Nations Bible

2 Samuel 15

Biblica® Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi 2017 · Toca un versículo para ver sus referencias cruzadas.

Abhusaromu anomukira

1Mushure mechinguva, Abhusaromu akazvigadzirira ngoro yamabhiza navarume makumi mashanu kuti vamhanye mberi kwake. 2Aimuka mangwanani achindomira parutivi rwenzira yainanga pasuo reguta. Paiti kana munhu akauya kuna mambo kuzotambirwa mhosva yake, Abhusaromu aimudana oti kwaari, “Ko, iwe uri weguta ripi?” Iye aipindura achiti, “Muranda wenyu anobva kuno rumwe rwamarudzi avaIsraeri.” 3Ipapo Abhusaromu aizoti kwaari, “Tarira, mashoko ako akanaka uye ndeechokwadi, asi hapana mumiririri wamambo anganzwe nyaya yako.” 4Uye Abhusaromu aizoti, “Dai vaindiita zvavo mutongi munyika muno! Zvaizoti munhu wose anenge ane chichemo kana nyaya aizouya kwandiri uye ndaizoona kuti aitirwa zvakarurama.”

5Zvaizotizve, kana munhu akaswedera kwaari akamupfugamira, Abhusaromu aimutambanudzira ruoko rwake, omubata uye omutsvoda. 6Abhusaromu aiitira izvi kuvaIsraeri vose vaiuya kuna mambo kuzotambirwa mhosva dzavo, nokudaro akaita kuti varume vose vomuIsraeri vamude.

7Mushure mamakore mana, Abhusaromu akati kuna mambo, “Nditenderei kuti ndiende kuHebhuroni ndinozadzisa mhiko yandakaita kuna Jehovha. 8Muranda wenyu paakanga achigara paGeshuri muAramu, ndakaita mhiko iyi, ‘Kana Jehovha akandidzosera kuJerusarema, ndichamunamata ndiri muHebhuroni.’ ”

9Mambo akati kwaari, “Enda norugare.” Iye akabva aenda kuHebhuroni.

10Ipapo Abhusaromu akatuma nhume muchivande kumarudzi ose avaIsraeri kundoti kwavari, “Kana muchinge manzwa hwamanda yarira, ipapo daidzirai muchiti, ‘Abhusaromu ava mambo muHebhuroni.’ ” Varume mazana maviri vokuJerusarema vakanga vaperekedza Abhusaromu. 11Vakanga vakokwa uye vakangoendawo vasina zvavaiziva, vasina zvavaiziva pamusoro pezvakanga zvarongwa. 12Abhusaromu paakanga achipa zvipiriso akadanawo Ahitoferi muGiro, gurukota raDhavhidhi, kuti auye kubva kuGiro, guta raaigara. Ipapo urongwa hwokumukira mambo hwakabva hwasimba, uye vanhu vakatevera Abhusaromu vakaramba vachiwanda.

Dhavhidhi anotiza

13Nhume yakauya ikaudza Dhavhidhi kuti, “Varume veIsraeri vatorwa mwoyo naAbhusaromu.”

14Ipapo Dhavhidhi akati kumakurukota ake ose aiva naye muJerusarema, “Uyai! Ngatitizei, zvikasadaro tose hapana angapunyuka kubva kuna Abhusaromu. Tinofanira kubva pano izvozvi, kana tikasadaro angatibata akatiparadza uye akarwisa guta nomunondo.”

15Makurukota amambo akapindura akati, “Varanda venyu vakazvipira kuita chipi nechipi chinenge chasarudzwa naishe mambo wedu.”

16Mambo akaenda, veimba yake vose vachimutevera; asi akasiya varongo vake gumi kuti vachengete muzinda wamambo. 17Saka mambo akabuda akaenda, vanhu vose vakamutevera, vakandomira pane imwe nzvimbo yaiva chinhambwe. 18Vanhu vake vose vakapfuura pamberi pake, pamwe chete navaKereti navaPereti vose, uye namazana matanhatu ose avaGiti avo vakanga vabva naye kuGati, vakafamba vachipfuura napamberi pamambo.

19Mambo akati kuna Itai muGiti, “Ko, wauyireiwo nesu? Dzokera unogara naMambo Abhusaromu. Uri mutorwa iwe, wakadzingwa kumusha kwako. 20Wakauya nezuro chaiye, zvino nhasi ndingaita kuti udzungaire nesu here, uye ini ndisingazivi chaiko kwandinoenda? Dzokera, utore hama dzako dzose. Ngoni nokutendeka ngazvive newe.”

21Asi Itai akapindura mambo akati, “Ndinopika naJehovha mupenyu, uye ndinopika naishe wangu mambo mupenyu, pana ishe wangu mambo, kunyange zvikareva upenyu kana kufa, ipapo muranda wenyu ndipo paachava.”

22Dhavhidhi akati kuna Itai, “Enda hako, famba.” Nokudaro Itai muGiti navanhu vake nemhuri dzose dzaiva naye vakafamba vachienda mberi.

23Nyika yose yakachema kwazvo vanhu vose pavakanga vachipfuura. Namambowo akayambuka mupata weKidhironi, uye vanhu vose vakafamba vakananga kurenje.

24Zadhoki akanga aripowo, uye vaRevhi vose vakanga vanaye vakanga vakatakura areka yesungano yaMwari. Vakagadzika areka yaMwari pasi, Abhiatari akapa zvipiriso kusvikira vanhu vose vabuda muguta.

25Ipapo mambo akati kuna Zadhoki, “Dzosera areka yaMwari muguta. Kana ndikawana nyasha pamberi paJehovha, achandidzosa uye achaita kuti ndione zvakare panzvimbo paanogara. 26Asi kana iye akati, ‘Handifadzwi newe,’ zvose ndakazvigadzirira; ngaandiitire hake zvaanenge achida.”

27Mambo akatizve kuna Zadhoki muprista, “Ko, hauzi muoni here? Dzokera muguta norugare, nomwanakomana wako Ahimaazi naJonatani mwanakomana waAbhiatari. Iwe naAbhiatari, endai navanakomana venyu. 28Ini ndichandomira pamazambuko erenje kusvikira shoko rasvika kwandiri kubva kwamuri.” 29Ipapo Zadhoki naAbhiatari vakatora areka yaMwari vakadzokera kuJerusarema vakandogarako.

30Asi Dhavhidhi akaramba achikwira Gomo reMiorivhi, akaenda achichema: aiva akafukidza musoro wake asina shangu. Vanhu vose naivowo vakanga vakafukidza misoro yavo vachichema vachikwidza. 31Zvino Dhavhidhi akaudzwa kuti, “Ahitoferi ndiye mumwe wavapanduki vana Abhusaromu.” Saka Dhavhidhi akanamata achiti, “Haiwa Jehovha, shandurai henyu mazano aAhitoferi kuti ave upenzi.”

32Dhavhidhi paakasvika pamusoro, vanhu pavaisinamata Mwari vari, Hushai muAriki akanga akamumirira, nguo yake yakabvaruka uye ane guruva mumusoro. 33Dhavhidhi akati kwaari, “Kana iwe ukaenda neni, uchava mutoro kwandiri. 34Asi kana ukadzokera kuguta ukandoti kuna Abhusaromu, ‘Ini ndichava muranda wenyu, imi mambo; ndaiva muranda wababa venyu kare, asi zvino ndichava muranda wenyu,’ ipapo ungandibatsira kuti ukanganise zano raAhitoferi. 35Vaprista Zadhoki naAbhiatari vanenge vasiri pamwe chete newe here? Iwe uvaudze zvose zvaunenge uchinzwa zvichirongwa mumuzinda wamambo. 36Vana vavo vaviri, Ahimaazi mwanakomana waZadhoki naJonatani mwanakomana waAbhiatari, varikowo. Uvatume kwandiri nezvose zvaunenge wanzwa.”

37Saka shamwari yaDhavhidhi, Hushai, akasvika kuJerusarema Abhusaromu paakanga achipinda muguta.

Ilustración artística: una interpretación, no un registro histórico.

¿Sabías que…?

La rebelión de Absalón y la huida de David

  • Absalón socavó la autoridad de David al interceptar a los ciudadanos que buscaban justicia real junto a la puerta de la ciudad, prometiendo equidad y ganándose el afecto del pueblo. Luego inició su rebelión desde Hebrón, la antigua ciudad donde David había sido coronado rey de Judá originalmente.Fuentes: el propio texto bíblico · Absalom · Hebron
  • A pesar de ser un extranjero de la ciudad filistea de Gat, Itai el geteo permaneció profundamente leal a David, negándose a abandonar al monarca que huía junto con seiscientos de sus guerreros y sus familias.Fuentes: el propio texto bíblico · Ittai · Gath
  • Para contrarrestar el formidable consejo estratégico de su antiguo consejero Ahitofel, David envió el arca del pacto y a su leal amigo Husai de regreso a Jerusalén. Husai coordinó una red de espionaje dentro del palacio junto a los sumos sacerdotes Sadoc y Abiatar y sus hijos.Fuentes: el propio texto bíblico · Ahithophel · Hushai · Zadok

Notas escritas con ayuda de IA a partir de fuentes abiertas (Theographic Bible Metadata, CC BY-SA 4.0; Easton’s Bible Dictionary, dominio público) y revisadas antes de publicarse.

Lugares de este capítulo

  • Hebron · Hoy: Tel Rumeida · 31.525, 35.102 · versículos 7, 8, 9, 10
  • Aram · 33.511, 36.306 · versículo 8
  • Geshur · 32.767, 35.700 · versículo 8
  • Jerusalem · 31.777, 35.234 · versículos 8, 11, 13, 14, 29, 34, 37
  • Kidron · Hoy: Kidron River · 31.780, 35.240 · versículos 22, 23
  • Jordan · Hoy: Jordan River · 31.761, 35.558 · versículo 28
  • Mount of Olives · 31.778, 35.246 · versículos 30, 32

Solo aparecen lugares identificados con alta confianza (90 % o más según las fuentes académicas reunidas por OpenBible). Mapa de la época: DARE (Digital Atlas of the Roman Empire), CC BY 4.0; mapa actual: © colaboradores de OpenStreetMap; lugares: OpenBible.info (CC BY 4.0).

Créditos y licencia de esta traducción
Biblica® Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi 2017
The Holy Bible in the Shona language of Zimbabwe: Biblica® Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi 2017
copyright © 2005, 2018 Biblica, Inc.
Language: chiShona
Contributor: Biblica, Inc.
Biblica® Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi™
Kopakodzero © 2005, 2018 ne Biblica, Inc.
Biblica® Open Shona Contemporary Bible™
Copyright © 2005, 2018 by Biblica, Inc.
“Biblica” chiratidzo chekutengeserana chakanyoreswa mu United States uye chiratidzo chehofisi yeBiblica, Inc. Inoshandiswa zviripamutemo.
“Biblica” is a trademark registered in the United States Patent and Trademark Office by Biblica, Inc. Used with permission.
Creative Commons License
Iri basa rinowanikwa pasi peCreative Commons Attribution-ShareAlike 4.0 International License (CC BY-SA). Kuti utarise kopi yeiri rezinesi, shanyira https://creativecommons.org/licenses/by-sa/4.0 kana kutumira tsamba kuCreative Commons, PO Box 1866, Mountain View, CA 94042, USA.
Biblica® chiratidzo chinozikanwa chakanyorwa neBiblica, Inc., uye kushandiswa kwechiratidzo cheBiblica® kunoda mvumo yakanyorwa yeBiblica, Inc. Pasi pemitemo ye rizinesi re CC BY-SA, unogona kuteedzera uye kugovera patsva basa iri risina kugadziridzwa bedzi kana uchichengetedza chiratidzo che Biblica®. Kana iwe ukachinja kopi kana kushandura iri basa, nokudaro uchigadzira rimwe basa, unofanira kubvisa chiratidzo cheBiblica®. Pabasa rakatorwa, unofanirwa kuratidza shanduko dzawakaita uye woratidza sezvinotevera: “Basa rekutanga reBiblica, Inc. rinowanikwa mahara pa www.biblica.com uye nepa open.bible.”
‪
Cherechedzo yekopakodzero inofanirwa kuoneka pamusoro wenyaya kana peji rekopakodzero sezvinotevera:
Biblica® Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi™
Kopakodzero © 2005, 2018 ne Biblica, Inc.
Biblica® Open Shona Contemporary Bible™
Copyright © 2005, 2018 by Biblica, Inc.
“Biblica” chiratidzo chekutengeserana chakanyoreswa mu United States uye chiratidzo chehofisi yeBiblica, Inc. Inoshandiswa zviripamutemo.
“Biblica” is a trademark registered in the United States Patent and Trademark Office by Biblica, Inc. Used with permission.
Unofanirwa zvakare kuita kuti basa rawachinja riwanikwe pasi pe rezinesi yakafanana (CC BY-SA).
Kana iwe uchida kuzivisa Biblica, Inc. maererano neshanduro yako yebasa iri, taura nesu pa https://open.bible/contact-us .
This work is made available under the Creative Commons Attribution-ShareAlike 4‪.0 International License (CC BY-SA). To view a copy of this license, visit https://creativecommons.org/licenses/by-sa/4‪.0 or send a letter to Creative Commons, PO Box 1866, Mountain View, CA 94042, USA.
Biblica® is a trademark registered by Biblica, Inc., and use of the Biblica® trademark requires the written permission of Biblica, Inc. Under the terms of the CC BY-SA license, you may copy and redistribute this unmodified work as long as you keep the Biblica® trademark intact. If you modify a copy or translate this work, thereby creating a derivative work, you must remove the Biblica® trademark. On the derivative work, you must indicate what changes you have made and attribute the work as follows: “The original work by Biblica, Inc. is available for free at www.biblica.com and open.bible.”
‪
Notice of copyright must appear on the title or copyright page of the work as follows:
Biblica® Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi™
Kopakodzero © 2005, 2018 ne Biblica, Inc.
Biblica® Open Shona Contemporary Bible™
Copyright © 2005, 2018 by Biblica, Inc.
“Biblica” chiratidzo chekutengeserana chakanyoreswa mu United States uye chiratidzo chehofisi yeBiblica, Inc. Inoshandiswa zviripamutemo.
“Biblica” is a trademark registered in the United States Patent and Trademark Office by Biblica, Inc. Used with permission.
You must also make your derivative work available under the same license (CC BY-SA).
‪If you would like to notify Biblica, Inc. regarding your translation of this work, please contact us at https://open.bible/contact-us .
This translation is made available to you under the terms of the
Creative Commons Attribution Share-Alike license 4.0.
You have permission to share and redistribute this Bible translation in any format and to make reasonable revisions and adaptations of this translation, provided that:
You include the above copyright and source information.
If you make any changes to the text, you must indicate that you did so in a way that makes it clear that the original licensor is not necessarily endorsing your changes.
If you redistribute this text, you must distribute your contributions under the same license as the original.
Pictures included with Scriptures and other documents on this site are licensed just for use with those Scriptures and documents.
For other uses, please contact the respective copyright owners.
Note that in addition to the rules above, revising and adapting God's Word involves a great responsibility to be true to God's Word. See Revelation 22:18-19.
2023-04-14

Fuente: http://ebible.org/sna/ · eBible.org

Habla con nosotros

Cuéntanos desde dónde lees, cómo te ha ayudado la Biblia o qué podemos mejorar. Leemos todos los mensajes.