Revelation 2
Biblica® Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi 2017 · Tap a verse to see its cross-references.
Kukereke yomuEfeso
1“Kumutumwa wekereke iri muEfeso nyora kuti:
Aya ndiwo mashoko aiye akabata nyeredzi nomwe muruoko rwake rworudyi anofamba pakati pezvigadziko zvinomwe zvemwenje.
2Ndinoziva mabasa ako, kubata kwako nesimba uye nokutsungirira kwako. Ndinoziva kuti haudi kuonana navanhu vakaipa, uye kuti wakaedza avo vanozviti vapostori asi vasiri ivo, uye ukavawana vari venhema. 3Wakatsungirira ukava nomwoyo murefu pakutambudzika nokuda kwezita rangu, uye ukasaneta.
4Asi ndine mhosva iyi newe: Wakasiya rudo rwako rwokutanga. 5Rangarira pawakawa! Tendeuka uite zvinhu zvawakanga uchiita pakutanga. Kana usingatendeuki, ndichauya kwauri ndigobvisa chigadziko chako chomwenje panzvimbo yacho. 6Asi chinhu ichi unacho: Unovenga mabasa avaNikoraiti, andinovenga neniwo.
7Ane nzeve dzokunzwa ngaanzwe zvinoreva Mweya kukereke. Kuno uyo anokunda, ndichamutendera kuti adye zvinobva pamuti woupenyu, uri muparadhiso yaMwari.
Kukereke iri muSimina
8“Kumutumwa wekereke iri muSimina nyora kuti:
Aya ndiwo mashoko aiye Wokutanga neWokupedzisira, akafa uye akararamazve.
9Ndinoziva kutambudzika kwako nourombo hwako, asi uri mupfumi! Ndinoziva kutuka kwaavo vanozviti vaJudha uye vasiri ivo, asi vari vesinagoge raSatani. 10Usatya izvo zvava kuda kuzokutambudza. Ndinoti kwauri, dhiabhori achaisa vamwe venyu mutorongo kuti akuedzei, uye muchatambudzwa kwamazuva gumi. Ivai vakatendeka, kunyange kusvika pakufa, uye ini ndichakupai korona youpenyu.
11Ane nzeve dzokunzwa, ngaanzwe zvinoreva Mweya kukereke. Anokunda haazokuvadzwi norufu rwechipiri.
Kukereke iri muPegamo
12“Kumutumwa wekereke iri muPegamo nyora kuti:
Aya ndiwo mashoko aiye ano munondo unopinza, unocheka kumativi ose.
13Ndinoziva paunogara, pachigaro choushe chaSatani. Asi wakaramba wakatendeka kuzita rangu. Hauna kuramba kutenda kwako kwandiri, kunyange mumazuva aAndipasi, chapupu changu chakatendeka, uyo akaurayiwa muguta renyu, munogara Satani.
14Kunyange zvakadaro, ndine zvinhu zvishoma zvandinovenga pauri: Una vanhu ipapo vanobatisisa dzidziso yaBharamu, uyo akadzidzisa Bharaki kuti anyengere vaIsraeri kuti vatadze vachidya zvokudya zvakabayirwa kuzvifananidzo uye nokuita upombwe. 15Saizvozvowo, una vamwe vanobatirira kudzidziso yavaNikoraiti. 16Naizvozvo, tendeuka! Zvikasadaro, ndichakurumidza kuuya kuzovarwisa nomunondo womuromo wangu.
17Ane nzeve dzokunzwa, ngaanzwe zvinoreva Mweya kukereke. Kuno uyo anokunda, ndichamupa imwe mana yakavanzika. Ndichamupawo ibwe jena rine zita idzva rakanyorwa pariri, rinongozivikanwa naiye anorigamuchira.
Kukereke yomuTiatira
18“Kumutumwa wekereke iri muTiatira nyora kuti:
Aya ndiwo mashoko oMwanakomana waMwari, ane meso anenge murazvo womoto uye ane tsoka dzinopenya sendarira.
19Ndinoziva mabasa ako, rudo rwako nokutenda kwako, kushumira kwako uye nokutsungirira kwako, uye kuti iye zvino uri kuita zvinopfuura zvawakaita pakutanga.
20Kunyange zvakadaro, ndine mhosva iyi newe: Uri kutendera mukadzi uya Jezebheri, anozviti muprofitakadzi. Nokudzidzisa kwake anotsausa varanda vangu kuti vaite upombwe uye kuti vadye zvakabayirwa kuzvifananidzo. 21Ndakamupa nguva yokutendeuka paupombwe hwake, asi haana kutendeuka. 22Saka ndichamuisa panhoo yokutambudzika, uye ndichaita kuti vaya vaiita upombwe naye vatambudzike zvikuru, kana vakasatendeuka munzira dzavo. 23Ndicharova vana vake norufu. Ipapo kereke dzose dzichaziva kuti ndini iye anonzvera mwoyo nendangariro, uye ndichatsiva mumwe nomumwe wenyu zvinoenderana namabasa ake. 24Zvino ndinoti kwamuri mose imi muri paTiatira, kunemi vasingabatiriri padzidziso yake uye vasina kudzidza zvinonzi zvakavanzika zvaSatani (handichazoisi mimwe mitoro pamusoro penyu): 25Batisisai chete icho chamunacho kusvikira ndauya.
26Kuno uya anokunda uye achiita kuda kwangu kusvikira pakuguma, ndichamupa simba pamusoro pendudzi:
27‘Achavatonga netsvimbo yesimbi;
achavaputsa-putsa sezvaenga zvehari’,
sokugamuchira kwandakaita simba kubva kuna Baba vangu. 28Ndichamupawo nyeredzi yamangwanani. 29Ane nzeve dzokunzwa ngaanzwe, zvinoreva Mweya kukereke.

Did you know?
Messages to the Four Churches
- Ephesus was the capital of proconsular Asia and bore the Roman title of the first and greatest metropolis of the province. It was famous across the ancient world for its open-air theatre seating 50,000 spectators and for housing the chief shrine and temple of Diana.Sources: Ephesus · the Bible text itself
- Pergamum, the chief city of Mysia situated near the Caicus River, is described in the letter as the place where Satan's throne sits. The text commends the believers there for maintaining their faith even when Antipas, called a faithful witness, was killed in the city.Sources: Pergamum · Antipas · the Bible text itself
- Located between Lydia and Mysia, the city of Thyatira was celebrated for its textile dyeing industry, as confirmed by ancient inscriptions mentioning its guild of dyers. In the New Testament, Lydia, a seller of purple-dyed cloth, hailed from this city.Sources: Thyatira · the Bible text itself
Notes written with AI assistance from open sources (Theographic Bible Metadata, CC BY-SA 4.0; Easton’s Bible Dictionary, public domain) and reviewed before publishing.
Places in this chapter
- Ephesus · 37.939, 27.341 · verse 1
- Smyrna · Today: Izmir · 38.419, 27.138 · verse 8
- Pergamum · Today: Pergamon · 39.132, 27.184 · verse 12
- Thyatira · Today: Akhisar · 38.920, 27.837 · verses 18, 24
Only places identified with high confidence are shown (90% or more according to the scholarly sources compiled by OpenBible). Period map: DARE (Digital Atlas of the Roman Empire), CC BY 4.0; modern map: © OpenStreetMap contributors; places: OpenBible.info (CC BY 4.0).
Credits and license for this translation
Biblica® Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi 2017 The Holy Bible in the Shona language of Zimbabwe: Biblica® Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi 2017 copyright © 2005, 2018 Biblica, Inc. Language: chiShona Contributor: Biblica, Inc. Biblica® Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi™ Kopakodzero © 2005, 2018 ne Biblica, Inc. Biblica® Open Shona Contemporary Bible™ Copyright © 2005, 2018 by Biblica, Inc. “Biblica” chiratidzo chekutengeserana chakanyoreswa mu United States uye chiratidzo chehofisi yeBiblica, Inc. Inoshandiswa zviripamutemo. “Biblica” is a trademark registered in the United States Patent and Trademark Office by Biblica, Inc. Used with permission. Creative Commons License Iri basa rinowanikwa pasi peCreative Commons Attribution-ShareAlike 4.0 International License (CC BY-SA). Kuti utarise kopi yeiri rezinesi, shanyira https://creativecommons.org/licenses/by-sa/4.0 kana kutumira tsamba kuCreative Commons, PO Box 1866, Mountain View, CA 94042, USA. Biblica® chiratidzo chinozikanwa chakanyorwa neBiblica, Inc., uye kushandiswa kwechiratidzo cheBiblica® kunoda mvumo yakanyorwa yeBiblica, Inc. Pasi pemitemo ye rizinesi re CC BY-SA, unogona kuteedzera uye kugovera patsva basa iri risina kugadziridzwa bedzi kana uchichengetedza chiratidzo che Biblica®. Kana iwe ukachinja kopi kana kushandura iri basa, nokudaro uchigadzira rimwe basa, unofanira kubvisa chiratidzo cheBiblica®. Pabasa rakatorwa, unofanirwa kuratidza shanduko dzawakaita uye woratidza sezvinotevera: “Basa rekutanga reBiblica, Inc. rinowanikwa mahara pa www.biblica.com uye nepa open.bible.” Cherechedzo yekopakodzero inofanirwa kuoneka pamusoro wenyaya kana peji rekopakodzero sezvinotevera: Biblica® Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi™ Kopakodzero © 2005, 2018 ne Biblica, Inc. Biblica® Open Shona Contemporary Bible™ Copyright © 2005, 2018 by Biblica, Inc. “Biblica” chiratidzo chekutengeserana chakanyoreswa mu United States uye chiratidzo chehofisi yeBiblica, Inc. Inoshandiswa zviripamutemo. “Biblica” is a trademark registered in the United States Patent and Trademark Office by Biblica, Inc. Used with permission. Unofanirwa zvakare kuita kuti basa rawachinja riwanikwe pasi pe rezinesi yakafanana (CC BY-SA). Kana iwe uchida kuzivisa Biblica, Inc. maererano neshanduro yako yebasa iri, taura nesu pa https://open.bible/contact-us . This work is made available under the Creative Commons Attribution-ShareAlike 4.0 International License (CC BY-SA). To view a copy of this license, visit https://creativecommons.org/licenses/by-sa/4.0 or send a letter to Creative Commons, PO Box 1866, Mountain View, CA 94042, USA. Biblica® is a trademark registered by Biblica, Inc., and use of the Biblica® trademark requires the written permission of Biblica, Inc. Under the terms of the CC BY-SA license, you may copy and redistribute this unmodified work as long as you keep the Biblica® trademark intact. If you modify a copy or translate this work, thereby creating a derivative work, you must remove the Biblica® trademark. On the derivative work, you must indicate what changes you have made and attribute the work as follows: “The original work by Biblica, Inc. is available for free at www.biblica.com and open.bible.” Notice of copyright must appear on the title or copyright page of the work as follows: Biblica® Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi™ Kopakodzero © 2005, 2018 ne Biblica, Inc. Biblica® Open Shona Contemporary Bible™ Copyright © 2005, 2018 by Biblica, Inc. “Biblica” chiratidzo chekutengeserana chakanyoreswa mu United States uye chiratidzo chehofisi yeBiblica, Inc. Inoshandiswa zviripamutemo. “Biblica” is a trademark registered in the United States Patent and Trademark Office by Biblica, Inc. Used with permission. You must also make your derivative work available under the same license (CC BY-SA). If you would like to notify Biblica, Inc. regarding your translation of this work, please contact us at https://open.bible/contact-us . This translation is made available to you under the terms of the Creative Commons Attribution Share-Alike license 4.0. You have permission to share and redistribute this Bible translation in any format and to make reasonable revisions and adaptations of this translation, provided that: You include the above copyright and source information. If you make any changes to the text, you must indicate that you did so in a way that makes it clear that the original licensor is not necessarily endorsing your changes. If you redistribute this text, you must distribute your contributions under the same license as the original. Pictures included with Scriptures and other documents on this site are licensed just for use with those Scriptures and documents. For other uses, please contact the respective copyright owners. Note that in addition to the rules above, revising and adapting God's Word involves a great responsibility to be true to God's Word. See Revelation 22:18-19. 2023-04-14
Source: http://ebible.org/sna/ · eBible.org