Nations Bible

2 Chronicles 7

Biblica® Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi 2017 · Tap a verse to see its cross-references.

Kukumikidzwa kweTemberi

1Soromoni paakapedza kunyengetera, moto wakaburuka kubva kudenga ukapisa chipiriso chinopiswa nezvibayiro uye kubwinya kwaJehovha kwakazadza temberi. 2Vaprista vakatadza kupinda mutemberi yaJehovha nokuti kubwinya kwaJehovha kwakanga kwakaizadza. 3VaIsraeri vose pavakaona moto uchiburuka uye kubwinya kwaJehovha kuri pamusoro petemberi, vakapfugama pachivara zviso zvavo zvakatarisa pasi, uye vakanamata vakavonga Jehovha vachiti:

“Iye akanaka;

rudo rwake runogara nokusingaperi.”

4Ipapo mambo navanhu vose vakapa zvibayiro pamberi paJehovha. 5Uye Mambo Soromoni akapa chibayiro chemombe zviuru makumi maviri nezviviri namakwai nembudzi zviuru zana namakumi maviri. Saka mambo navanhu vose vakakumikidza temberi yaMwari. 6Vaprista vakaenda panzvimbo dzavo sezvakaitwawo navaRevhi vane zviridzwa zvaJehovha zvakanga zvagadzirwa naMambo Dhavhidhi kuti zvishandiswe pakurumbidza Jehovha uye ndizvo zvakashandiswa pavakavonga vachiti, “Rudo rwake runogara nokusingaperi.” Kune rumwe rutivi rwakatarisana navaRevhi, vaprista vakaridza hwamanda dzavo uye vaIsraeri vose vakanga vakamira.

7Soromoni akatsaura nzvimbo yapakati pechivanze chapamberi petemberi yaJehovha uye ipapo akapa zvipiriso zvinopiswa namafuta ezvipiriso zvokuwadzana, nokuti aritari yendarira yaakanga agadzira yaisakwana zvipiriso zvinopiswa, nezvipiriso zvoupfu namafuta.

8Saka Soromoni akatamba mutambo panguva iyoyo kwamazuva manomwe, uye Israeri yose yakanga inaye, ungano huru kwazvo, vanhu vaibva kuRebho Hamati kusvika kuRwizi rweIjipiti. 9Pazuva rorusere vakaungana pamwe chete nokuti vakanga vapemberera kutsaurwa kwearitari kwamazuva manomwe uye mutambo uyu kwamamwezve mazuva manomwe. 10Pazuva ramakumi maviri namatatu romwedzi wechinomwe akaendesa vanhu kudzimba dzavo, vachifara uye mwoyo yavo ichifara nokuda kwezvinhu zvakanaka zvakanga zvaitwa naJehovha kuna Dhavhidhi naSoromoni nokuvanhu vake Israeri.

Jehovha anozviratidza kuna Soromoni

11Soromoni paakapedza temberi yaJehovha nomuzinda wake, uye abudirira mukuita zvose zvaaiva nazvo mupfungwa dzake kuita mutemberi yaJehovha nomumuzinda wake, 12Jehovha akazviratidza kwaari usiku akati:

“Ndanzwa munyengetero wako uye ndazvisarudzira nzvimbo ino setemberi yezvibayiro.

13“Kana ndikapfiga matenga kukasava nemvura inonaya, kana kuti ndikarayira mhashu kuti dziparadze nyika kana kuti ndikatuma denda pakati pavanhu vangu, 14kana vanhu vangu vanodaidzwa nezita rangu, vakazvininipisa, vakanyengetera vakatsvaga chiso changu, vakatendeuka kubva panzira dzavo dzakaipa, ipapo ndichavanzwa kubva kudenga uye ndicharegerera chivi chavo uye ndichaporesa nyika yavo. 15Zvino meso angu achaona uye nzeve dzangu dzichanzwa minyengetero ichapirwa munzvimbo ino. 16Ndasarudza ndikatsaura temberi ino kuti Zita rangu rivepo nokusingaperi. Meso angu nomwoyo wangu zvicharamba zviripo.

17“Kana uriwe, kana ukafamba pamberi pangu sezvakaitwa naDhavhidhi baba vako, uye ukaita zvose zvandichakurayira uye ukachengeta mitemo yangu nemirayiro yangu, 18ndichasimbisa chigaro chako choushe, sezvandakavimbisa Dhavhidhi baba vako pandakati, ‘Hauchazongokundikani kuva nomunhu achatonga Israeri.’

19“Asi kana mukatsauka mukasiya mitemo nezvandakakurayirai, mukaenda kundoshumira vamwe vaMwari mukavanamata, 20ipapo ndichadzura Israeri kubva kunyika yangu, yandakavapa, uye ndicharasira kure temberi iyi yandakazvitsaurira Zita rangu. Ndichaiita tsumo nechiseko pakati pamarudzi ose. 21Uye kunyange temberi ino ichishamisa zvakadai, vose vachapfuura napairi vachakanuka vagoti, ‘Seiko Jehovha akaita chinhu chakadai kunyika ino nokutemberi iyi?’ 22Vanhu vachapindura vachiti, ‘Nokuti vakasiya Jehovha Mwari wamadzibaba avo, akavabudisa kubva muIjipiti uye vakanamatira kuna vamwe vamwari uye vachivanamata nokuvashumira, ndokusaka akauyisa njodzi iyi pavari.’ ”

Artistic illustration — an interpretation, not a historical record.

Did you know?

The Dedication of the Temple

  • The sheer volume of sacrifices offered at the dedication—22,000 oxen and 120,000 sheep—exceeded the capacity of the bronze altar, prompting Solomon to consecrate the middle of the temple courtyard to accommodate all the burnt offerings and fat.Sources: the Bible text itself · Solomon
  • The gathering represented the full extent of the kingdom, drawing people from Lebo-hamath in the far north to the Brook of Egypt in the south for a combined fourteen days of celebration.Sources: the Bible text itself · Lebo-hamath · Brook of Egypt
  • During the worship, the Levites played musical instruments that King David had originally crafted to give thanks to the Lord, while priests sounded trumpets opposite them.Sources: the Bible text itself · David

Notes written with AI assistance from open sources (Theographic Bible Metadata, CC BY-SA 4.0; Easton’s Bible Dictionary, public domain) and reviewed before publishing.

Places in this chapter

  • Egypt · 30.129, 31.308 · verse 22

Only places identified with high confidence are shown (90% or more according to the scholarly sources compiled by OpenBible). Period map: DARE (Digital Atlas of the Roman Empire), CC BY 4.0; modern map: © OpenStreetMap contributors; places: OpenBible.info (CC BY 4.0).

Credits and license for this translation
Biblica® Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi 2017
The Holy Bible in the Shona language of Zimbabwe: Biblica® Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi 2017
copyright © 2005, 2018 Biblica, Inc.
Language: chiShona
Contributor: Biblica, Inc.
Biblica® Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi™
Kopakodzero © 2005, 2018 ne Biblica, Inc.
Biblica® Open Shona Contemporary Bible™
Copyright © 2005, 2018 by Biblica, Inc.
“Biblica” chiratidzo chekutengeserana chakanyoreswa mu United States uye chiratidzo chehofisi yeBiblica, Inc. Inoshandiswa zviripamutemo.
“Biblica” is a trademark registered in the United States Patent and Trademark Office by Biblica, Inc. Used with permission.
Creative Commons License
Iri basa rinowanikwa pasi peCreative Commons Attribution-ShareAlike 4.0 International License (CC BY-SA). Kuti utarise kopi yeiri rezinesi, shanyira https://creativecommons.org/licenses/by-sa/4.0 kana kutumira tsamba kuCreative Commons, PO Box 1866, Mountain View, CA 94042, USA.
Biblica® chiratidzo chinozikanwa chakanyorwa neBiblica, Inc., uye kushandiswa kwechiratidzo cheBiblica® kunoda mvumo yakanyorwa yeBiblica, Inc. Pasi pemitemo ye rizinesi re CC BY-SA, unogona kuteedzera uye kugovera patsva basa iri risina kugadziridzwa bedzi kana uchichengetedza chiratidzo che Biblica®. Kana iwe ukachinja kopi kana kushandura iri basa, nokudaro uchigadzira rimwe basa, unofanira kubvisa chiratidzo cheBiblica®. Pabasa rakatorwa, unofanirwa kuratidza shanduko dzawakaita uye woratidza sezvinotevera: “Basa rekutanga reBiblica, Inc. rinowanikwa mahara pa www.biblica.com uye nepa open.bible.”
‪
Cherechedzo yekopakodzero inofanirwa kuoneka pamusoro wenyaya kana peji rekopakodzero sezvinotevera:
Biblica® Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi™
Kopakodzero © 2005, 2018 ne Biblica, Inc.
Biblica® Open Shona Contemporary Bible™
Copyright © 2005, 2018 by Biblica, Inc.
“Biblica” chiratidzo chekutengeserana chakanyoreswa mu United States uye chiratidzo chehofisi yeBiblica, Inc. Inoshandiswa zviripamutemo.
“Biblica” is a trademark registered in the United States Patent and Trademark Office by Biblica, Inc. Used with permission.
Unofanirwa zvakare kuita kuti basa rawachinja riwanikwe pasi pe rezinesi yakafanana (CC BY-SA).
Kana iwe uchida kuzivisa Biblica, Inc. maererano neshanduro yako yebasa iri, taura nesu pa https://open.bible/contact-us .
This work is made available under the Creative Commons Attribution-ShareAlike 4‪.0 International License (CC BY-SA). To view a copy of this license, visit https://creativecommons.org/licenses/by-sa/4‪.0 or send a letter to Creative Commons, PO Box 1866, Mountain View, CA 94042, USA.
Biblica® is a trademark registered by Biblica, Inc., and use of the Biblica® trademark requires the written permission of Biblica, Inc. Under the terms of the CC BY-SA license, you may copy and redistribute this unmodified work as long as you keep the Biblica® trademark intact. If you modify a copy or translate this work, thereby creating a derivative work, you must remove the Biblica® trademark. On the derivative work, you must indicate what changes you have made and attribute the work as follows: “The original work by Biblica, Inc. is available for free at www.biblica.com and open.bible.”
‪
Notice of copyright must appear on the title or copyright page of the work as follows:
Biblica® Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi™
Kopakodzero © 2005, 2018 ne Biblica, Inc.
Biblica® Open Shona Contemporary Bible™
Copyright © 2005, 2018 by Biblica, Inc.
“Biblica” chiratidzo chekutengeserana chakanyoreswa mu United States uye chiratidzo chehofisi yeBiblica, Inc. Inoshandiswa zviripamutemo.
“Biblica” is a trademark registered in the United States Patent and Trademark Office by Biblica, Inc. Used with permission.
You must also make your derivative work available under the same license (CC BY-SA).
‪If you would like to notify Biblica, Inc. regarding your translation of this work, please contact us at https://open.bible/contact-us .
This translation is made available to you under the terms of the
Creative Commons Attribution Share-Alike license 4.0.
You have permission to share and redistribute this Bible translation in any format and to make reasonable revisions and adaptations of this translation, provided that:
You include the above copyright and source information.
If you make any changes to the text, you must indicate that you did so in a way that makes it clear that the original licensor is not necessarily endorsing your changes.
If you redistribute this text, you must distribute your contributions under the same license as the original.
Pictures included with Scriptures and other documents on this site are licensed just for use with those Scriptures and documents.
For other uses, please contact the respective copyright owners.
Note that in addition to the rules above, revising and adapting God's Word involves a great responsibility to be true to God's Word. See Revelation 22:18-19.
2023-04-14

Source: http://ebible.org/sna/ · eBible.org

Talk to us

Tell us where you read from, how the Bible has helped you, or what we could improve. We read every message.