Jueces 9
Biblica® Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi 2017 · Toca un versículo para ver sus referencias cruzadas.
Abhimereki
1Abhimereki mwanakomana waJerubhi-Bhaari akaenda kuhanzvadzi dzamai vake vaiva muShekemu akati kwavari uye nokuna vose veimba yamai vake, 2“Bvunzai vose vanogara muShekemu kuti, ‘Zviri nani kwamuri ndezvipi: Kuti mutongwe navanakomana vose vaJerubhi-Bhaari vari makumi manomwe kana kungotongwa nomunhu mumwe chete?’ Murangarire kuti ini ndiri nyama neropa renyu.”
3Hanzvadzi dzamai vake dzakarondedzerazve zvose izvi kuvagari veShekemu, vakada kutevera Abhimereki, nokuti vakati, “Ihama yedu.” 4Vakamupa mashekeri esirivha makumi manomwe aibva mutemberi yaBhaari-Bheriti, uye Abhimereki akaishandisa kutenga varume vakanga vakaipa uye vasina tsitsi, vakava vateveri vake. 5Akaenda kuimba yababa vake muOfira uye akaponda paruware rumwe chete vanakomana vababa vake makumi manomwe, ivo vanakomana vaJerubhi-Bhaari. Asi Jotamu, muduku pane vose kuvanakomana vaJerubhi-Bhaari, akapunyuka nokuti akavanda. 6Ipapo vagari vose vomuShekemu nokuBheti Miro vakaungana parutivi pomuti mukuru pambiru iri muShekemu kuti vagadze Abhimereki samambo.
7Jotamu akati azvinzwa, akakwira pamusoro peGomo reGerizimu akadanidzira kwavari akati, “Nditeererei imi vagari veShekemu, kuti Mwari agoteerera kwamuri. 8Rimwe zuva miti yakabuda kundozodza mambo wayo. Vakati kumuti womuOrivhi, ‘Iva mambo wedu.’
9“Asi muti womuOrivhi wakapindura ukati, ‘Ko, ndingada kusiya mafuta angu, anoremekedzwa nezvose, vamwari navanhu, kuti ndinozengaira hangu pamusoro pemiti here?’
10“Shure kwaizvozvo, miti yakati kumuonde, ‘Uya uzova mambo wedu.’
11“Asi muonde wakapindura ukati, ‘Ndingada hangu kusiya muchero wangu, wakanaka kudai uye unotapira, kuti ndinozengaira pamusoro pemiti here?’
12“Ipapo miti ikati kumuzambiringa, ‘Uya uzova mambo wedu.’
13“Asi muzambiringa wakapindura ukati, ‘Ndingada hangu kusiya waini yangu inofadza vose vamwari navanhu, kuti ndinozengaira pamusoro pemiti here?’
14“Pakupedzisira, miti yose yakati kurukato, ‘Uya uve mambo wedu.’
15“Rukato rukati kumiti, ‘Kana muchida kundizodza kuti ndive mambo wenyu zvirokwazvo, uyai muvande pamumvuri wangu; asi kana zvisizvo, moto ngaubude murukato ugopisa misidhari yeRebhanoni!’
16“Zvino kana imi makaita zvinokudzwa uye zvakatendeka pamakaita Abhimereki mambo, uye kana makaita zvakanaka kuna Jerubhi-Bhaari nokumhuri yake, uye kana makamubata sezvaanofanira, 17uye nokufunga kuti baba vangu vakakurwirai, vakaisa upenyu hwavo panjodzi kuti vakununurei kubva muruoko rweMidhiani 18(asi nhasi mapandukira mhuri yababa vangu, mukaponda vanakomana vavo makumi manomwe padombo rimwe chete, uye mukaisa Abhimereki, mwanakomana womurandakadzi wavo kuti ave mambo pamusoro pavagere muShekemu nokuda kwokuti ihama yenyu), 19kana zvino makaita norukudzo uye nokutenda kwakanaka kuna Jerubhi-Bhaari nemhuri yake, nhasi Abhimereki ngaave mufaro wenyu, nemiwo muve wakewo! 20Asi kana musina kudaro, moto ngaubude kubva kuna Abhimereki, uye uparadze imi, vagari veShekemu neBheti Miro, uye moto ngaubude kwamuri, vagari veShekemu neBheti Miro, ugoparadza Abhimereki!”
21Ipapo Jotamu akatiza, akapunyukira kuBheeri, uye akagara ikoko nokuti akanga achitya mukoma wake Abhimereki.
22Shure kwamakore matatu aAbhimereki achitonga Israeri, 23Mwari akatuma mweya wakaipa pakati paAbhimereki navagari vomuShekemu, ukanyengera Abhimereki. 24Mwari akaita izvi kuitira kuti zvakaipa zvakaitirwa vanakomana makumi manomwe vaJerubhi-Bhaari, kuteurwa kweropa ravo, kutsiviwe pamusoro pomununʼuna wavo Abhimereki uye napamusoro pavagari veShekemu, avo vakanga vamubatsira kuponda vanakomana vababa vake. 25Mukumurwisa kwavo, vagari ava veShekemu vakaisa varume pamusoro pezvikomo kuti vavandire nokupamba mumwe nomumwe aipfuura, uye izvi zvakaziviswa kuna Abhimereki.
26Zvino Gaari mwanakomana waEbhedhi akaenda navanunʼuna vake kundogara muShekemu, uye vagari vomo vakavimba naye. 27Vakaenda kuminda vakandounganidza mazambiringa vakaasvina uye vakaita mutambo. Vakapinda mutemberi yamwari wavo, vakadya vakanwa uye vakatuka Abhimereki. 28Ipapo Gaari mwanakomana waEbhedhi akati, “Abhimereki ndianiko uye Shekemu ndianiko, kuti tive varanda vake? Ko, haazi mwanakomana waJerubhi-Bhaari, uye Zebhuri haazi mutevedzeri wake here? Shandirai vanhu vaHamori, baba vaShekemu! Seiko tichishandira Abhimereki? 29Dai chete vanhu ava vanga vari pasi pangu! Ipapo ndaimubvisa. Ndaizoti kuna Abhimereki, ‘Dana hondo yako yose!’ ”
30Zebhuri mubati weguta akati anzwa zvakataurwa naGaari mwanakomana waEbhedhi, akatsamwa zvikuru. 31Akatuma nhume kuna Abhimereki muchivande achiti, “Gaari mwanakomana waEbhedhi uye navanunʼuna vake vakasvika kuShekemu uye vari kukuchidzira guta kuti rikurwisei. 32Saka zvino, usiku, imi navanhu venyu munofanira kuzovandira muri muminda. 33Panguva dzamangwanani, zuva robuda, mupinde murwise guta. Panouya Gaari navanhu vake kuti vabude kuzorwa nemi, muite zvose zvamunogona noruoko rwenyu.”
34Saka Abhimereki namauto ake akasimuka usiku akaenda kunzvimbo dzakavanda pedyo neShekemu mumapoka mana. 35Zvino Gaari mwanakomana waEbhedhi akanga abuda uye akanga amire pamukova wamasuo eguta apo Abhimereki navarwi vake vakasimuka pavakanga vakavanda.
36Gaari akati achivaona, akati kuna Zebhuri, “Tarira, vanhu vari kuburuka kubva pamusoro pamakomo!”
Zebhuri akapindura akati, “Uri kuona mimvuri yamakomo savanhu iwe.”
37Asi Gaari akadanidzirazve akati, “Tarira vanhu vari kuburuka kubva pakati penyika, rimwe boka riri kubva nenzira yomuti wavavuki.”
38Ipapo Zebhuri akati kwaari, “Kutaura kwako kukuru kuripiko zvino, iyewe waiti, ‘Abhimereki ndianiko kuti isu tive varanda kwaari?’ Handiti ava ndivo vanhu vawaizvidza here? Chibuda undorwa navo!”
39Saka Gaari akabuda akatungamirira vanhu veShekemu akarwa naAbhimereki. 40Abhimereki akamudzinganisa uye vazhinji vakafa vakuvadzwa mukutiza uku nzira yose kusvikira pamukova wokupinda pasuo reguta. 41Abhimereki akagara muAruma, uye Zebhuri akadzinga Gaari navanunʼuna vake muShekemu.
42Fume mangwana vanhu veShekemu vakabuda vakaenda kuminda, uye izvi zvakaziviswa kuna Abhimereki. 43Saka akatora vanhu vake, akavakamura akavaisa mumapoka matatu akavandira musango. Akati achiona vanhu vachibuda muguta, akasimuka kuti avarwise. 44Abhimereki namapoka aakanga anawo vakamhanyira pamukova wokupinda pasuo reguta. Ipapo mapoka maviri akamhanyira vaya vakanga vari kuminda vakavauraya. 45Zuva rose iroro, Abhimereki akarwisa kwazvo guta kusvikira aritapa uye auraya vanhu varo. Ipapo akaparadza guta uye akakusha munyu pamusoro paro.
46Vachinzwa izvi vagari vomushongwe yeShekemu, vakapinda munhare dzetemberi yaEri-Bheriti. 47Abhimereki akati anzwa kuti vakanga vakaungana ipapo, 48Iye navanhu vake vose vakakwira muGomo reZarimoni. Akatora demo akagura matavi, akaasimudza akaaisa pamapfudzi ake. Akarayira varume vaaiva navo akati, “Kurumidzai! Itai zvamandiona ndichiita!” 49Saka varume vose vakagura matavi vakatevera Abhimereki. Vakaatutira pamusoro penhare ndokuitungidza nomoto vanhu vari mukati. Saka vanhu vose vaiva mushongwe yeShekemu, varume navakadzi vanenge chiuru chimwe chete vakafawo.
50Shure kwaizvozvo Abhimereki akaenda kuTebhezi akarikomba uye akaritapa. 51Kunyange zvakadaro, mukati meguta makanga mune shongwe yakasimba, munova ndimo makatizira varume vose navakadzi, navanhu vose veguta. Vakazvikiyira mukati vakakwira padenga reshongwe. 52Abhimereki akaenda kushongwe iyo uye akairwisa. Asi akati achiswedera pamukova weshongwe kuti aipise nomoto, 53mukadzi akakanda guyo pamusoro pake rikatsemura dehenya rake.
54Pakarepo akadana mutakuri wenhumbi dzake dzokurwa akati, “Vhomora munondo wako undiuraye, kuti vasazoti, ‘Akaurayiwa nomukadzi.’ ” Saka muranda wake akamubaya akafa. 55VaIsraeri vakati vaona kuti Abhimereki afa, vakaenda kumusha.
56Naizvozvo Jehovha akatsiva kuipa kwaAbhimereki kwaakaita kuna baba vake nokuponda vanakomana vababa vake makumi manomwe. 57Mwari akaitawo kuti varume veShekemu varipe zvakaipa zvavo zvose. Kutuka kwaJotamu, mwanakomana waJerubhi-Bhaari kwakauya pamusoro pavo.

¿Sabías que…?
El ascenso y la caída de Abimelec
- Tras sobrevivir a la masacre de sus hermanos en Ofra, Jotam subió al monte Gerizim, situado sobre Siquem, para proclamar la fábula de los árboles que buscaban un rey. Su advertencia contra hacer rey a Abimelec sirvió como una maldición profética que anticipó la destrucción mutua entre Abimelec y los líderes de Siquem.Fuentes: el propio texto bíblico · Jotham · Mount Gerizim · Ophrah
- Cuando la ciudad de Siquem se rebeló bajo el liderazgo de Gaal, el gobernador de la ciudad, Zebul, ayudó a Abimelec a organizar una emboscada. Tras capturar la ciudad, Abimelec masacró a sus habitantes, demolió sus murallas y sembró las ruinas con sal.Fuentes: el propio texto bíblico · Zebul · Gaal
- Durante el asedio de Tebes, una mujer desde lo alto de la torre fortificada arrojó una piedra de molino que le fracturó el cráneo a Abimelec. Para evitar la deshonra de haber sido muerto por una mujer, ordenó a su escudero que lo atravesara con su espada.Fuentes: el propio texto bíblico · Abimelech
Notas escritas con ayuda de IA a partir de fuentes abiertas (Theographic Bible Metadata, CC BY-SA 4.0; Easton’s Bible Dictionary, dominio público) y revisadas antes de publicarse.
Lugares de este capítulo
- Shechem · Hoy: Tell Balatah · 32.214, 35.282 · versículos 1, 2, 3, 6, 7, 18, 20, 23, 24, 25, 26, 27, 28, 31, 34, 39, 40, 41, 42, 44, 57
- Mount Gerizim · 32.199, 35.273 · versículo 7
- Lebanon · 33.540, 35.584 · versículo 15
- Midian · 28.495, 35.012 · versículo 17
- Diviners’ Oak · Hoy: within 200 m of Tell Balatah · 32.214, 35.282 · versículo 37
- Tabbur-erez · Hoy: Mount Gerizim · 32.199, 35.273 · versículo 37
- Tower of Shechem · Hoy: in Tell Balatah · 32.214, 35.282 · versículos 46, 47, 49
Solo aparecen lugares identificados con alta confianza (90 % o más según las fuentes académicas reunidas por OpenBible). Mapa de la época: DARE (Digital Atlas of the Roman Empire), CC BY 4.0; mapa actual: © colaboradores de OpenStreetMap; lugares: OpenBible.info (CC BY 4.0).
Créditos y licencia de esta traducción
Biblica® Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi 2017 The Holy Bible in the Shona language of Zimbabwe: Biblica® Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi 2017 copyright © 2005, 2018 Biblica, Inc. Language: chiShona Contributor: Biblica, Inc. Biblica® Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi™ Kopakodzero © 2005, 2018 ne Biblica, Inc. Biblica® Open Shona Contemporary Bible™ Copyright © 2005, 2018 by Biblica, Inc. “Biblica” chiratidzo chekutengeserana chakanyoreswa mu United States uye chiratidzo chehofisi yeBiblica, Inc. Inoshandiswa zviripamutemo. “Biblica” is a trademark registered in the United States Patent and Trademark Office by Biblica, Inc. Used with permission. Creative Commons License Iri basa rinowanikwa pasi peCreative Commons Attribution-ShareAlike 4.0 International License (CC BY-SA). Kuti utarise kopi yeiri rezinesi, shanyira https://creativecommons.org/licenses/by-sa/4.0 kana kutumira tsamba kuCreative Commons, PO Box 1866, Mountain View, CA 94042, USA. Biblica® chiratidzo chinozikanwa chakanyorwa neBiblica, Inc., uye kushandiswa kwechiratidzo cheBiblica® kunoda mvumo yakanyorwa yeBiblica, Inc. Pasi pemitemo ye rizinesi re CC BY-SA, unogona kuteedzera uye kugovera patsva basa iri risina kugadziridzwa bedzi kana uchichengetedza chiratidzo che Biblica®. Kana iwe ukachinja kopi kana kushandura iri basa, nokudaro uchigadzira rimwe basa, unofanira kubvisa chiratidzo cheBiblica®. Pabasa rakatorwa, unofanirwa kuratidza shanduko dzawakaita uye woratidza sezvinotevera: “Basa rekutanga reBiblica, Inc. rinowanikwa mahara pa www.biblica.com uye nepa open.bible.” Cherechedzo yekopakodzero inofanirwa kuoneka pamusoro wenyaya kana peji rekopakodzero sezvinotevera: Biblica® Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi™ Kopakodzero © 2005, 2018 ne Biblica, Inc. Biblica® Open Shona Contemporary Bible™ Copyright © 2005, 2018 by Biblica, Inc. “Biblica” chiratidzo chekutengeserana chakanyoreswa mu United States uye chiratidzo chehofisi yeBiblica, Inc. Inoshandiswa zviripamutemo. “Biblica” is a trademark registered in the United States Patent and Trademark Office by Biblica, Inc. Used with permission. Unofanirwa zvakare kuita kuti basa rawachinja riwanikwe pasi pe rezinesi yakafanana (CC BY-SA). Kana iwe uchida kuzivisa Biblica, Inc. maererano neshanduro yako yebasa iri, taura nesu pa https://open.bible/contact-us . This work is made available under the Creative Commons Attribution-ShareAlike 4.0 International License (CC BY-SA). To view a copy of this license, visit https://creativecommons.org/licenses/by-sa/4.0 or send a letter to Creative Commons, PO Box 1866, Mountain View, CA 94042, USA. Biblica® is a trademark registered by Biblica, Inc., and use of the Biblica® trademark requires the written permission of Biblica, Inc. Under the terms of the CC BY-SA license, you may copy and redistribute this unmodified work as long as you keep the Biblica® trademark intact. If you modify a copy or translate this work, thereby creating a derivative work, you must remove the Biblica® trademark. On the derivative work, you must indicate what changes you have made and attribute the work as follows: “The original work by Biblica, Inc. is available for free at www.biblica.com and open.bible.” Notice of copyright must appear on the title or copyright page of the work as follows: Biblica® Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi™ Kopakodzero © 2005, 2018 ne Biblica, Inc. Biblica® Open Shona Contemporary Bible™ Copyright © 2005, 2018 by Biblica, Inc. “Biblica” chiratidzo chekutengeserana chakanyoreswa mu United States uye chiratidzo chehofisi yeBiblica, Inc. Inoshandiswa zviripamutemo. “Biblica” is a trademark registered in the United States Patent and Trademark Office by Biblica, Inc. Used with permission. You must also make your derivative work available under the same license (CC BY-SA). If you would like to notify Biblica, Inc. regarding your translation of this work, please contact us at https://open.bible/contact-us . This translation is made available to you under the terms of the Creative Commons Attribution Share-Alike license 4.0. You have permission to share and redistribute this Bible translation in any format and to make reasonable revisions and adaptations of this translation, provided that: You include the above copyright and source information. If you make any changes to the text, you must indicate that you did so in a way that makes it clear that the original licensor is not necessarily endorsing your changes. If you redistribute this text, you must distribute your contributions under the same license as the original. Pictures included with Scriptures and other documents on this site are licensed just for use with those Scriptures and documents. For other uses, please contact the respective copyright owners. Note that in addition to the rules above, revising and adapting God's Word involves a great responsibility to be true to God's Word. See Revelation 22:18-19. 2023-04-14
Fuente: http://ebible.org/sna/ · eBible.org