Nations Bible

Levítico 20

Biblica® Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi 2017 · Toca un versículo para ver sus referencias cruzadas.

Kurangwa nokuda kweZvivi

1Jehovha akati kuna Mozisi, 2“Uti kuvaIsraeri, ‘MuIsraeri upi noupi kana mutorwa upi noupi agere muIsraeri achapa vana vake kuna Moreki anofanira kuurayiwa. Vanhu vomunyika yake vanofanira kumutaka namabwe. 3Ndichanangana nomunhu iyeye uye ndichamubvisa pakati pavanhu vokwake, nokuti, nokuda kwokupa vana vake kuna Moreki, asvibisa nzvimbo yangu tsvene uye amhura zita rangu dzvene. 4Kana vanhu vomunyika yake vakashaya hanya kana munhu uyu achipa mumwe wavana vake kuna Moreki vakasamuuraya, 5ndichanangana nomunhu uyo nemhuri yake, uye ndichamubvisa pakati pavanhu vokwake, iye pamwe chete navose vanomutevera pakuita ufeve naMoreki.

6“ ‘Ndichanangana nomunhu uyo achaenda kumasvikiro, nokuvadzimu achiita ufeve nokuvatevera uye ndichamubvisa pakati pavanhu vokwake.

7“ ‘Zvitsaurei mugove vatsvene nokuti ndini Jehovha Mwari wenyu. 8Chengetai mitemo yangu mugoitevera. Ndini Jehovha anokuitai vatsvene.

9“ ‘Ani naani anotuka baba kana mai vake anofanira kuurayiwa. Atuka baba kana mai vake uye ropa rake richava pamusoro pake.

10“ ‘Kana mumwe akaita upombwe nomukadzi womumwe murume, kana nomukadzi womuvakidzani wake, vose murume mhombwe nomukadzi chifeve vanofanira kuurayiwa.

11“ ‘Kana murume akavata nomukadzi wababa vake azvidza baba vake. Vose murume nomukadzi vanofanira kuurayiwa. Ropa ravo richava pamusoro pavo.

12“ ‘Kana mumwe akavata nomuroora wake, vose vari vaviri vanofanira kuurayiwa, zvavaita kunyangadza kukuru; ropa ravo richava pamusoro pavo.

13“ ‘Kana mumwe akavata nomurume seanovata nomukadzi vose vari vaviri vaita zvinonyangadza. Vanofanira kuurayiwa. Ropa ravo richava pamusoro pavo.

14“ ‘Kana mumwe akawana mukadzi pamwe chete namai vake, zvakaipa. Vose iye naivo vanofanira kupiswa mumoto kuitira kuti pasawanikwe kuipa pakati penyu.

15“ ‘Kana murume akavata nemhuka anofanira kuurayiwa uye munofanira kuuraya mhuka yacho.

16“ ‘Kana mukadzi akaswedera kumhuka kuti avate nayo, urayai zvose mukadzi nemhuka yacho. Vanofanira kuurayiwa; ropa ravo richava pamusoro pavo.

17“ ‘Kana murume akawana hanzvadzi yake mwanasikana wababa vake, kana kuti wamai vake, uye vakavata vose, ichi chinyadziso. Vanofanira kubviswa pamberi pameso avanhu vokwavo. Azvidza hanzvadzi yake uye achava nemhosva.

18“ ‘Kana murume akavata nomukadzi panguva yokuva kwake kumwedzi akasangana naye, afumura chaipo panobva kuyerera kwake, mukadziwo azvifumura. Vose vari vaviri vanofanira kubviswa pavanhu vokwavo.

19“ ‘Usavata namainini kana vatete vako nokuti uku kuzvidza hama yapedyo; mose muri vaviri muchava nemhosva.

20“ ‘Kana murume akavata nomukadzi wababamunini vake azvidza babamunini vake. Vachava nemhosva; vachafa vasina vana.

21“ ‘Kana murume akawana mukadzi womukoma kana womununʼuna ichi chinhu chisina kunaka, azvidza mukoma kana mununʼuna wake. Vachashaya vana.

22“ ‘Chengetai mirayiro yangu nemitemo yangu mugoitevera kuitira kuti nyika yandiri kukuendesai kwairi irege kukurutsirai kunze. 23Hamufaniri kutevera tsika dzendudzi dzandichadzinga pamberi penyu. Nokuti dzakaita zvinhu zvose izvi, ndikadzisema. 24Asi ndakati kwamuri, “Muchatora nyika yavo. Ndichaipa kwamuri senhaka, nyika inoerera mukaka nouchi.” Ndini Jehovha Mwari wenyu uyo akakutsaurai kubva kune dzimwe ndudzi.

25“ ‘Naizvozvo unofanira kuisa mutsauko pakati pemhuka dzakachena nedzisina kuchena uye pakati peshiri dzakachena nedzisina kuchena. Musazvisvibisa nemhuka ipi zvayo kana shiri kana chimwe chinhu chinofamba pavhu, idzo dzandakatsaura sedzisina kuchena kwamuri. 26Munofanira kuva vatsvene kwandiri nokuti ini Jehovha ndiri mutsvene. Ndakakutsaurai kubva kundudzi kuti muve vangu ndoga.

27“ ‘Murume kana mukadzi svikiro kana anoita zvemidzimu pakati penyu anofanira kuurayiwa. Munofanira kuvataka namabwe. Ropa ravo richava pamusoro pavo.’ ”

¿Sabías que…?

Sanciones por Infidelidad y Desobediencia

  • Moloc era la divinidad nacional de los amonitas, asociada al sacrificio de niños mediante el fuego. Levítico 20 prohíbe estrictamente esta práctica y establece la pena de muerte por lapidación para cualquier israelita o extranjero residente que entregara a su descendencia a Moloc.Fuentes: Molech · el propio texto bíblico
  • Las prohibiciones y sanciones de este capítulo se fundamentan en el llamado a la santidad y a la separación de las naciones vecinas. Se ordenó a Israel guardar estos estatutos y distinguir entre animales puros e inmundos para que la tierra no los expulsara.Fuentes: el propio texto bíblico

Notas escritas con ayuda de IA a partir de fuentes abiertas (Theographic Bible Metadata, CC BY-SA 4.0; Easton’s Bible Dictionary, dominio público) y revisadas antes de publicarse.

Créditos y licencia de esta traducción
Biblica® Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi 2017
The Holy Bible in the Shona language of Zimbabwe: Biblica® Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi 2017
copyright © 2005, 2018 Biblica, Inc.
Language: chiShona
Contributor: Biblica, Inc.
Biblica® Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi™
Kopakodzero © 2005, 2018 ne Biblica, Inc.
Biblica® Open Shona Contemporary Bible™
Copyright © 2005, 2018 by Biblica, Inc.
“Biblica” chiratidzo chekutengeserana chakanyoreswa mu United States uye chiratidzo chehofisi yeBiblica, Inc. Inoshandiswa zviripamutemo.
“Biblica” is a trademark registered in the United States Patent and Trademark Office by Biblica, Inc. Used with permission.
Creative Commons License
Iri basa rinowanikwa pasi peCreative Commons Attribution-ShareAlike 4.0 International License (CC BY-SA). Kuti utarise kopi yeiri rezinesi, shanyira https://creativecommons.org/licenses/by-sa/4.0 kana kutumira tsamba kuCreative Commons, PO Box 1866, Mountain View, CA 94042, USA.
Biblica® chiratidzo chinozikanwa chakanyorwa neBiblica, Inc., uye kushandiswa kwechiratidzo cheBiblica® kunoda mvumo yakanyorwa yeBiblica, Inc. Pasi pemitemo ye rizinesi re CC BY-SA, unogona kuteedzera uye kugovera patsva basa iri risina kugadziridzwa bedzi kana uchichengetedza chiratidzo che Biblica®. Kana iwe ukachinja kopi kana kushandura iri basa, nokudaro uchigadzira rimwe basa, unofanira kubvisa chiratidzo cheBiblica®. Pabasa rakatorwa, unofanirwa kuratidza shanduko dzawakaita uye woratidza sezvinotevera: “Basa rekutanga reBiblica, Inc. rinowanikwa mahara pa www.biblica.com uye nepa open.bible.”
‪
Cherechedzo yekopakodzero inofanirwa kuoneka pamusoro wenyaya kana peji rekopakodzero sezvinotevera:
Biblica® Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi™
Kopakodzero © 2005, 2018 ne Biblica, Inc.
Biblica® Open Shona Contemporary Bible™
Copyright © 2005, 2018 by Biblica, Inc.
“Biblica” chiratidzo chekutengeserana chakanyoreswa mu United States uye chiratidzo chehofisi yeBiblica, Inc. Inoshandiswa zviripamutemo.
“Biblica” is a trademark registered in the United States Patent and Trademark Office by Biblica, Inc. Used with permission.
Unofanirwa zvakare kuita kuti basa rawachinja riwanikwe pasi pe rezinesi yakafanana (CC BY-SA).
Kana iwe uchida kuzivisa Biblica, Inc. maererano neshanduro yako yebasa iri, taura nesu pa https://open.bible/contact-us .
This work is made available under the Creative Commons Attribution-ShareAlike 4‪.0 International License (CC BY-SA). To view a copy of this license, visit https://creativecommons.org/licenses/by-sa/4‪.0 or send a letter to Creative Commons, PO Box 1866, Mountain View, CA 94042, USA.
Biblica® is a trademark registered by Biblica, Inc., and use of the Biblica® trademark requires the written permission of Biblica, Inc. Under the terms of the CC BY-SA license, you may copy and redistribute this unmodified work as long as you keep the Biblica® trademark intact. If you modify a copy or translate this work, thereby creating a derivative work, you must remove the Biblica® trademark. On the derivative work, you must indicate what changes you have made and attribute the work as follows: “The original work by Biblica, Inc. is available for free at www.biblica.com and open.bible.”
‪
Notice of copyright must appear on the title or copyright page of the work as follows:
Biblica® Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi™
Kopakodzero © 2005, 2018 ne Biblica, Inc.
Biblica® Open Shona Contemporary Bible™
Copyright © 2005, 2018 by Biblica, Inc.
“Biblica” chiratidzo chekutengeserana chakanyoreswa mu United States uye chiratidzo chehofisi yeBiblica, Inc. Inoshandiswa zviripamutemo.
“Biblica” is a trademark registered in the United States Patent and Trademark Office by Biblica, Inc. Used with permission.
You must also make your derivative work available under the same license (CC BY-SA).
‪If you would like to notify Biblica, Inc. regarding your translation of this work, please contact us at https://open.bible/contact-us .
This translation is made available to you under the terms of the
Creative Commons Attribution Share-Alike license 4.0.
You have permission to share and redistribute this Bible translation in any format and to make reasonable revisions and adaptations of this translation, provided that:
You include the above copyright and source information.
If you make any changes to the text, you must indicate that you did so in a way that makes it clear that the original licensor is not necessarily endorsing your changes.
If you redistribute this text, you must distribute your contributions under the same license as the original.
Pictures included with Scriptures and other documents on this site are licensed just for use with those Scriptures and documents.
For other uses, please contact the respective copyright owners.
Note that in addition to the rules above, revising and adapting God's Word involves a great responsibility to be true to God's Word. See Revelation 22:18-19.
2023-04-14

Fuente: http://ebible.org/sna/ · eBible.org

Habla con nosotros

Cuéntanos desde dónde lees, cómo te ha ayudado la Biblia o qué podemos mejorar. Leemos todos los mensajes.