2 Chronicles 6
Biblica® Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi 2017 · Tap a verse to see its cross-references.
1Ipapo Soromoni akati, “Jehovha akati achagara mugore dema. 2Ndakuvakirai temberi yakanaka kwazvo, nzvimbo yokuti mugare nokusingaperi.”
3Ungano yose yaIsraeri ichakamirapo, mambo akatendeukira kwavari akavaropafadza. 4Ipapo akati:
“Ngaarumbidzwe Jehovha, Mwari waIsraeri iye azadzisa namaoko ake zvaakavimbisa nomuromo wake kuna baba vangu Dhavhidhi. Nokuti akati, 5‘Kubva pazuva randakaburitsa vanhu vangu muIjipiti, handina kumbosarudza guta murudzi rupi norupi rwaIsraeri kuti Zita rangu rivakirwe temberi kuti rivepo, uye handina kumbosarudza mumwe munhu kuti ave mutungamiri wavanhu vangu vaIsraeri. 6Asi zvino ndasarudza Jerusarema nokuda kweZita rangu kuti rivepo uye ndasarudza Dhavhidhi kuti atonge vanhu vangu vaIsraeri.’
7“Baba vangu Dhavhidhi vaiva nazvo mumwoyo mavo kuti vavakire Zita raJehovha Mwari waIsraeri temberi. 8Asi Jehovha akati kuna baba vangu Dhavhidhi, ‘nokuti zvaiva mumwoyo mako kuti uvakire Zita rangu temberi wakaita zvakanaka ukava nazvo mumwoyo mako. 9Asi kunyange zvakadaro, hausi iwe uchavaka temberi asi mwanakomana wako, anova nyama yako neropa rako, ndiye achavakira Zita rangu temberi.’
10“Jehovha akachengeta chivimbiso chavakaita. Ini ndakatevera Dhavhidhi baba vangu uye zvino ndava kugara pachigaro choushe chaIsraeri sokuvimbisa kwakaita Jehovha, uye ndakavakira zita raJehovha Mwari waIsraeri temberi. 11Imomo ndakaisa areka ine sungano yaJehovha yaakaita navanhu veIsraeri.”
Munamato waSoromoni woKukumikidza
12Ipapo Soromoni akamira pamberi pearitari yaJehovha pamberi peungano yose yaIsraeri akatambanudza maoko ake. 13Zvino akanga agadzira pokumira pakakwirira nendarira, pakanga pakareba makubhiti mashanu, pane upamhi hwamakubhiti mashanu uye pakakwirira makubhiti matatu, uye akanga apaisa pakati pechivanze chokunze. Akamira pokumira paya akapfugama pamberi peungano yose yaIsraeri akatambanudzira maoko ake kudenga. 14Akati:
“Haiwa Jehovha, Mwari waIsraeri, hakuna mumwe Mwari akaita semi kudenga kana panyika. Imi munochengeta sungano yorudo navaranda venyu vanoramba vachifamba munzira yenyu nomwoyo wose. 15Makachengeta chivimbiso chenyu kumuranda wenyu Dhavhidhi baba vangu; nomuromo wenyu makavimbisa uye noruoko rwenyu makazadzisa sezvazvakaita nhasi.
16“Zvino Jehovha, Mwari waIsraeri, chengeterai muranda wenyu Dhavhidhi baba vangu zvivimbiso zvamakaita kwaari pamakati, ‘Haungatongokundikani kuti uve nomunhu achagara pamberi pangu pachigaro choushe chaIsraeri, kana chete vanakomana vako vakachenjerera mune zvose zvavanoita kuti vafambe pamberi pangu maererano nomurayiro, sezvawakaita iwe.’ 17Uye zvino, haiwa Jehovha Mwari waIsraeri, itai kuti shoko renyu ramakavambisa muranda wenyu Dhavhidhi rizadziswe.
18“Asi zvechokwadi, Mwari angagare panyika navanhu here? Hamungakwani mumatenga kunyange matenga okumusoro-soro, ko, kuzoti temberi yandavaka! 19Kunyange zvakadaro teererai munyengetero womuranda wenyu nokukumbira kwake kuti anzwirwe tsitsi, imi Jehovha Mwari wangu. Inzwai kuchema nomunyengetero uri kunyengeterwa nomuranda wenyu pamberi penyu. 20Meso enyu ngaatarire kutemberi iyi masikati nousiku, nzvimbo iyi yamakati muchaisa Zita renyumo. Inzwai munyengetero womuranda wenyu waanonyengetera akatarisa kunzvimbo ino. 21Inzwai mikumbiro yomuranda wenyu neyavanhu venyu Israeri pavanenge vachinyengetera vakatarisa kunzvimbo ino. Inzwai kubva kudenga kwamunogara uye kana manzwa muregerere.
22“Kana munhu akatadzira muvakidzani wake uye kana akanzi aite mhiko uye kana akauya akazopika mhiko pamberi pearitari yenyu mutemberi ino, 23ipapo inzwai muri kudenga uye mugoita chimwe chinhu. Tongai pakati pavaranda venyu, muchimuripisa ane mhosva nokuburutsa pamusoro wake izvo zvaakaita. Ratidzai pachena uyo asina mhosva kuti haana zvaakatadza uye musimbise kusatadza kwake.
24“Kana vanhu venyu Israeri vakakundwa nomuvengi nokuti vakakutadzirai uye kana vakatendeuka vakapupura zita renyu, vachinyengetera uye vachikumbira pamberi penyu mutemberi muno, 25ipapo inzwai kubva kudenga uye muregerere chivi chavanhu venyu Israeri uye mugovadzosera kunyika yamakavapa ivo namadzibaba avo.
26“Kana matenga akazarirwa uye kukasanaya mvura nokuti vanhu venyu vakutadzirai uye kana vakanyengetera vakatarira kunzvimbo ino vakapupura zita renyu uye vakatendeuka kubva muchivi chavo nokuti imi mavarwadzisa, 27ipapo inzwai kubva kudenga muregerere chivi chavaranda venyu, vanhu venyu Israeri. Vadzidzisei nzira kwayo yokururama, uye tumirai mvura inaye panyika yamakapa vanhu venyu senhaka.
28“Kana nzara kana denda zvikauya panyika, kana nyunje, kana kuvhuvha kana mhashu kana magutaguta kana kuti vavengi vakavakomba mumaguta avo, ringava dambudziko ripi zvaro kana chirwere chorudzi rupi chingauya, 29uye kana munyengetero kana chikumbiro chikaitwa noupi zvake wavanhu venyu Israeri, mumwe nomumwe achinyatsonzwisisa matambudziko namarwadzo ake, uye kana akatambanudzira maoko ake kunzvimbo ino, 30ipapo inzwai kubva kudenga kwamunogara. Regererai uye muitire mumwe nomumwe sezvaanoita, sezvo muchiziva mwoyo wake (nokuti imi moga ndimi munoziva mwoyo yavanhu), 31kuitira kuti vagokutyai uye vagofamba munzira dzenyu panguva dzose dzavachararama munyika yamakapa kumadzibaba edu.
32“Kana ari mutorwa asati ari mumwe wavanhu venyu Israeri asi akabva kunyika iri kure nokuda kwezita renyu guru noruoko rwenyu rune simba noruoko rwenyu rwakatambanudzwa kana akauya akanyengetera akatarisa kutemberi ino, 33ipapo inzwai kubva kudenga, kwamunogara uye muitire mutorwa chipi nechipi chaanokumbira kwamuri kuitira kuti vanhu vose vapanyika vazive zita renyu uye vakutyei sezvinoitwa navanhu venyu Israeri, uye kuti vagoziva kuti imba ino yandavaka ine Zita renyu.
34“Kana vanhu venyu vakaenda kundorwisana navavengi vavo, kwose kwose kwamunenge mavatuma, uye kana vakanyengetera kwamuri vakatarira kuguta rino ramakasarudza nokutemberi yandavakira Zita renyu, 35ipapo inzwai ikoko kudenga munamato wavo nechikumbiro chavo, mutsigire mhaka yavo.
36“Kana vakakutadzirai, nokuti hapana munhu asingatadzi, uye kana mukavatsamwira mukavapa kumuvengi, anovatapa achivaendesa kunyika iri kure kana pedyo; 37uye kana vakashandura mwoyo vari kunyika yavanenge vari nhapwa, vakatendeuka vakakumbira kwamuri vari munyika youtapwa vakati, ‘Takatadza, takakanganisa uye takaita zvakaipa,’ 38uye kana vakadzokerazve kwamuri nomwoyo wavo wose, nomweya wose munyika youtapwa kwavakaendeswa, uye vakanyengetera vakatarisa kunyika yamakapa madzibaba avo, vakatarisa kuguta ramakasarudza uye vakatarisa kutemberi yandakavakira Zita renyu; 39ipapo kubva kudenga, kwamunogara, inzwai munyengetero wavo nemikumbiro yavo uye muvatsigire muvakundise pamhaka yavo. Uye muregerere vanhu venyu vanenge vakutadzirai.
40“Zvino Mwari wangu, dai meso enyu aona uye nzeve dzenyu dzateerera minyengetero ichanyengeterwa panzvimbo iyi.
41“Zvino simukai imi Jehovha Mwari, muuye panzvimbo yenyu yokuzorora,
imi neareka yesimba renyu.
Dai vaprista venyu imi Jehovha Mwari vashongedzwa noruponeso.
Vatsvene venyu ngavafare mukunaka kwenyu.
42Haiwa Jehovha Mwari, musaramba muzodziwa wenyu.
Rangarirai rudo rukuru rwakavimbiswa kuna Dhavhidhi muranda wenyu.”

Did you know?
Solomon Dedicates the Temple
- During the dedication of the temple, King Solomon prayed from a custom-built bronze platform placed in the middle of the courtyard, measuring five cubits square and three cubits high. In front of the entire assembly, the king knelt down and spread his hands toward heaven.Sources: the Bible text itself
- Solomon acknowledged that even the highest heaven cannot contain God, yet he dedicated the temple as a focal point toward which people could direct their prayers. His prayer explicitly included foreigners from distant lands, asking God to hear their petitions so that all peoples of the earth might know His name.Sources: the Bible text itself
- Solomon highlighted that since the exodus from Egypt, God had not chosen a permanent city for His Name until choosing Jerusalem. The construction of the temple fulfilled the divine promise given to Solomon's father, David, that his son would build the house and establish the royal line.Sources: the Bible text itself · Jerusalem · Egypt · David
Notes written with AI assistance from open sources (Theographic Bible Metadata, CC BY-SA 4.0; Easton’s Bible Dictionary, public domain) and reviewed before publishing.
Places in this chapter
Only places identified with high confidence are shown (90% or more according to the scholarly sources compiled by OpenBible). Period map: DARE (Digital Atlas of the Roman Empire), CC BY 4.0; modern map: © OpenStreetMap contributors; places: OpenBible.info (CC BY 4.0).
Credits and license for this translation
Biblica® Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi 2017 The Holy Bible in the Shona language of Zimbabwe: Biblica® Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi 2017 copyright © 2005, 2018 Biblica, Inc. Language: chiShona Contributor: Biblica, Inc. Biblica® Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi™ Kopakodzero © 2005, 2018 ne Biblica, Inc. Biblica® Open Shona Contemporary Bible™ Copyright © 2005, 2018 by Biblica, Inc. “Biblica” chiratidzo chekutengeserana chakanyoreswa mu United States uye chiratidzo chehofisi yeBiblica, Inc. Inoshandiswa zviripamutemo. “Biblica” is a trademark registered in the United States Patent and Trademark Office by Biblica, Inc. Used with permission. Creative Commons License Iri basa rinowanikwa pasi peCreative Commons Attribution-ShareAlike 4.0 International License (CC BY-SA). Kuti utarise kopi yeiri rezinesi, shanyira https://creativecommons.org/licenses/by-sa/4.0 kana kutumira tsamba kuCreative Commons, PO Box 1866, Mountain View, CA 94042, USA. Biblica® chiratidzo chinozikanwa chakanyorwa neBiblica, Inc., uye kushandiswa kwechiratidzo cheBiblica® kunoda mvumo yakanyorwa yeBiblica, Inc. Pasi pemitemo ye rizinesi re CC BY-SA, unogona kuteedzera uye kugovera patsva basa iri risina kugadziridzwa bedzi kana uchichengetedza chiratidzo che Biblica®. Kana iwe ukachinja kopi kana kushandura iri basa, nokudaro uchigadzira rimwe basa, unofanira kubvisa chiratidzo cheBiblica®. Pabasa rakatorwa, unofanirwa kuratidza shanduko dzawakaita uye woratidza sezvinotevera: “Basa rekutanga reBiblica, Inc. rinowanikwa mahara pa www.biblica.com uye nepa open.bible.” Cherechedzo yekopakodzero inofanirwa kuoneka pamusoro wenyaya kana peji rekopakodzero sezvinotevera: Biblica® Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi™ Kopakodzero © 2005, 2018 ne Biblica, Inc. Biblica® Open Shona Contemporary Bible™ Copyright © 2005, 2018 by Biblica, Inc. “Biblica” chiratidzo chekutengeserana chakanyoreswa mu United States uye chiratidzo chehofisi yeBiblica, Inc. Inoshandiswa zviripamutemo. “Biblica” is a trademark registered in the United States Patent and Trademark Office by Biblica, Inc. Used with permission. Unofanirwa zvakare kuita kuti basa rawachinja riwanikwe pasi pe rezinesi yakafanana (CC BY-SA). Kana iwe uchida kuzivisa Biblica, Inc. maererano neshanduro yako yebasa iri, taura nesu pa https://open.bible/contact-us . This work is made available under the Creative Commons Attribution-ShareAlike 4.0 International License (CC BY-SA). To view a copy of this license, visit https://creativecommons.org/licenses/by-sa/4.0 or send a letter to Creative Commons, PO Box 1866, Mountain View, CA 94042, USA. Biblica® is a trademark registered by Biblica, Inc., and use of the Biblica® trademark requires the written permission of Biblica, Inc. Under the terms of the CC BY-SA license, you may copy and redistribute this unmodified work as long as you keep the Biblica® trademark intact. If you modify a copy or translate this work, thereby creating a derivative work, you must remove the Biblica® trademark. On the derivative work, you must indicate what changes you have made and attribute the work as follows: “The original work by Biblica, Inc. is available for free at www.biblica.com and open.bible.” Notice of copyright must appear on the title or copyright page of the work as follows: Biblica® Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi™ Kopakodzero © 2005, 2018 ne Biblica, Inc. Biblica® Open Shona Contemporary Bible™ Copyright © 2005, 2018 by Biblica, Inc. “Biblica” chiratidzo chekutengeserana chakanyoreswa mu United States uye chiratidzo chehofisi yeBiblica, Inc. Inoshandiswa zviripamutemo. “Biblica” is a trademark registered in the United States Patent and Trademark Office by Biblica, Inc. Used with permission. You must also make your derivative work available under the same license (CC BY-SA). If you would like to notify Biblica, Inc. regarding your translation of this work, please contact us at https://open.bible/contact-us . This translation is made available to you under the terms of the Creative Commons Attribution Share-Alike license 4.0. You have permission to share and redistribute this Bible translation in any format and to make reasonable revisions and adaptations of this translation, provided that: You include the above copyright and source information. If you make any changes to the text, you must indicate that you did so in a way that makes it clear that the original licensor is not necessarily endorsing your changes. If you redistribute this text, you must distribute your contributions under the same license as the original. Pictures included with Scriptures and other documents on this site are licensed just for use with those Scriptures and documents. For other uses, please contact the respective copyright owners. Note that in addition to the rules above, revising and adapting God's Word involves a great responsibility to be true to God's Word. See Revelation 22:18-19. 2023-04-14
Source: http://ebible.org/sna/ · eBible.org