Nations Bible

Levítico 7

Biblica® Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi 2017 · Toca un versículo para ver sus referencias cruzadas.

Chipiriso cheMhosva

1“ ‘Iyi ndiyo mirayiro yechipiriso chemhosva chitsvene-tsvene. 2Chipiriso chemhosva chinofanira kubayirwa panzvimbo panobayirwa chipiriso chinopiswa uye ropa racho rinofanira kusaswa paaritari kumativi ose. 3Mafuta acho ose achapiswa sechipiriso, chimuswe chakakora namafuta akafukidza zvomukati, 4itsvo mbiri namafuta ari padziri pedyo nechiuno, uye zvakafukidza chiropa, zvinofanira kubviswa pamwe chete neitsvo. 5Muprista anofanira kuzvipisa paaritari sechipiriso chinoitirwa Jehovha nomoto. Ichi chipiriso chemhosva. 6Munhurume upi zvake weimba yomuprista angachidya, asi chinofanira kudyirwa munzvimbo tsvene; chitsvene-tsvene.

7“ ‘Chipiriso chemhosva chinofanira kuitwa sezvinoitwa nechipiriso chezvivi: ndechomuprista anoyananisira nazvo. 8Muprista anopisa chipiriso chinopiswa chomunhu upi zvake anogona kuzvichengetera dehwe racho. 9Zvipiriso zvose zvezviyo zvinobikwa muchitofu kana zvinobikwa mugango kana muhari ndezvomuprista anozvipa, 10uye zvipiriso zvose zvezviyo zvingava zvakasangana namafuta kana zvakaoma, ndezvavanakomana vaAroni, mumwe nomumwe, zvakamuringana.

Chipiriso choKuwadzana

11“ ‘Iyi ndiyo mirayiro yechipiriso chokuwadzana, chinogona kupiwa nomunhu kuna Jehovha.

12“ ‘Kana akachipa sechiratidzo chokuvonga ipapo pamwe chete nechipiriso chokuvonga ichi, anofanira kupa makeke echingwa chakabikwa chisina mbiriso, chakaiswa mafuta, makeke matete akabikwa pasina mbiriso, akazorwa mafuta, namakeke oupfu hwakatsetseka akanyatsokanywa akaiswa mafuta. 13Pamwe chete nechipiriso chake chokuwadzana chokuvonga anofanira kupa chipiriso chamakeke akabikwa nembiriso. 14Anofanira kuuya nemhando imwe neimwe sechipiriso, chikamu chinopiwa kuna Jehovha; ndezvomuprista anosasa ropa nezvipiriso zvokuwadzana. 15Nyama yechipiriso chake chokuwadzana chokuvonga inofanira kudyiwa musi wainopiwa. Haafaniri kusiya imwe kusvikira mangwanani.

16“ ‘Kana chipiriso chake chiri chemhiko kana kuti chiri chipiriso chokungopawo, chibayiro ichocho chichadyiwa musi wachinopiwa, asi chinhu chose chinosara chinogona kudyiwa musi unotevera. 17Nyama yose yechibayiro inosara kusvikira zuva rechitatu inofanira kupiswa. 18Kana nyama yechipiriso chokuwadzana ikadyiwa nomusi wechitatu haizogamuchirwi. Hazvigamuchirwi panzvimbo yomunhu anenge azvipa nokuti hazvina kuchena, munhu achadya chikamu chipi chazvo achava nemhosva yacho.

19“ ‘Nyama inogunzva chisina kucheneswa haifaniri kudyiwa, inofanira kupiswa. Kana iri imwe nyama, munhu wose akacheneswa anogona kuidya. 20Asi kana munhu asina kuchena akadya nyama iyi yokuwadzana yaJehovha, munhu iyeye anofanira kubviswa pakati pavanhu vokwake. 21Kana munhu akabata chinhu chisina kuchena, kunyange kusachena kwavanhu, kana mhuka isina kuchena, kana chose chisina kuchena, chinhu chinonyangadza, uye akazodya nyama ipi yechipiriso chokuwadzana chaJehovha, munhu iyeye anofanira kubviswa pakati pavanhu vokwake.’ ”

Kudya mafuta neropa zvinorambidzwa

22Jehovha akati kuna Mozisi, 23“Uti kuvana veIsraeri, ‘Musadya mafuta api zvawo emombe, makwai kana mbudzi. 24Mafuta echipfuwo chinenge chawanikwa chakafa kana chabvamburwa nezvikara zvesango anogona kushandiswa pana mamwe mabasa asi hamufaniri kuadya. 25Munhu wose anodya mafuta emhuka inoitwa nayo chipiriso chinoitirwa Jehovha nomoto anofanira kubviswa pakati pavanhu vokwake. 26Kwose kwose kwamunogara hamufaniri kudya ropa reshiri kana mhuka ipi zvayo. 27Kana munhu upi zvake akadya ropa, munhu iyeye anofanira kubviswa pakati pavanhu vokwake.’ ”

Mugove waVaprista

28Jehovha akati kuna Mozisi, 29“Uti kuvana veIsraeri, ‘Munhu wose anouya nechipiriso chokuwadzana kuna Jehovha anofanira kuuya nechikamu chacho sechibayiro kuna Jehovha. 30Namaoko ake anofanira kuuya nechipiriso chinoitirwa Jehovha nomoto, anofanira kuuya namafuta pamwe chete nechityu, agoninira chityu kuna Jehovha sechipiriso chokuninira. 31Muprista achapisa mafuta paaritari, asi chityu ndechaAroni navanakomana vake. 32Munofanira kupa bandauko rorudyi pazvipiriso zvenyu zvokuwadzana kumuprista somugove wakewo. 33Mwanakomana waAroni anopa ropa namafuta echipiriso chokuwadzana achatora bandauko rokurudyi somugove wake. 34Kubva kuzvipiriso zvokuwadzana zvavana veIsraeri ndatora chityu chinoninirwa nebandauko rinouyiswa ndikazvipa kuna Aroni muprista navanakomana vake somugove wavo wavanofanira kugara vachiwana kubva kuvaIsraeri.’ ”

35Uyu ndiwo mugove wezvibayiro zvinoitirwa Jehovha nomoto zvakapiwa kuna Aroni navanakomana vake pazuva ravakagadzwa kuti vashumire Jehovha savaprista. 36Pazuva ravakazodzwa, Jehovha akarayira kuti vaIsraeri vape izvi kwavari somugove wavanofanira kugara vachiwana kuzvizvarwa zvichatevera.

37Zvino iyi ndiyo mirayiro yezvipiriso zvinopiswa, chipiriso chezviyo, chipiriso chechivi, chipiriso chemhosva, chipiriso chokugadzwa nechipiriso chokuwadzana, 38zvakapiwa Mozisi naJehovha paGomo reSinai pazuva raakarayira vaIsraeri kuti vauye nezvipiriso kuna Jehovha muGwenga reSinai.

Ilustración artística: una interpretación, no un registro histórico.

¿Sabías que…?

Porciones de los Sacrificios e Instrucciones

  • Las leyes sobre los sacrificios detallaban porciones específicas reservadas para el sustento de los sacerdotes, incluidas las pieles de los holocaustos, ciertas ofrendas de grano y el pecho y el muslo derecho de las ofrendas de paz entregadas a Aarón y a sus descendientes.Fuentes: el propio texto bíblico · Aaron
  • A los israelitas se les prohibía estrictamente comer la grasa de los animales de ofrenda (bueyes, ovejas y cabras), así como la sangre de cualquier ave o animal, bajo pena de ser cortados de su pueblo.Fuentes: el propio texto bíblico
  • Levítico 7 concluye una sección principal de leyes rituales señalando que el Señor entregó estas instrucciones sobre las diversas ofrendas a Moisés en el monte Sinaí, mientras la comunidad estaba acampada en el desierto de Sinaí.Fuentes: el propio texto bíblico · Sinai · Moses

Notas escritas con ayuda de IA a partir de fuentes abiertas (Theographic Bible Metadata, CC BY-SA 4.0; Easton’s Bible Dictionary, dominio público) y revisadas antes de publicarse.

Lugares de este capítulo

  • Wilderness of Sinai · Hoy: about 50 km around Jebel Musa · 28.540, 33.973 · versículo 38

Solo aparecen lugares identificados con alta confianza (90 % o más según las fuentes académicas reunidas por OpenBible). Mapa de la época: DARE (Digital Atlas of the Roman Empire), CC BY 4.0; mapa actual: © colaboradores de OpenStreetMap; lugares: OpenBible.info (CC BY 4.0).

Créditos y licencia de esta traducción
Biblica® Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi 2017
The Holy Bible in the Shona language of Zimbabwe: Biblica® Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi 2017
copyright © 2005, 2018 Biblica, Inc.
Language: chiShona
Contributor: Biblica, Inc.
Biblica® Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi™
Kopakodzero © 2005, 2018 ne Biblica, Inc.
Biblica® Open Shona Contemporary Bible™
Copyright © 2005, 2018 by Biblica, Inc.
“Biblica” chiratidzo chekutengeserana chakanyoreswa mu United States uye chiratidzo chehofisi yeBiblica, Inc. Inoshandiswa zviripamutemo.
“Biblica” is a trademark registered in the United States Patent and Trademark Office by Biblica, Inc. Used with permission.
Creative Commons License
Iri basa rinowanikwa pasi peCreative Commons Attribution-ShareAlike 4.0 International License (CC BY-SA). Kuti utarise kopi yeiri rezinesi, shanyira https://creativecommons.org/licenses/by-sa/4.0 kana kutumira tsamba kuCreative Commons, PO Box 1866, Mountain View, CA 94042, USA.
Biblica® chiratidzo chinozikanwa chakanyorwa neBiblica, Inc., uye kushandiswa kwechiratidzo cheBiblica® kunoda mvumo yakanyorwa yeBiblica, Inc. Pasi pemitemo ye rizinesi re CC BY-SA, unogona kuteedzera uye kugovera patsva basa iri risina kugadziridzwa bedzi kana uchichengetedza chiratidzo che Biblica®. Kana iwe ukachinja kopi kana kushandura iri basa, nokudaro uchigadzira rimwe basa, unofanira kubvisa chiratidzo cheBiblica®. Pabasa rakatorwa, unofanirwa kuratidza shanduko dzawakaita uye woratidza sezvinotevera: “Basa rekutanga reBiblica, Inc. rinowanikwa mahara pa www.biblica.com uye nepa open.bible.”
‪
Cherechedzo yekopakodzero inofanirwa kuoneka pamusoro wenyaya kana peji rekopakodzero sezvinotevera:
Biblica® Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi™
Kopakodzero © 2005, 2018 ne Biblica, Inc.
Biblica® Open Shona Contemporary Bible™
Copyright © 2005, 2018 by Biblica, Inc.
“Biblica” chiratidzo chekutengeserana chakanyoreswa mu United States uye chiratidzo chehofisi yeBiblica, Inc. Inoshandiswa zviripamutemo.
“Biblica” is a trademark registered in the United States Patent and Trademark Office by Biblica, Inc. Used with permission.
Unofanirwa zvakare kuita kuti basa rawachinja riwanikwe pasi pe rezinesi yakafanana (CC BY-SA).
Kana iwe uchida kuzivisa Biblica, Inc. maererano neshanduro yako yebasa iri, taura nesu pa https://open.bible/contact-us .
This work is made available under the Creative Commons Attribution-ShareAlike 4‪.0 International License (CC BY-SA). To view a copy of this license, visit https://creativecommons.org/licenses/by-sa/4‪.0 or send a letter to Creative Commons, PO Box 1866, Mountain View, CA 94042, USA.
Biblica® is a trademark registered by Biblica, Inc., and use of the Biblica® trademark requires the written permission of Biblica, Inc. Under the terms of the CC BY-SA license, you may copy and redistribute this unmodified work as long as you keep the Biblica® trademark intact. If you modify a copy or translate this work, thereby creating a derivative work, you must remove the Biblica® trademark. On the derivative work, you must indicate what changes you have made and attribute the work as follows: “The original work by Biblica, Inc. is available for free at www.biblica.com and open.bible.”
‪
Notice of copyright must appear on the title or copyright page of the work as follows:
Biblica® Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi™
Kopakodzero © 2005, 2018 ne Biblica, Inc.
Biblica® Open Shona Contemporary Bible™
Copyright © 2005, 2018 by Biblica, Inc.
“Biblica” chiratidzo chekutengeserana chakanyoreswa mu United States uye chiratidzo chehofisi yeBiblica, Inc. Inoshandiswa zviripamutemo.
“Biblica” is a trademark registered in the United States Patent and Trademark Office by Biblica, Inc. Used with permission.
You must also make your derivative work available under the same license (CC BY-SA).
‪If you would like to notify Biblica, Inc. regarding your translation of this work, please contact us at https://open.bible/contact-us .
This translation is made available to you under the terms of the
Creative Commons Attribution Share-Alike license 4.0.
You have permission to share and redistribute this Bible translation in any format and to make reasonable revisions and adaptations of this translation, provided that:
You include the above copyright and source information.
If you make any changes to the text, you must indicate that you did so in a way that makes it clear that the original licensor is not necessarily endorsing your changes.
If you redistribute this text, you must distribute your contributions under the same license as the original.
Pictures included with Scriptures and other documents on this site are licensed just for use with those Scriptures and documents.
For other uses, please contact the respective copyright owners.
Note that in addition to the rules above, revising and adapting God's Word involves a great responsibility to be true to God's Word. See Revelation 22:18-19.
2023-04-14

Fuente: http://ebible.org/sna/ · eBible.org

Habla con nosotros

Cuéntanos desde dónde lees, cómo te ha ayudado la Biblia o qué podemos mejorar. Leemos todos los mensajes.