Levítico 25
Biblica® Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi 2017 · Toca un versículo para ver sus referencias cruzadas.
Gore reSabata
1Jehovha akati kuna Mozisi pagomo reSinai, 2“Taura kuvaIsraeri uti kwavari: ‘Kana mapinda munyika yandichakupai, nyika pachayo inofanira kucherechedza sabata kuna Jehovha. 3Kwamakore matanhatu dyarai minda yenyu, uye kwamakore matanhatu, dimurirai mizambiringa yenyu mugounganidza michero yayo. 4Asi mugore rechinomwe, nyika inofanira kuva nesabata rokuzorora, sabata kuna Jehovha. Musadyara minda yenyu kana kudimurira mizambiringa yenyu. 5Musakohwa zvinomera zvoga kana kukohwa mazambiringa amagoko. Nyika inofanira kuva negore rokuzorora. 6Gohwo ripi neripi renyika resabata richava zvokudya zvenyu, zvako iwe, murandarume wako nomurandakadzi wako, uye mushandi nomueni agere pakati penyu, 7pamwe chete nezvipfuwo zvenyu nemhuka dzesango dziri munyika yenyu. Zvibereko zvose zvomunyika zvingadyiwa.
Gore reJubhiri
8“ ‘Verengai maSabata manomwe amakore, makore manomwe akapetwa kanomwe, kuitira kuti maSabata manomwe amakore akwane nguva inoita makore makumi mana namapfumbamwe. 9Ipapo urayire kuti hwamanda iridzwe kwose pazuva regumi romwedzi wechinomwe; paZuva Rokuyananisira ridzai hwamanda munyika yenyu yose. 10Tsaurai gore ramakumi mashanu mugoparidza rusununguko munyika yose kuvagari vayo vose. Richava Jubhiri kwamuri; mumwe nomumwe wenyu anofanira kudzokera kune zvake, uye mumwe nomumwe kumhuri yake. 11Gore ramakumi mashanu richava gore reJubhiri kwamuri. Musadyara uye musakohwa mazambiringa amagoko. 12Nokuti iJubhiri uye rinofanira kuva dzvene kwamuri. Idyai chete zvinotorwa kubva muminda.
13“ ‘Mugore iri reJubhiri munhu wose anofanira kudzokera kune zvake.
14“ ‘Kana mukatengesa munda kuno mumwe womunyika menyu kana kutenga kwaari, musabiridzirana. 15Munofanira kutenga kubva kuvagari venyika yenyu zvichienderana nouwandu hwamakore kubva pagore reJubhiri. Uye iye anofanira kutengesa zvichienderana nouwandu hwamakore asara okukohwa zvirimwa. 16Kana makore awanda, munofanira kuwedzera mutengo, uye kana makore ari mashoma, munofanira kudzikisa mutengo, nokuti zvaari kukutengeserai ndizvo chaizvoizvo uwandu hwezvirimwa. 17Musabiridzirana, asi ityai Mwari wenyu. Ndini Jehovha Mwari wenyu.
18“ ‘Teverai mitemo yangu mugochenjerera kuti muteerere mirayiro yangu, ipapo muchagara makachengetedzeka munyika. 19Ipapo nyika ichabereka zvibereko zvayo uye imi muchadya kusvikira maguta, mugogara makachengetedzeka. 20Mungabvunza muchiti, “Ko, tichadyei mugore rechinomwe kana tisingadyari kana kukohwa zvirimwa zvedu?” 21Ndichakutumirai ropafadzo mugore rechitanhatu zvokuti nyika ichabereka zvinokwana makore matatu. 22Pamunenge muchidyara mugore rorusere muchadya kubva kuzvirimwa zvakare, uye mucharamba muchidya kubva kwazviri kusvika gohwo regore rechipfumbamwe rasvika.
23“ ‘Munda haufaniri kutengeswa nokusingaperi, nokuti nyika ndeyangu uye imi muri vatorwa navaeni kwandiri. 24Munyika yose yamuchatora, munofanira kutendera kudzikinurwa kwenyika.
25“ ‘Kana mumwe wavagari venyika yenyu akava murombo akatengesa zvimwe zvezvinhu zvake, hama yake yepedyo inofanira kuuya kuzodzikinura zvakatengeswa nehama yake. 26Zvisinei, kana munhu ashaya angamudzikinurira zvinhu izvi, asi iye akazobudirira akawana nzira dzakakwana dzokuzvidzikinura, 27anofanira kupima kukosha kwomutengo wazvo kubva pagore raakazvitengesa, agodzosera zvasara pamuripo wazvo, kumurume waakazvitengesera; ipapo angadzokera kune zvake. 28Asi kana akashaya nzira dzokumudzorera nadzo, zvaakatengesa zvicharamba zviri mumaoko omutengi kusvikira gore reJubhiri. Zvichadzoserwa mugore reJubhiri uye iye achagona kudzokera kune zvake.
29“ ‘Kana munhu akatengesa imba muguta rino rusvingo, anoramba aine mvumo yokuidzikinura kwegore rose shure kwokutengeswa kwayo. Munguva iyoyo anogona kuidzikinura. 30Kana isina kudzikinurwa gore risati rapfuura, imba iri muguta rino rusvingo ichava yowakatenga nezvizvarwa zvake nokusingaperi. Haifaniri kudzorerwa paJubhiri. 31Asi dzimba dziri mumisha isina kukomberedzwa namasvingo dzinofanira kuonekwa sesango. Dzinogona kudzikinurwa uye dzinofanira kudzoserwa muJubhiri.
32“ ‘VaRevhi vane mvumo nguva dzose yokudzikinura dzimba dzavo mumaguta avaRevhi, anova avo. 33Naizvozvo zvinhu zvavaRevhi zvinogona kudzikinurwa, zvichireva kuti imba inotengeswa muguta ravo ripi neripi inofanira kudzoserwa muJubhiri, nokuti dzimba dziri mumaguta avaRevhi zvinhu zvavo pakati pavaIsraeri. 34Asi mafuro amaguta avo haafaniri kutengeswa; inhaka yavo inogara nokusingaperi.
35“ ‘Kana mumwe wehama dzenyu akava murombo uye asisagoni kuzviriritira pakati penyu, mubatsirei sezvamunoita mutorwa kana mueni kuti arambe achigara pakati penyu. 36Musatora mhindu yemhando ipi zvayo kubva kwaari, asi ityai Mwari wenyu kuitira kuti hama yenyu irambe ichigara pakati penyu. 37Hamufaniri kumukweretesa mari muchiti ichazobereka mhindu kana kumutengesera zvokudya zvine mhindu. 38Ndini Jehovha Mwari wenyu akakubudisai kubva muIjipiti kuti ndikupei nyika yeKenani uye kuti ndive Mwari wenyu.
39“ ‘Kana mumwe wehama dzenyu akava murombo pakati penyu akazvitengesa kwamuri, musamuita kuti ashande somuranda. 40Anofanira kubatwa somushandi wamaricho kana kuti mushanyi ari pakati penyu; anofanira kukushandirai kusvikira Gore reJubhiri. 41Ipapo iye navana vake vanofanira kusunungurwa, uye achadzokera kurudzi rwake nokuzvinhu zvamadzitateguru ake. 42Nokuti vaIsraeri varanda vangu vandakabudisa kubva muIjipiti, havafaniri kutengeswa senhapwa. 43Musavatonga neutsinye, asi ityai Mwari wenyu.
44“ ‘Nhapwa dzenyu dzechirume nedzechikadzi dzinofanira kubva mundudzi dzakakukomberedzai; munogona kutenga nhapwa kubva kwavari. 45Munogona kutengawo vatorwa vashanyi vagere pakati penyu nemhuri dzavo dzakaberekerwa munyika yenyu, uye vachava pfuma yenyu. 46Munogona kuvaita nhaka yavana venyu uye kuvaita nhapwa kweupenyu hwavo hwose, asi hamufaniri kutonga vamwe vaIsraeri zvakaomarara.
47“ ‘Mutorwa kana mushanyi pakati penyu akava mupfumi, uye mumwe wavanhu venyika yenyu akava murombo akazvitengesa kumutorwa agere pakati penyu, kana kumhuri yomutorwa, 48anoramba ane mvumo yokudzikinurwa mushure mokunge azvitengesa. Mumwe wehama dzake anogona kumudzikinura: 49Babamunini vake kana mwanakomana wababamunini vake, kana hama yake yapedyo worudzi rwake angamudzikinura. 50Iye neanomutenga vanofanira kuverenga nguva kubva pagore raakazvitengesa kusvikira paGore reJubhiri. Mutengo wokusunungurwa kwake unofanira kuenzaniswa nemari inoripwa mushandi wemaricho kwamakore iwayo. 51Kana kuchine makore akawanda asara, anofanira kuripira rudzikinuro rwake, chikamu chikuru chemari yaakaripirwa. 52Kana kwasara makore mashoma shoma Gore reJubhiri risati rasvika, anofanira kurangana naye agodzosera mari yorudzikinuro rwake zvichienzaniswa namakore ake. 53Anofanira kubatwa somushandi wemaricho gore rimwe nerimwe; munofanira kuona kuti tenzi wake haamutongi zvakaomarara.
54“ ‘Kunyange zvake asina kudzikinurwa neimwe yenzira idzi, iye navana vake vanofanira kusunungurwa mugore reJubhiri, 55nokuti vaIsraeri ndevangu savaranda vangu. Varanda vangu vandakabudisa kubva muIjipiti. Ndini Jehovha Mwari wenyu.

¿Sabías que…?
El Año Sabático y el Año del Jubileo
- La ley dada en el monte Sinaí estableció un ciclo agrícola de siete años en el que la tierra descansaba cada séptimo año, seguido por un quincuagésimo Año del Jubileo tras siete ciclos de siete años. Comenzando en el Día de la Expiación con el toque de una trompeta, el Jubileo proclamaba libertad, daba descanso a la tierra y devolvía las tierras ancestrales a sus familias originales.Fuentes: el propio texto bíblico · Mount Sinai
- La tierra no podía venderse a perpetuidad porque los israelitas eran considerados forasteros y residentes en una tierra que pertenecía a Dios. En consecuencia, las transacciones inmobiliarias funcionaban como arrendamientos, con precios calculados según el número de cosechas restantes hasta el siguiente Jubileo.Fuentes: el propio texto bíblico
- El capítulo incluye protecciones para los israelitas empobrecidos, prohibiendo el cobro de intereses en préstamos y la servidumbre perpetua de compatriotas. Puesto que Dios los había librado de Egipto, cualquier israelita obligado por deudas a servir debía ser tratado como jornalero y liberado en el Jubileo.Fuentes: el propio texto bíblico · Egypt
Notas escritas con ayuda de IA a partir de fuentes abiertas (Theographic Bible Metadata, CC BY-SA 4.0; Easton’s Bible Dictionary, dominio público) y revisadas antes de publicarse.
Lugares de este capítulo
Solo aparecen lugares identificados con alta confianza (90 % o más según las fuentes académicas reunidas por OpenBible). Mapa de la época: DARE (Digital Atlas of the Roman Empire), CC BY 4.0; mapa actual: © colaboradores de OpenStreetMap; lugares: OpenBible.info (CC BY 4.0).
Créditos y licencia de esta traducción
Biblica® Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi 2017 The Holy Bible in the Shona language of Zimbabwe: Biblica® Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi 2017 copyright © 2005, 2018 Biblica, Inc. Language: chiShona Contributor: Biblica, Inc. Biblica® Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi™ Kopakodzero © 2005, 2018 ne Biblica, Inc. Biblica® Open Shona Contemporary Bible™ Copyright © 2005, 2018 by Biblica, Inc. “Biblica” chiratidzo chekutengeserana chakanyoreswa mu United States uye chiratidzo chehofisi yeBiblica, Inc. Inoshandiswa zviripamutemo. “Biblica” is a trademark registered in the United States Patent and Trademark Office by Biblica, Inc. Used with permission. Creative Commons License Iri basa rinowanikwa pasi peCreative Commons Attribution-ShareAlike 4.0 International License (CC BY-SA). Kuti utarise kopi yeiri rezinesi, shanyira https://creativecommons.org/licenses/by-sa/4.0 kana kutumira tsamba kuCreative Commons, PO Box 1866, Mountain View, CA 94042, USA. Biblica® chiratidzo chinozikanwa chakanyorwa neBiblica, Inc., uye kushandiswa kwechiratidzo cheBiblica® kunoda mvumo yakanyorwa yeBiblica, Inc. Pasi pemitemo ye rizinesi re CC BY-SA, unogona kuteedzera uye kugovera patsva basa iri risina kugadziridzwa bedzi kana uchichengetedza chiratidzo che Biblica®. Kana iwe ukachinja kopi kana kushandura iri basa, nokudaro uchigadzira rimwe basa, unofanira kubvisa chiratidzo cheBiblica®. Pabasa rakatorwa, unofanirwa kuratidza shanduko dzawakaita uye woratidza sezvinotevera: “Basa rekutanga reBiblica, Inc. rinowanikwa mahara pa www.biblica.com uye nepa open.bible.” Cherechedzo yekopakodzero inofanirwa kuoneka pamusoro wenyaya kana peji rekopakodzero sezvinotevera: Biblica® Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi™ Kopakodzero © 2005, 2018 ne Biblica, Inc. Biblica® Open Shona Contemporary Bible™ Copyright © 2005, 2018 by Biblica, Inc. “Biblica” chiratidzo chekutengeserana chakanyoreswa mu United States uye chiratidzo chehofisi yeBiblica, Inc. Inoshandiswa zviripamutemo. “Biblica” is a trademark registered in the United States Patent and Trademark Office by Biblica, Inc. Used with permission. Unofanirwa zvakare kuita kuti basa rawachinja riwanikwe pasi pe rezinesi yakafanana (CC BY-SA). Kana iwe uchida kuzivisa Biblica, Inc. maererano neshanduro yako yebasa iri, taura nesu pa https://open.bible/contact-us . This work is made available under the Creative Commons Attribution-ShareAlike 4.0 International License (CC BY-SA). To view a copy of this license, visit https://creativecommons.org/licenses/by-sa/4.0 or send a letter to Creative Commons, PO Box 1866, Mountain View, CA 94042, USA. Biblica® is a trademark registered by Biblica, Inc., and use of the Biblica® trademark requires the written permission of Biblica, Inc. Under the terms of the CC BY-SA license, you may copy and redistribute this unmodified work as long as you keep the Biblica® trademark intact. If you modify a copy or translate this work, thereby creating a derivative work, you must remove the Biblica® trademark. On the derivative work, you must indicate what changes you have made and attribute the work as follows: “The original work by Biblica, Inc. is available for free at www.biblica.com and open.bible.” Notice of copyright must appear on the title or copyright page of the work as follows: Biblica® Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi™ Kopakodzero © 2005, 2018 ne Biblica, Inc. Biblica® Open Shona Contemporary Bible™ Copyright © 2005, 2018 by Biblica, Inc. “Biblica” chiratidzo chekutengeserana chakanyoreswa mu United States uye chiratidzo chehofisi yeBiblica, Inc. Inoshandiswa zviripamutemo. “Biblica” is a trademark registered in the United States Patent and Trademark Office by Biblica, Inc. Used with permission. You must also make your derivative work available under the same license (CC BY-SA). If you would like to notify Biblica, Inc. regarding your translation of this work, please contact us at https://open.bible/contact-us . This translation is made available to you under the terms of the Creative Commons Attribution Share-Alike license 4.0. You have permission to share and redistribute this Bible translation in any format and to make reasonable revisions and adaptations of this translation, provided that: You include the above copyright and source information. If you make any changes to the text, you must indicate that you did so in a way that makes it clear that the original licensor is not necessarily endorsing your changes. If you redistribute this text, you must distribute your contributions under the same license as the original. Pictures included with Scriptures and other documents on this site are licensed just for use with those Scriptures and documents. For other uses, please contact the respective copyright owners. Note that in addition to the rules above, revising and adapting God's Word involves a great responsibility to be true to God's Word. See Revelation 22:18-19. 2023-04-14
Fuente: http://ebible.org/sna/ · eBible.org