Nations Bible

Ezequiel 37

Biblica® Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi 2017 · Toca un versículo para ver sus referencias cruzadas.

Mupata waMapfupa Akaoma

1Ruoko rwaJehovha rwakanga rwuri pamusoro pangu, uye akandibudisa noMweya waJehovha akandiisa pakati pomupata; wakanga uzere namapfupa. 2Akanditungamirira kuno nokoko pakati pawo, uye ndakaona mapfupa mazhinji zhinji pamusoro pomupata; mapfupa akanga akaoma kwazvo. 3Akandibvunza akati, “Mwanakomana womunhu, mapfupa aya angararama here?”

Ini ndakati, “Imi Ishe Jehovha, iyemi moga munoziva.”

4Ipapo iye akati kwandiri, “Profita kumapfupa aya uti kwaari, ‘Imi mapfupa akaoma, inzwai shoko raJehovha: 5Zvanzi naIshe Jehovha kumapfupa aya: Ndichaisa mweya mukati menyu mugorarama. 6Ndichaisa marunda pamuri ndigoita kuti muve nenyama pamusoro penyu uye ndichakufukidzai neganda; ndichaisa mweya mukati menyu uye muchava vapenyu. Ipapo muchaziva kuti ndini Jehovha.’ ”

7Saka ndakaprofita sezvandakarayirwa. Zvino ndakati ndichiprofita, kwakava nomumvumo, nokurira kwaiti kweche kweche, uye mapfupa akaswededzana, bvupa nebvupa. 8Ndakatarira, ndikaona marunda nenyama zvavapo uye zvakafukidzwa neganda, asi makanga musina mweya mukati mazvo.

9Ipapo akati kwandiri, “Profita kumhepo; profita, mwanakomana womunhu, uti kwairi, ‘Zvanzi naIshe Jehovha: Uya uchibva kumhepo ina, iwe mweya, ufemere mukati maava vakaurayiwa, kuti vararame.’ ” 10Saka ndakaprofita sezvaakandirayira, mweya ukapinda mukati mavo; vakararama vakamira netsoka dzavo, iri hondo huru kwazvo.

11Ipapo akati kwandiri, “Mwanakomana womunhu, mapfupa aya ndiyo imba yose yaIsraeri. Ivo vanoti, ‘Mapfupa edu aoma uye hatisisina tariro; taparadzwa hedu.’ 12Naizvozvo profita uti kwavari, ‘Zvanzi naIshe Jehovha: Haiwa vanhu vangu, ndiri kuzozarura marinda enyu ndigokubudisai maari; ndichakudzoseraizve kunyika yaIsraeri. 13Ipapo imi, vanhu vangu, muchaziva kuti ndini Jehovha, pandichazarura marinda enyu ndichikubudisai maari. 14Ndichaisa mweya wangu mukati menyu mugorarama, uye ndichakugarisai munyika yenyu. Ipapo muchaziva kuti ini Jehovha ndakazvitaura, uye ndakazviita, ndizvo zvinotaura Jehovha.’ ”

Rudzi rumwe chete pasi pamambo mumwe chete

15Shoko raJehovha rakasvika kwandiri richiti, 16“Mwanakomana womunhu, tora rutanda unyore parwuri kuti, ‘ZvaJudha nezvaIsraeri shamwari dzake.’ Ipapo utore rumwe rutanda, ugonyora pamusoro parwo kuti, ‘Rutanda rwaEfuremu, norwaJosefa neimba yose yaIsraeri neshamwari dzake.’ 17Uzvibatanidze pamwe chete zvive rutanda rumwe kuitira kuti zvive rutanda rumwe chete muruoko rwako.

18“Kana vanhu venyika yako vakakubvunza vachiti, ‘Haungatiudziwo zvaunoreva nechinhu ichi here?’ 19uti kwavari, ‘Zvanzi naJehovha: Ndiri kuzotora rutanda rwaJosefa, rwuri muruoko rwaEfuremu, nerwaIsraeri shamwari dzake, ndigorubatanidza nerwaJudha, ndichiaita rutanda rumwe chete rwehuni, agova rutanda rumwe chete muruoko rwangu.’ 20Uabate pamberi pavo iwo matanda awakanyora paari 21ugoti kwavari, ‘Zvanzi naIshe Jehovha: Kubva munyika dzose kwavakanga vaenda ndichadzosera vaIsraeri munyika yavo. 22Ndichavaita rudzi rumwe chete munyika iyo, pamakomo eIsraeri. Pachava namambo mumwe chete pamusoro pavo vose uye havachazovazve marudzi maviri kana kupatsanurwa kuti vave umambo huviri. 23Havachazozvisvibisizve nezvifananidzo zvavo kana nezvinonyangadza zvavo kana kudarika kuipa kwavo, nokuti ini ndichavaponesa pazvivi zvavo zvokudzokera shure, uye ndichavanatsa. Vachava vanhu vangu uye ini ndichava Mwari wavo.

24“ ‘Muranda wangu Dhavhidhi achava mambo pamusoro pavo, uye vose vachava nomufudzi mumwe chete. Vachatevera mirayiro yangu uye vachachenjerera kuchengeta mitemo yangu. 25Vachagara munyika yandakapa kumuranda wangu Jakobho, iyo nyika yaigara madzibaba avo. Vachagaramo nokusingaperi ivo navana vavo navana vavana vavo uye Dhavhidhi muranda wangu achava muchinda wavo nokusingaperi. 26Ndichaita sungano yorugare navo; ichava sungano isingaperi. Ndichavasimbisa, ndichavawanza uye ndichaisa nzvimbo yangu tsvene pakati pavo nokusingaperi. 27Ugaro hwangu huchava pakati pavo, ini ndichava Mwari wavo, uye ivo vachava vanhu vangu. 28Ipapo ndudzi dzichaziva kuti ini Jehovha ndinoita Israeri kuti ave mutsvene, kana nzvimbo yangu tsvene ikagara pakati pavo nokusingaperi.’ ”

¿Sabías que…?

El valle de los huesos secos y la restauración de Israel

  • Ezequiel es llevado por el Espíritu a un valle lleno de huesos secos, a los cuales Dios identifica como toda la casa de Israel, que afirmaba haber perdido la esperanza. Por medio de las palabras del profeta, los huesos se unen, reciben carne y piel, y cobran vida con el aliento de los cuatro vientos, simbolizando cómo Dios sacaría a su pueblo del exilio para restaurarlo en su tierra.Fuentes: el propio texto bíblico
  • Dios le ordena a Ezequiel escribir en dos varas de madera separadas —una para Judá y otra para José y Efraín— y unirlas para que formen una sola en su mano. Esta señal representa la reunificación de los reinos divididos del norte y del sur en una sola nación, guiada por un único pastor llamado David.Fuentes: el propio texto bíblico · Ephraim · David
  • Al pueblo restaurado se le promete habitar para siempre en la tierra dada a Jacob, bajo un pacto eterno de paz. Dios declara que establecerá su santuario en medio de ellos para siempre, como testimonio de su santificación ante las naciones.Fuentes: el propio texto bíblico · Jacob (Israel)

Notas escritas con ayuda de IA a partir de fuentes abiertas (Theographic Bible Metadata, CC BY-SA 4.0; Easton’s Bible Dictionary, dominio público) y revisadas antes de publicarse.

Créditos y licencia de esta traducción
Biblica® Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi 2017
The Holy Bible in the Shona language of Zimbabwe: Biblica® Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi 2017
copyright © 2005, 2018 Biblica, Inc.
Language: chiShona
Contributor: Biblica, Inc.
Biblica® Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi™
Kopakodzero © 2005, 2018 ne Biblica, Inc.
Biblica® Open Shona Contemporary Bible™
Copyright © 2005, 2018 by Biblica, Inc.
“Biblica” chiratidzo chekutengeserana chakanyoreswa mu United States uye chiratidzo chehofisi yeBiblica, Inc. Inoshandiswa zviripamutemo.
“Biblica” is a trademark registered in the United States Patent and Trademark Office by Biblica, Inc. Used with permission.
Creative Commons License
Iri basa rinowanikwa pasi peCreative Commons Attribution-ShareAlike 4.0 International License (CC BY-SA). Kuti utarise kopi yeiri rezinesi, shanyira https://creativecommons.org/licenses/by-sa/4.0 kana kutumira tsamba kuCreative Commons, PO Box 1866, Mountain View, CA 94042, USA.
Biblica® chiratidzo chinozikanwa chakanyorwa neBiblica, Inc., uye kushandiswa kwechiratidzo cheBiblica® kunoda mvumo yakanyorwa yeBiblica, Inc. Pasi pemitemo ye rizinesi re CC BY-SA, unogona kuteedzera uye kugovera patsva basa iri risina kugadziridzwa bedzi kana uchichengetedza chiratidzo che Biblica®. Kana iwe ukachinja kopi kana kushandura iri basa, nokudaro uchigadzira rimwe basa, unofanira kubvisa chiratidzo cheBiblica®. Pabasa rakatorwa, unofanirwa kuratidza shanduko dzawakaita uye woratidza sezvinotevera: “Basa rekutanga reBiblica, Inc. rinowanikwa mahara pa www.biblica.com uye nepa open.bible.”
‪
Cherechedzo yekopakodzero inofanirwa kuoneka pamusoro wenyaya kana peji rekopakodzero sezvinotevera:
Biblica® Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi™
Kopakodzero © 2005, 2018 ne Biblica, Inc.
Biblica® Open Shona Contemporary Bible™
Copyright © 2005, 2018 by Biblica, Inc.
“Biblica” chiratidzo chekutengeserana chakanyoreswa mu United States uye chiratidzo chehofisi yeBiblica, Inc. Inoshandiswa zviripamutemo.
“Biblica” is a trademark registered in the United States Patent and Trademark Office by Biblica, Inc. Used with permission.
Unofanirwa zvakare kuita kuti basa rawachinja riwanikwe pasi pe rezinesi yakafanana (CC BY-SA).
Kana iwe uchida kuzivisa Biblica, Inc. maererano neshanduro yako yebasa iri, taura nesu pa https://open.bible/contact-us .
This work is made available under the Creative Commons Attribution-ShareAlike 4‪.0 International License (CC BY-SA). To view a copy of this license, visit https://creativecommons.org/licenses/by-sa/4‪.0 or send a letter to Creative Commons, PO Box 1866, Mountain View, CA 94042, USA.
Biblica® is a trademark registered by Biblica, Inc., and use of the Biblica® trademark requires the written permission of Biblica, Inc. Under the terms of the CC BY-SA license, you may copy and redistribute this unmodified work as long as you keep the Biblica® trademark intact. If you modify a copy or translate this work, thereby creating a derivative work, you must remove the Biblica® trademark. On the derivative work, you must indicate what changes you have made and attribute the work as follows: “The original work by Biblica, Inc. is available for free at www.biblica.com and open.bible.”
‪
Notice of copyright must appear on the title or copyright page of the work as follows:
Biblica® Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi™
Kopakodzero © 2005, 2018 ne Biblica, Inc.
Biblica® Open Shona Contemporary Bible™
Copyright © 2005, 2018 by Biblica, Inc.
“Biblica” chiratidzo chekutengeserana chakanyoreswa mu United States uye chiratidzo chehofisi yeBiblica, Inc. Inoshandiswa zviripamutemo.
“Biblica” is a trademark registered in the United States Patent and Trademark Office by Biblica, Inc. Used with permission.
You must also make your derivative work available under the same license (CC BY-SA).
‪If you would like to notify Biblica, Inc. regarding your translation of this work, please contact us at https://open.bible/contact-us .
This translation is made available to you under the terms of the
Creative Commons Attribution Share-Alike license 4.0.
You have permission to share and redistribute this Bible translation in any format and to make reasonable revisions and adaptations of this translation, provided that:
You include the above copyright and source information.
If you make any changes to the text, you must indicate that you did so in a way that makes it clear that the original licensor is not necessarily endorsing your changes.
If you redistribute this text, you must distribute your contributions under the same license as the original.
Pictures included with Scriptures and other documents on this site are licensed just for use with those Scriptures and documents.
For other uses, please contact the respective copyright owners.
Note that in addition to the rules above, revising and adapting God's Word involves a great responsibility to be true to God's Word. See Revelation 22:18-19.
2023-04-14

Fuente: http://ebible.org/sna/ · eBible.org

Habla con nosotros

Cuéntanos desde dónde lees, cómo te ha ayudado la Biblia o qué podemos mejorar. Leemos todos los mensajes.