Nations Bible

Levítico 26

Biblica® Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi 2017 · Toca un versículo para ver sus referencias cruzadas.

Mubayiro woKuteerera

1“ ‘Musaita zvifananidzo kana kumisa chifananidzo kana ibwe rinoyera kwamuri, uye musaisa dombo rakavezwa munyika yenyu kuti mukotamire pamberi paro. Ndini Jehovha Mwari wenyu.

2“ ‘Chengetai maSabata angu uye muremekedze nzvimbo yangu tsvene. Ndini Jehovha.

3“ ‘Kana mukatevera mitemo yangu uye mukachenjerera kuti muteerere mirayiro yangu, 4ndichakutumirai mvura nenguva yayo, uye ivhu richabereka zvirimwa zvaro uye miti yesango ichabereka michero yayo. 5Kupura kwenyu kuchasvika pakukohwa mazambiringa uye kukohwa mazambiringa kuchasvika pakudyara, uye muchadya zvose zvamunoda uye mugogara makachengetedzeka munyika menyu.

6“ ‘Ndichapa rugare panyika, uye muchavata pasi pasina achakuvhundutsai. Ndichabvisa zvikara zvesango panyika, uye munondo haungazopfuuri nomunyika yenyu. 7Muchadzinganisa vavengi venyu, uye vachawa nomunondo pamberi penyu. 8Vashanu venyu vachadzinganisa zana, uye zana renyu richadzinganisa zviuru gumi uye vavengi venyu vachawa nomunondo pamberi penyu.

9“ ‘Ndichakutarisai nenyasha uye ndichaita kuti muve nezvibereko uye muwande, uye ndichachengeta sungano yangu nemi. 10Muchange muchiri kudya gohwo regore rakapera pamuchazobvisa kuti muise zvitsva. 11Ndichadzika tabhenakeri yangu pakati penyu uye handizokusemai. 12Ndichafamba pakati penyu ndigova Mwari wenyu, uye muchava vanhu vangu. 13Ndini Jehovha Mwari wenyu, ndakakubudisai kubva munyika yeIjipiti kuti musazova varanda kuvaIjipita zvakare, ndakatyora matanda ejoko renyu ndikakufambisai makati twi.

Chirango choKusateerera

14“ ‘Asi kana mukasanditeerera uye mukasaita zvose izvi zvandinorayira, 15uye mukaramba mitemo yangu, mukasema mirayiro yangu, mukatadza kuzadzisa zvose zvandakarayira, saizvozvo mukaputsa sungano yangu, 16ipapo ndichaita izvi kwamuri: Ndichauyisa pamusoro penyu zvinotyisa, zvirwere zvinoparadza nedenda richaparadza meso enyu, uye rigokusvetai upenyu hwenyu. Muchadyarira zviyo zvenyu pasina nokuti vavengi venyu vachazvidya. 17Chiso changu chichanangana nemi zvokuti muchakundwa navavengi venyu. Avo vanokuvengai vachakutongai, uye muchatiza kunyange pasina anokudzinganisai.

18“ ‘Kana mukasanditeerera mushure maizvozvi zvose, ndichakurangai kakapetwa kanomwe nokuda kwezvivi zvenyu. 19Ndichaputsa kuzvikudza kwenyu ndigoita kuti denga renyu rive sesimbi, uye ivhu riri pasi penyu sendarira. 20Simba renyu richaperera pasina nokuti ivhu renyu harizobereki zvibereko, kana miti yenyika yenyu, michero yayo.

21“ ‘Kana mukaramba muchirwisana neni uye mukaramba kunditeerera, ndichawedzera matambudziko enyu zvakapetwa kanomwe, sezvakafanira zvivi zvenyu. 22Ndichatuma zvikara zvesango kuti zvizokurwisai, uye zvichakutorerai vana venyu, zvigoparadza mombe dzenyu zvigokuitai vashoma zvokuti nzira dzenyu dzichasara dzisina vanhu.

23“ ‘Ipapo kana musingadi kudzorwa neni pazvinhu izvi, asi mukaramba muchirwisana neni, 24ini pachangu ndicharwisana nemi, uye ndichakurangai kakapetwa kanomwe nokuda kwezvivi zvenyu. 25Uye ndichauyisa munondo wehondo pamusoro penyu kuti unditsivire kuputswa kwesungano. Kana mukatizira mumaguta enyu ndichatumira denda pakati penyu, uye muchaiswa mumaoko avavengi. 26Kana ndikamisa mugove wenyu wechingwa, vakadzi gumi vachagona kubika chingwa chenyu pachoto chimwe chete, uye vachakanya chingwa chenyu zviri pamwero. Muchadya, asi hamungaguti.

27“ ‘Mushure maizvozvi, mukaramba musinganditeereri asi mukaramba muchienderera mberi nokundirwisa, 28ipapo mukutsamwa kwangu ndicharwisana nemi, uye ini pachangu ndichakurangai nokuda kwezvivi zvenyu kakapetwa kanomwe. 29Muchadya nyama yavanakomana venyu nenyama yavanasikana venyu. 30Ndichaparadza nzvimbo dzenyu dzakakwirira, ndigotemera pasi aritari dzenyu dzezvinonhuhwira uye ndigounganidza zvitunha zvenyu pamusoro pavamwari venyu vasina upenyu, uye ndichakusemai. 31Ndichaita kuti maguta enyu ave matongo uye ndigoparadza nzvimbo dzenyu tsvene, uye handizofariri munhuwi unonhuhwira zvinofadza wezvipiriso zvenyu. 32Ndichaparadza nyika yenyu, zvokuti vavengi venyu vanogaramo vachashamiswa. 33Ndichakuparadzirai pakati pendudzi uye ndichabudisa munondo wangu ndigokudzingirirai. Nyika yenyu ichaparara, uye maguta enyu achava matongo. 34Ipapo nyika ichafarira makore ayo esabata panguva yose yokuparadzwa kwayo pamunenge muri munyika yavavengi venyu; ipapo nyika ichazorora igofadzwa namasabata ayo. 35Panguva yose yokuparadzwa kwayo nyika ichava nezororo rayakashayiwa pamasabata panguva yamakararama mairi.

36“ ‘Kana vari vamwe venyu vanosara, ndichaita kuti hana dzavo dzizare nokutya munyika dzavavengi vavo zvokuti kurira kweshizha rinopeperetswa nemhepo kuchaita kuti vatize. Vachamhanya vachiwirana sokunge vari kutiza munondo, vachawa kunyange pasina ari kuvadzinganisa. 37Vachabonderana sokunge vanotiza munondo, kunyange pasina anovadzinganisa. Saka hamuzogoni kumira pamberi pavavengi venyu. 38Muchaparara pakati pendudzi; nyika yavavengi venyu ichakuparadzai. 39Avo pakati penyu vachasara, vachaonda munyika dzavavengi vavo nokuda kwezvivi zvavo; uye vachaonda nokuda kwezvivi zvamadzibaba avo.

40“ ‘Asi kana vakareurura zvivi zvavo nezvivi zvamadzibaba avo, kundimukira kwavo noruvengo rwavo kwandiri, 41zvakaita kuti ndivarwise kusvikira ndavaendesa kunyika yavavengi vavo, ipapo kana mwoyo yavo isina kudzingiswa yaninipiswa, varipira zvivi zvavo, 42ndicharangarira sungano yangu naJakobho nesungano yangu naIsaka uye nesungano yangu naAbhurahama; uye ndicharangarira nyika iyi. 43Nokuti nyika yavachasiya icharamba ichifarira masabata ayo kunyange yaparadzwa saizvozvo vasimo. Vacharipira zvivi zvavo nokuti vakaramba mirayiro yangu vakasema mitemo yangu. 44Asi kunyange zvakadaro, kana vari munyika yavavengi vavo, handizovarambi kana kuvasema kuti ndivaparadze zvachose, ndichiputsa sungano yangu navo. Ndini Jehovha Mwari wavo. 45Asi nokuda kwavo ndicharangarira sungano yandakaita namadzitateguru avo vandakabudisa kubva muIjipiti pamberi pendudzi dzose kuti ndive Mwari wavo. Ndini Jehovha.’ ”

46Iyi ndiyo mitemo, mirayiro nezvakatemwa zvakamiswa naJehovha pagomo reSinai pakati pake navaIsraeri kubudikidza naMozisi.

Ilustración artística: una interpretación, no un registro histórico.

¿Sabías que…?

Bendiciones, advertencias y el pacto en el Sinaí

  • Las leyes y decretos que concluyen esta sección fueron establecidos entre el SEÑOR y los israelitas mediante Moisés mientras estaban acampados en el monte Sinaí. Estas estipulaciones presentaban bendiciones concretas por la obediencia, como abundancia agrícola y paz, junto con consecuencias disciplinarias progresivas por quebrantar el pacto.Fuentes: el propio texto bíblico · Mount Sinai · Moses
  • Las advertencias de este capítulo relacionan la observancia de las leyes sabáticas directamente con el suelo. Si el pueblo no concedía a la tierra el descanso requerido, el texto advierte que la conquista extranjera y el exilio dejarían los campos desolados, permitiendo que la tierra finalmente disfrutara de sus sábados no observados.Fuentes: el propio texto bíblico
  • Incluso en caso de castigos severos y dispersión entre naciones enemigas, el pasaje promete que el arrepentimiento llevará a Dios a recordar su pacto con Abraham, Isaac y Jacob. El pacto no se rompería de forma definitiva porque Dios mantiene su fidelidad a las promesas hechas a los patriarcas.Fuentes: el propio texto bíblico · Abraham · Isaac · Jacob (Israel)

Notas escritas con ayuda de IA a partir de fuentes abiertas (Theographic Bible Metadata, CC BY-SA 4.0; Easton’s Bible Dictionary, dominio público) y revisadas antes de publicarse.

Lugares de este capítulo

  • Egypt · 30.129, 31.308 · versículos 13, 45

Solo aparecen lugares identificados con alta confianza (90 % o más según las fuentes académicas reunidas por OpenBible). Mapa de la época: DARE (Digital Atlas of the Roman Empire), CC BY 4.0; mapa actual: © colaboradores de OpenStreetMap; lugares: OpenBible.info (CC BY 4.0).

Créditos y licencia de esta traducción
Biblica® Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi 2017
The Holy Bible in the Shona language of Zimbabwe: Biblica® Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi 2017
copyright © 2005, 2018 Biblica, Inc.
Language: chiShona
Contributor: Biblica, Inc.
Biblica® Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi™
Kopakodzero © 2005, 2018 ne Biblica, Inc.
Biblica® Open Shona Contemporary Bible™
Copyright © 2005, 2018 by Biblica, Inc.
“Biblica” chiratidzo chekutengeserana chakanyoreswa mu United States uye chiratidzo chehofisi yeBiblica, Inc. Inoshandiswa zviripamutemo.
“Biblica” is a trademark registered in the United States Patent and Trademark Office by Biblica, Inc. Used with permission.
Creative Commons License
Iri basa rinowanikwa pasi peCreative Commons Attribution-ShareAlike 4.0 International License (CC BY-SA). Kuti utarise kopi yeiri rezinesi, shanyira https://creativecommons.org/licenses/by-sa/4.0 kana kutumira tsamba kuCreative Commons, PO Box 1866, Mountain View, CA 94042, USA.
Biblica® chiratidzo chinozikanwa chakanyorwa neBiblica, Inc., uye kushandiswa kwechiratidzo cheBiblica® kunoda mvumo yakanyorwa yeBiblica, Inc. Pasi pemitemo ye rizinesi re CC BY-SA, unogona kuteedzera uye kugovera patsva basa iri risina kugadziridzwa bedzi kana uchichengetedza chiratidzo che Biblica®. Kana iwe ukachinja kopi kana kushandura iri basa, nokudaro uchigadzira rimwe basa, unofanira kubvisa chiratidzo cheBiblica®. Pabasa rakatorwa, unofanirwa kuratidza shanduko dzawakaita uye woratidza sezvinotevera: “Basa rekutanga reBiblica, Inc. rinowanikwa mahara pa www.biblica.com uye nepa open.bible.”
‪
Cherechedzo yekopakodzero inofanirwa kuoneka pamusoro wenyaya kana peji rekopakodzero sezvinotevera:
Biblica® Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi™
Kopakodzero © 2005, 2018 ne Biblica, Inc.
Biblica® Open Shona Contemporary Bible™
Copyright © 2005, 2018 by Biblica, Inc.
“Biblica” chiratidzo chekutengeserana chakanyoreswa mu United States uye chiratidzo chehofisi yeBiblica, Inc. Inoshandiswa zviripamutemo.
“Biblica” is a trademark registered in the United States Patent and Trademark Office by Biblica, Inc. Used with permission.
Unofanirwa zvakare kuita kuti basa rawachinja riwanikwe pasi pe rezinesi yakafanana (CC BY-SA).
Kana iwe uchida kuzivisa Biblica, Inc. maererano neshanduro yako yebasa iri, taura nesu pa https://open.bible/contact-us .
This work is made available under the Creative Commons Attribution-ShareAlike 4‪.0 International License (CC BY-SA). To view a copy of this license, visit https://creativecommons.org/licenses/by-sa/4‪.0 or send a letter to Creative Commons, PO Box 1866, Mountain View, CA 94042, USA.
Biblica® is a trademark registered by Biblica, Inc., and use of the Biblica® trademark requires the written permission of Biblica, Inc. Under the terms of the CC BY-SA license, you may copy and redistribute this unmodified work as long as you keep the Biblica® trademark intact. If you modify a copy or translate this work, thereby creating a derivative work, you must remove the Biblica® trademark. On the derivative work, you must indicate what changes you have made and attribute the work as follows: “The original work by Biblica, Inc. is available for free at www.biblica.com and open.bible.”
‪
Notice of copyright must appear on the title or copyright page of the work as follows:
Biblica® Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi™
Kopakodzero © 2005, 2018 ne Biblica, Inc.
Biblica® Open Shona Contemporary Bible™
Copyright © 2005, 2018 by Biblica, Inc.
“Biblica” chiratidzo chekutengeserana chakanyoreswa mu United States uye chiratidzo chehofisi yeBiblica, Inc. Inoshandiswa zviripamutemo.
“Biblica” is a trademark registered in the United States Patent and Trademark Office by Biblica, Inc. Used with permission.
You must also make your derivative work available under the same license (CC BY-SA).
‪If you would like to notify Biblica, Inc. regarding your translation of this work, please contact us at https://open.bible/contact-us .
This translation is made available to you under the terms of the
Creative Commons Attribution Share-Alike license 4.0.
You have permission to share and redistribute this Bible translation in any format and to make reasonable revisions and adaptations of this translation, provided that:
You include the above copyright and source information.
If you make any changes to the text, you must indicate that you did so in a way that makes it clear that the original licensor is not necessarily endorsing your changes.
If you redistribute this text, you must distribute your contributions under the same license as the original.
Pictures included with Scriptures and other documents on this site are licensed just for use with those Scriptures and documents.
For other uses, please contact the respective copyright owners.
Note that in addition to the rules above, revising and adapting God's Word involves a great responsibility to be true to God's Word. See Revelation 22:18-19.
2023-04-14

Fuente: http://ebible.org/sna/ · eBible.org

Habla con nosotros

Cuéntanos desde dónde lees, cómo te ha ayudado la Biblia o qué podemos mejorar. Leemos todos los mensajes.