1 Kings 12
Biblica® Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi 2017 · Tap a verse to see its cross-references.
Israeri inopandukira Rehobhoamu
1Rehobhoamu akaenda kuShekemu, nokuti vaIsraeri vose vakanga vaendako kundomuita mambo. 2Zvino Jerobhoamu, mwanakomana waNebhati, akati azvinzwa (akanga achiri kuIjipiti, kwaakanga aenda akatiza Mambo Soromoni) akadzoka kubva kuIjipiti. 3Vakatuma nhume kundodana Jerobhoamu, iye neungano yose yeIsraeri vakaenda kuna Rehobhoamu vakati kwaari, 4“Baba venyu vakaisa joko rinorema pamusoro pedu, asi zvino chitirerutsirai basa rakaoma iri nomutoro unorema uyu wavakaisa pamusoro pedu, isu tigokushandirai.”
5Rehobhoamu akapindura akati, “Chimboendai kwamazuva matatu mugodzoka kwandiri.” Saka vanhu vakaenda.
6Ipapo Mambo Rehobhoamu akabvunza vakuru vakambenge vachishandira baba vake Soromoni vachiri vapenyu. Akati, “Mungandipa zano ripiko randingapindura naro vanhu ava?”
7Vakapindura vakati, “Kana nhasi mukava muranda wavanhu ava mukavashandira nokuvapa mhinduro inofadza, vachazova varanda venyu nguva dzose.”
8Asi Rehobhoamu akaramba zano raakanga apiwa navakuru akandobvunza majaya ezera rake aakanga akura nawo, avo vakanga vava kumushandira. 9Akavabvunza akati, “Mungandipa zano ripiko? Tingavapindure seiko vanhu ava vanoti kwandiri, ‘Tirerutsirei joko rakaiswa pamusoro pedu nababa venyu?’ ”
10Majaya aakanga akura nawo akapindura akati, “Udzai vanhu ava vati kwamuri, ‘Baba venyu vakaisa joko rinorema pamusoro pedu, asi imi chitirerutsirai joko redu’ vaudzei kuti, ‘Munwe wangu muduku, mukobvu kupfuura chiuno chababa vangu. 11Baba vangu vakaisa joko rinorema pamusoro penyu; ini ndichaita kuti rireme kupfuura zvariri. Baba vangu vakakurovai nezvamboko; ini ndichakurovai nezvinyavada.’ ”
12Mushure mamazuva matatu Jerobhoamu navanhu vose vakadzoka kuna Rehobhoamu, sezvo mambo akanga ati, “Mudzoke kwandiri mumazuva matatu.” 13Mambo akapindura vanhu nehasha. Akarasa zano raakanga apiwa navakuru, 14akatevera zano ramajaya akati, “Baba vangu vakaita kuti mutoro wenyu ureme kwazvo; ini ndichaita kuti ureme kupfuura ipapo. Baba vangu vakakurovai nezvamboko; ini ndichakurovai nezvinyavada.” 15Naizvozvo mambo haana kuteerera vanhu, nokuti zvakaitika izvi zvakanga zvabva kuna Jehovha, kuti shoko raJehovha raakanga ataura kuna Jerobhoamu mwanakomana waNebhati kubudikidza naAhija muShiro rizadziswe.
16Zvino vaIsraeri vose pavakaona kuti mambo akanga aramba kuvateerera, vakapindura mambo vakati:
“Tino mugove weiko muna Dhavhidhi,
nhaka yedu ndeipiko mumwanakomana waJese?
Kumatende enyu, imi vaIsraeri!
Iwe Dhavhidhi, chizvichengetera imba yako!”
Saka vaIsraeri vakaenda kumisha yavo. 17Asi vaIsraeri vaigara mumaguta eJudha, Rehobhoamu akaramba achivatonga.
18Mambo Rehobhoamu akatuma Adhoniramu, aiva mutariri wezvechibharo, asi vaIsraeri vose vakamutaka namabwe akafa. Zvisinei, Mambo Rehobhoamu akakwanisa kupinda mungoro yake akatizira kuJerusarema. 19Saka Israeri yakapandukira imba yaDhavhidhi kusvikira nhasi.
20VaIsraeri vose pavakanzwa kuti Rehobhoamu akanga adzoka, vakatuma nhume kuti auye kwakanga kwakaungana vanhu, vakabva vamuita mambo weIsraeri yose. Rudzi rwaJudha chete ndirwo rwakaramba ruchishandira imba yaDhavhidhi.
21Rehobhoamu paakasvika muJerusarema, akaunganidza imba yose yaJudha norudzi rwaBhenjamini, varume vehondo vaikwana zviuru zana namakumi masere, kuti varwe neimba yaIsraeri kuti vadzosere umambo kuna Rehobhoamu mwanakomana waSoromoni.
22Asi shoko raMwari rakasvika kuna Shemaya munhu waMwari richiti, 23“Uti kuna Rehobhoamu, mwanakomana waSoromoni, mambo weJudha, nokuimba yose yaJudha neyaBhenjamini, nokuvamwe vanhu vose, 24‘Zvanzi naJehovha: Musakwidza kumusoro kundorwa nehama dzenyu, vaIsraeri. Endai kumisha yenyu mumwe nomumwe wenyu, nokuti ndini ndaita izvi.’ ” Naizvozvo vakateerera shoko raJehovha vakaenda kumisha yavo zvakare, sezvakanga zvarayirwa naJehovha.
Zvimhuru zvegoridhe paBheteri nepaDhani
25Ipapo Jerobhoamu akavaka Shekemu munyika yamakomo yaEfuremu akagarako. Achibvako akaenda akandovaka Penueri.
26Jerobhoamu akafunga akati, “Zvino umambo huchagona kudzokera kuimba yaDhavhidhi. 27Kana vanhu ava vakakwidza kumusoro kundobayira zvibayiro kutemberi yaJehovha muJerusarema, vachazozvipira zvakare kuna ishe wavo, Rehobhoamu. Vachandiuraya vagodzokera kuna Mambo Rehobhoamu.”
28Mushure mokubvunza vamwe, mambo akaumba zvimhuru zvegoridhe zviviri. Akati kuvanhu, “Zviri kukuremerai kukwidza kumusoro kuJerusarema. VaIsraeri, ava ndivo vamwari venyu vakakubudisai kubva muIjipiti.” 29Akaisa imwe paBheteri, neimwe paDhani. 30Zvino chinhu ichi chakava chivi; vanhu vaifamba zvokutosvika kuDhani kundonamata chaiva ikoko.
31Jerobhoamu akavaka dzimba panzvimbo dzakakwirira akatora vanhu vose vose akavaita vaprista, kunyange vaisava vaRevhi. 32Akatangisa mutambo wezuva regumi namashanu romwedzi worusere, wakafanana nomutambo wokuJudha, akabayira zvibayiro paaritari. Izvi akazviita muBheteri, akabayira kumhuru dzaakanga agadzira, uye paBheteri akagadzawo vaprista panzvimbo dzakakwirira dzaakanga aita. 33Nomusi wegumi neshanu womwedzi worusere, mwedzi waakanga angosarudzawo, akabayira zvibayiro paaritari yaakanga avaka paBheteri. Saizvozvo akatangisa mutambo wavaIsraeri akaenda kuaritari kundopisa zvinonhuhwira.

Did you know?
The Division of the Kingdom
- When the northern tribes gathered at Shechem requesting lighter taxes and labor burdens, Rehoboam rejected the counsel of Solomon's elders and threatened harsher measures. This triggered the division of the united monarchy, fulfilling the prophecy previously spoken by Ahijah the Shilonite.Sources: the Bible text itself · Rehoboam · Ahijah · Shechem
- To prevent his subjects from traveling to the temple in Jerusalem, King Jeroboam set up two golden calves for worship at opposite ends of the northern kingdom, placing one in Bethel and the other in Dan. He also established shrines on high places and appointed priests who were not from the tribe of Levi.Sources: the Bible text itself · Jeroboam · Bethel (of Palestine) · Dan
Notes written with AI assistance from open sources (Theographic Bible Metadata, CC BY-SA 4.0; Easton’s Bible Dictionary, public domain) and reviewed before publishing.
Places in this chapter
- Shechem · Today: Tell Balatah · 32.214, 35.282 · verses 1, 25
- Egypt · 30.129, 31.308 · verses 2, 20, 28
- Shiloh · Today: Khirbet Seilun · 32.056, 35.290 · verse 15
- Jerusalem · 31.777, 35.234 · verses 18, 21, 27, 28
- Dan · Today: Tel Dan · 33.249, 35.652 · verses 29, 30
Only places identified with high confidence are shown (90% or more according to the scholarly sources compiled by OpenBible). Period map: DARE (Digital Atlas of the Roman Empire), CC BY 4.0; modern map: © OpenStreetMap contributors; places: OpenBible.info (CC BY 4.0).
Credits and license for this translation
Biblica® Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi 2017 The Holy Bible in the Shona language of Zimbabwe: Biblica® Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi 2017 copyright © 2005, 2018 Biblica, Inc. Language: chiShona Contributor: Biblica, Inc. Biblica® Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi™ Kopakodzero © 2005, 2018 ne Biblica, Inc. Biblica® Open Shona Contemporary Bible™ Copyright © 2005, 2018 by Biblica, Inc. “Biblica” chiratidzo chekutengeserana chakanyoreswa mu United States uye chiratidzo chehofisi yeBiblica, Inc. Inoshandiswa zviripamutemo. “Biblica” is a trademark registered in the United States Patent and Trademark Office by Biblica, Inc. Used with permission. Creative Commons License Iri basa rinowanikwa pasi peCreative Commons Attribution-ShareAlike 4.0 International License (CC BY-SA). Kuti utarise kopi yeiri rezinesi, shanyira https://creativecommons.org/licenses/by-sa/4.0 kana kutumira tsamba kuCreative Commons, PO Box 1866, Mountain View, CA 94042, USA. Biblica® chiratidzo chinozikanwa chakanyorwa neBiblica, Inc., uye kushandiswa kwechiratidzo cheBiblica® kunoda mvumo yakanyorwa yeBiblica, Inc. Pasi pemitemo ye rizinesi re CC BY-SA, unogona kuteedzera uye kugovera patsva basa iri risina kugadziridzwa bedzi kana uchichengetedza chiratidzo che Biblica®. Kana iwe ukachinja kopi kana kushandura iri basa, nokudaro uchigadzira rimwe basa, unofanira kubvisa chiratidzo cheBiblica®. Pabasa rakatorwa, unofanirwa kuratidza shanduko dzawakaita uye woratidza sezvinotevera: “Basa rekutanga reBiblica, Inc. rinowanikwa mahara pa www.biblica.com uye nepa open.bible.” Cherechedzo yekopakodzero inofanirwa kuoneka pamusoro wenyaya kana peji rekopakodzero sezvinotevera: Biblica® Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi™ Kopakodzero © 2005, 2018 ne Biblica, Inc. Biblica® Open Shona Contemporary Bible™ Copyright © 2005, 2018 by Biblica, Inc. “Biblica” chiratidzo chekutengeserana chakanyoreswa mu United States uye chiratidzo chehofisi yeBiblica, Inc. Inoshandiswa zviripamutemo. “Biblica” is a trademark registered in the United States Patent and Trademark Office by Biblica, Inc. Used with permission. Unofanirwa zvakare kuita kuti basa rawachinja riwanikwe pasi pe rezinesi yakafanana (CC BY-SA). Kana iwe uchida kuzivisa Biblica, Inc. maererano neshanduro yako yebasa iri, taura nesu pa https://open.bible/contact-us . This work is made available under the Creative Commons Attribution-ShareAlike 4.0 International License (CC BY-SA). To view a copy of this license, visit https://creativecommons.org/licenses/by-sa/4.0 or send a letter to Creative Commons, PO Box 1866, Mountain View, CA 94042, USA. Biblica® is a trademark registered by Biblica, Inc., and use of the Biblica® trademark requires the written permission of Biblica, Inc. Under the terms of the CC BY-SA license, you may copy and redistribute this unmodified work as long as you keep the Biblica® trademark intact. If you modify a copy or translate this work, thereby creating a derivative work, you must remove the Biblica® trademark. On the derivative work, you must indicate what changes you have made and attribute the work as follows: “The original work by Biblica, Inc. is available for free at www.biblica.com and open.bible.” Notice of copyright must appear on the title or copyright page of the work as follows: Biblica® Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi™ Kopakodzero © 2005, 2018 ne Biblica, Inc. Biblica® Open Shona Contemporary Bible™ Copyright © 2005, 2018 by Biblica, Inc. “Biblica” chiratidzo chekutengeserana chakanyoreswa mu United States uye chiratidzo chehofisi yeBiblica, Inc. Inoshandiswa zviripamutemo. “Biblica” is a trademark registered in the United States Patent and Trademark Office by Biblica, Inc. Used with permission. You must also make your derivative work available under the same license (CC BY-SA). If you would like to notify Biblica, Inc. regarding your translation of this work, please contact us at https://open.bible/contact-us . This translation is made available to you under the terms of the Creative Commons Attribution Share-Alike license 4.0. You have permission to share and redistribute this Bible translation in any format and to make reasonable revisions and adaptations of this translation, provided that: You include the above copyright and source information. If you make any changes to the text, you must indicate that you did so in a way that makes it clear that the original licensor is not necessarily endorsing your changes. If you redistribute this text, you must distribute your contributions under the same license as the original. Pictures included with Scriptures and other documents on this site are licensed just for use with those Scriptures and documents. For other uses, please contact the respective copyright owners. Note that in addition to the rules above, revising and adapting God's Word involves a great responsibility to be true to God's Word. See Revelation 22:18-19. 2023-04-14
Source: http://ebible.org/sna/ · eBible.org