Nations Bible

Jeremiah 21

Biblica® Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi 2017 · Tap a verse to see its cross-references.

Mwari anoramba Chikumbiro chaZedhekia

1Shoko rakauya kuna Jeremia richibva kuna Jehovha panguva yakatuma mambo Zedhekia kwaari Pashuri mwanakomana waMarikiya, nomuprista Zefania mwanakomana waMaaseya. Vakati, 2“Dotibvunzirawo kuna Jehovha iye zvino nokuti Nebhukadhinezari mambo weBhabhironi ari kurwa nesu. Zvichida Jehovha angatiitira zvishamiso sepanguva dzakapfuura kuitira kuti uyu abve kwatiri.”

3Asi Jeremia akavapindura achiti, “Udzai Zedhekia kuti, 4‘Zvanzi naJehovha, Mwari waIsraeri: Ndava pedyo nokunangisa kwauri zvombo zvehondo zviri mumaoko ako, zvaunoshandisa kurwa namambo weBhabhironi navaBhabhironi vakakukombai kunze kwamasvingo. Uye ndichazviunganidza mukati meguta rino. 5Ini ndimene ndicharwa newe noruoko rwakatambanudzwa noruoko rune simba mukutsamwa neshungu nehasha huru. 6Ndicharova vanogara muguta rino, zvose vanhu nezvipfuwo, uye zvichafa nedenda rakaipisisa. 7Shure kwaizvozvo, ndizvo zvinotaura Jehovha, ndichaisa Zedhekia mambo weJudha, namachinda ake navanhu vari muguta rino vanopunyuka padenda, napamunondo, nepanzara, kuna Nebhukadhinezari mambo weBhabhironi nokuvavengi vavo vanotsvaka kuvauraya. Achavaisa kumunondo; haangavanzwiri urombo, kana ngoni, kana tsitsi.’

8“Zvakare, uti kuvanhu, ‘Zvanzi naJehovha: Tarirai, ndiri kuisa pamberi penyu nzira youpenyu neyorufu. 9Ani naani achagara muguta rino achafa nomunondo, nenzara kana nedenda. Asi ani naani achabuda akandozvipira kuvaBhabhironi vakakukombai achararama; achatiza noupenyu hwake. 10Ndafunga kuitira guta rino zvakaipa kwete zvakanaka, ndizvo zvinotaura Jehovha. Richaiswa mumaoko amambo weBhabhironi, uye achariparadza nomoto.’

11“Pamusoro paizvozvo, uti kuimba youshe yaJudha, ‘Inzwai shoko raJehovha, 12imi imba yaDhavhidhi. Zvanzi naJehovha:

“ ‘Tongai nokururamisira mangwanani ari ose,

nunurai akabirwa, kubva muruoko rwomudzvinyiriri wake,

kuti kutsamwa kwangu kurege kubuda kukakupisai somoto,

nokuda kwezvakaipa zvamakaita,

kuchipfuta pasina angakudzima.

13Ndine mhosva newe, Jerusarema,

iwe ugere pamusoro pomupata uno

pamutunhu wematombo,

iyemi munoti, “Ndiani angatirwisa?

Ndiani angapinda pautiziro hwedu?”

14Ndichakurovai sezvakafanira mabasa enyu,

Ndichabatidza moto mumasango enyu

uchapisa zvose zvakakupoteredzai.’ ”

Artistic illustration — an interpretation, not a historical record.

Did you know?

Zedekiah's Inquiry and the Coming Siege

  • Facing invasion by King Nebuchadnezzar of Babylon, King Zedekiah of Judah sent a delegation to Jeremiah hoping God would perform a miraculous deliverance as in past times. Zedekiah had originally been placed on the throne by Nebuchadnezzar himself and became Judah's final king.Sources: Zedekiah · Nebuchadnezzar · the Bible text itself
  • Among the royal emissaries was Zephaniah son of Maaseiah, who served as the second priest during Zedekiah's reign. Zephaniah was repeatedly sent by the king to inquire of Jeremiah regarding coming disasters and to seek the prophet's intercession.Sources: Zephaniah · Maaseiah · the Bible text itself
  • Instead of promising relief, Jeremiah set before the people the choice between life and death. Those who remained inside Jerusalem would perish by sword, famine, and plague, while those who surrendered to the besieging Chaldeans would preserve their lives.Sources: the Bible text itself

Notes written with AI assistance from open sources (Theographic Bible Metadata, CC BY-SA 4.0; Easton’s Bible Dictionary, public domain) and reviewed before publishing.

Places in this chapter

  • Babylon · 32.543, 44.422 · verses 2, 4, 7, 10
  • Chaldea · 30.962, 46.104 · verses 4, 9
  • Jerusalem · 31.777, 35.234 · verses 6, 8, 9, 13

Only places identified with high confidence are shown (90% or more according to the scholarly sources compiled by OpenBible). Period map: DARE (Digital Atlas of the Roman Empire), CC BY 4.0; modern map: © OpenStreetMap contributors; places: OpenBible.info (CC BY 4.0).

Credits and license for this translation
Biblica® Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi 2017
The Holy Bible in the Shona language of Zimbabwe: Biblica® Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi 2017
copyright © 2005, 2018 Biblica, Inc.
Language: chiShona
Contributor: Biblica, Inc.
Biblica® Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi™
Kopakodzero © 2005, 2018 ne Biblica, Inc.
Biblica® Open Shona Contemporary Bible™
Copyright © 2005, 2018 by Biblica, Inc.
“Biblica” chiratidzo chekutengeserana chakanyoreswa mu United States uye chiratidzo chehofisi yeBiblica, Inc. Inoshandiswa zviripamutemo.
“Biblica” is a trademark registered in the United States Patent and Trademark Office by Biblica, Inc. Used with permission.
Creative Commons License
Iri basa rinowanikwa pasi peCreative Commons Attribution-ShareAlike 4.0 International License (CC BY-SA). Kuti utarise kopi yeiri rezinesi, shanyira https://creativecommons.org/licenses/by-sa/4.0 kana kutumira tsamba kuCreative Commons, PO Box 1866, Mountain View, CA 94042, USA.
Biblica® chiratidzo chinozikanwa chakanyorwa neBiblica, Inc., uye kushandiswa kwechiratidzo cheBiblica® kunoda mvumo yakanyorwa yeBiblica, Inc. Pasi pemitemo ye rizinesi re CC BY-SA, unogona kuteedzera uye kugovera patsva basa iri risina kugadziridzwa bedzi kana uchichengetedza chiratidzo che Biblica®. Kana iwe ukachinja kopi kana kushandura iri basa, nokudaro uchigadzira rimwe basa, unofanira kubvisa chiratidzo cheBiblica®. Pabasa rakatorwa, unofanirwa kuratidza shanduko dzawakaita uye woratidza sezvinotevera: “Basa rekutanga reBiblica, Inc. rinowanikwa mahara pa www.biblica.com uye nepa open.bible.”
‪
Cherechedzo yekopakodzero inofanirwa kuoneka pamusoro wenyaya kana peji rekopakodzero sezvinotevera:
Biblica® Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi™
Kopakodzero © 2005, 2018 ne Biblica, Inc.
Biblica® Open Shona Contemporary Bible™
Copyright © 2005, 2018 by Biblica, Inc.
“Biblica” chiratidzo chekutengeserana chakanyoreswa mu United States uye chiratidzo chehofisi yeBiblica, Inc. Inoshandiswa zviripamutemo.
“Biblica” is a trademark registered in the United States Patent and Trademark Office by Biblica, Inc. Used with permission.
Unofanirwa zvakare kuita kuti basa rawachinja riwanikwe pasi pe rezinesi yakafanana (CC BY-SA).
Kana iwe uchida kuzivisa Biblica, Inc. maererano neshanduro yako yebasa iri, taura nesu pa https://open.bible/contact-us .
This work is made available under the Creative Commons Attribution-ShareAlike 4‪.0 International License (CC BY-SA). To view a copy of this license, visit https://creativecommons.org/licenses/by-sa/4‪.0 or send a letter to Creative Commons, PO Box 1866, Mountain View, CA 94042, USA.
Biblica® is a trademark registered by Biblica, Inc., and use of the Biblica® trademark requires the written permission of Biblica, Inc. Under the terms of the CC BY-SA license, you may copy and redistribute this unmodified work as long as you keep the Biblica® trademark intact. If you modify a copy or translate this work, thereby creating a derivative work, you must remove the Biblica® trademark. On the derivative work, you must indicate what changes you have made and attribute the work as follows: “The original work by Biblica, Inc. is available for free at www.biblica.com and open.bible.”
‪
Notice of copyright must appear on the title or copyright page of the work as follows:
Biblica® Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi™
Kopakodzero © 2005, 2018 ne Biblica, Inc.
Biblica® Open Shona Contemporary Bible™
Copyright © 2005, 2018 by Biblica, Inc.
“Biblica” chiratidzo chekutengeserana chakanyoreswa mu United States uye chiratidzo chehofisi yeBiblica, Inc. Inoshandiswa zviripamutemo.
“Biblica” is a trademark registered in the United States Patent and Trademark Office by Biblica, Inc. Used with permission.
You must also make your derivative work available under the same license (CC BY-SA).
‪If you would like to notify Biblica, Inc. regarding your translation of this work, please contact us at https://open.bible/contact-us .
This translation is made available to you under the terms of the
Creative Commons Attribution Share-Alike license 4.0.
You have permission to share and redistribute this Bible translation in any format and to make reasonable revisions and adaptations of this translation, provided that:
You include the above copyright and source information.
If you make any changes to the text, you must indicate that you did so in a way that makes it clear that the original licensor is not necessarily endorsing your changes.
If you redistribute this text, you must distribute your contributions under the same license as the original.
Pictures included with Scriptures and other documents on this site are licensed just for use with those Scriptures and documents.
For other uses, please contact the respective copyright owners.
Note that in addition to the rules above, revising and adapting God's Word involves a great responsibility to be true to God's Word. See Revelation 22:18-19.
2023-04-14

Source: http://ebible.org/sna/ · eBible.org

Talk to us

Tell us where you read from, how the Bible has helped you, or what we could improve. We read every message.