Jueces 8
Biblica® Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi 2017 · Toca un versículo para ver sus referencias cruzadas.
Zebha naZarumuna
1Zvino vaEfuremu vakabvunza Gidheoni vakati, “Makatibatireiko zvakadai? Makaregerei kutidana pamakaenda kundorwa navaMidhiani?” Uye vakamutsoropodza zvikuru.
2Asi akavapindura akati, “Ko, chii chandaita kuti ndizvienzanise nemi? Handiti zvakanongwa zvamazambiringa aEfuremu zviri nani kupfuura mukohwo uzere wamazambiringa aAbhiezeri? 3Mwari akaisa Orebhi naZeebhi, vatungamiri vavaMidhiani mumaoko enyu. Ko, ini ndaizokwanisa kuitei kuti ndienzaniswe nemi?” Ipapo, kutsamwa kwavo pamusoro pake kwakaserera.
4Gidheoni navanhu vake mazana matatu, vakaramba vachingotevera, vakasvika kurwizi Jorodhani uye vakaruyambuka havo, asi vakanga vaneta kwazvo. 5Akati kuvarume veSukoti, “Ipai henyu mauto angu chingwa; vaneta, uye ndichiri kutevera Zebha naZarumuna, madzimambo eMidhiani.”
6Asi machinda eSukoti akati, “Matova namaoko aZebha naZarumuna mumaoko enyu here? Ko, tingapirei chingwa kumauto enyu?”
7Ipapo Gidheoni akapindura akati, “Nokuda kwaizvozvo, Jehovha paanongoisa Zebha naZarumuna muruoko rwangu, ini ndichabvambura nyama yenyu neminzwa yomurenje uye norukato.”
8Kubva ipapo akaenda kuPenieri vakaita chikumbiro chimwe chetecho, asi naivowo vakapindura sezvakaita varume veSukoti. 9Saka iye akati kuvarume vePenieri, “Pandinodzoka ndakunda, ndichakoromora shongwe iyi.”
10Zvino Zebha naZarumuna vakanga vari muKarikori vaine hondo yavarume zviuru gumi nezvishanu, vose vakanga vasara pahondo yavanhu vokumabvazuva; varume vomunondo zviuru makumi maviri vakanga vafa. 11Gidheoni akakwidza nenzira yavaigara mumatende kumabvazuva kweNobha neJogibheha vakandokunda hondo yakanga isina chayakatarisira. 12Zebha naZarumuna, madzimambo maviri eMidhiani, vakatiza, asi akavatevera akavabata, akakunda hondo yavo yose.
13Gidheoni mwanakomana waJoashi akadzoka kubva kuhondo napaMupata weHeresi. 14Akabata jaya rokuSukoti uye akaribvunza, uye jaya rikanyora pasi mazita amachinda makumi manomwe navanomwe vokuSukoti, vakuru veguta. 15Ipapo Gidheoni akasvika akati kuvarume veSukoti, “Havano vanaZebha naZarumuna, vaya vamakandiseka muchiti, ‘Ko, watova namaoko aZebha naZarumuna kare here? Tinopireiko chingwa kuvanhu vako vaneta ava?’ ” 16Akatora vakuru veguta akadzidzisa varume veSukoti chidzidzo nenzira yokuvaranga neminzwa yomurenje uye norukato. 17Akakoromorawo shongwe yePenieri uye akauraya varume vomuguta.
18Ipapo akabvunza Zebha naZarumuna akati, “Varume vamakauraya paTabhori vakanga vakadiniko?”
Vakapindura vakati, “Varume vakaita semi, mumwe nomumwe airatidzika somwanakomana wamambo.”
19Gidheoni akati, “Ivavo vakanga vari vanunʼuna vangu vanakomana vamai vangu chaivo. Zvirokwazvo naJehovha mupenyu, dai makanga mavaponesa, ini handaizokuurayai.” 20Akatendeukira kuna Jeta mwanakomana wake mukuru, akati, “Vauraye!” Asi Jeta haana kuvhomora munondo wake, nokuti akanga achiri mukomana uye aitya.
21Zebha naZarumuna vakati, “Uyai muzviite imi. ‘Munhu sezvaari ndizvo zvakaita simba rake.’ ” Saka Gidheoni akaswedera akavauraya, uye akatora zvishongo kubva mumitsipa yengamera dzavo.
Efodhi yaGidheoni
22VaIsraeri vakati kuna Gidheoni, “Titonge iwe, mwanakomana wako nomuzukuru wako nokuti wakatiponesa kubva muruoko rwavaMidhiani.”
23Asi Gidheoni akati kwavari, “Ini handingakutongei, uye mwanakomana wangu haangakutongei. Jehovha ndiye achakutongai.” 24Uye akati, “Ndine chikumbiro chimwe chete, chokuti mumwe nomumwe wenyu andipe mhete yomunzeve kubva pamugove wezvamakapamba.” (Yakanga iri tsika yavaIshumaeri yokushonga mhete dzegoridhe dzomunzeve.)
25Vakapindura vakati, “Tichafara kudzipa kwamuri.” Saka vakawaridza nguo pasi, uye murume mumwe nomumwe akakanda mhete yezvaakapamba pamusoro payo. 26Uremu hwemhete dzegoridhe dzaakakumbira hwakasvika mashekeri chiuru chimwe namazana manomwe, pasingaverengwi zvishongo, uketani, nguo dzepepuru dzaipfekwa namadzimambo eMidhiani kana uketani hwakanga huri pamitsipa yengamera dzavo. 27Gidheoni akaita nazvo efodhi yegoridhe iyo yaakaisa muOfira, guta rake. VaIsraeri vose vakaita ufeve nokuinamata ipapo, uye yakava musungo kuna Gidheoni nokumhuri yake.
Kufa kwaGidheoni
28Naizvozvo vaMidhiani vakakundwa pamberi pavaIsraeri uye havana kuzosimudzazve musoro wavo. Pamazuva okurarama kwaGidheoni, nyika yakava norugare kwamakore makumi mana.
29Jerubhi-Bhaari mwanakomana waJoashi akadzokerazve kundogara kumusha kwake. 30Akanga ana vanakomana vake chaivo makumi manomwe, nokuti akanga ana vakadzi vazhinji. 31Murongo wake, aigara muShekemu, akamuberekerawo mwanakomana, akamutumidza kuti Abhimereki. 32Gidheoni mwanakomana waJoashi akafa akwegura zvikuru uye akavigwa muguva rababa vake Joashi muOfira ravaAbhiezeri.
33Gidheoni akati achangofa, vaIsraeri vakafevazve vakatevera vaBhaari. Vakamisa Bhaari Bheriti samwari wavo uye 34havana kurangarira Jehovha Mwari wavo, akanga avanunura kubva mumaoko avavengi vavo kumativi ose. 35Vakatadza kuitira mhuri yaJerubhi-Bhaari (iye Gidheoni) zvakanaka pazvinhu zvose zvakanaka zvaakanga avaitira.

¿Sabías que…?
La persecución de Madián y los últimos años de Gedeón
- Cuando la tribu de Efraín protestó con violencia por no haber sido llamada antes a la batalla, Gedeón calmó la disputa con una metáfora diplomática. Comparó los 'rebuscos de Efraín'—la captura de los príncipes madianitas Oreb y Zeeb—favorablemente frente a toda la 'vendimia' de su propio clan, Abiezer.Fuentes: el propio texto bíblico · Gideon · Abiezer · Oreb
- Las ciudades de Sucot y Penuel, ubicadas al este del río Jordán, se negaron a dar alimento a los trescientos hombres exhaustos de Gedeón. Por temor a represalias si los reyes madianitas Zeba y Zalmuna prevalecían, sus líderes retuvieron la ayuda, lo que provocó que Gedeón castigara severamente a ambas poblaciones tras su victoria.Fuentes: el propio texto bíblico · Succoth · Penuel · Zebah
- Aunque Gedeón rechazó la propuesta de una monarquía dinástica sobre Israel afirmando que solo Dios debía reinar, solicitó los pendientes de oro tomados del botín de los invasores. Con este oro elaboró un efod para su ciudad natal de Ofra, el cual terminó convirtiéndose en un lazo de idolatría para Israel.Fuentes: el propio texto bíblico · Ophrah · Gideon
Notas escritas con ayuda de IA a partir de fuentes abiertas (Theographic Bible Metadata, CC BY-SA 4.0; Easton’s Bible Dictionary, dominio público) y revisadas antes de publicarse.
Lugares de este capítulo
- Midian · 28.495, 35.012 · versículos 1, 3, 5, 12, 22, 26, 28
- Abiezer · Hoy: about 15 km around Afula · 32.606, 35.290 · versículo 2
- Jordan · Hoy: Jordan River · 31.761, 35.558 · versículo 4
- East · Hoy: region around Amman · 31.955, 35.934 · versículo 10
- Mount Tabor · Hoy: Jebel et Tur · 32.686, 35.393 · versículo 18
- Shechem · Hoy: Tell Balatah · 32.214, 35.282 · versículo 31
Solo aparecen lugares identificados con alta confianza (90 % o más según las fuentes académicas reunidas por OpenBible). Mapa de la época: DARE (Digital Atlas of the Roman Empire), CC BY 4.0; mapa actual: © colaboradores de OpenStreetMap; lugares: OpenBible.info (CC BY 4.0).
Créditos y licencia de esta traducción
Biblica® Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi 2017 The Holy Bible in the Shona language of Zimbabwe: Biblica® Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi 2017 copyright © 2005, 2018 Biblica, Inc. Language: chiShona Contributor: Biblica, Inc. Biblica® Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi™ Kopakodzero © 2005, 2018 ne Biblica, Inc. Biblica® Open Shona Contemporary Bible™ Copyright © 2005, 2018 by Biblica, Inc. “Biblica” chiratidzo chekutengeserana chakanyoreswa mu United States uye chiratidzo chehofisi yeBiblica, Inc. Inoshandiswa zviripamutemo. “Biblica” is a trademark registered in the United States Patent and Trademark Office by Biblica, Inc. Used with permission. Creative Commons License Iri basa rinowanikwa pasi peCreative Commons Attribution-ShareAlike 4.0 International License (CC BY-SA). Kuti utarise kopi yeiri rezinesi, shanyira https://creativecommons.org/licenses/by-sa/4.0 kana kutumira tsamba kuCreative Commons, PO Box 1866, Mountain View, CA 94042, USA. Biblica® chiratidzo chinozikanwa chakanyorwa neBiblica, Inc., uye kushandiswa kwechiratidzo cheBiblica® kunoda mvumo yakanyorwa yeBiblica, Inc. Pasi pemitemo ye rizinesi re CC BY-SA, unogona kuteedzera uye kugovera patsva basa iri risina kugadziridzwa bedzi kana uchichengetedza chiratidzo che Biblica®. Kana iwe ukachinja kopi kana kushandura iri basa, nokudaro uchigadzira rimwe basa, unofanira kubvisa chiratidzo cheBiblica®. Pabasa rakatorwa, unofanirwa kuratidza shanduko dzawakaita uye woratidza sezvinotevera: “Basa rekutanga reBiblica, Inc. rinowanikwa mahara pa www.biblica.com uye nepa open.bible.” Cherechedzo yekopakodzero inofanirwa kuoneka pamusoro wenyaya kana peji rekopakodzero sezvinotevera: Biblica® Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi™ Kopakodzero © 2005, 2018 ne Biblica, Inc. Biblica® Open Shona Contemporary Bible™ Copyright © 2005, 2018 by Biblica, Inc. “Biblica” chiratidzo chekutengeserana chakanyoreswa mu United States uye chiratidzo chehofisi yeBiblica, Inc. Inoshandiswa zviripamutemo. “Biblica” is a trademark registered in the United States Patent and Trademark Office by Biblica, Inc. Used with permission. Unofanirwa zvakare kuita kuti basa rawachinja riwanikwe pasi pe rezinesi yakafanana (CC BY-SA). Kana iwe uchida kuzivisa Biblica, Inc. maererano neshanduro yako yebasa iri, taura nesu pa https://open.bible/contact-us . This work is made available under the Creative Commons Attribution-ShareAlike 4.0 International License (CC BY-SA). To view a copy of this license, visit https://creativecommons.org/licenses/by-sa/4.0 or send a letter to Creative Commons, PO Box 1866, Mountain View, CA 94042, USA. Biblica® is a trademark registered by Biblica, Inc., and use of the Biblica® trademark requires the written permission of Biblica, Inc. Under the terms of the CC BY-SA license, you may copy and redistribute this unmodified work as long as you keep the Biblica® trademark intact. If you modify a copy or translate this work, thereby creating a derivative work, you must remove the Biblica® trademark. On the derivative work, you must indicate what changes you have made and attribute the work as follows: “The original work by Biblica, Inc. is available for free at www.biblica.com and open.bible.” Notice of copyright must appear on the title or copyright page of the work as follows: Biblica® Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi™ Kopakodzero © 2005, 2018 ne Biblica, Inc. Biblica® Open Shona Contemporary Bible™ Copyright © 2005, 2018 by Biblica, Inc. “Biblica” chiratidzo chekutengeserana chakanyoreswa mu United States uye chiratidzo chehofisi yeBiblica, Inc. Inoshandiswa zviripamutemo. “Biblica” is a trademark registered in the United States Patent and Trademark Office by Biblica, Inc. Used with permission. You must also make your derivative work available under the same license (CC BY-SA). If you would like to notify Biblica, Inc. regarding your translation of this work, please contact us at https://open.bible/contact-us . This translation is made available to you under the terms of the Creative Commons Attribution Share-Alike license 4.0. You have permission to share and redistribute this Bible translation in any format and to make reasonable revisions and adaptations of this translation, provided that: You include the above copyright and source information. If you make any changes to the text, you must indicate that you did so in a way that makes it clear that the original licensor is not necessarily endorsing your changes. If you redistribute this text, you must distribute your contributions under the same license as the original. Pictures included with Scriptures and other documents on this site are licensed just for use with those Scriptures and documents. For other uses, please contact the respective copyright owners. Note that in addition to the rules above, revising and adapting God's Word involves a great responsibility to be true to God's Word. See Revelation 22:18-19. 2023-04-14
Fuente: http://ebible.org/sna/ · eBible.org