Nations Bible

Jeremiah 20

Biblica® Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi 2017 · Tap a verse to see its cross-references.

Jeremia naPashuri

1Muprista Pashuri mwanakomana waImeri, mutariri mukuru mutemberi yaJehovha, akati anzwa Jeremia achiprofita zvinhu izvi, 2akarayira kuti Jeremia muprofita arohwe agoiswa muchitokisi paSuo Rokumusoro raBhenjamini raiva patemberi yaJehovha. 3Chifumi chamangwana, Pashuri akati amusunungura kubva muchitokisi, Jeremia akati kwaari, “Zita rinopiwa kwauri naJehovha harisi Pashuri, asi Magori-Misabhibhi (zvichireva zvinotyisa kumativi ose). 4Nokuti zvanzi naJehovha: ‘Ndichakuita chinhu chinokutyisa iwe pachako nokushamwari dzako dzose; uchadziona nemeso ako dzichiwisirwa pasi nomunondo wavavengi vavo. Ndichaisa Judha rose mumaoko amambo weBhabhironi, uye achavaendesa kuBhabhironi kana kuvauraya nomunondo. 5Ndichaisa pfuma yose yeguta rino, nezvose zvavakawana, nezvose zvinokosha zvaro, nepfuma yose yamadzimambo eJudha, mumaoko avavengi vavo. Vachazvipamba ndokuzviendesa kuBhabhironi. 6Zvino iwe Pashuri, navose vanogara mumba mako muchatapwa mugondogariswa kuBhabhironi. Uchandofira ikoko, iwe neshamwari dzako dzose dzawaiprofitira nhema.’ ”

Kugununʼuna kwaJeremia

7Haiwa Jehovha makandinyengera, uye ndakanyengerwa;

makandikurira uye mukakunda,

vanondiseka zuva rose;

munhu wose anondiseka.

8Pandinotaura pose, ndinodanidzira

ndichitaura nezvokuita nechisimba nokuparadza.

Saka shoko raJehovha rakandivigira

kutukwa nokunyadziswa zuva rose.

9Asi kana ndikati, “Handicharevi zita rake,

kana kutaurazve muzita rake,”

shoko rake riri mumwoyo mangu rakaita somoto,

moto wakapfigirwa mumapfupa angu.

Ndaneta nokuridzivisa;

zvirokwazvo, handigoni.

10Ndinonzwa vazhinji vachizevezera vachiti,

“Zvinotyisa kumativi ose!

Mureverei! Ngatimureverei!”

Shamwari dzangu dzose

dzakarindira kutedzemuka kwangu, dzichiti,

“Zvimwe achanyengererwa;

ipapo tigomukunda

tigozvitsiva paari.”

11Asi Jehovha aneni semhare ine simba;

saka vatambudzi vangu vachagumburwa, uye havangakundi.

Vachakundikana uye vachanyadziswa kwazvo;

kusakudzwa kwavo hakungatongokanganwiki.

12Haiwa Jehovha Wamasimba Ose, iyemi munoedza vakarurama

uye munonzvera mwoyo nendangariro,

regai ndione kutsiva kwenyu pamusoro pavo,

nokuti ndaisa mhaka yangu kwamuri.

13Imbirai Jehovha!

Ipai rumbidzo kuna Jehovha!

Iye anorwira upenyu hwavanoshayiwa

kubva mumaoko avakaipa.

14Ngaritukwe zuva randakaberekwa!

Zuva randakaberekwa namai vangu ngarirege kuropafadzwa!

15Ngaatukwe munhu akazivisa baba vangu shoko,

iye akaita kuti vafare kwazvo, achiti,

“Waberekerwa mwana, iye mwanakomana!”

16Munhu uyo ngaave semaguta

akaparadzwa naJehovha asingazvidembi.

Ngaanzwe kuungudza mangwanani,

nokudanidzirwa kwehondo masikati.

17Nokuti haana kundiuraya ndiri mudumbu,

mai vangu vangadai vari guva rangu,

vairamba vane mimba.

18Ndakambobudireiko mudumbu

kuti ndione nhamo nokuchema

uye ndigogumisa mazuva angu mukunyadziswa?

Artistic illustration — an interpretation, not a historical record.

Did you know?

Jeremiah's Persecution and Inner Turmoil

  • Pashhur, the priest who arrested and beat Jeremiah, was the son of Immer—the ancestral head of the sixteenth priestly division—and served as chief official in the house of the LORD. His high administrative post gave him the authority to punish Jeremiah and confine him in wooden stocks at the Upper Gate of Benjamin near the temple.Sources: Immer · Gate of Benjamin · the Bible text itself
  • Upon being released, Jeremiah announced that God gave Pashhur the symbolic name 'Magor-missabib' ('terror on every side'). Jeremiah prophesied that Pashhur, his household, and his friends would be carried away captive into Babylon to die, alongside the plunder of Judah's wealth.Sources: Babylon · the Bible text itself
  • The chapter reveals Jeremiah's intense emotional struggle between public derision and prophetic compulsion. Although mocked and betrayed by close friends, he confessed that holding back God's message felt like a fire burning in his heart and shut up within his bones.Sources: Jeremiah · the Bible text itself

Notes written with AI assistance from open sources (Theographic Bible Metadata, CC BY-SA 4.0; Easton’s Bible Dictionary, public domain) and reviewed before publishing.

Places in this chapter

  • Benjamin Gate · Today: in Jerusalem · 31.777, 35.234 · verse 2
  • Babylon · 32.543, 44.422 · verses 4, 5, 6
  • Jerusalem · 31.777, 35.234 · verse 5

Only places identified with high confidence are shown (90% or more according to the scholarly sources compiled by OpenBible). Period map: DARE (Digital Atlas of the Roman Empire), CC BY 4.0; modern map: © OpenStreetMap contributors; places: OpenBible.info (CC BY 4.0).

Credits and license for this translation
Biblica® Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi 2017
The Holy Bible in the Shona language of Zimbabwe: Biblica® Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi 2017
copyright © 2005, 2018 Biblica, Inc.
Language: chiShona
Contributor: Biblica, Inc.
Biblica® Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi™
Kopakodzero © 2005, 2018 ne Biblica, Inc.
Biblica® Open Shona Contemporary Bible™
Copyright © 2005, 2018 by Biblica, Inc.
“Biblica” chiratidzo chekutengeserana chakanyoreswa mu United States uye chiratidzo chehofisi yeBiblica, Inc. Inoshandiswa zviripamutemo.
“Biblica” is a trademark registered in the United States Patent and Trademark Office by Biblica, Inc. Used with permission.
Creative Commons License
Iri basa rinowanikwa pasi peCreative Commons Attribution-ShareAlike 4.0 International License (CC BY-SA). Kuti utarise kopi yeiri rezinesi, shanyira https://creativecommons.org/licenses/by-sa/4.0 kana kutumira tsamba kuCreative Commons, PO Box 1866, Mountain View, CA 94042, USA.
Biblica® chiratidzo chinozikanwa chakanyorwa neBiblica, Inc., uye kushandiswa kwechiratidzo cheBiblica® kunoda mvumo yakanyorwa yeBiblica, Inc. Pasi pemitemo ye rizinesi re CC BY-SA, unogona kuteedzera uye kugovera patsva basa iri risina kugadziridzwa bedzi kana uchichengetedza chiratidzo che Biblica®. Kana iwe ukachinja kopi kana kushandura iri basa, nokudaro uchigadzira rimwe basa, unofanira kubvisa chiratidzo cheBiblica®. Pabasa rakatorwa, unofanirwa kuratidza shanduko dzawakaita uye woratidza sezvinotevera: “Basa rekutanga reBiblica, Inc. rinowanikwa mahara pa www.biblica.com uye nepa open.bible.”
‪
Cherechedzo yekopakodzero inofanirwa kuoneka pamusoro wenyaya kana peji rekopakodzero sezvinotevera:
Biblica® Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi™
Kopakodzero © 2005, 2018 ne Biblica, Inc.
Biblica® Open Shona Contemporary Bible™
Copyright © 2005, 2018 by Biblica, Inc.
“Biblica” chiratidzo chekutengeserana chakanyoreswa mu United States uye chiratidzo chehofisi yeBiblica, Inc. Inoshandiswa zviripamutemo.
“Biblica” is a trademark registered in the United States Patent and Trademark Office by Biblica, Inc. Used with permission.
Unofanirwa zvakare kuita kuti basa rawachinja riwanikwe pasi pe rezinesi yakafanana (CC BY-SA).
Kana iwe uchida kuzivisa Biblica, Inc. maererano neshanduro yako yebasa iri, taura nesu pa https://open.bible/contact-us .
This work is made available under the Creative Commons Attribution-ShareAlike 4‪.0 International License (CC BY-SA). To view a copy of this license, visit https://creativecommons.org/licenses/by-sa/4‪.0 or send a letter to Creative Commons, PO Box 1866, Mountain View, CA 94042, USA.
Biblica® is a trademark registered by Biblica, Inc., and use of the Biblica® trademark requires the written permission of Biblica, Inc. Under the terms of the CC BY-SA license, you may copy and redistribute this unmodified work as long as you keep the Biblica® trademark intact. If you modify a copy or translate this work, thereby creating a derivative work, you must remove the Biblica® trademark. On the derivative work, you must indicate what changes you have made and attribute the work as follows: “The original work by Biblica, Inc. is available for free at www.biblica.com and open.bible.”
‪
Notice of copyright must appear on the title or copyright page of the work as follows:
Biblica® Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi™
Kopakodzero © 2005, 2018 ne Biblica, Inc.
Biblica® Open Shona Contemporary Bible™
Copyright © 2005, 2018 by Biblica, Inc.
“Biblica” chiratidzo chekutengeserana chakanyoreswa mu United States uye chiratidzo chehofisi yeBiblica, Inc. Inoshandiswa zviripamutemo.
“Biblica” is a trademark registered in the United States Patent and Trademark Office by Biblica, Inc. Used with permission.
You must also make your derivative work available under the same license (CC BY-SA).
‪If you would like to notify Biblica, Inc. regarding your translation of this work, please contact us at https://open.bible/contact-us .
This translation is made available to you under the terms of the
Creative Commons Attribution Share-Alike license 4.0.
You have permission to share and redistribute this Bible translation in any format and to make reasonable revisions and adaptations of this translation, provided that:
You include the above copyright and source information.
If you make any changes to the text, you must indicate that you did so in a way that makes it clear that the original licensor is not necessarily endorsing your changes.
If you redistribute this text, you must distribute your contributions under the same license as the original.
Pictures included with Scriptures and other documents on this site are licensed just for use with those Scriptures and documents.
For other uses, please contact the respective copyright owners.
Note that in addition to the rules above, revising and adapting God's Word involves a great responsibility to be true to God's Word. See Revelation 22:18-19.
2023-04-14

Source: http://ebible.org/sna/ · eBible.org

Talk to us

Tell us where you read from, how the Bible has helped you, or what we could improve. We read every message.