Revelation 3
Biblica® Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi 2017 · Tap a verse to see its cross-references.
Kukereke iri muSadhisi
1“Kumutumwa wekereke iri muSadhisi nyora kuti:
Aya ndiwo mashoko aiye akabata mweya minomwe yaMwari nenyeredzi nomwe.
Ndinoziva mabasa ako; unonzi uri mupenyu, asi wakafa. 2Muka! Simbisa zvakasara zvoda kufa, nokuti handina kuwana mabasa ako akakwana pamberi paMwari wangu. 3Naizvozvo, rangarira zvawakagamuchira nezvawakanzwa; uzviteerere, uye utendeuke. Asi kana usingapepuki, ndichauya sembavha, uye haungazivi nguva yandichauya nayo kwauri.
4Asi una vanhu vashoma muSadhisi vasina kusvibisa nguo dzavo. Vachafamba neni, vakapfeka nguo chena, nokuti ndivo vakafanira. 5Anokunda achaita saivo, achashongedzwa nguo chena. Handingazodzimi zita rake kubva mubhuku roupenyu, asi ndichapupura zita rake pamberi paBaba vangu navatumwa vavo. 6Ane nzeve dzokunzwa, ngaanzwe zvinoreva Mweya kukereke.
Kukereke iri muFiradherifia
7“Kumutumwa wekereke iri muFiradherifia nyora kuti:
Aya ndiwo mashoko aiye mutsvene wechokwadi, iye akabata kiyi yaDhavhidhi. Chaanozarura hakuna munhu anopfiga, chaanopfiga hakuna munhu anochizarura.
8Ndinoziva mabasa ako. Tarira, ndaisa pamberi pako mukova wakazaruka usingagoni kupfigwa nomunhu. Ndinoziva kuti une simba shoma, asi wakachengeta shoko rangu uye hauna kuramba zita rangu. 9Ndichaita kuti avo vari vesinagoge raSatani, vanozviti vaJudha kunyange vasiri ivo, asi varevi venhema, ndichaita kuti vauye uye vawire pasi petsoka dzako uye vagoziva kuti ndakakuda. 10Sezvo wakachengeta murayiro wangu kuti utsunge nomwoyo murefu, ndichakuchengetawo panguva yokuedzwa iri kusvika pamusoro penyika yose kuzoedza avo vanogara panyika.
11Ndiri kukurumidza kuuya. Batisisa icho chaunacho, kuti kurege kuva nomunhu anokutorera korona yako. 12Uyo anokunda ndichamuita mbiru mutemberi yaMwari wangu. Haazombobudimo. Ndichanyora paari zita raMwari wangu nezita reguta raMwari wangu, Jerusarema idzva, riri kuburuka richibva kudenga kuna Mwari; uye ndichanyorawo paari zita rangu idzva. 13Ane nzeve dzokunzwa ngaanzwe, zvinoreva Mweya kukereke.
Kukereke iri paRaodhikea
14“Kumutumwa wekereke iri muRaodhikea nyora kuti:
Aya ndiwo mashoko aiye Ameni, chapupu chakatendeka uye chechokwadi, mutongi wezvisikwa zvaMwari.
15Ndinoziva mabasa ako, kuti hautonhori kana kupisa. Ndaida kuti uve chimwe chaizvozvi! 16Saka nokuda kwokuti unodziya zvishoma, haupisi kana kutonhora, ndava kuda kukusvipa kubva mumuromo mangu. 17Unoti, ‘Ndakapfuma; ndakawana pfuma uye handina chandinoshayiwa.’ Asi hauzivi kuti une nhamo, unonzwisa urombo, uri murombo, uri bofu uye hauna kusimira. 18Ndinokupa zano kuti utenge kwandiri goridhe rakanatswa nomoto, kuti upfume; uye uve nenguo chena dzokupfeka, kuitira kuti ufukidze nyadzi dzokusasimira kwako; nechizoro chokuisa mumeso ako, kuitira kuti ugone kuona.
19Avo vandinoda ndinovatsiura uye ndinovaranga. Saka shingaira, utendeuke. 20Ndiri pano! Ndimire pamusuo ndichigogodza. Kana munhu akanzwa inzwi rangu akazarura musuo, ndichapinda ndigodya naye, uye iye neni.
21Kuno uyo anokunda, ndichamutendera kuti agare neni pachigaro changu choushe, sezvandakakunda uye ndikagara naBaba vangu pachigaro chavo choushe. 22Ane nzeve dzokunzwa, ngaanzwe zvinoreva Mweya kukereke.”

Did you know?
Letters to Sardis, Philadelphia, and Laodicea
- Revelation 3 is a set of letters to churches in three cities of Asia Minor. Sardis, the metropolis of Lydia, stood on the river Pactolus at the foot of Mount Tmolus. Philadelphia, a name that means “brotherly love,” lay about twenty-five miles southeast of Sardis, while Laodicea stood on the Lycus, where Phrygia and Lydia meet, about forty miles east of Ephesus.Sources: Sardis · Philadelphia · Laodicea · the Bible text itself
- Laodicea was first called Diospolis and then Rhoas. It was later named Laodicea after Laodice, the wife of Antiochus II, king of Syria, who rebuilt it. Easton's Bible Dictionary (1897) calls it one of the most important and flourishing cities of Asia Minor and an early leading center of Christianity; in the letter, that church is said to claim that it is rich, has grown wealthy, and needs nothing.Sources: Laodicea · the Bible text itself
- The letter to Philadelphia speaks of a “synagogue of Satan” and of people who claim to be Jews but whom it calls liars. Satan means “adversary” or “accuser,” and in the New Testament the name is used interchangeably with the devil.Sources: Satan · the Bible text itself
Notes written with AI assistance from open sources (Theographic Bible Metadata, CC BY-SA 4.0; Easton’s Bible Dictionary, public domain) and reviewed before publishing.
Places in this chapter
- Sardis · 38.488, 28.040 · verses 1, 4
- Philadelphia · Today: Alaşehir · 38.350, 28.517 · verse 7
- Jerusalem · 31.777, 35.234 · verse 12
- Laodicea · Today: Laodicea on the Lycus · 37.836, 29.108 · verse 14
Only places identified with high confidence are shown (90% or more according to the scholarly sources compiled by OpenBible). Period map: DARE (Digital Atlas of the Roman Empire), CC BY 4.0; modern map: © OpenStreetMap contributors; places: OpenBible.info (CC BY 4.0).
Credits and license for this translation
Biblica® Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi 2017 The Holy Bible in the Shona language of Zimbabwe: Biblica® Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi 2017 copyright © 2005, 2018 Biblica, Inc. Language: chiShona Contributor: Biblica, Inc. Biblica® Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi™ Kopakodzero © 2005, 2018 ne Biblica, Inc. Biblica® Open Shona Contemporary Bible™ Copyright © 2005, 2018 by Biblica, Inc. “Biblica” chiratidzo chekutengeserana chakanyoreswa mu United States uye chiratidzo chehofisi yeBiblica, Inc. Inoshandiswa zviripamutemo. “Biblica” is a trademark registered in the United States Patent and Trademark Office by Biblica, Inc. Used with permission. Creative Commons License Iri basa rinowanikwa pasi peCreative Commons Attribution-ShareAlike 4.0 International License (CC BY-SA). Kuti utarise kopi yeiri rezinesi, shanyira https://creativecommons.org/licenses/by-sa/4.0 kana kutumira tsamba kuCreative Commons, PO Box 1866, Mountain View, CA 94042, USA. Biblica® chiratidzo chinozikanwa chakanyorwa neBiblica, Inc., uye kushandiswa kwechiratidzo cheBiblica® kunoda mvumo yakanyorwa yeBiblica, Inc. Pasi pemitemo ye rizinesi re CC BY-SA, unogona kuteedzera uye kugovera patsva basa iri risina kugadziridzwa bedzi kana uchichengetedza chiratidzo che Biblica®. Kana iwe ukachinja kopi kana kushandura iri basa, nokudaro uchigadzira rimwe basa, unofanira kubvisa chiratidzo cheBiblica®. Pabasa rakatorwa, unofanirwa kuratidza shanduko dzawakaita uye woratidza sezvinotevera: “Basa rekutanga reBiblica, Inc. rinowanikwa mahara pa www.biblica.com uye nepa open.bible.” Cherechedzo yekopakodzero inofanirwa kuoneka pamusoro wenyaya kana peji rekopakodzero sezvinotevera: Biblica® Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi™ Kopakodzero © 2005, 2018 ne Biblica, Inc. Biblica® Open Shona Contemporary Bible™ Copyright © 2005, 2018 by Biblica, Inc. “Biblica” chiratidzo chekutengeserana chakanyoreswa mu United States uye chiratidzo chehofisi yeBiblica, Inc. Inoshandiswa zviripamutemo. “Biblica” is a trademark registered in the United States Patent and Trademark Office by Biblica, Inc. Used with permission. Unofanirwa zvakare kuita kuti basa rawachinja riwanikwe pasi pe rezinesi yakafanana (CC BY-SA). Kana iwe uchida kuzivisa Biblica, Inc. maererano neshanduro yako yebasa iri, taura nesu pa https://open.bible/contact-us . This work is made available under the Creative Commons Attribution-ShareAlike 4.0 International License (CC BY-SA). To view a copy of this license, visit https://creativecommons.org/licenses/by-sa/4.0 or send a letter to Creative Commons, PO Box 1866, Mountain View, CA 94042, USA. Biblica® is a trademark registered by Biblica, Inc., and use of the Biblica® trademark requires the written permission of Biblica, Inc. Under the terms of the CC BY-SA license, you may copy and redistribute this unmodified work as long as you keep the Biblica® trademark intact. If you modify a copy or translate this work, thereby creating a derivative work, you must remove the Biblica® trademark. On the derivative work, you must indicate what changes you have made and attribute the work as follows: “The original work by Biblica, Inc. is available for free at www.biblica.com and open.bible.” Notice of copyright must appear on the title or copyright page of the work as follows: Biblica® Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi™ Kopakodzero © 2005, 2018 ne Biblica, Inc. Biblica® Open Shona Contemporary Bible™ Copyright © 2005, 2018 by Biblica, Inc. “Biblica” chiratidzo chekutengeserana chakanyoreswa mu United States uye chiratidzo chehofisi yeBiblica, Inc. Inoshandiswa zviripamutemo. “Biblica” is a trademark registered in the United States Patent and Trademark Office by Biblica, Inc. Used with permission. You must also make your derivative work available under the same license (CC BY-SA). If you would like to notify Biblica, Inc. regarding your translation of this work, please contact us at https://open.bible/contact-us . This translation is made available to you under the terms of the Creative Commons Attribution Share-Alike license 4.0. You have permission to share and redistribute this Bible translation in any format and to make reasonable revisions and adaptations of this translation, provided that: You include the above copyright and source information. If you make any changes to the text, you must indicate that you did so in a way that makes it clear that the original licensor is not necessarily endorsing your changes. If you redistribute this text, you must distribute your contributions under the same license as the original. Pictures included with Scriptures and other documents on this site are licensed just for use with those Scriptures and documents. For other uses, please contact the respective copyright owners. Note that in addition to the rules above, revising and adapting God's Word involves a great responsibility to be true to God's Word. See Revelation 22:18-19. 2023-04-14
Source: http://ebible.org/sna/ · eBible.org