Jeremías 40
Biblica® Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi 2017 · Toca un versículo para ver sus referencias cruzadas.
Jeremia anosunungurwa
1Shoko rakasvika kuna Jeremia richibva kuna Jehovha mushure mokusunungurwa kwake paRama naNebhuzaradhani mukuru wavarindi. Akanga awana Jeremia akasungwa nengetani ari pakati pavatapwa vose vaibva kuJerusarema neJudha avo vakanga vachiendeswa kuutapwa kuBhabhironi. 2Mukuru wavarindi akati awana Jeremia, akati kwaari, “Jehovha Mwari wako akatenda kuti njodzi iyi iwire nzvimbo ino. 3Zvino Jehovha aita kuti zviitike, aita sezvaakareva kuti achaita. Izvi zvose zvakaitika nokuti imi vanhu makatadzira Jehovha uye hamuna kumuteerera. 4Asi nhasi ndinokusunungura kubva pangetani dziri mumaoko ako. Uya tiende tose kuBhabhironi, kana uchida, ini ndichakuchengeta; asi kana usingadi, usauya. Tarira, nyika yose iri pamberi pako; enda hako kwose kwaunoda.” 5Kunyange zvakadaro hazvo, Jeremia asati atendeuka kuti aende, Nebhuzaradhani akaenderera mberi achiti, “Dzokera kuna Gedharia mwanakomana waAhikami, mwanakomana waShafani uyo akagadzwa namambo weBhabhironi kuti ave mubati wemaguta eJudha, undogara naye pakati pavanhu, kana kuti woenda kwose kwaunoda.”
Ipapo mukuru wavarindi akamupa zvokudya zvokutakura nezvipo akamurega achienda. 6Saka Jeremia akaenda kuna Gedharia mwanakomana waAhikami paMizipa akandogara naye pakati pavanhu vakanga vasara munyika.
Gedharia anourayiwa
7Vakuru vehondo navanhu vakanga vachigara mumasango enyika vakati vanzwa kuti mambo weBhabhironi akanga agadza Gedharia mwanakomana waAhikami kuti ave mubati wenyika uye kuti mambo akanga amuita mutariri wavarume, vakadzi navana, avo vakanga vari varombo zvakanyanya munyika uye vakanga vasina kuendeswa pautapwa kuBhabhironi, 8vakauya kuna Gedharia paMizipa, Ishumaeri mwanakomana waNetania, Johanani naJonatani vanakomana vaKarea, naSeraya mwanakomana waTanhumeti, mwanakomana waEfai muNetofati, naJaazania mwanakomana womuMaakati, ivo navanhu vavo. 9Gedharia mwanakomana waAhikami, mwanakomana waShafani, akapika mhiko yokuvasimbisa ivo navanhu vavo achiti, “Musatya kushandira vaBhabhironi. Garai henyu munyika mushandire mambo weBhabhironi, zvigokuitirai zvakanaka. 10Ini pachangu ndichagara paMizipa kuti ndikumirirei pamberi pavaBhabhironi vanouya kwatiri, asi imi munofanira kukohwa waini, nezvibereko zvezhizha namafuta mugozviisa mumidziyo yenyu, mugogara mumaguta amakakunda.”
11VaJudha vose vaiva muMoabhu, muAmoni, nevemuEdhomu nedzimwe nyika dzose vakati vanzwa kuti mambo weBhabhironi akanga asiya vamwe vanhu muJudha uye kuti akanga agadza Gedharia mwanakomana waAhikami, mwanakomana waShafani, somubati pamusoro pavo, 12vose vakadzoka kunyika yeJudha, kuna Gedharia paMizipa, vachibva kunyika dzose kwavakanga vakaparadzirwa. Uye vakakohwa waini yakawanda nezvibereko zvezhizha zvizhinji kwazvo.
13Johanani mwanakomana waKarea navakuru vose vehondo vakanga vachiri kumasango vakauya kuna Gedharia paMizipa. 14Vakati kwaari, “Hauzivi here kuti Bhaarisi mambo wavaAmoni atuma Ishumaeri mwanakomana waNetania kuti azokuuraya?” Asi Gedharia mwanakomana waAhikami haana kuvatenda.
15Ipapo Johanani mwanakomana waKarea akati kuna Gedharia muchivande vari paMizipa, “Rega ndinouraya Ishumaeri mwanakomana waNetania, uye hapana achazviziva. Anodirei kukuuraya nokuita kuti vaJudha vose vakaungana, vakakupoteredza, vaparadzirwe uye vakasara veJudha vaparare?”
16Asi Gedharia mwanakomana waAhikami akati kuna Johanani mwanakomana waKarea, “Usaita chinhu chakadaro! Zvauri kutaura pamusoro paIshumaeri hazvisi zvechokwadi.”

¿Sabías que…?
Gedalías y el remanente en Mizpa
- En Ramá, el capitán de la guardia babilónica, Nabuzaradán, liberó a Jeremías de sus cadenas y le ofreció la opción de viajar protegido a Babilonia o quedarse en Judá. Jeremías decidió permanecer y se unió a Gedalías hijo de Ahicam en Mizpa.Fuentes: el propio texto bíblico · Nebuzar-adan · Ramah
- Nabucodonosor nombró a Gedalías, cuya familia había protegido anteriormente a Jeremías, como gobernador sobre la gente más pobre que quedó en la tierra. Gedalías estableció su sede en Mizpa y animó a los refugiados y oficiales judíos a cultivar la tierra y vivir en paz bajo el dominio babilónico.Fuentes: el propio texto bíblico · Gedaliah · Ahikam · Mizpah
- El comandante militar Johanán advirtió a Gedalías que Ismael hijo de Netanías había sido enviado por el rey amonita para asesinarlo. Gedalías se negó a creer el informe y rechazó la propuesta de Johanán de eliminar a Ismael en secreto.Fuentes: el propio texto bíblico · Johanan · Ishmael · Gedaliah
Notas escritas con ayuda de IA a partir de fuentes abiertas (Theographic Bible Metadata, CC BY-SA 4.0; Easton’s Bible Dictionary, dominio público) y revisadas antes de publicarse.
Lugares de este capítulo
- Babylon · 32.543, 44.422 · versículos 1, 4, 5, 7, 9, 11
- Jerusalem · 31.777, 35.234 · versículo 1
- Chaldea · 30.962, 46.104 · versículos 9, 10
- Ammon · 31.955, 35.934 · versículos 11, 14
- Edom · 30.746, 35.604 · versículo 11
- Moab · Hoy: Moab 1 · 31.181, 35.701 · versículo 11
Solo aparecen lugares identificados con alta confianza (90 % o más según las fuentes académicas reunidas por OpenBible). Mapa de la época: DARE (Digital Atlas of the Roman Empire), CC BY 4.0; mapa actual: © colaboradores de OpenStreetMap; lugares: OpenBible.info (CC BY 4.0).
Créditos y licencia de esta traducción
Biblica® Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi 2017 The Holy Bible in the Shona language of Zimbabwe: Biblica® Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi 2017 copyright © 2005, 2018 Biblica, Inc. Language: chiShona Contributor: Biblica, Inc. Biblica® Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi™ Kopakodzero © 2005, 2018 ne Biblica, Inc. Biblica® Open Shona Contemporary Bible™ Copyright © 2005, 2018 by Biblica, Inc. “Biblica” chiratidzo chekutengeserana chakanyoreswa mu United States uye chiratidzo chehofisi yeBiblica, Inc. Inoshandiswa zviripamutemo. “Biblica” is a trademark registered in the United States Patent and Trademark Office by Biblica, Inc. Used with permission. Creative Commons License Iri basa rinowanikwa pasi peCreative Commons Attribution-ShareAlike 4.0 International License (CC BY-SA). Kuti utarise kopi yeiri rezinesi, shanyira https://creativecommons.org/licenses/by-sa/4.0 kana kutumira tsamba kuCreative Commons, PO Box 1866, Mountain View, CA 94042, USA. Biblica® chiratidzo chinozikanwa chakanyorwa neBiblica, Inc., uye kushandiswa kwechiratidzo cheBiblica® kunoda mvumo yakanyorwa yeBiblica, Inc. Pasi pemitemo ye rizinesi re CC BY-SA, unogona kuteedzera uye kugovera patsva basa iri risina kugadziridzwa bedzi kana uchichengetedza chiratidzo che Biblica®. Kana iwe ukachinja kopi kana kushandura iri basa, nokudaro uchigadzira rimwe basa, unofanira kubvisa chiratidzo cheBiblica®. Pabasa rakatorwa, unofanirwa kuratidza shanduko dzawakaita uye woratidza sezvinotevera: “Basa rekutanga reBiblica, Inc. rinowanikwa mahara pa www.biblica.com uye nepa open.bible.” Cherechedzo yekopakodzero inofanirwa kuoneka pamusoro wenyaya kana peji rekopakodzero sezvinotevera: Biblica® Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi™ Kopakodzero © 2005, 2018 ne Biblica, Inc. Biblica® Open Shona Contemporary Bible™ Copyright © 2005, 2018 by Biblica, Inc. “Biblica” chiratidzo chekutengeserana chakanyoreswa mu United States uye chiratidzo chehofisi yeBiblica, Inc. Inoshandiswa zviripamutemo. “Biblica” is a trademark registered in the United States Patent and Trademark Office by Biblica, Inc. Used with permission. Unofanirwa zvakare kuita kuti basa rawachinja riwanikwe pasi pe rezinesi yakafanana (CC BY-SA). Kana iwe uchida kuzivisa Biblica, Inc. maererano neshanduro yako yebasa iri, taura nesu pa https://open.bible/contact-us . This work is made available under the Creative Commons Attribution-ShareAlike 4.0 International License (CC BY-SA). To view a copy of this license, visit https://creativecommons.org/licenses/by-sa/4.0 or send a letter to Creative Commons, PO Box 1866, Mountain View, CA 94042, USA. Biblica® is a trademark registered by Biblica, Inc., and use of the Biblica® trademark requires the written permission of Biblica, Inc. Under the terms of the CC BY-SA license, you may copy and redistribute this unmodified work as long as you keep the Biblica® trademark intact. If you modify a copy or translate this work, thereby creating a derivative work, you must remove the Biblica® trademark. On the derivative work, you must indicate what changes you have made and attribute the work as follows: “The original work by Biblica, Inc. is available for free at www.biblica.com and open.bible.” Notice of copyright must appear on the title or copyright page of the work as follows: Biblica® Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi™ Kopakodzero © 2005, 2018 ne Biblica, Inc. Biblica® Open Shona Contemporary Bible™ Copyright © 2005, 2018 by Biblica, Inc. “Biblica” chiratidzo chekutengeserana chakanyoreswa mu United States uye chiratidzo chehofisi yeBiblica, Inc. Inoshandiswa zviripamutemo. “Biblica” is a trademark registered in the United States Patent and Trademark Office by Biblica, Inc. Used with permission. You must also make your derivative work available under the same license (CC BY-SA). If you would like to notify Biblica, Inc. regarding your translation of this work, please contact us at https://open.bible/contact-us . This translation is made available to you under the terms of the Creative Commons Attribution Share-Alike license 4.0. You have permission to share and redistribute this Bible translation in any format and to make reasonable revisions and adaptations of this translation, provided that: You include the above copyright and source information. If you make any changes to the text, you must indicate that you did so in a way that makes it clear that the original licensor is not necessarily endorsing your changes. If you redistribute this text, you must distribute your contributions under the same license as the original. Pictures included with Scriptures and other documents on this site are licensed just for use with those Scriptures and documents. For other uses, please contact the respective copyright owners. Note that in addition to the rules above, revising and adapting God's Word involves a great responsibility to be true to God's Word. See Revelation 22:18-19. 2023-04-14
Fuente: http://ebible.org/sna/ · eBible.org