Nations Bible

Levítico 19

Biblica® Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi 2017 · Toca un versículo para ver sus referencias cruzadas.

Mirayiro yakasiyana-siyana

1Jehovha akati kuna Mozisi, 2“Taura kuungano yose yeIsraeri uti kwavari, ‘Ivai vatsvene nokuti ini Jehovha Mwari wenyu ndiri mutsvene.

3“ ‘Mumwe nomumwe wenyu anofanira kuremekedza mai nababa vake uye munofanira kuchengetedza maSabata angu. Ndini Jehovha Mwari wenyu.

4“ ‘Musava nehanya nezvifananidzo kana kuzviitira vamwari vesimbi dzakanyungudutswa. Ndini Jehovha Mwari wenyu.

5“ ‘Kana uchipa Jehovha chibayiro chechipiriso chokuwadzana, unofanira kuchipa nenzira inoita kuti chigamuchirwe pachinzvimbo chako. 6Chichadyiwa nomusi waunochibayira kana zuva rinotevera; chinhu chipi nechipi chinosiyiwa kusvika pazuva rechitatu chinofanira kupiswa. 7Kana zvimwe zvacho zvikadyiwa pazuva rechitatu hazvina kuchena uye hazvigamuchirwi. 8Ani naani anozvidya achapiwa mhosva nokuti asvibisa chitsvene kuna Mwari; munhu iyeye anofanira kubviswa pakati pavanhu vokwake.

9“ ‘Kana uchikohwa mumunda wako usakohwa kusvika kumuchetocheto womunda wako, kana kunhongera zvawira pasi pakukohwa. 10Musakohwa kechipiri mumunda wemizambiringa kana kunhonga mazambiringa adonha. Zvisiyire varombo kana vatorwa. Ndini Jehovha Mwari wenyu.

11“ ‘Usaba.

“ ‘Usareva nhema.

“ ‘Musanyengedzana.

12“ ‘Usapika nhema nezita rangu ugozvidza zita raMwari wako. Ndini Jehovha.

13“ ‘Usabiridzira muvakidzani wako kana kumutorera chinhu nechisimba.

“ ‘Usachengeta mubayiro womushandi kusvikira mangwana.

14“ ‘Usatuka matsi kana kuisa chigumbuso mberi kwebofu, asi itya Mwari wako. Ndini Jehovha.

15“ ‘Usaminamisa kururamisira, usatsaura murombo uchifarira mupfumi, asi tonga muvakidzani wako zvakakodzera.

16“ ‘Usafamba uchiparadzira makuhwa pakati pavanhu vokwako.

“ ‘Usaita chinhu chinoisa upenyu hwomuvakidzani wako panjodzi. Ndini Jehovha.

17“ ‘Usavenga hama yako mumwoyo mako. Tsiura muvakidzani wako zviri pachena kuitira kuti usazova nomugove pamhosva yake.

18“ ‘Usatsvaka kutsiva kana kugara nedaka nomumwe wavanhu vokwako, asi ida muvakidzani wako sokuda kwaunozviita iwe. Ndini Jehovha.

19“ ‘Chengeta mirayiro yangu.

“ ‘Usaberekesa mhando dzemhuka dzakasiyana.

“ ‘Usadyara mbeu mbiri dzakasiyana mumunda mako.

“ ‘Usapfeka nguo yakarukwa nemicheka miviri yakasiyana.

20“ ‘Kana murume akavata nomukadzi ari murandakadzi akavimbiswa kuno mumwe murume, asi mukadzi asina kudzikinurwa kana kupiwa rusununguko rwake, panofanira kuva nokurangwa kwakakodzera. Asi haafaniri kuurayiwa nokuti mukadzi uyu anga asati asunungurwa. 21Zvisinei, murume uyu anofanira kuuya negondobwe kumusuo weTende Rokusangana rechipiriso chemhosva kuna Jehovha. 22Negondobwe rechipiriso chemhosva muprista anofanira kumuyananisira pamberi paJehovha nokuda kwechivi chaakaita, uye chivi chake chicharegererwa.

23“ ‘Kana mapinda munyika iyo mukadyara muchero upi noupi, torai michero yacho seisingabvumirwi. Kwamakore matatu munofanira kuitora seisingabvumirwi. Haifaniri kudyiwa. 24Mugore rechina, michero yacho yose ichava mitsvene, chipiriso chokurumbidza kuna Jehovha. 25Asi mugore rechishanu mungadya michero yacho. Nenzira iyi gohwo renyu richawedzerwa. Ndini Jehovha Mwari wenyu.

26“ ‘Usadya nyama ipi neipi ichine ropa.

“ ‘Usaita zvokushopera kana zvouroyi.

27“ ‘Musacheka bvudzi renyu kumativi omusoro kana kudimurira ndebvu dzenyu.

28“ ‘Musacheka miviri yenyu nokuda kwavakafa kana kuzviisa nyora. Ndini Jehovha.

29“ ‘Usaderedza unhu hwomwanasikana wako nokumuita chifeve nokuti nyika yose ichaita ufeve ikazara nouipi.

30“ ‘Chengetedza maSabata angu uye uremekedze nzvimbo yangu tsvene. Ndini Jehovha.

31“ ‘Usaenda kumasvikiro nokune vezvemidzimu nokuti uchasvibiswa navo. Ndini Jehovha Mwari wako.

32“ ‘Unofanira kusimukira vachena bvudzi, ratidza rukudzo kuna vakuru uye utye Mwari wako. Ndini Jehovha.

33“ ‘Kana mutorwa akagara nemi munyika, musamubate zvakaipa. 34Mutorwa anogara nemi anofanira kubatwa sechizvarwa chenyu. Mudei sokuda kwamunozviita imi nokuti maiva vatorwa muIjipiti. Ndini Jehovha Mwari wenyu.

35“ ‘Musashandise zviero zvokubiridzira kana muchiera urefu, uremu kana uwandu. 36Shandisai zviyero zvechokwadi efa rechokwadi nehini yechokwadi. Ndini Jehovha Mwari wenyu akakubudisai muIjipiti.

37“ ‘Chengetai mirayiro yangu yose nemitemo yangu yose, mugoitevera. Ndini Jehovha.’ ”

Ilustración artística: una interpretación, no un registro histórico.

¿Sabías que…?

Santidad y Vida Comunitaria

  • Levítico 19 contiene el mandato de amar al prójimo como a uno mismo. Esta exigencia se extiende explícitamente a los extranjeros residentes, recordando a los israelitas que ellos mismos fueron forasteros en la tierra de Egipto.Fuentes: el propio texto bíblico
  • La ley exigía a los agricultores no segar hasta los bordes de sus campos ni recoger las espigas o uvas caídas. Esos remanentes estaban reservados específicamente para los pobres y los extranjeros residentes.Fuentes: el propio texto bíblico
  • La santidad estaba vinculada directamente con la ética práctica, prohibiendo actos como maldecir al sordo, poner tropiezo ante el ciego, pervertir la justicia y retener el salario de un jornalero hasta la mañana siguiente.Fuentes: el propio texto bíblico

Notas escritas con ayuda de IA a partir de fuentes abiertas (Theographic Bible Metadata, CC BY-SA 4.0; Easton’s Bible Dictionary, dominio público) y revisadas antes de publicarse.

Lugares de este capítulo

  • Egypt · 30.129, 31.308 · versículos 34, 36

Solo aparecen lugares identificados con alta confianza (90 % o más según las fuentes académicas reunidas por OpenBible). Mapa de la época: DARE (Digital Atlas of the Roman Empire), CC BY 4.0; mapa actual: © colaboradores de OpenStreetMap; lugares: OpenBible.info (CC BY 4.0).

Créditos y licencia de esta traducción
Biblica® Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi 2017
The Holy Bible in the Shona language of Zimbabwe: Biblica® Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi 2017
copyright © 2005, 2018 Biblica, Inc.
Language: chiShona
Contributor: Biblica, Inc.
Biblica® Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi™
Kopakodzero © 2005, 2018 ne Biblica, Inc.
Biblica® Open Shona Contemporary Bible™
Copyright © 2005, 2018 by Biblica, Inc.
“Biblica” chiratidzo chekutengeserana chakanyoreswa mu United States uye chiratidzo chehofisi yeBiblica, Inc. Inoshandiswa zviripamutemo.
“Biblica” is a trademark registered in the United States Patent and Trademark Office by Biblica, Inc. Used with permission.
Creative Commons License
Iri basa rinowanikwa pasi peCreative Commons Attribution-ShareAlike 4.0 International License (CC BY-SA). Kuti utarise kopi yeiri rezinesi, shanyira https://creativecommons.org/licenses/by-sa/4.0 kana kutumira tsamba kuCreative Commons, PO Box 1866, Mountain View, CA 94042, USA.
Biblica® chiratidzo chinozikanwa chakanyorwa neBiblica, Inc., uye kushandiswa kwechiratidzo cheBiblica® kunoda mvumo yakanyorwa yeBiblica, Inc. Pasi pemitemo ye rizinesi re CC BY-SA, unogona kuteedzera uye kugovera patsva basa iri risina kugadziridzwa bedzi kana uchichengetedza chiratidzo che Biblica®. Kana iwe ukachinja kopi kana kushandura iri basa, nokudaro uchigadzira rimwe basa, unofanira kubvisa chiratidzo cheBiblica®. Pabasa rakatorwa, unofanirwa kuratidza shanduko dzawakaita uye woratidza sezvinotevera: “Basa rekutanga reBiblica, Inc. rinowanikwa mahara pa www.biblica.com uye nepa open.bible.”
‪
Cherechedzo yekopakodzero inofanirwa kuoneka pamusoro wenyaya kana peji rekopakodzero sezvinotevera:
Biblica® Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi™
Kopakodzero © 2005, 2018 ne Biblica, Inc.
Biblica® Open Shona Contemporary Bible™
Copyright © 2005, 2018 by Biblica, Inc.
“Biblica” chiratidzo chekutengeserana chakanyoreswa mu United States uye chiratidzo chehofisi yeBiblica, Inc. Inoshandiswa zviripamutemo.
“Biblica” is a trademark registered in the United States Patent and Trademark Office by Biblica, Inc. Used with permission.
Unofanirwa zvakare kuita kuti basa rawachinja riwanikwe pasi pe rezinesi yakafanana (CC BY-SA).
Kana iwe uchida kuzivisa Biblica, Inc. maererano neshanduro yako yebasa iri, taura nesu pa https://open.bible/contact-us .
This work is made available under the Creative Commons Attribution-ShareAlike 4‪.0 International License (CC BY-SA). To view a copy of this license, visit https://creativecommons.org/licenses/by-sa/4‪.0 or send a letter to Creative Commons, PO Box 1866, Mountain View, CA 94042, USA.
Biblica® is a trademark registered by Biblica, Inc., and use of the Biblica® trademark requires the written permission of Biblica, Inc. Under the terms of the CC BY-SA license, you may copy and redistribute this unmodified work as long as you keep the Biblica® trademark intact. If you modify a copy or translate this work, thereby creating a derivative work, you must remove the Biblica® trademark. On the derivative work, you must indicate what changes you have made and attribute the work as follows: “The original work by Biblica, Inc. is available for free at www.biblica.com and open.bible.”
‪
Notice of copyright must appear on the title or copyright page of the work as follows:
Biblica® Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi™
Kopakodzero © 2005, 2018 ne Biblica, Inc.
Biblica® Open Shona Contemporary Bible™
Copyright © 2005, 2018 by Biblica, Inc.
“Biblica” chiratidzo chekutengeserana chakanyoreswa mu United States uye chiratidzo chehofisi yeBiblica, Inc. Inoshandiswa zviripamutemo.
“Biblica” is a trademark registered in the United States Patent and Trademark Office by Biblica, Inc. Used with permission.
You must also make your derivative work available under the same license (CC BY-SA).
‪If you would like to notify Biblica, Inc. regarding your translation of this work, please contact us at https://open.bible/contact-us .
This translation is made available to you under the terms of the
Creative Commons Attribution Share-Alike license 4.0.
You have permission to share and redistribute this Bible translation in any format and to make reasonable revisions and adaptations of this translation, provided that:
You include the above copyright and source information.
If you make any changes to the text, you must indicate that you did so in a way that makes it clear that the original licensor is not necessarily endorsing your changes.
If you redistribute this text, you must distribute your contributions under the same license as the original.
Pictures included with Scriptures and other documents on this site are licensed just for use with those Scriptures and documents.
For other uses, please contact the respective copyright owners.
Note that in addition to the rules above, revising and adapting God's Word involves a great responsibility to be true to God's Word. See Revelation 22:18-19.
2023-04-14

Fuente: http://ebible.org/sna/ · eBible.org

Habla con nosotros

Cuéntanos desde dónde lees, cómo te ha ayudado la Biblia o qué podemos mejorar. Leemos todos los mensajes.