Ezequiel 36
Biblica® Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi 2017 · Toca un versículo para ver sus referencias cruzadas.
Chiprofita kuMakomo eIsraeri
1“Mwanakomana womunhu, profita pamusoro pamakomo eIsraeri uti, ‘Imi makomo eIsraeri, inzwai shoko raJehovha. 2Zvanzi naIshe Jehovha: Muvengi akati kwauri, “Toko waro! Nzvimbo dzakakwirira dzekare dzava dzedu.” ’ 3Naizvozvo profita uti, ‘Zvanzi naIshe Jehovha: Nemhaka yokuti vakakuparadzai uye vakakudzingirai kumativi ose kusvikira mava vanhu vendudzi dzose uye nechinhu chinoshorwa navanhu, nechinorehwa, 4naizvozvo, imi makomo eIsraeri, inzwai shoko raIshe Jehovha: Zvanzi naIshe Jehovha kumakomo nokuzvikomo, kuhova nokumipata, kumatongo akaparadzwa okumaguta akasiyiwa akanga apambwa uye akasekwa nendudzi dzose dzakakupoteredzai, 5zvanzi naIshe Jehovha: Mumoto wokushingaira kwangu, ndakataura pamusoro pendudzi dzakasara, uye pamusoro peEdhomu yose, nokuti nomufaro uye negodo remwoyo yavo vakaita nyika yangu nhaka yavo kuitira kuti vapambe mafuro avo.’ 6Naizvozvo profita pamusoro penyika yeIsraeri uti kumakomo nokuzvikomo, kuhova nokumipata: ‘Zvanzi naIshe Jehovha: Ndinotaura negodo nehasha dzangu nokuti makashorwa nendudzi. 7Naizvozvo zvanzi naIshe Jehovha: Ndinopika noruoko rwakasimudzwa kuti ndudzi dzakakupoteredza naidzo dzichashorwawo.
8“ ‘Asi imi, iyemi makomo eIsraeri, muchabudisa matavi nemichero yavanhu vangu ivo Israeri, nokuti vachakurumidza kudzokera kumusha. 9Ndine hanya newe uye ndichakutarira neziso rine tsitsi; ucharimwa ugodyarwa, 10uye ndichawanza vanhu pamusoro pako, kunyange iyo imba yose yaIsraeri. Maguta achagarwa uye matongo achavakwazve. 11Ndichawedzera kuwanda kwavanhu nezvipfuwo pamusoro pako uye vachava nezvibereko vagowanda kwazvo. Ndichagarisa vanhu mauri sezvazvakanga zvakaita kare uye ndichaita kuti mubudirire kupfuura pakutanga. Ipapo muchaziva kuti ndini Jehovha. 12Ndichaita kuti vanhu, ivo vanhu vangu Israeri, vafambe pamusoro pako. Vachakutora uye muchava nhaka yavo; hamuchazovatorerizve vana vavo.
13“ ‘Zvanzi naIshe Jehovha: Nokuti vanhu vanoti kwauri, “Iwe unodya vanhu uye unotorera rudzi rwako vana,” 14naizvozvo hauchazodyi vanhu kana kushayisa rudzi rwako vana, ndizvo zvinotaura Ishe Jehovha. 15Handichazoiti kuti unzwe kutuka kwendudzi, hauchazoshorwi navanhu uye handichazoiti kuti rudzi rwako ruwe, ndizvo zvinotaura Ishe Jehovha.’ ”
16Shoko raJehovha rakasvika kwandiri richiti, 17“Mwanakomana womunhu, vanhu vaIsraeri pavaigara munyika yavo chaiyo, vakaisvibisa namaitiro avo uye namabasa avo. Maitiro avo akanga akaita sokusachena kwomukadzi ari kumwedzi pamberi pangu. 18Saka ndakadurura hasha dzangu pamusoro pavo nokuti vakanga vateura ropa munyika uye nokuti vakanga vakaisvibisa nezvifananidzo zvavo. 19Ndakavaparadzira pakati pendudzi, uye vakadzingirwa kunyika dzose; ndakavatonga zvakafanira mufambiro wavo namabasa avo. 20Uye kwose kwose kwavakaenda pakati pendudzi, vakasvibisa zita rangu dzvene, nokuti zvakanzi pamusoro pavo, ‘Ava ndivo vanhu vaJehovha, asi vakatonzi vabve munyika yake.’ 21Ndakanga ndine hanya nezita rangu dzvene, rakanga rasvibiswa neimba yaIsraeri pakati pendudzi kwavakanga vaenda.
22“Naizvozvo uti kuimba yaIsraeri, ‘Zvanzi naIshe Jehovha: Hakusi kuda kwenyu, imi imba yaIsraeri, kuti ndiite zvinhu izvi, asi imhaka yezita dzvene, ramakasvibisa pakati pendudzi kwamakaenda. 23Ndicharatidza utsvene hwezita rangu guru, rakanga rasvibiswa pakati pendudzi, iro zita ramakasvibisa pakati pavo. Ipapo ndudzi dzichaziva kuti ndini Jehovha, ndizvo zvinotaura Ishe Jehovha, panguva yandinoratidza utsvene hwangu kubudikidza newe pamberi pavo.
24“ ‘Nokuti ndichakubudisa pakati pendudzi; ndichakuunganidzai kubva kunyika dzose ndigokudzoserai munyika yangu chaiyo. 25Ndichasasa mvura yakachena pamusoro penyu, uye muchava vakachena, ndichakunatsai patsvina yenyu yose napazvifananidzo zvenyu. 26Ndichakupai mwoyo mutsva nokuisa mweya mutsva mukati menyu, ndichabvisa mwoyo webwe mamuri ndigoisa mwoyo wenyama mukati menyu. 27Uye ndichaisa Mweya wangu mukati menyu uye ndichakuitai kuti mutevere mitemo yangu mugochenjerera kuchengeta mirayiro yangu. 28Muchagara munyika yandakapa madzitateguru enyu; imi muchava vanhu vangu, uye ini ndichava Mwari wenyu. 29Ndichakuponesai kubva pakusachena kwenyu kwose. Ndichadana zviyo ndigozviwanza uye handingauyisi nzara pamusoro penyu. 30Ndichawanza zvibereko zvemiti uye nezvirimwa zveminda, kuitira kuti murege kuzoshorwazve pakati pendudzi nokuda kwenzara. 31Ipapo mucharangarira nzira dzenyu dzakaipa namabasa enyu akaipa, uye muchazvisema pachenyu nokuda kwezvivi zvenyu namabasa enyu anonyangadza. 32Ndinoda kuti muzive kuti handisi kuita izvi nokuda kwenyu, ndizvo zvinotaura Ishe Jehovha. Nyaraiwo uye munyadziswe nokuda kwamaitiro enyu, imi, imba yaIsraeri!
33“ ‘Zvanzi naIshe Jehovha: Pazuva randinokunatsai pazvivi zvenyu zvose, ndichagarisa vanhu mumaguta enyu uye matongo achavakwazve. 34Nyika yakanga yava dongo icharimwazve pachinzvimbo chokugara iri dongo pamberi pavose vanopfuura napo. 35Vachati, “Nyika iyi yakanga yaparara iye zvino yafanana nebindu reEdheni; maguta akanga ava matongo aparadzwa, zvino akomberedzwa uye ogarwa.” 36Ipapo ndudzi dzakasara, dzakakupoteredzai dzichaziva kuti ini Jehovha ndakavakazve zvakanga zvaparadzwa uye ndakadyarazve zvakanga zvaparadzwa. Ini Jehovha ndazvitaura, uye ndichazviita.’
37“Zvanzi naIshe Jehovha: Ndichagamuchirazve chikumbiro cheimba yaIsraeri ndigovaitira izvi: Ndichawanza kwazvo vanhu vavo sokuwanda kwamakwai, 38sokuwanda kwakaita mapoka ezvipiriso paJerusarema panguva yemitambo yaro yakatarwa. Saka maguta akaparadzwa achazadzwa namapoka avanhu. Ipapo vachaziva kuti ndini Jehovha.”

¿Sabías que…?
La Renovación de la Tierra y del Corazón
- Ezequiel recibe la orden de dirigirse al paisaje físico de Israel —sus montes, valles y colinas— para revertir las burlas de las naciones vecinas. La región vecina de Edom había avanzado con desprecio para apoderarse de las tierras de pastoreo desoladas durante el exilio.Fuentes: el propio texto bíblico · Edom
- El capítulo presenta la promesa de una transformación espiritual interior, en la que Dios promete purificar al pueblo con agua limpia, reemplazar su corazón de piedra por un corazón de carne y poner Su Espíritu dentro de ellos.Fuentes: el propio texto bíblico
- La restauración agrícola de la tierra desolada se compara con la fertilidad del jardín del Edén, mientras que la multitud de personas que regresa a las ciudades reconstruidas se compara con los numerosos rebaños para sacrificios reunidos en Jerusalén durante sus fiestas señaladas.Fuentes: el propio texto bíblico · Eden · Jerusalem
Notas escritas con ayuda de IA a partir de fuentes abiertas (Theographic Bible Metadata, CC BY-SA 4.0; Easton’s Bible Dictionary, dominio público) y revisadas antes de publicarse.
Lugares de este capítulo
Solo aparecen lugares identificados con alta confianza (90 % o más según las fuentes académicas reunidas por OpenBible). Mapa de la época: DARE (Digital Atlas of the Roman Empire), CC BY 4.0; mapa actual: © colaboradores de OpenStreetMap; lugares: OpenBible.info (CC BY 4.0).
Créditos y licencia de esta traducción
Biblica® Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi 2017 The Holy Bible in the Shona language of Zimbabwe: Biblica® Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi 2017 copyright © 2005, 2018 Biblica, Inc. Language: chiShona Contributor: Biblica, Inc. Biblica® Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi™ Kopakodzero © 2005, 2018 ne Biblica, Inc. Biblica® Open Shona Contemporary Bible™ Copyright © 2005, 2018 by Biblica, Inc. “Biblica” chiratidzo chekutengeserana chakanyoreswa mu United States uye chiratidzo chehofisi yeBiblica, Inc. Inoshandiswa zviripamutemo. “Biblica” is a trademark registered in the United States Patent and Trademark Office by Biblica, Inc. Used with permission. Creative Commons License Iri basa rinowanikwa pasi peCreative Commons Attribution-ShareAlike 4.0 International License (CC BY-SA). Kuti utarise kopi yeiri rezinesi, shanyira https://creativecommons.org/licenses/by-sa/4.0 kana kutumira tsamba kuCreative Commons, PO Box 1866, Mountain View, CA 94042, USA. Biblica® chiratidzo chinozikanwa chakanyorwa neBiblica, Inc., uye kushandiswa kwechiratidzo cheBiblica® kunoda mvumo yakanyorwa yeBiblica, Inc. Pasi pemitemo ye rizinesi re CC BY-SA, unogona kuteedzera uye kugovera patsva basa iri risina kugadziridzwa bedzi kana uchichengetedza chiratidzo che Biblica®. Kana iwe ukachinja kopi kana kushandura iri basa, nokudaro uchigadzira rimwe basa, unofanira kubvisa chiratidzo cheBiblica®. Pabasa rakatorwa, unofanirwa kuratidza shanduko dzawakaita uye woratidza sezvinotevera: “Basa rekutanga reBiblica, Inc. rinowanikwa mahara pa www.biblica.com uye nepa open.bible.” Cherechedzo yekopakodzero inofanirwa kuoneka pamusoro wenyaya kana peji rekopakodzero sezvinotevera: Biblica® Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi™ Kopakodzero © 2005, 2018 ne Biblica, Inc. Biblica® Open Shona Contemporary Bible™ Copyright © 2005, 2018 by Biblica, Inc. “Biblica” chiratidzo chekutengeserana chakanyoreswa mu United States uye chiratidzo chehofisi yeBiblica, Inc. Inoshandiswa zviripamutemo. “Biblica” is a trademark registered in the United States Patent and Trademark Office by Biblica, Inc. Used with permission. Unofanirwa zvakare kuita kuti basa rawachinja riwanikwe pasi pe rezinesi yakafanana (CC BY-SA). Kana iwe uchida kuzivisa Biblica, Inc. maererano neshanduro yako yebasa iri, taura nesu pa https://open.bible/contact-us . This work is made available under the Creative Commons Attribution-ShareAlike 4.0 International License (CC BY-SA). To view a copy of this license, visit https://creativecommons.org/licenses/by-sa/4.0 or send a letter to Creative Commons, PO Box 1866, Mountain View, CA 94042, USA. Biblica® is a trademark registered by Biblica, Inc., and use of the Biblica® trademark requires the written permission of Biblica, Inc. Under the terms of the CC BY-SA license, you may copy and redistribute this unmodified work as long as you keep the Biblica® trademark intact. If you modify a copy or translate this work, thereby creating a derivative work, you must remove the Biblica® trademark. On the derivative work, you must indicate what changes you have made and attribute the work as follows: “The original work by Biblica, Inc. is available for free at www.biblica.com and open.bible.” Notice of copyright must appear on the title or copyright page of the work as follows: Biblica® Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi™ Kopakodzero © 2005, 2018 ne Biblica, Inc. Biblica® Open Shona Contemporary Bible™ Copyright © 2005, 2018 by Biblica, Inc. “Biblica” chiratidzo chekutengeserana chakanyoreswa mu United States uye chiratidzo chehofisi yeBiblica, Inc. Inoshandiswa zviripamutemo. “Biblica” is a trademark registered in the United States Patent and Trademark Office by Biblica, Inc. Used with permission. You must also make your derivative work available under the same license (CC BY-SA). If you would like to notify Biblica, Inc. regarding your translation of this work, please contact us at https://open.bible/contact-us . This translation is made available to you under the terms of the Creative Commons Attribution Share-Alike license 4.0. You have permission to share and redistribute this Bible translation in any format and to make reasonable revisions and adaptations of this translation, provided that: You include the above copyright and source information. If you make any changes to the text, you must indicate that you did so in a way that makes it clear that the original licensor is not necessarily endorsing your changes. If you redistribute this text, you must distribute your contributions under the same license as the original. Pictures included with Scriptures and other documents on this site are licensed just for use with those Scriptures and documents. For other uses, please contact the respective copyright owners. Note that in addition to the rules above, revising and adapting God's Word involves a great responsibility to be true to God's Word. See Revelation 22:18-19. 2023-04-14
Fuente: http://ebible.org/sna/ · eBible.org