Nations Bible

1 Kings 11

Biblica® Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi 2017 · Tap a verse to see its cross-references.

Vakadzi vaSoromoni

1Zvisinei, Mambo Soromoni akada vakadzi vazhinji vamamwe marudzi pamwe chete nomwanasikana waFaro, wechiMoabhu, vechiAmoni, vechiEdhomu, vechiSidhoni nevechiHiti. 2Vaiva vamarudzi ayo akanga anzi naJehovha kuvana vaIsraeri, “Musaroorerane navo nokuti vachapindura mwoyo yenyu ikatevera vamwari vavo.” Zvakadaro, Soromoni akanamatira kwavari murudo. 3Aiva navakadzi mazana manomwe, vanasikana vamadzimambo, navamwe varongo mazana matatu; vakadzi vake vakatsausa mwoyo wake. 4Zvino Soromoni akati akwegura, vakadzi vake vakatsausa mwoyo wake akatevera vamwe vamwari, uye mwoyo wake wakanga usina kuzvipira zvizere kuna Jehovha Mwari wake, sezvakanga zvakaita mwoyo waDhavhidhi baba vake. 5Akatevera Ashitoreti, mwarikadzi wavaSidhoni, naMoreki mwari anonyangadza wavaAmoni. 6Saka Soromoni akaita zvakaipa pamberi paJehovha; haana kutevera Jehovha zvizere sezvakanga zvaitwa naDhavhidhi baba vake.

7Pagomo riri kumabvazuva kweJerusarema, Soromoni akavakira Kemoshi, mwari anonyangadza wavaMoabhu nzvimbo yakakwirira, akavakirawo Moreki, mwari anonyangadza wavaAmoni. 8Akaitira vakadzi vake vose vaibva kuna mamwe marudzi zvimwe chetezvo, ivo vaipisa zvinonhuhwira nokubayira zvibayiro kuna vamwari vavo.

9Jehovha akatsamwira Soromoni nokuti mwoyo wake wakanga watsauka kubva kuna Jehovha, Mwari waIsraeri, uyo akanga azviratidza kwaari kaviri. 10Kunyange akanga adzivisa Soromoni kutevera vamwe vamwari, Soromoni haana kuchengeta murayiro waJehovha. 11Saka Jehovha akati kuna Soromoni, “Sezvo aya ari iwo mafungiro ako uye usina kuchengeta sungano yangu nemitemo yangu yandakakurayira, zvirokwazvo ndichabvarura umambo uhu ndichihubvisa kwauri ndigohupa kuno mumwe wavaranda vako. 12Zvisinei, nokuda kwaDhavhidhi baba vako, handisi kuzozviita uchiri mupenyu. Ndichahubvisa kubva muruoko rwomwanakomana wako. 13Zvakadaro hazvo, handizobvisi umambo hwose, kubva kwaari, asi ndichamupa rudzi rumwe chete nokuda kwaDhavhidhi muranda wangu uye nokuda kweJerusarema, randakasarudza.”

Vavengi vaSoromoni

14Ipapo Jehovha akamutsa Hadhadhi muEdhomu, weimba youmambo yeEdhomu kuti arwise Soromoni. 15Dhavhidhi panguva yaakanga achirwa neEdhomu, Joabhu, mutungamiri wehondo, uyo akanga aenda kundoviga vakanga vafa, akauraya varume vose muEdhomu. 16Joabhu navaIsraeri vose vakagarako kwemwedzi mitanhatu, kusvikira vauraya varume vose muEdhomu. 17Asi Hadhadhi, uyo akanga achiri mukomana, akatizira kuIjipiti namamwe machinda echiEdhomu aimboshandira baba vake. 18Vakasimuka vachibva kuMidhiani vakaenda kuParani. Ipapo vakatora vamwe varume vokuParani vakaenda pamwe chete kuIjipiti, kuna mambo Faro weIjipiti, uyo akapa Hadhadhi imba nomunda, akamupawo zvokudya.

19Faro akafadzwa naHadhadhi zvokuti akamupa muramu wake, mununʼuna wavahosi vake Tapenesi, kuti ave mukadzi wake. 20Mununʼuna waTapenesi uyu akamuberekera mwanakomana anonzi Genubhati, akakurira mumuzinda wamambo. Imomo, Genubhati akagara pamwe chete navana vaFaro.

21Ari muIjipiti, Hadhadhi akanzwa kuti Dhavhidhi akanga azorora namadzibaba ake uye kuti Joabhu mutungamiri wehondo akanga afawo. Ipapo Hadhadhi akati kuna Faro, “Chindiregai ndiende hangu, ndidzokere kunyika yangu.”

22Faro akamubvunza akati, “Washayeiko kuno zvowoda kudzokera kunyika yako?”

Hadhadhi akapindura akati, “Hapana, asi regai ndiende zvangu!”

23Mwari akamutsira Soromoni mumwe muvengi, Rezoni, mwanakomana waEriadha, akanga atiza kubva kuna tenzi wake Hadhadhezeri mambo weZobha. 24Akazviunganidzira varume akabva ava mutungamiri wechikwata chavapanduki panguva yakaparadzwa mauto okuZobha naDhavhidhi; vapanduki ava vakaenda kuDhamasiko, kwavakagara uye vakatonga. 25Rezoni akava muvengi weIsraeri kwoupenyu hwaSoromoni hwose, akapamhidzira padambudziko raikonzerwa naHadhadhi. Rezoni akatonga muAramu uye akanga achivenga Israeri.

Jerobhoamu anopandukira Soromoni

26Jerobhoamu mwanakomana waNebhati akapandukirawo mambo. Aiva mumwe wamachinda aSoromoni, ari worudzi rwaEfuremu wokuZaredha, uye mai vake vainzi Zeruya vari chirikadzi.

27Heino nhoroondo yokupandukira mambo kwaakaita: Soromoni akavaka Miro, akagadzira pakanga paputsika murusvingo rweguta rababa vake Dhavhidhi. 28Zvino Jerobhoamu aiva murume wesimba noumhare, uye Soromoni akaona kuti jaya iri raishanda kwazvo akabva amuita mutariri wavashandi vose veimba yaJosefa.

29Zvino panguva iyoyo Jerobhoamu akati achibva muJerusarema, Ahija muprofita wokuShiro akasangana naye panzira, akapfeka jasi idzva nomucheka. Vaviri ava vaiva voga kusango, 30ipapo Ahija akatora jasi idzva romucheka raakanga akapfeka akaribvarura-bvarura kuita zvipenga gumi nezviviri. 31Ipapo akati kuna Jerobhoamu, “Zvitorere zvipenga gumi, nokuti zvanzi naJehovha, Mwari waIsraeri, ‘Tarira, ndichabvarura umambo kubva muruoko rwaSoromoni ndigokupa marudzi gumi. 32Asi nokuda kwomuranda wangu Dhavhidhi neguta reJerusarema, randakasarudza kubva pamarudzi ose aIsraeri, achava norudzi rumwe chete. 33Ndichaita izvi nokuti vakandirasa vakanamata Ashitoreti, mwarikadzi wavaSidhoni, Kemoshi, mwari wavaMoabhu, naMoreki, mwari wavaAmoni, uye havana kufamba munzira dzangu, kana kuita zvakarurama pamberi pangu, kana kuchengeta mitemo yangu nemirayiro yangu sezvakaitwa naDhavhidhi, baba vaSoromoni.

34“ ‘Asi handizobvisi umambo hwose kubva muruoko rwaSoromoni; ndamuita mutongi mazuva ose oupenyu hwake nokuda kwaDhavhidhi muranda wangu, wandakasarudza, akachengeta mirayiro yangu nemitemo yangu. 35Ndichatora umambo kubva mumaoko omwanakomana wake ndigokupa marudzi gumi. 36Ndichapa mwanakomana wake rudzi rumwe chete kuitira kuti Dhavhidhi muranda wangu arambe ane mwenje nguva dzose pamberi pangu muJerusarema, guta randakasarudza kuisa Zita rangu. 37Zvisinei, kana uri iwe, ndichakutora, uye uchatonga pamusoro pezvose zvinodiwa nomwoyo wako; uchava mambo weIsraeri. 38Kana ukaita chipi nechipi chandicharayira uye ukafamba munzira dzangu ukaita zvakarurama pamberi pangu uye ukachengeta mitemo nemirayiro yangu, sezvakaita Dhavhidhi muranda wangu, ndichava newe. Ndichakuvakira imba seyandakavakira Dhavhidhi uye ndichakupa Israeri. 39Ndichatambudza vana vaDhavhidhi nokuda kwenyaya iyi, asi kwete nokusingaperi.’ ”

40Soromoni akaedza kuuraya Jerobhoamu, asi Jerobhoamu akatizira kuIjipiti, kuna mambo Shishaki, akagarako kusvikira Soromoni afa.

Kufa kwaSoromoni

41Zvino mamwe mabasa aSoromoni, nezvose zvaakaita nouchenjeri hwake, hazvina kunyorwa here mubhuku renhoroondo dzegore negore dzaSoromoni? 42Soromoni akatonga Israeri yose muJerusarema kwamakore makumi mana. 43Ipapo akazorora namadzibaba ake akavigwa muguta raDhavhidhi baba vake. Ipapo Rehobhoamu mwanakomana wake akamutevera paumambo.

Artistic illustration — an interpretation, not a historical record.

Did you know?

Solomon's Downfall and the Prophecy of Division

  • Solomon took foreign wives from surrounding nations, who turned his heart toward other gods. On a hill east of Jerusalem, he built shrines for deities such as Ashtoreth of the Sidonians, Chemosh of Moab, and Milcom of the Ammonites.Sources: the Bible text itself · Ashtoreth · Chemosh · Milcom
  • When David and his commander Joab conquered Edom, the young Edomite prince Hadad escaped through Midian and Paran to Egypt. There, Pharaoh welcomed him, gave him land and provisions, and arranged his marriage to the sister of Queen Tahpenes.Sources: the Bible text itself · Hadad · Joab
  • As a sign that God would tear the kingdom from Solomon's line, the prophet Ahijah met Jeroboam on a road outside Jerusalem, tore his new cloak into twelve pieces, and gave ten pieces to Jeroboam to represent ten tribes.Sources: the Bible text itself · Jeroboam

Notes written with AI assistance from open sources (Theographic Bible Metadata, CC BY-SA 4.0; Easton’s Bible Dictionary, public domain) and reviewed before publishing.

Places in this chapter

  • Ammon · 31.955, 35.934 · verses 1, 7, 33
  • Edom · 30.746, 35.604 · verses 1, 14, 15, 16
  • Moab · Today: Moab 1 · 31.181, 35.701 · verses 1, 7, 33
  • Sidon · Today: Sandikli archaeological site in Sidon · 33.561, 35.372 · verse 1
  • Jerusalem · 31.777, 35.234 · verses 7, 13, 29, 32, 36, 42
  • Mount of Olives · 31.778, 35.246 · verse 7
  • Egypt · 30.129, 31.308 · verses 17, 18, 21, 40
  • Midian · 28.495, 35.012 · verse 18
  • Paran · 30.303, 34.777 · verse 18
  • Zobah · 33.935, 36.151 · verses 23, 24
  • Damascus · 33.511, 36.306 · verse 24
  • Syria · Today: Aram · 33.511, 36.306 · verse 25
  • City of David · 31.774, 35.236 · verses 27, 43
  • Shiloh · Today: Khirbet Seilun · 32.056, 35.290 · verse 29

Only places identified with high confidence are shown (90% or more according to the scholarly sources compiled by OpenBible). Period map: DARE (Digital Atlas of the Roman Empire), CC BY 4.0; modern map: © OpenStreetMap contributors; places: OpenBible.info (CC BY 4.0).

Credits and license for this translation
Biblica® Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi 2017
The Holy Bible in the Shona language of Zimbabwe: Biblica® Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi 2017
copyright © 2005, 2018 Biblica, Inc.
Language: chiShona
Contributor: Biblica, Inc.
Biblica® Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi™
Kopakodzero © 2005, 2018 ne Biblica, Inc.
Biblica® Open Shona Contemporary Bible™
Copyright © 2005, 2018 by Biblica, Inc.
“Biblica” chiratidzo chekutengeserana chakanyoreswa mu United States uye chiratidzo chehofisi yeBiblica, Inc. Inoshandiswa zviripamutemo.
“Biblica” is a trademark registered in the United States Patent and Trademark Office by Biblica, Inc. Used with permission.
Creative Commons License
Iri basa rinowanikwa pasi peCreative Commons Attribution-ShareAlike 4.0 International License (CC BY-SA). Kuti utarise kopi yeiri rezinesi, shanyira https://creativecommons.org/licenses/by-sa/4.0 kana kutumira tsamba kuCreative Commons, PO Box 1866, Mountain View, CA 94042, USA.
Biblica® chiratidzo chinozikanwa chakanyorwa neBiblica, Inc., uye kushandiswa kwechiratidzo cheBiblica® kunoda mvumo yakanyorwa yeBiblica, Inc. Pasi pemitemo ye rizinesi re CC BY-SA, unogona kuteedzera uye kugovera patsva basa iri risina kugadziridzwa bedzi kana uchichengetedza chiratidzo che Biblica®. Kana iwe ukachinja kopi kana kushandura iri basa, nokudaro uchigadzira rimwe basa, unofanira kubvisa chiratidzo cheBiblica®. Pabasa rakatorwa, unofanirwa kuratidza shanduko dzawakaita uye woratidza sezvinotevera: “Basa rekutanga reBiblica, Inc. rinowanikwa mahara pa www.biblica.com uye nepa open.bible.”
‪
Cherechedzo yekopakodzero inofanirwa kuoneka pamusoro wenyaya kana peji rekopakodzero sezvinotevera:
Biblica® Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi™
Kopakodzero © 2005, 2018 ne Biblica, Inc.
Biblica® Open Shona Contemporary Bible™
Copyright © 2005, 2018 by Biblica, Inc.
“Biblica” chiratidzo chekutengeserana chakanyoreswa mu United States uye chiratidzo chehofisi yeBiblica, Inc. Inoshandiswa zviripamutemo.
“Biblica” is a trademark registered in the United States Patent and Trademark Office by Biblica, Inc. Used with permission.
Unofanirwa zvakare kuita kuti basa rawachinja riwanikwe pasi pe rezinesi yakafanana (CC BY-SA).
Kana iwe uchida kuzivisa Biblica, Inc. maererano neshanduro yako yebasa iri, taura nesu pa https://open.bible/contact-us .
This work is made available under the Creative Commons Attribution-ShareAlike 4‪.0 International License (CC BY-SA). To view a copy of this license, visit https://creativecommons.org/licenses/by-sa/4‪.0 or send a letter to Creative Commons, PO Box 1866, Mountain View, CA 94042, USA.
Biblica® is a trademark registered by Biblica, Inc., and use of the Biblica® trademark requires the written permission of Biblica, Inc. Under the terms of the CC BY-SA license, you may copy and redistribute this unmodified work as long as you keep the Biblica® trademark intact. If you modify a copy or translate this work, thereby creating a derivative work, you must remove the Biblica® trademark. On the derivative work, you must indicate what changes you have made and attribute the work as follows: “The original work by Biblica, Inc. is available for free at www.biblica.com and open.bible.”
‪
Notice of copyright must appear on the title or copyright page of the work as follows:
Biblica® Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi™
Kopakodzero © 2005, 2018 ne Biblica, Inc.
Biblica® Open Shona Contemporary Bible™
Copyright © 2005, 2018 by Biblica, Inc.
“Biblica” chiratidzo chekutengeserana chakanyoreswa mu United States uye chiratidzo chehofisi yeBiblica, Inc. Inoshandiswa zviripamutemo.
“Biblica” is a trademark registered in the United States Patent and Trademark Office by Biblica, Inc. Used with permission.
You must also make your derivative work available under the same license (CC BY-SA).
‪If you would like to notify Biblica, Inc. regarding your translation of this work, please contact us at https://open.bible/contact-us .
This translation is made available to you under the terms of the
Creative Commons Attribution Share-Alike license 4.0.
You have permission to share and redistribute this Bible translation in any format and to make reasonable revisions and adaptations of this translation, provided that:
You include the above copyright and source information.
If you make any changes to the text, you must indicate that you did so in a way that makes it clear that the original licensor is not necessarily endorsing your changes.
If you redistribute this text, you must distribute your contributions under the same license as the original.
Pictures included with Scriptures and other documents on this site are licensed just for use with those Scriptures and documents.
For other uses, please contact the respective copyright owners.
Note that in addition to the rules above, revising and adapting God's Word involves a great responsibility to be true to God's Word. See Revelation 22:18-19.
2023-04-14

Source: http://ebible.org/sna/ · eBible.org

Talk to us

Tell us where you read from, how the Bible has helped you, or what we could improve. We read every message.