Ezekiel 31
Biblica® Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi 2017 · Tap a verse to see its cross-references.
Musidhari womuRebhanoni
1Mugore regumi nerimwe, mumwedzi wechitatu pazuva rokutanga, shoko raJehovha rakasvika kwandiri richiti, 2“Mwanakomana womunhu, uti kuna Faro mambo weIjipiti navanhu vake vose:
“ ‘Ndianiko angaenzaniswa nemi paushe?
3Rangarirai Asiria, yaimbova musidhari muRebhanoni,
wakanga una matavi akaisvonaka akanga akafukidzira dondo;
wakanga wakareba kwazvo,
manhengenya awo ari pamusoro pamashizha akapfumvutira.
4Mvura zhinji yakaupa zvokudya,
zvitubu zvakadzika zvakaita kuti urebe;
hova dzacho dzakayerera dzichipoteredza hunde,
uye dzakatumira mironga yadzo kumiti yose yesango.
5Saka wakareba kwazvo
kupfuura miti yose yesango,
mativi awo akawanda
uye matavi awo akareba,
achitandavara nokuda kwemvura zhinji.
6Shiri dzose dzedenga
dzakavakira matendere adzo pamatavi awo,
mhuka dzose dzesango
dzakaberekera pasi pamatavi awo;
ndudzi dzose huru
dzakagara pamumvuri wawo.
7Wakanga uchiyevedza parunako,
namatavi awo akatandavara,
nokuti midzi yawo yaidzika pasi
kune mvura zhinji.
8Misidhari yomubindu raMwari
yakanga isingagoni kuukunda,
uye miti yomupaini
yakanga isingaenzani namatavi awo,
uye miti yemipurani
hayaienzaniswa namatavi awo,
hakuna muti mubindu raMwari
waienzana nawo pakunaka.
9Ndakauita muti unoyevedza
una matavi akawanda,
muti waiyemurwa nemiti yose yomuEdheni
mubindu raMwari.
10“ ‘Naizvozvo zvanzi naIshe Jehovha: Nemhaka yokuti wakanga wakareba kwazvo, uchisimudzira manhengenya awo pamatavi akapfumvutira, uye nemhaka yokuti wakazvikudza nokuda kwokureba kwawo, 11ndakauisa kumutongi wendudzi, kuti vamuitire zvakafanira kuipa kwawo. Ndakaukanda padivi, 12uye rudzi rwakaipisisa kundudzi dzavatorwa rwakautemera pasi ndokuusiya. Matavi awo akawira pamakomo nomumipata yose; matavi awo ose akavhunikira muhova dzose dzenyika. Ndudzi dzose dzomunyika dzakabva pasi pomumvuri wawo dzikausiya. 13Shiri dzose dzedenga dzakamhara pamuti wakawa, uye mhuka dzose dzenyika dzakanga dziri pakati pamatavi awo. 14Naizvozvo hakuna mimwe miti iri pamvura zhinji ichareba kwazvo ichizvikudza, ichizvisimudzira manhengenya ayo pamusoro pamatavi akapfumvutira. Hakuna mimwe miti inowana mvura yakadai ichazombosvika paurefu hwakadai; yose ichafa, nokuti nyika iri pasi, pakati pavanhu vanofa, navaya vanoburukira kugomba.
15“ ‘Zvanzi naIshe Jehovha: Pazuva rawakaburutsirwa muguva ndakafukidza matsime akadzika kuti aungudze nokuda kwawo ndikamisa hova dzawo, uye mvura yawo zhinji yakadziviswa. Nemhaka yawo ndakafukidza Rebhanoni nokusuwa, uye miti yose yesango yakasvava. 16Ndakaita kuti ndudzi dzidedere padzakanzwa kuwa kwako pandakuburusira muguva navaya vanoenda mugomba nawo. Ipapo miti yose yomuEdheni, yakasarudzika uye neyakanakisa muRebhanoni, miti yose yakanga ichiwana mvura yakakwana, yakanyaradzwa panyika pasi. 17Vaya vaigara mumumvuri wawo, navaya vavaibatana navo pakati pendudzi, vakanga vaburukirawo muguva nawo, vachiva pamwe navaya vakaurayiwa nomunondo.
18“ ‘Ndeipiko miti yeEdheni ingaenzaniswa newe pakubwinya noushe? Kunyange zvakadaro, newewo, uchaburutswa pamwe chete nemiti yeEdheni panyika pasi; ucharara pakati pavasina kudzingiswa, navaya vakaurayiwa nomunondo.
“ ‘Ndiye Faro navanhu vake vazhinji, ndizvo zvinotaura Ishe Jehovha.’ ”

Did you know?
The Fallen Cedar of Lebanon
- Ezekiel employs the metaphor of a towering cedar of Lebanon—a celebrated mountain range in Syria—to illustrate the grandeur and sudden collapse of the Assyrian empire as a direct warning to Pharaoh and Egypt.Sources: the Bible text itself · Lebanon · Assyria · Pharaoh
- The allegory describes the majestic tree as surpassing in height and splendor all the trees in the garden of God, or Eden, an ancient fertile region situated along the great rivers of Western Asia.Sources: the Bible text itself · Eden
- Because of its pride, the great tree is cut down by ruthless foreign conquerors and cast down to Sheol, demonstrating that no worldly empire or ruler is exempt from mortality and judgment.Sources: the Bible text itself · Pharaoh
Notes written with AI assistance from open sources (Theographic Bible Metadata, CC BY-SA 4.0; Easton’s Bible Dictionary, public domain) and reviewed before publishing.
Places in this chapter
- Egypt · 30.129, 31.308 · verses 2, 10, 18
- Assyria · 36.359, 43.153 · verses 3, 15
- Lebanon · 33.540, 35.584 · verses 3, 15, 16
Only places identified with high confidence are shown (90% or more according to the scholarly sources compiled by OpenBible). Period map: DARE (Digital Atlas of the Roman Empire), CC BY 4.0; modern map: © OpenStreetMap contributors; places: OpenBible.info (CC BY 4.0).
Credits and license for this translation
Biblica® Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi 2017 The Holy Bible in the Shona language of Zimbabwe: Biblica® Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi 2017 copyright © 2005, 2018 Biblica, Inc. Language: chiShona Contributor: Biblica, Inc. Biblica® Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi™ Kopakodzero © 2005, 2018 ne Biblica, Inc. Biblica® Open Shona Contemporary Bible™ Copyright © 2005, 2018 by Biblica, Inc. “Biblica” chiratidzo chekutengeserana chakanyoreswa mu United States uye chiratidzo chehofisi yeBiblica, Inc. Inoshandiswa zviripamutemo. “Biblica” is a trademark registered in the United States Patent and Trademark Office by Biblica, Inc. Used with permission. Creative Commons License Iri basa rinowanikwa pasi peCreative Commons Attribution-ShareAlike 4.0 International License (CC BY-SA). Kuti utarise kopi yeiri rezinesi, shanyira https://creativecommons.org/licenses/by-sa/4.0 kana kutumira tsamba kuCreative Commons, PO Box 1866, Mountain View, CA 94042, USA. Biblica® chiratidzo chinozikanwa chakanyorwa neBiblica, Inc., uye kushandiswa kwechiratidzo cheBiblica® kunoda mvumo yakanyorwa yeBiblica, Inc. Pasi pemitemo ye rizinesi re CC BY-SA, unogona kuteedzera uye kugovera patsva basa iri risina kugadziridzwa bedzi kana uchichengetedza chiratidzo che Biblica®. Kana iwe ukachinja kopi kana kushandura iri basa, nokudaro uchigadzira rimwe basa, unofanira kubvisa chiratidzo cheBiblica®. Pabasa rakatorwa, unofanirwa kuratidza shanduko dzawakaita uye woratidza sezvinotevera: “Basa rekutanga reBiblica, Inc. rinowanikwa mahara pa www.biblica.com uye nepa open.bible.” Cherechedzo yekopakodzero inofanirwa kuoneka pamusoro wenyaya kana peji rekopakodzero sezvinotevera: Biblica® Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi™ Kopakodzero © 2005, 2018 ne Biblica, Inc. Biblica® Open Shona Contemporary Bible™ Copyright © 2005, 2018 by Biblica, Inc. “Biblica” chiratidzo chekutengeserana chakanyoreswa mu United States uye chiratidzo chehofisi yeBiblica, Inc. Inoshandiswa zviripamutemo. “Biblica” is a trademark registered in the United States Patent and Trademark Office by Biblica, Inc. Used with permission. Unofanirwa zvakare kuita kuti basa rawachinja riwanikwe pasi pe rezinesi yakafanana (CC BY-SA). Kana iwe uchida kuzivisa Biblica, Inc. maererano neshanduro yako yebasa iri, taura nesu pa https://open.bible/contact-us . This work is made available under the Creative Commons Attribution-ShareAlike 4.0 International License (CC BY-SA). To view a copy of this license, visit https://creativecommons.org/licenses/by-sa/4.0 or send a letter to Creative Commons, PO Box 1866, Mountain View, CA 94042, USA. Biblica® is a trademark registered by Biblica, Inc., and use of the Biblica® trademark requires the written permission of Biblica, Inc. Under the terms of the CC BY-SA license, you may copy and redistribute this unmodified work as long as you keep the Biblica® trademark intact. If you modify a copy or translate this work, thereby creating a derivative work, you must remove the Biblica® trademark. On the derivative work, you must indicate what changes you have made and attribute the work as follows: “The original work by Biblica, Inc. is available for free at www.biblica.com and open.bible.” Notice of copyright must appear on the title or copyright page of the work as follows: Biblica® Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi™ Kopakodzero © 2005, 2018 ne Biblica, Inc. Biblica® Open Shona Contemporary Bible™ Copyright © 2005, 2018 by Biblica, Inc. “Biblica” chiratidzo chekutengeserana chakanyoreswa mu United States uye chiratidzo chehofisi yeBiblica, Inc. Inoshandiswa zviripamutemo. “Biblica” is a trademark registered in the United States Patent and Trademark Office by Biblica, Inc. Used with permission. You must also make your derivative work available under the same license (CC BY-SA). If you would like to notify Biblica, Inc. regarding your translation of this work, please contact us at https://open.bible/contact-us . This translation is made available to you under the terms of the Creative Commons Attribution Share-Alike license 4.0. You have permission to share and redistribute this Bible translation in any format and to make reasonable revisions and adaptations of this translation, provided that: You include the above copyright and source information. If you make any changes to the text, you must indicate that you did so in a way that makes it clear that the original licensor is not necessarily endorsing your changes. If you redistribute this text, you must distribute your contributions under the same license as the original. Pictures included with Scriptures and other documents on this site are licensed just for use with those Scriptures and documents. For other uses, please contact the respective copyright owners. Note that in addition to the rules above, revising and adapting God's Word involves a great responsibility to be true to God's Word. See Revelation 22:18-19. 2023-04-14
Source: http://ebible.org/sna/ · eBible.org