Nations Bible

Jeremías 41

Biblica® Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi 2017 · Toca un versículo para ver sus referencias cruzadas.

1Mumwedzi wechinomwe, Ishumaeri mwanakomana waNetania, mwanakomana waErishama, uyo akanga ari worudzi rwamambo, uye akanga ari mumwe wamachinda amambo, akauya ane varume gumi kuna Gedharia mwanakomana waAhikami, paMizipa. Vachiri kudya pamwe chete ipapo, 2Ishumaeri mwanakomana waNetania navarume gumi vakanga vanaye vakasimuka vakabaya Gedharia mwanakomana waAhikami, mwanakomana waShafani, nomunondo, vakamuuraya iye akanga agadzwa namambo weBhabhironi kuti ave mubati wenyika iyo. 3Ishumaeri akaurayawo vaJudha vose vaiva naGedharia paMizipa, pamwe chete navarwi veBhabhironi vaivapo.

4Zuva rakatevera kuurayiwa kwaGedharia, pasati pava nomunhu aizviziva, 5varume makumi masere vaibva kuShekemu, neShiro neSamaria vakasvikapo vakaveura ndebvu dzavo, vakabvarura nguo dzavo uye vakazvicheka-cheka, vachiuya nezvipiriso zvezviyo nezvinonhuhwira kuimba yaJehovha. 6Ishumaeri mwanakomana waNetania akabuda paMizipa kuti andovachingamidza, akafamba achichema. Paakasangana navo, akati kwavari, “Uyai kuna Gedharia mwanakomana waAhikami.” 7Vakati vapinda muguta, Ishumaeri mwanakomana waNetania navarume vakanga vanaye vakavauraya ndokuvakanda mugomba. 8Asi vamwe vavo gumi vakati kuna Ishumaeri, “Musatiuraya! Isu tine gorosi nebhari, namafuta uye nouchi, zvakavigwa musango.” Naizvozvo akavarega akasavauraya pamwe chete navamwe. 9Zvino gomba raakakandira mitumbi yose yavarume vaakanga auraya pamwe chete naGedharia ndiro rakanga racherwa naMambo Asa kuti azvidzivirire kubva kuna Bhaasha mambo weIsraeri. Ishumaeri mwanakomana waNetania akarizadza navakaurayiwa.

10Ishumaeri akatapa vanhu vose vakanga vari paMizipa, vanasikana vamambo pamwe chete navamwe vose vakanga vasara ikoko, vaiswa naNebhuzaradhani mukuru wavarindi pasi paGedharia mwanakomana waAhikami. Ishumaeri mwanakomana waNetania akavatapa ndokubvapo achida kuti ayambukire kuvaAmoni.

11Johanani mwanakomana waKarea namachinda ose ehondo vaiva naye vakati vanzwa pamusoro pemhaka dzose dzakanga dzaparwa naIshumaeri mwanakomana waNetania, 12vakatora varume vose ndokuenda kundorwa naIshumaeri mwanakomana waNetania. Vakanomubatira pedyo nedziva guru reGibheoni. 13Vanhu vose vaiva naIshumaeri vakati vachiona Johanani mwanakomana waKarea navakuru vehondo vakanga vainaye, vakafara. 14Vanhu vose vakanga vatapwa naIshumaeri paMizipa vakadzoka vakaenda kuna Johanani mwanakomana waKarea. 15Asi Ishumaeri mwanakomana waNetania navarume vasere vakapunyuka kubva kuna Johanani vakatizira kuvaAmoni.

Kutizira kuIjipiti

16Ipapo Johanani mwanakomana waKarea navakuru vose vehondo vaiva naye vakatungamirira vose vakasara kubva paMizipa avo vaakanga anunura kubva kuna Ishumaeri mwanakomana waNetania shure kwokunge auraya Gedharia mwanakomana waAhikami, vaiti: varwi, vakadzi, vana namachinda edare vaakanga abva navo kuGibheoni. 17Vakaenderera mberi ndokunomira vava paGeruti Kimihami pedyo neBheterehema parwendo rwavo rwokuenda kuIjipiti 18kuti vatize vaBhabhironi. Vakanga vachitya nokuti Ishumaeri mwanakomana waNetania akanga auraya Gedharia mwanakomana waAhikami, uyo akanga agadzwa kuti ave mubati wenyika iyo namambo weBhabhironi.

Ilustración artística: una interpretación, no un registro histórico.

¿Sabías que…?

El asesinato de Gedalías y la huida de Mizpa

  • Ismael hijo de Netanías pertenecía a la familia real y se oponía al dominio babilónico. Llegó con diez hombres a Mizpa con el pretexto de compartir una comida y asesinó a Gedalías, el gobernador nombrado por el rey de Babilonia, junto con sus acompañantes judíos y caldeos.Fuentes: Ishmael · Gedaliah · el propio texto bíblico
  • La cisterna donde Ismael arrojó los cuerpos de los peregrinos asesinados de Siquem, Silo y Samaria tenía un origen militar histórico. Había sido construida siglos antes por el rey Asá de Judá para defenderse del rey Baasa de Israel.Fuentes: Asa · Baasha · el propio texto bíblico
  • Después de que Ismael capturó a los sobrevivientes en Mizpa para llevarlos a Amón, Johanán hijo de Carea lo interceptó junto al gran estanque de Gabaón y liberó a los cautivos. Por temor a las represalias babilónicas tras la muerte del gobernador, Johanán y los judíos restantes se prepararon para huir a Egipto.Fuentes: Johanan · Gibeon · el propio texto bíblico

Notas escritas con ayuda de IA a partir de fuentes abiertas (Theographic Bible Metadata, CC BY-SA 4.0; Easton’s Bible Dictionary, dominio público) y revisadas antes de publicarse.

Lugares de este capítulo

  • Babylon · 32.543, 44.422 · versículos 2, 18
  • Jerusalem · 31.777, 35.234 · versículo 5
  • Samaria · 32.276, 35.195 · versículo 5
  • Shechem · Hoy: Tell Balatah · 32.214, 35.282 · versículo 5
  • Shiloh · Hoy: Khirbet Seilun · 32.056, 35.290 · versículo 5
  • Ammon · 31.955, 35.934 · versículos 10, 15
  • Gibeon · Hoy: El Jib · 31.847, 35.183 · versículos 12, 16
  • Bethlehem · 31.704, 35.208 · versículo 17
  • Egypt · 30.129, 31.308 · versículo 17
  • Geruth Chimham · Hoy: within 5 km of Bethlehem · 31.704, 35.208 · versículo 17
  • Chaldea · 30.962, 46.104 · versículo 18

Solo aparecen lugares identificados con alta confianza (90 % o más según las fuentes académicas reunidas por OpenBible). Mapa de la época: DARE (Digital Atlas of the Roman Empire), CC BY 4.0; mapa actual: © colaboradores de OpenStreetMap; lugares: OpenBible.info (CC BY 4.0).

Créditos y licencia de esta traducción
Biblica® Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi 2017
The Holy Bible in the Shona language of Zimbabwe: Biblica® Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi 2017
copyright © 2005, 2018 Biblica, Inc.
Language: chiShona
Contributor: Biblica, Inc.
Biblica® Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi™
Kopakodzero © 2005, 2018 ne Biblica, Inc.
Biblica® Open Shona Contemporary Bible™
Copyright © 2005, 2018 by Biblica, Inc.
“Biblica” chiratidzo chekutengeserana chakanyoreswa mu United States uye chiratidzo chehofisi yeBiblica, Inc. Inoshandiswa zviripamutemo.
“Biblica” is a trademark registered in the United States Patent and Trademark Office by Biblica, Inc. Used with permission.
Creative Commons License
Iri basa rinowanikwa pasi peCreative Commons Attribution-ShareAlike 4.0 International License (CC BY-SA). Kuti utarise kopi yeiri rezinesi, shanyira https://creativecommons.org/licenses/by-sa/4.0 kana kutumira tsamba kuCreative Commons, PO Box 1866, Mountain View, CA 94042, USA.
Biblica® chiratidzo chinozikanwa chakanyorwa neBiblica, Inc., uye kushandiswa kwechiratidzo cheBiblica® kunoda mvumo yakanyorwa yeBiblica, Inc. Pasi pemitemo ye rizinesi re CC BY-SA, unogona kuteedzera uye kugovera patsva basa iri risina kugadziridzwa bedzi kana uchichengetedza chiratidzo che Biblica®. Kana iwe ukachinja kopi kana kushandura iri basa, nokudaro uchigadzira rimwe basa, unofanira kubvisa chiratidzo cheBiblica®. Pabasa rakatorwa, unofanirwa kuratidza shanduko dzawakaita uye woratidza sezvinotevera: “Basa rekutanga reBiblica, Inc. rinowanikwa mahara pa www.biblica.com uye nepa open.bible.”
‪
Cherechedzo yekopakodzero inofanirwa kuoneka pamusoro wenyaya kana peji rekopakodzero sezvinotevera:
Biblica® Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi™
Kopakodzero © 2005, 2018 ne Biblica, Inc.
Biblica® Open Shona Contemporary Bible™
Copyright © 2005, 2018 by Biblica, Inc.
“Biblica” chiratidzo chekutengeserana chakanyoreswa mu United States uye chiratidzo chehofisi yeBiblica, Inc. Inoshandiswa zviripamutemo.
“Biblica” is a trademark registered in the United States Patent and Trademark Office by Biblica, Inc. Used with permission.
Unofanirwa zvakare kuita kuti basa rawachinja riwanikwe pasi pe rezinesi yakafanana (CC BY-SA).
Kana iwe uchida kuzivisa Biblica, Inc. maererano neshanduro yako yebasa iri, taura nesu pa https://open.bible/contact-us .
This work is made available under the Creative Commons Attribution-ShareAlike 4‪.0 International License (CC BY-SA). To view a copy of this license, visit https://creativecommons.org/licenses/by-sa/4‪.0 or send a letter to Creative Commons, PO Box 1866, Mountain View, CA 94042, USA.
Biblica® is a trademark registered by Biblica, Inc., and use of the Biblica® trademark requires the written permission of Biblica, Inc. Under the terms of the CC BY-SA license, you may copy and redistribute this unmodified work as long as you keep the Biblica® trademark intact. If you modify a copy or translate this work, thereby creating a derivative work, you must remove the Biblica® trademark. On the derivative work, you must indicate what changes you have made and attribute the work as follows: “The original work by Biblica, Inc. is available for free at www.biblica.com and open.bible.”
‪
Notice of copyright must appear on the title or copyright page of the work as follows:
Biblica® Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi™
Kopakodzero © 2005, 2018 ne Biblica, Inc.
Biblica® Open Shona Contemporary Bible™
Copyright © 2005, 2018 by Biblica, Inc.
“Biblica” chiratidzo chekutengeserana chakanyoreswa mu United States uye chiratidzo chehofisi yeBiblica, Inc. Inoshandiswa zviripamutemo.
“Biblica” is a trademark registered in the United States Patent and Trademark Office by Biblica, Inc. Used with permission.
You must also make your derivative work available under the same license (CC BY-SA).
‪If you would like to notify Biblica, Inc. regarding your translation of this work, please contact us at https://open.bible/contact-us .
This translation is made available to you under the terms of the
Creative Commons Attribution Share-Alike license 4.0.
You have permission to share and redistribute this Bible translation in any format and to make reasonable revisions and adaptations of this translation, provided that:
You include the above copyright and source information.
If you make any changes to the text, you must indicate that you did so in a way that makes it clear that the original licensor is not necessarily endorsing your changes.
If you redistribute this text, you must distribute your contributions under the same license as the original.
Pictures included with Scriptures and other documents on this site are licensed just for use with those Scriptures and documents.
For other uses, please contact the respective copyright owners.
Note that in addition to the rules above, revising and adapting God's Word involves a great responsibility to be true to God's Word. See Revelation 22:18-19.
2023-04-14

Fuente: http://ebible.org/sna/ · eBible.org

Habla con nosotros

Cuéntanos desde dónde lees, cómo te ha ayudado la Biblia o qué podemos mejorar. Leemos todos los mensajes.