Nations Bible

2 Samuel 16

Biblica® Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi 2017 · Toca un versículo para ver sus referencias cruzadas.

Dhavhidhi naZibha

1Dhavhidhi akati afamba chinhambwe chiduku pamusoro pegomo, akaona Zibha, muranda waMefibhosheti akamumirira. Akanga ane mbongoro mbiri dzakanga dzakatakudzwa mazana maviri ezvingwa, nezana ramakeke amaonde nedende rewaini.

2Mambo akabvunza Zibha akati, “Ko, wauyirei nezvinhu izvi?”

Zibha akapindura akati, “Mbongoro ndedzeveimba yamambo kuti vatasve, zvingwa nemichero ndezvavarume kuti vadye, uye waini ndeyokupedza nyota yeavo vanga vaneta nokuda kwerenje.”

3Mambo akabvunza akati, “Ko, muzukuru watenzi wako aripi?”

Zibha akati kwaari, “Ari kugara muJerusarema, nokuti anoti iye, ‘Nhasi veimba yaIsraeri vachandidzorera umambo hwasekuru vangu.’ ”

4Ipapo mambo akati kuna Zibha, “Tarira, zvose zvanga zviri zvaMefibhosheti zvava zvako.”

Zibha akati, “Ndinozvideredza. Dai ndawana nyasha pamberi penyu, ishe wangu mambo.”

Shimei anotuka Dhavhidhi

5Mambo Dhavhidhi paakanga ava kusvika kuBhahurimi, mumwe murume aibva kurudzi rumwe chete nemhuri yaSauro akabudamo. Zita rake ainzi Shimei mwanakomana waGera, uye aituka paaibuda. 6Akapotsera mabwe kuna Dhavhidhi namakurukota ose amambo, kunyange zvazvo varwi vose navachengeti vake vakanga vari kurudyi nokuruboshwe rwake. 7Shimei akatuka achiti, “Ibva kuno, ibva kuno, iwe munhu weropa, munhu akaipa! 8Jehovha akuripira ropa rose rawakadeura muimba yaSauro, uyo wawakatorera chigaro chokutonga. Jehovha apa ushe kumwanakomana wako Abhusaromu. Wasvika pakuparara nokuti uri munhu weropa!”

9Ipapo Abhishai mwanakomana waZeruya akati kuna mambo, “Ko, iyi imbwa yakafa ingatukirei ishe mambo wangu? Regai ndiende ndinodimura musoro wake.”

10Asi mambo akati, “Ko, ini nemi takafanana pakudii, imi vanakomana vaZeruya? Ko, kana achituka nokuti Jehovha ati kwaari, ‘Tuka Dhavhidhi,’ ndiani angati, ‘Ko, unoitirei izvi?’ ”

11Ipapo Dhavhidhi akati kuna Abhishai namakorokota ake ose, “Mwana wangu, anova wenyama yangu chaiyo, ari kuda kundiuraya. Ko, kuzoti uyu zvake, muBhenjamini! Musiyei akadaro; regai atuke, nokuti Jehovha amutuma. 12Zvichida Jehovha angaona kutambura kwangu uye zvimwe angandiripira zvakanaka nokuda kwokutukwa kwandiri kugamuchira nhasi.”

13Ipapo Dhavhidhi navanhu vake vakaramba vachifamba nenzira, Shimei paakanga achifamba ari kuno rumwe rutivi rwegomo, achituka achingoenda achipotsera matombo kwaari achimupfumburira guruva. 14Mambo navanhu vose vaiva naye vakasvika kwavaienda vaneta. Akazororapo.

Zano raHushai naAhitoferi

15Panguva iyi, Abhusaromu navarume vose veIsraeri vakasvika muJerusarema, uye Ahitoferi aiva naye. 16Zvino Hushai muAriki, shamwari yaDhavhidhi, akaenda kuna Abhusaromu akandoti kwaari, “Mambo ngaararame nokusingaperi! Mambo ngaararame nokusingaperi!”

17Abhusaromu akabvunza Hushai akati, “Urwu ndirwo rudo rwaunoratidza shamwari yako here? Sei usina kuenda neshamwari yako?”

18Hushai akati kuna Abhusaromu, “Kwete, iye akasarudzwa naJehovha, navanhu ava uye navarume vose veIsraeri, ini ndichava wake, uye ndicharamba ndinaye. 19Zvakarezve, ndingagoshandira aniko? Ko, handifaniri kushandira mwanakomana? Sezvandaishandira baba venyu, saizvozvo ndichakushandirai.”

20Abhusaromu akati kuna Ahitoferi, “Tipewo zano rako. Toita sei?”

21Ahitoferi akapindura akati, “Vatai navarongo vababa venyu avo vakasiyiwa vakachengeta muzinda wamambo. Ipapo Israeri yose ichanzwa kuti mazviita chinhu chinonhuhwa mumhuno dzababa venyu, uye maoko avanhu vose vanokutsigirai achasimbiswa.” 22Ipapo vakamisira Abhusaromu tende pamusoro pedenga remba, uye akavata navarongo vababa vake vaIsraeri vose vachiona.

23Zvino mumazuva iwayo zano raipiwa naAhitoferi raiita seromunhu anobvunza kuna Mwari. Ndizvozvo zvaifungwa naDhavhidhi pamwe chete naAbhusaromu pamusoro pamazano aipiwa naAhitoferi.

Ilustración artística: una interpretación, no un registro histórico.

¿Sabías que…?

La huida de David y la entrada de Absalón

  • Mientras David huía hacia el valle del Jordán, pasó cerca de Bahurim, donde un benjaminita llamado Simei, hijo de Gera, caminaba por la ladera opuesta. Perteneciente a la familia de la casa de Saúl, Simei maldijo a David, le arrojó piedras y levantó polvo, acusándolo de la ruina de la familia de Saúl.Fuentes: Shimei · Bahurim · el propio texto bíblico
  • Siba, antiguo siervo de la casa de Saúl, llevó asnos, panes, frutas y vino a David durante la huida. Siba afirmó que Mefi-boset, hijo de Jonatán, se había quedado en Jerusalén con la esperanza de que el reino le fuera devuelto, lo que llevó a David a entregarle todas las posesiones de Mefi-boset a Siba.Fuentes: Ziba · Mephibosheth · el propio texto bíblico
  • Al tomar Jerusalén, Absalón recibió consejo de Ahitofel, cuyos consejos eran tan valorados como la palabra de Dios. Para frustrar los planes de Ahitofel, Husai arquita, amigo leal de David, fingió lealtad a Absalón para permanecer dentro de la corte rebelde.Fuentes: Ahithophel · Hushai · el propio texto bíblico

Notas escritas con ayuda de IA a partir de fuentes abiertas (Theographic Bible Metadata, CC BY-SA 4.0; Easton’s Bible Dictionary, dominio público) y revisadas antes de publicarse.

Lugares de este capítulo

  • Mount of Olives · 31.778, 35.246 · versículo 1
  • Jerusalem · 31.777, 35.234 · versículos 3, 15
  • Jordan · Hoy: Jordan River · 31.761, 35.558 · versículo 14

Solo aparecen lugares identificados con alta confianza (90 % o más según las fuentes académicas reunidas por OpenBible). Mapa de la época: DARE (Digital Atlas of the Roman Empire), CC BY 4.0; mapa actual: © colaboradores de OpenStreetMap; lugares: OpenBible.info (CC BY 4.0).

Créditos y licencia de esta traducción
Biblica® Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi 2017
The Holy Bible in the Shona language of Zimbabwe: Biblica® Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi 2017
copyright © 2005, 2018 Biblica, Inc.
Language: chiShona
Contributor: Biblica, Inc.
Biblica® Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi™
Kopakodzero © 2005, 2018 ne Biblica, Inc.
Biblica® Open Shona Contemporary Bible™
Copyright © 2005, 2018 by Biblica, Inc.
“Biblica” chiratidzo chekutengeserana chakanyoreswa mu United States uye chiratidzo chehofisi yeBiblica, Inc. Inoshandiswa zviripamutemo.
“Biblica” is a trademark registered in the United States Patent and Trademark Office by Biblica, Inc. Used with permission.
Creative Commons License
Iri basa rinowanikwa pasi peCreative Commons Attribution-ShareAlike 4.0 International License (CC BY-SA). Kuti utarise kopi yeiri rezinesi, shanyira https://creativecommons.org/licenses/by-sa/4.0 kana kutumira tsamba kuCreative Commons, PO Box 1866, Mountain View, CA 94042, USA.
Biblica® chiratidzo chinozikanwa chakanyorwa neBiblica, Inc., uye kushandiswa kwechiratidzo cheBiblica® kunoda mvumo yakanyorwa yeBiblica, Inc. Pasi pemitemo ye rizinesi re CC BY-SA, unogona kuteedzera uye kugovera patsva basa iri risina kugadziridzwa bedzi kana uchichengetedza chiratidzo che Biblica®. Kana iwe ukachinja kopi kana kushandura iri basa, nokudaro uchigadzira rimwe basa, unofanira kubvisa chiratidzo cheBiblica®. Pabasa rakatorwa, unofanirwa kuratidza shanduko dzawakaita uye woratidza sezvinotevera: “Basa rekutanga reBiblica, Inc. rinowanikwa mahara pa www.biblica.com uye nepa open.bible.”
‪
Cherechedzo yekopakodzero inofanirwa kuoneka pamusoro wenyaya kana peji rekopakodzero sezvinotevera:
Biblica® Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi™
Kopakodzero © 2005, 2018 ne Biblica, Inc.
Biblica® Open Shona Contemporary Bible™
Copyright © 2005, 2018 by Biblica, Inc.
“Biblica” chiratidzo chekutengeserana chakanyoreswa mu United States uye chiratidzo chehofisi yeBiblica, Inc. Inoshandiswa zviripamutemo.
“Biblica” is a trademark registered in the United States Patent and Trademark Office by Biblica, Inc. Used with permission.
Unofanirwa zvakare kuita kuti basa rawachinja riwanikwe pasi pe rezinesi yakafanana (CC BY-SA).
Kana iwe uchida kuzivisa Biblica, Inc. maererano neshanduro yako yebasa iri, taura nesu pa https://open.bible/contact-us .
This work is made available under the Creative Commons Attribution-ShareAlike 4‪.0 International License (CC BY-SA). To view a copy of this license, visit https://creativecommons.org/licenses/by-sa/4‪.0 or send a letter to Creative Commons, PO Box 1866, Mountain View, CA 94042, USA.
Biblica® is a trademark registered by Biblica, Inc., and use of the Biblica® trademark requires the written permission of Biblica, Inc. Under the terms of the CC BY-SA license, you may copy and redistribute this unmodified work as long as you keep the Biblica® trademark intact. If you modify a copy or translate this work, thereby creating a derivative work, you must remove the Biblica® trademark. On the derivative work, you must indicate what changes you have made and attribute the work as follows: “The original work by Biblica, Inc. is available for free at www.biblica.com and open.bible.”
‪
Notice of copyright must appear on the title or copyright page of the work as follows:
Biblica® Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi™
Kopakodzero © 2005, 2018 ne Biblica, Inc.
Biblica® Open Shona Contemporary Bible™
Copyright © 2005, 2018 by Biblica, Inc.
“Biblica” chiratidzo chekutengeserana chakanyoreswa mu United States uye chiratidzo chehofisi yeBiblica, Inc. Inoshandiswa zviripamutemo.
“Biblica” is a trademark registered in the United States Patent and Trademark Office by Biblica, Inc. Used with permission.
You must also make your derivative work available under the same license (CC BY-SA).
‪If you would like to notify Biblica, Inc. regarding your translation of this work, please contact us at https://open.bible/contact-us .
This translation is made available to you under the terms of the
Creative Commons Attribution Share-Alike license 4.0.
You have permission to share and redistribute this Bible translation in any format and to make reasonable revisions and adaptations of this translation, provided that:
You include the above copyright and source information.
If you make any changes to the text, you must indicate that you did so in a way that makes it clear that the original licensor is not necessarily endorsing your changes.
If you redistribute this text, you must distribute your contributions under the same license as the original.
Pictures included with Scriptures and other documents on this site are licensed just for use with those Scriptures and documents.
For other uses, please contact the respective copyright owners.
Note that in addition to the rules above, revising and adapting God's Word involves a great responsibility to be true to God's Word. See Revelation 22:18-19.
2023-04-14

Fuente: http://ebible.org/sna/ · eBible.org

Habla con nosotros

Cuéntanos desde dónde lees, cómo te ha ayudado la Biblia o qué podemos mejorar. Leemos todos los mensajes.