Levítico 6
Biblica® Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi 2017 · Toca un versículo para ver sus referencias cruzadas.
1Jehovha akati kuna Mozisi, 2“Kana mumwe akatadza uye akasavimbika kuna Jehovha nokunyengedza muvakidzani wake pazvinhu zvaakachengeteswa, kana zvaakabatiswa kana zvakabiwa, kana kuti akamubiridzira, 3kana kuti akawana nhumbi dzakarasika akareva nhema pamusoro padzo, kana kuti akapika nhema kana kuti akaita chivi chipi zvacho chingaitwa navanhu, 4kana akatadza kudaro akava nemhosva, anofanira kudzosa zvaakaba kana zvaakatora nokumanikidza, kana kuti zvaakachengeteswa kana kuti zvakarasika zvaakawana, 5kana kuti chipi zvacho chaakapupura nhema pamusoro pacho. Anofanira kudzorera zvakazara owedzera chikamu chimwe chete kubva muzvishanu pazviri agopa zvose kumuridzi pazuva raanouya nechipiriso chemhosva. 6Somuripo anofanira kuuyisa kumuprista, ndiko kuti kuna Jehovha, chipiriso chake chemhosva chegondobwe, kubva mumakwai, risina kuremara uye rine mutengo unokwanirana. 7Nenzira iyi muprista achamuyananisira pamberi paJehovha uye acharegererwa pane zvose zvaakaita zvakamuita kuti ave nemhosva.”
Chipiriso Chinopiswa
8Jehovha akati kuna Mozisi, 9“Ipa Aroni navanakomana vake murayiro uyu uti, ‘Iyi ndiyo mirayiro yechipiriso chinopiswa: Chipiriso chinopiswa chinofanira kuramba chiri pachoto paaritari usiku hwose, kusvikira mangwanani, uye moto unofanira kuramba uchibvira paaritari. 10Ipapo muprista achapfeka hanzu dzake dzomucheka, nebhurukwa rake romucheka pamuviri wake, uye achabvisa madota echipiriso chinopiswa nomoto paaritari agoaisa parutivi pearitari. 11Ipapo anofanira kubvisa nguo idzi ogopfeka dzimwe, uye ogotakura madota aya agoenda nawo kunze kwomusasa kunzvimbo yakacheneswa. 12Moto uri paaritari unofanira kuramba uchibvira, haufaniri kudzima. Mangwanani oga oga muprista anofanira kuwedzera huni agoronga chipiriso chinopiswa pamoto, agopisa mafuta ezvipiriso zvokuwadzana pairi. 13Moto unofanira kuramba uchibvira paaritari nguva dzose; uye haufaniri kudzima.
Chipiriso cheZviyo
14“ ‘Iyi ndiyo mirayiro yechipiriso chezviyo: Vanakomana vaAroni vanofanira kuuya nacho pamberi paJehovha, pamberi pearitari. 15Muprista anofanira kutora tsama youpfu hwakatsetseka namafuta, pamwe chete nezvinonhuhwira zvose pachipiriso chezviyo agopisa chikamu chechirangaridzo paaritari sezvinonhuhwira zvinofadza kuna Jehovha. 16Aroni navanakomana vake vachadya zvinosara zvacho, asi zvinofanira kudyiwa zvisina mbiriso panzvimbo tsvene, vanofanira kuzvidyira muchivanze cheTende Rokusangana. 17Hazvifaniri kubikwa nembiriso, ndazvipa kwavari sechikamu chezvibayiro zvinoitwa kwandiri nomoto. Sechipiriso chezvivi nechipiriso chemhosva, zvitsvene-tsvene. 18Munhurume wose wechizvarwa chaAroni anogona kuzvidya. Chikamu chake chaanofanira kugara achiwana pazvipiriso zvinopiwa kuna Jehovha nomoto kuzvizvarwa zvichatevera. Munhu wose achabata izvi achava mutsvene.’ ”
19Uye Jehovha akati kuna Mozisi, 20“Ichi ndicho chibayiro chaAroni navanakomana vake chavanofanira kuuyisa kuna Jehovha pazuva raanozodzwa: chegumi cheefa youpfu hwakatsetseka sechipiriso chezviyo chamazuva ose, hafu yacho mangwanani neimwe hafu manheru. 21Zvibikei namafuta mugango. Muuye nazvo zvakasanganiswa zvakanaka, mugouya nechipiriso chezviyo chakamedurwa-medurwa sezvinonhuhwira zvinofadza kuna Jehovha. 22Mwanakomana achamutevera somuprista akazodzwa achazvigadzira. Chikamu chamazuva ose chaJehovha uye chinofanira kupiswa chose. 23Zvose zvipiriso zvezviyo zvomuprista zvichapiswa chose, hazvifaniri kudyiwa.”
Chipiriso cheChivi
24Jehovha akati kuna Mozisi, 25“Uti kuna Aroni navanakomana vake, ‘Iyi ndiyo mirayiro yechipiriso chechivi. Chipiriso chechivi chinofanira kubayiwa pamberi paJehovha panzvimbo inobayirwa chipiriso chinopiswa; chitsvene-tsvene. 26Muprista anopa izvozvo achazvidya; zvinofanira kudyirwa panzvimbo tsvene muchivanze cheTende Rokusangana. 27Chose chinogunzva nyama chichava chitsvene, uye kana rimwe ropa rikawira panguo, unofanira kuisukira panzvimbo tsvene. 28Hari yevhu inobikirwa nyama inofanira kuputswa; asi kana zvikabikwa mupoto yendarira, poto inofanira kukweshwa igosukurudzwa nemvura. 29Murume wose ari mumhuri yomuprista anogona kuidya; itsvene-tsvene. 30Asi chipiriso chechivi, chipi nechipi chine ropa richauyiswa muTende Rokusangana kuti rizoyananisira muNzvimbo Tsvene, hachifaniri kudyiwa; chinofanira kupiswa.

¿Sabías que…?
Deberes Sacerdotales y el Fuego Continuo del Altar
- Para las faltas que implicaban robo, extorsión o falso juramento sobre bienes perdidos, la ley exigía la restitución total más una quinta parte del valor pagada al legítimo dueño antes de que el infractor pudiera presentar un carnero como ofrenda por la culpa.Fuentes: el propio texto bíblico
- Se ordenó a los sacerdotes mantener el fuego del altar ardiendo continuamente día y noche sin permitir que se apagara. Cada mañana, un sacerdote vestido con vestiduras de lino colocaba leña fresca en el altar y retiraba las cenizas para llevarlas fuera del campamento.Fuentes: el propio texto bíblico
- Debido a que la ofrenda por el pecado era considerada santísima, normas estrictas regulaban las vasijas usadas para prepararla: las vasijas de barro utilizadas para hervir la carne debían romperse, mientras que las de bronce podían fregarse y enjuagarse con agua.Fuentes: el propio texto bíblico
Notas escritas con ayuda de IA a partir de fuentes abiertas (Theographic Bible Metadata, CC BY-SA 4.0; Easton’s Bible Dictionary, dominio público) y revisadas antes de publicarse.
Créditos y licencia de esta traducción
Biblica® Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi 2017 The Holy Bible in the Shona language of Zimbabwe: Biblica® Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi 2017 copyright © 2005, 2018 Biblica, Inc. Language: chiShona Contributor: Biblica, Inc. Biblica® Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi™ Kopakodzero © 2005, 2018 ne Biblica, Inc. Biblica® Open Shona Contemporary Bible™ Copyright © 2005, 2018 by Biblica, Inc. “Biblica” chiratidzo chekutengeserana chakanyoreswa mu United States uye chiratidzo chehofisi yeBiblica, Inc. Inoshandiswa zviripamutemo. “Biblica” is a trademark registered in the United States Patent and Trademark Office by Biblica, Inc. Used with permission. Creative Commons License Iri basa rinowanikwa pasi peCreative Commons Attribution-ShareAlike 4.0 International License (CC BY-SA). Kuti utarise kopi yeiri rezinesi, shanyira https://creativecommons.org/licenses/by-sa/4.0 kana kutumira tsamba kuCreative Commons, PO Box 1866, Mountain View, CA 94042, USA. Biblica® chiratidzo chinozikanwa chakanyorwa neBiblica, Inc., uye kushandiswa kwechiratidzo cheBiblica® kunoda mvumo yakanyorwa yeBiblica, Inc. Pasi pemitemo ye rizinesi re CC BY-SA, unogona kuteedzera uye kugovera patsva basa iri risina kugadziridzwa bedzi kana uchichengetedza chiratidzo che Biblica®. Kana iwe ukachinja kopi kana kushandura iri basa, nokudaro uchigadzira rimwe basa, unofanira kubvisa chiratidzo cheBiblica®. Pabasa rakatorwa, unofanirwa kuratidza shanduko dzawakaita uye woratidza sezvinotevera: “Basa rekutanga reBiblica, Inc. rinowanikwa mahara pa www.biblica.com uye nepa open.bible.” Cherechedzo yekopakodzero inofanirwa kuoneka pamusoro wenyaya kana peji rekopakodzero sezvinotevera: Biblica® Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi™ Kopakodzero © 2005, 2018 ne Biblica, Inc. Biblica® Open Shona Contemporary Bible™ Copyright © 2005, 2018 by Biblica, Inc. “Biblica” chiratidzo chekutengeserana chakanyoreswa mu United States uye chiratidzo chehofisi yeBiblica, Inc. Inoshandiswa zviripamutemo. “Biblica” is a trademark registered in the United States Patent and Trademark Office by Biblica, Inc. Used with permission. Unofanirwa zvakare kuita kuti basa rawachinja riwanikwe pasi pe rezinesi yakafanana (CC BY-SA). Kana iwe uchida kuzivisa Biblica, Inc. maererano neshanduro yako yebasa iri, taura nesu pa https://open.bible/contact-us . This work is made available under the Creative Commons Attribution-ShareAlike 4.0 International License (CC BY-SA). To view a copy of this license, visit https://creativecommons.org/licenses/by-sa/4.0 or send a letter to Creative Commons, PO Box 1866, Mountain View, CA 94042, USA. Biblica® is a trademark registered by Biblica, Inc., and use of the Biblica® trademark requires the written permission of Biblica, Inc. Under the terms of the CC BY-SA license, you may copy and redistribute this unmodified work as long as you keep the Biblica® trademark intact. If you modify a copy or translate this work, thereby creating a derivative work, you must remove the Biblica® trademark. On the derivative work, you must indicate what changes you have made and attribute the work as follows: “The original work by Biblica, Inc. is available for free at www.biblica.com and open.bible.” Notice of copyright must appear on the title or copyright page of the work as follows: Biblica® Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi™ Kopakodzero © 2005, 2018 ne Biblica, Inc. Biblica® Open Shona Contemporary Bible™ Copyright © 2005, 2018 by Biblica, Inc. “Biblica” chiratidzo chekutengeserana chakanyoreswa mu United States uye chiratidzo chehofisi yeBiblica, Inc. Inoshandiswa zviripamutemo. “Biblica” is a trademark registered in the United States Patent and Trademark Office by Biblica, Inc. Used with permission. You must also make your derivative work available under the same license (CC BY-SA). If you would like to notify Biblica, Inc. regarding your translation of this work, please contact us at https://open.bible/contact-us . This translation is made available to you under the terms of the Creative Commons Attribution Share-Alike license 4.0. You have permission to share and redistribute this Bible translation in any format and to make reasonable revisions and adaptations of this translation, provided that: You include the above copyright and source information. If you make any changes to the text, you must indicate that you did so in a way that makes it clear that the original licensor is not necessarily endorsing your changes. If you redistribute this text, you must distribute your contributions under the same license as the original. Pictures included with Scriptures and other documents on this site are licensed just for use with those Scriptures and documents. For other uses, please contact the respective copyright owners. Note that in addition to the rules above, revising and adapting God's Word involves a great responsibility to be true to God's Word. See Revelation 22:18-19. 2023-04-14
Fuente: http://ebible.org/sna/ · eBible.org