigo o tres de cebada en un denario, lo que refleja una grave escasez de alimentos básicos mientras el aceite y el vino no sufren daño.Fuentes: el propio texto bíblico
- Al abrirse el quinto y el sexto sello, la visión pasa a las almas de los mártires bajo el altar y luego a enormes conmociones cósmicas y terrestres que impulsan a personas de toda condición social a refugiarse en cuevas y peñascos.Fuentes: el propio texto bíblico
Notas escritas con ayuda de IA a partir de fuentes abiertas (Theographic Bible Metadata, CC BY-SA 4.0; Easton’s Bible Dictionary, dominio público) y revisadas antes de publicarse.
Créditos y licencia de esta traducción
Biblica® Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi 2017 The Holy Bible in the Shona language of Zimbabwe: Biblica® Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi 2017 copyright © 2005, 2018 Biblica, Inc. Language: chiShona Contributor: Biblica, Inc. Biblica® Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi™ Kopakodzero © 2005, 2018 ne Biblica, Inc. Biblica® Open Shona Contemporary Bible™ Copyright © 2005, 2018 by Biblica, Inc. “Biblica” chiratidzo chekutengeserana chakanyoreswa mu United States uye chiratidzo chehofisi yeBiblica, Inc. Inoshandiswa zviripamutemo. “Biblica” is a trademark registered in the United States Patent and Trademark Office by Biblica, Inc. Used with permission. Creative Commons License Iri basa rinowanikwa pasi peCreative Commons Attribution-ShareAlike 4.0 International License (CC BY-SA). Kuti utarise kopi yeiri rezinesi, shanyira https://creativecommons.org/licenses/by-sa/4.0 kana kutumira tsamba kuCreative Commons, PO Box 1866, Mountain View, CA 94042, USA. Biblica® chiratidzo chinozikanwa chakanyorwa neBiblica, Inc., uye kushandiswa kwechiratidzo cheBiblica® kunoda mvumo yakanyorwa yeBiblica, Inc. Pasi pemitemo ye rizinesi re CC BY-SA, unogona kuteedzera uye kugovera patsva basa iri risina kugadziridzwa bedzi kana uchichengetedza chiratidzo che Biblica®. Kana iwe ukachinja kopi kana kushandura iri basa, nokudaro uchigadzira rimwe basa, unofanira kubvisa chiratidzo cheBiblica®. Pabasa rakatorwa, unofanirwa kuratidza shanduko dzawakaita uye woratidza sezvinotevera: “Basa rekutanga reBiblica, Inc. rinowanikwa mahara pa www.biblica.com uye nepa open.bible.” Cherechedzo yekopakodzero inofanirwa kuoneka pamusoro wenyaya kana peji rekopakodzero sezvinotevera: Biblica® Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi™ Kopakodzero © 2005, 2018 ne Biblica, Inc. Biblica® Open Shona Contemporary Bible™ Copyright © 2005, 2018 by Biblica, Inc. “Biblica” chiratidzo chekutengeserana chakanyoreswa mu United States uye chiratidzo chehofisi yeBiblica, Inc. Inoshandiswa zviripamutemo. “Biblica” is a trademark registered in the United States Patent and Trademark Office by Biblica, Inc. Used with permission. Unofanirwa zvakare kuita kuti basa rawachinja riwanikwe pasi pe rezinesi yakafanana (CC BY-SA). Kana iwe uchida kuzivisa Biblica, Inc. maererano neshanduro yako yebasa iri, taura nesu pa https://open.bible/contact-us . This work is made available under the Creative Commons Attribution-ShareAlike 4.0 International License (CC BY-SA). To view a copy of this license, visit https://creativecommons.org/licenses/by-sa/4.0 or send a letter to Creative Commons, PO Box 1866, Mountain View, CA 94042, USA. Biblica® is a trademark registered by Biblica, Inc., and use of the Biblica® trademark requires the written permission of Biblica, Inc. Under the terms of the CC BY-SA license, you may copy and redistribute this unmodified work as long as you keep the Biblica® trademark intact. If you modify a copy or translate this work, thereby creating a derivative work, you must remove the Biblica® trademark. On the derivative work, you must indicate what changes you have made and attribute the work as follows: “The original work by Biblica, Inc. is available for free at www.biblica.com and open.bible.” Notice of copyright must appear on the title or copyright page of the work as follows: Biblica® Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi™ Kopakodzero © 2005, 2018 ne Biblica, Inc. Biblica® Open Shona Contemporary Bible™ Copyright © 2005, 2018 by Biblica, Inc. “Biblica” chiratidzo chekutengeserana chakanyoreswa mu United States uye chiratidzo chehofisi yeBiblica, Inc. Inoshandiswa zviripamutemo. “Biblica” is a trademark registered in the United States Patent and Trademark Office by Biblica, Inc. Used with permission. You must also make your derivative work available under the same license (CC BY-SA). If you would like to notify Biblica, Inc. regarding your translation of this work, please contact us at https://open.bible/contact-us . This translation is made available to you under the terms of the Creative Commons Attribution Share-Alike license 4.0. You have permission to share and redistribute this Bible translation in any format and to make reasonable revisions and adaptations of this translation, provided that: You include the above copyright and source information. If you make any changes to the text, you must indicate that you did so in a way that makes it clear that the original licensor is not necessarily endorsing your changes. If you redistribute this text, you must distribute your contributions under the same license as the original. Pictures included with Scriptures and other documents on this site are licensed just for use with those Scriptures and documents. For other uses, please contact the respective copyright owners. Note that in addition to the rules above, revising and adapting God's Word involves a great responsibility to be true to God's Word. See Revelation 22:18-19. 2023-04-14
Fuente: http://ebible.org/sna/ · eBible.org