Nations Bible

Ezekiel 32

Biblica® Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi 2017 · Tap a verse to see its cross-references.

Kuchema pamusoro paFaro

1Mugore regumi namaviri, mumwedzi wegumi nemiviri pazuva rokutanga, shoko raJehovha rakasvika kwandiri richiti, 2“Mwanakomana womunhu, chemera Faro mambo weIjipiti uti kwaari:

“ ‘Iwe wakafanana neshumba pakati pendudzi;

wakaita sechikara mukati mamakungwa

uchibvongodza-bvongodza mukati mehova dzako,

uchibvongodza mvura netsoka dzako

uye uchiita kuti hova dzive namatope.

3“ ‘Zvanzi naIshe Jehovha:

“ ‘Neboka ravanhu vazhinji

ndichakanda mambure angu pamusoro pako,

uye vachakukweva mumumbure wangu.

4Ndichakukanda panyika

ndichakurasira pamhene.

Ndichamharisa shiri dzose dzedenga pamusoro pako,

uye zvikara zvose zvomunyika zvichagutswa newe.

5Ndichayanika nyama yako pamakomo,

ndigozadza mipata nezvitunha zvako.

6Ndichadiridza nyika neropa rako rinenge richiyerera

kusvikira kumakomo,

uye nzizi dzichazadzwa nenyama yako.

7Pandichakudzima, ndichafukidza matenga

uye ndichasvibisa nyeredzi;

ndichafukidza zuva mugore,

uye mwedzi haungabudisi chiedza chawo.

8Zviedza zvose zvinopenya zvedenga

ndichazvidzima pamusoro pako;

ndichauyisa rima pamusoro penyika yako,

9Ndichatambudza mwoyo yavanhu vazhinji,

pandichauyisa kuparadzwa kwako pakati pendudzi,

pakati penyika dzausina kumboziva.

10Ndichaita kuti marudzi mazhinji ashamisike pamusoro pako,

uye madzimambo avo achadedera nokutya nokuda kwako,

pandichavheyesa munondo wangu pamberi pavo.

Pazuva rokuwa kwako

mumwe nomumwe wavo achadedera

nguva dzose, nokuda kwoupenyu hwake.

11“ ‘Nokuti zvanzi naIshe Jehovha:

“ ‘Munondo wamambo weBhabhironi

uchauya kuzokurwisa.

12Ndichaita kuti vanhu vako vazhinji vawe

nokuda kweminondo yavane simba,

vanhu vakaipisisa pandudzi dzose.

Vachaparadza kuzvikudza kweIjipiti,

uye vanhu vayo vazhinji vachakundwa.

13Ndichaparadza mombe dzayo dzose

dziri panhivi dzemvura zhinji,

hakuchazova norutsoka rwomunhu ruchaibvongodza,

kana namahwanda emombe achaibvongodza.

14Ipapo ndichaita kuti mvura yavo igadzikane,

uye ndichaita kuti hova dzayo dziyerere samafuta,

15Pandichaita Ijipiti kuti ive dongo

uye pandichabvisa zvose zviri mairi,

pandichauraya vose vanogaramo,

ipapo vachaziva kuti ndini Jehovha.’

16“Aya ndiwo mashoko okuchema avachaiimbira. Vanasikana vendudzi vachaimba; nokuda kweIjipiti navanhu vayo vose vazhinji vachaimba, ndizvo zvinotaura Ishe Jehovha.”

17Mugore regumi namaviri, pazuva regumi namashanu romwedzi, shoko raJehovha rakasvika kwandiri richiti, 18“Mwanakomana womunhu, ungudza nokuda kwavanhu vazhinji veIjipiti uye uvawisire pasi zvose iyo nyika navanasikana vendudzi dzine simba, pamwe chete navaya vanoburukira kugomba. 19Uti kwavari, ‘Ko, imi munonyanya kudikanwa kupfuura vamwe here? Burukai munoradzikwa pakati pavasina kudzingiswa.’ 20Vachava pakati pavakaurayiwa nomunondo. Munondo wavhomorwa; ngaakweverwe kunze pamwe chete navanhu vake vazhinji. 21Vatungamiri vane simba vari mukati meguva, vachati pamusoro peIjipiti navabatsiri vayo, ‘Vaburukira kuno uye vavete pamwe chete navasina kudzingiswa, navaya vakaurayiwa nomunondo.’

22“Asiria iriko nehondo yayo yose; yakakomberedzwa namakuva avakaurayiwa vayo vose, vose vakaurayiwa nomunondo. 23Makuva ayo ari pasi pasi mugomba uye hondo yayo ivete yakakomberedza rinda rayo. Vose vakanga vaparadzira kutya munyika yavapenyu vakaurayiwa vakafa nomunondo.

24“Eramu iriko, pamwe chete navanhu vayo vazhinji vose vakapoteredza rinda rayo. Vose vakaurayiwa, vakafa nomunondo. Vose vakanga vatyisidzira vamwe munyika yavapenyu vakaburukira panyika pasi vasina kudzingiswa. Vakatakura nyadzi dzavo navaya vanoburukira kugomba. 25Yakawaridzirwa mubhedha pakati pavakaurayiwa, nevanhu vayo vazhinji vakakomberedza rinda rayo. Vose havana kudzingiswa, vakaurayiwa nomunondo. Nemhaka yokuti kutyisidzira kwavo kwakanga kwapararira munyika yavapenyu, vanotakura nyadzi dzavo navaya vanoburukira kugomba, vakaradzikwa pakati pavakaurayiwa.

26“Mesheki neTubhari dziripo, navanhu vadzo vazhinji vakakomba marinda adzo. Vose havana kudzingiswa, vakaurayiwa nomunondo nokuti vakatyisidzira vanhu munyika yavapenyu. 27Ko, havana kuvata navamwe varwi vasina kudzingiswa here, ivo vakafa, vakaburukira muguva vane zvombo zvavo zvehondo, uye minondo yavo yakaiswa pasi pemisoro yavo? Kurangwa nokuda kwezvivi zvavo kuri pamusoro pamapfupa avo, kunyange kutyisidzira kwavanhu ava kwakanga kwapararira munyika yavapenyu.

28“Newewo, iwe Faro, uchavhunwa uye uchavata pakati pavasina kudzingiswa.

29“Edhomu iriko namadzimambo ayo namachinda ayo ose; kunyange ane simba, vakaradzikwa navaya vakaurayiwa nomunondo. Vakavata navasina kudzingiswa, navaya vanoburukira kugomba.

30“Machinda ose okumusoro navaSidhoni variko; vakadzika navakaurayiwa mukunyadziswa kunyange simba ravo raityisa. Vakavata vasina kudzingiswa pamwe chete navakaurayiwa nomunondo vakatakura kunyadziswa kwavo pamwe chete navaya vanoburukira kugomba.

31“Faro, iye nehondo yake, achavaona agonyaradzwa nokuda kwavanhu vake vazhinji vakaurayiwa nomunondo, ndizvo zvinotaura Ishe Jehovha. 32Kunyange ndakamurega achityisidzira vamwe munyika yavapenyu, Faro navanhu vake vazhinji vacharadzikwa pakati pavasina kudzingiswa, navaya vakaurayiwa nomunondo, ndizvo zvinotaura Ishe Jehovha.”

Did you know?

A Funeral Dirge for Egypt and Fallen Empires

  • Ezekiel presents a visionary lament where Egypt descends into the underworld (Sheol or the Pit) to join a gathering of fallen powers. Among them are Assyria, Elam from east of Babylonia, Meshech and Tubal from the northern regions, and Edom, all depicted in their graves after once dominating the ancient world.Sources: the Bible text itself · Elam · Meshech · Edom
  • The poem reflects ancient martial burial practices, mentioning elite warriors entombed with full honors, their swords laid beneath their heads and shields resting upon their bones, in contrast to those dying in disgrace.Sources: the Bible text itself

Notes written with AI assistance from open sources (Theographic Bible Metadata, CC BY-SA 4.0; Easton’s Bible Dictionary, public domain) and reviewed before publishing.

Places in this chapter

  • Egypt · 30.129, 31.308 · verses 2, 12, 14, 15, 16, 18, 19, 20, 21, 28
  • Babylon · 32.543, 44.422 · verse 11
  • Assyria · 36.359, 43.153 · verse 22
  • Elam · 32.189, 48.258 · verses 24, 25
  • Meshech · Today: about 200 km around Gordion · 39.655, 31.994 · verse 26
  • Edom · 30.746, 35.604 · verse 29

Only places identified with high confidence are shown (90% or more according to the scholarly sources compiled by OpenBible). Period map: DARE (Digital Atlas of the Roman Empire), CC BY 4.0; modern map: © OpenStreetMap contributors; places: OpenBible.info (CC BY 4.0).

Credits and license for this translation
Biblica® Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi 2017
The Holy Bible in the Shona language of Zimbabwe: Biblica® Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi 2017
copyright © 2005, 2018 Biblica, Inc.
Language: chiShona
Contributor: Biblica, Inc.
Biblica® Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi™
Kopakodzero © 2005, 2018 ne Biblica, Inc.
Biblica® Open Shona Contemporary Bible™
Copyright © 2005, 2018 by Biblica, Inc.
“Biblica” chiratidzo chekutengeserana chakanyoreswa mu United States uye chiratidzo chehofisi yeBiblica, Inc. Inoshandiswa zviripamutemo.
“Biblica” is a trademark registered in the United States Patent and Trademark Office by Biblica, Inc. Used with permission.
Creative Commons License
Iri basa rinowanikwa pasi peCreative Commons Attribution-ShareAlike 4.0 International License (CC BY-SA). Kuti utarise kopi yeiri rezinesi, shanyira https://creativecommons.org/licenses/by-sa/4.0 kana kutumira tsamba kuCreative Commons, PO Box 1866, Mountain View, CA 94042, USA.
Biblica® chiratidzo chinozikanwa chakanyorwa neBiblica, Inc., uye kushandiswa kwechiratidzo cheBiblica® kunoda mvumo yakanyorwa yeBiblica, Inc. Pasi pemitemo ye rizinesi re CC BY-SA, unogona kuteedzera uye kugovera patsva basa iri risina kugadziridzwa bedzi kana uchichengetedza chiratidzo che Biblica®. Kana iwe ukachinja kopi kana kushandura iri basa, nokudaro uchigadzira rimwe basa, unofanira kubvisa chiratidzo cheBiblica®. Pabasa rakatorwa, unofanirwa kuratidza shanduko dzawakaita uye woratidza sezvinotevera: “Basa rekutanga reBiblica, Inc. rinowanikwa mahara pa www.biblica.com uye nepa open.bible.”
‪
Cherechedzo yekopakodzero inofanirwa kuoneka pamusoro wenyaya kana peji rekopakodzero sezvinotevera:
Biblica® Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi™
Kopakodzero © 2005, 2018 ne Biblica, Inc.
Biblica® Open Shona Contemporary Bible™
Copyright © 2005, 2018 by Biblica, Inc.
“Biblica” chiratidzo chekutengeserana chakanyoreswa mu United States uye chiratidzo chehofisi yeBiblica, Inc. Inoshandiswa zviripamutemo.
“Biblica” is a trademark registered in the United States Patent and Trademark Office by Biblica, Inc. Used with permission.
Unofanirwa zvakare kuita kuti basa rawachinja riwanikwe pasi pe rezinesi yakafanana (CC BY-SA).
Kana iwe uchida kuzivisa Biblica, Inc. maererano neshanduro yako yebasa iri, taura nesu pa https://open.bible/contact-us .
This work is made available under the Creative Commons Attribution-ShareAlike 4‪.0 International License (CC BY-SA). To view a copy of this license, visit https://creativecommons.org/licenses/by-sa/4‪.0 or send a letter to Creative Commons, PO Box 1866, Mountain View, CA 94042, USA.
Biblica® is a trademark registered by Biblica, Inc., and use of the Biblica® trademark requires the written permission of Biblica, Inc. Under the terms of the CC BY-SA license, you may copy and redistribute this unmodified work as long as you keep the Biblica® trademark intact. If you modify a copy or translate this work, thereby creating a derivative work, you must remove the Biblica® trademark. On the derivative work, you must indicate what changes you have made and attribute the work as follows: “The original work by Biblica, Inc. is available for free at www.biblica.com and open.bible.”
‪
Notice of copyright must appear on the title or copyright page of the work as follows:
Biblica® Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi™
Kopakodzero © 2005, 2018 ne Biblica, Inc.
Biblica® Open Shona Contemporary Bible™
Copyright © 2005, 2018 by Biblica, Inc.
“Biblica” chiratidzo chekutengeserana chakanyoreswa mu United States uye chiratidzo chehofisi yeBiblica, Inc. Inoshandiswa zviripamutemo.
“Biblica” is a trademark registered in the United States Patent and Trademark Office by Biblica, Inc. Used with permission.
You must also make your derivative work available under the same license (CC BY-SA).
‪If you would like to notify Biblica, Inc. regarding your translation of this work, please contact us at https://open.bible/contact-us .
This translation is made available to you under the terms of the
Creative Commons Attribution Share-Alike license 4.0.
You have permission to share and redistribute this Bible translation in any format and to make reasonable revisions and adaptations of this translation, provided that:
You include the above copyright and source information.
If you make any changes to the text, you must indicate that you did so in a way that makes it clear that the original licensor is not necessarily endorsing your changes.
If you redistribute this text, you must distribute your contributions under the same license as the original.
Pictures included with Scriptures and other documents on this site are licensed just for use with those Scriptures and documents.
For other uses, please contact the respective copyright owners.
Note that in addition to the rules above, revising and adapting God's Word involves a great responsibility to be true to God's Word. See Revelation 22:18-19.
2023-04-14

Source: http://ebible.org/sna/ · eBible.org

Talk to us

Tell us where you read from, how the Bible has helped you, or what we could improve. We read every message.