Nations Bible

Apocalipse 21

Biblica® Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi 2017 · Toque num versículo para ver as referências cruzadas.

Jerusarema Idzva

1Ipapo ndakaona denga idzva nenyika itsva, nokuti denga rokutanga nenyika yokutanga zvakanga zvapfuura, uye pakanga pasisina gungwa. 2Ndakaona Guta Dzvene, Jerusarema idzva, richiburuka kubva kudenga richibva kuna Mwari, rakagadzirwa somwenga akashongera murume wake zvakaisvonaka. 3Uye ndakanzwa inzwi guru richibva pachigaro choushe richiti, “Zvino imba yaMwari yava pakati pavanhu, uye achagara navo. Vachava vanhu vake, uye Mwari pachake achava navo uye achava Mwari wavo. 4Achapukuta misodzi yavo yose pameso avo. Hapachazovazve norufu, kana kuungudza, kana kuchema, kana kurwadziwa, nokuti zvinhu zvokutanga zvapfuura.”

5Akanga agere pachigaro choushe akati, “Ndiri kuita kuti zvinhu zvose zvive zvitsva!” Ipapo akati, “Nyora izvi, nokuti mashoko aya akatendeka uye ndeechokwadi.”

6Akati kwandiri, “Zvaitwa. Ndini Arifa naOmega, wokutanga newokupedzisira. Kuna iye ane nyota ndichamupa kuti anwe, asingaripi, kubva mutsime remvura youpenyu. 7Anokunda achapiwa nhaka iyi yose, uye ndichava Mwari wake, uye iye achava mwanakomana wangu. 8Asi vanotya, vasingatendi, navanonyangadza, mhondi, nemhombwe, navanoita zvouroyi, vanonamata zvifananidzo navanoreva nhema, nzvimbo yavo ichava mudziva romoto rinopfuta nesafuri. Urwu ndirwo rufu rwechipiri.”

9Mumwe wavatumwa vanomwe akanga ane ndiro nomwe dzizere namatambudziko manomwe okupedzisira akauya kwandiri akati, “Uya, ndizokuratidza mwenga, mukadzi weGwayana.” 10Uye akandiendesa muMweya kugomo guru refu, akandiratidza Guta Dzvene, Jerusarema, richiburuka richibva kuna Mwari. 11Raipenya nokubwinya kwaMwari, uye kuvaima kwaro kwakanga kwakaita sebwe rinokosha kwazvo, sebwe rejasipa, rinoonekera sekristaro. 12Rakanga rina masvingo makuru, marefu kwazvo ana masuo gumi namaviri navatumwa gumi navaviri pamasuo. Pamasuo pakanga pakanyorwa mazita amarudzi gumi namaviri avaIsraeri. 13Kumabvazuva kwakanga kune masuo matatu, matatu kumusoro, matatu nechezasi namatatu kumavirira. 14Masvingo eguta akanga ane nheyo gumi nembiri, uye padziri pakanga pane mazita avapostori gumi navaviri veGwayana.

15Mutumwa akataura neni akanga ane tsvimbo yokuera yegoridhe, yokuyera guta, masuo namasvingo aro. 16Guta rakanga rakavakwa zvokuti mativi aro mana akanga akaenzana pakureba napaupamhi. Akaera guta netsvimbo uye akariwana rina mastadhia zviuru gumi nezviviri paurefu, uye rakapamhama nokureba sourefu hwaro. 17Akaera rusvingo rwaro uye rwaiva rukobvu makubhiti zana namakumi mana namana nokuyera kwavanhu, kwaishandiswa nomutumwa. 18Rusvingo rwakanga rwakavakwa nejasipa, uye guta rakanga rakavakwa negoridhe rakaisvonaka rinoonekera kunge girazi. 19Nheyo dzamasvingo eguta dzakanga dzakashongedzwa nemhando dzose dzamatombo anokosha. Nheyo yokutanga yakanga iri yejasipa, yechipiri yaiva yesafiri, yetatu yekasidhoni, yechina yeemaradhi; 20yeshanu yesadhonikisi, yechitanhatu yaiva yekarineri yechinomwe yaiva yekrisoriti, yorusere yaiva yebheriri, yepfumbamwe yaiva yetopazi, yegumi yaiva yekrisoprasi, yegumi neimwe yaiva yejasindi, yegumi nembiri yaiva yeametisti. 21Masuo gumi namaviri akanga ari amaparera, suo rimwe nerimwe rakaitwa neparera rimwe chete. Nzira huru yomuguta yakanga iri yegoridhe rakaisvonaka segirazi rinoonekera.

22Handina kuona temberi muguta, nokuti Ishe Mwari Wamasimba Ose neGwayana ndivo temberi yaro. 23Guta haritsvaki zuva kana mwedzi kuti zvivhenekere pamusoro paro, nokuti kubwinya kwaMwari ndiko kunovhenekera, uye Gwayana ndiro mwenje waro. 24Ndudzi dzichafamba nechiedza charo, uye madzimambo enyika achauyisa kubwinya kwawo mukati maro. 25Hapana zuva richatongozarirwa masuo aro, nokuti hakuchazova nousiku ikoko. 26Kubwinya nokukudzwa kwendudzi kuchauyiswa mariri. 27Hakuna chinhu chine tsvina chichazopinda imomo, uye kana upi zvake anoita zvinonyadzisa kana zvounyengeri, asi avo chete vana mazita akanyorwa mubhuku roupenyu reGwayana.

Ilustração artística — interpretação, não registro histórico.

Você sabia?

A nova Jerusalém

  • Nesta visão, a cidade que desce do céu é chamada de cidade santa, a nova Jerusalém. Jerusalém também era conhecida como a cidade santa e a cidade de Deus, e em árabe é el-Khuds, que significa a santa. O nome está numa forma dual e significa posse da paz ou fundamento da paz.Fontes: o próprio texto bíblico · Jerusalem
  • O vidente é levado no Espírito a um monte grande e alto e vê essa cidade santa descendo. Jerusalém é descrita como uma cidade de montanha entronizada numa fortaleza de montanha, e a forma dual do nome provavelmente se refere aos dois montes sobre os quais foi construída, Sião e Moriá, ou, como alguns supõem, à cidade alta e à cidade baixa.Fontes: o próprio texto bíblico · Jerusalem
  • A muralha da cidade tem doze portas, três de cada lado, inscritas com os nomes das doze tribos de Israel. Israel é outro nome de Jacó, explicado como aquele que segue os calcanhares de outro, ou como um suplantador.Fontes: o próprio texto bíblico · Jacob (Israel)

Notas escritas com auxílio de IA a partir de fontes abertas (Theographic Bible Metadata, CC BY-SA 4.0; Easton’s Bible Dictionary, domínio público) e revisadas antes de publicar.

Lugares deste capítulo

  • Jerusalem · 31.777, 35.234 · versículos 2, 10

Só aparecem lugares com identificação de alta confiança (90% ou mais segundo as fontes acadêmicas reunidas pelo OpenBible). Mapa da época: DARE (Digital Atlas of the Roman Empire), CC BY 4.0; mapa atual: © colaboradores do OpenStreetMap; lugares: OpenBible.info (CC BY 4.0).

Créditos e licença desta tradução
Biblica® Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi 2017
The Holy Bible in the Shona language of Zimbabwe: Biblica® Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi 2017
copyright © 2005, 2018 Biblica, Inc.
Language: chiShona
Contributor: Biblica, Inc.
Biblica® Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi™
Kopakodzero © 2005, 2018 ne Biblica, Inc.
Biblica® Open Shona Contemporary Bible™
Copyright © 2005, 2018 by Biblica, Inc.
“Biblica” chiratidzo chekutengeserana chakanyoreswa mu United States uye chiratidzo chehofisi yeBiblica, Inc. Inoshandiswa zviripamutemo.
“Biblica” is a trademark registered in the United States Patent and Trademark Office by Biblica, Inc. Used with permission.
Creative Commons License
Iri basa rinowanikwa pasi peCreative Commons Attribution-ShareAlike 4.0 International License (CC BY-SA). Kuti utarise kopi yeiri rezinesi, shanyira https://creativecommons.org/licenses/by-sa/4.0 kana kutumira tsamba kuCreative Commons, PO Box 1866, Mountain View, CA 94042, USA.
Biblica® chiratidzo chinozikanwa chakanyorwa neBiblica, Inc., uye kushandiswa kwechiratidzo cheBiblica® kunoda mvumo yakanyorwa yeBiblica, Inc. Pasi pemitemo ye rizinesi re CC BY-SA, unogona kuteedzera uye kugovera patsva basa iri risina kugadziridzwa bedzi kana uchichengetedza chiratidzo che Biblica®. Kana iwe ukachinja kopi kana kushandura iri basa, nokudaro uchigadzira rimwe basa, unofanira kubvisa chiratidzo cheBiblica®. Pabasa rakatorwa, unofanirwa kuratidza shanduko dzawakaita uye woratidza sezvinotevera: “Basa rekutanga reBiblica, Inc. rinowanikwa mahara pa www.biblica.com uye nepa open.bible.”
‪
Cherechedzo yekopakodzero inofanirwa kuoneka pamusoro wenyaya kana peji rekopakodzero sezvinotevera:
Biblica® Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi™
Kopakodzero © 2005, 2018 ne Biblica, Inc.
Biblica® Open Shona Contemporary Bible™
Copyright © 2005, 2018 by Biblica, Inc.
“Biblica” chiratidzo chekutengeserana chakanyoreswa mu United States uye chiratidzo chehofisi yeBiblica, Inc. Inoshandiswa zviripamutemo.
“Biblica” is a trademark registered in the United States Patent and Trademark Office by Biblica, Inc. Used with permission.
Unofanirwa zvakare kuita kuti basa rawachinja riwanikwe pasi pe rezinesi yakafanana (CC BY-SA).
Kana iwe uchida kuzivisa Biblica, Inc. maererano neshanduro yako yebasa iri, taura nesu pa https://open.bible/contact-us .
This work is made available under the Creative Commons Attribution-ShareAlike 4‪.0 International License (CC BY-SA). To view a copy of this license, visit https://creativecommons.org/licenses/by-sa/4‪.0 or send a letter to Creative Commons, PO Box 1866, Mountain View, CA 94042, USA.
Biblica® is a trademark registered by Biblica, Inc., and use of the Biblica® trademark requires the written permission of Biblica, Inc. Under the terms of the CC BY-SA license, you may copy and redistribute this unmodified work as long as you keep the Biblica® trademark intact. If you modify a copy or translate this work, thereby creating a derivative work, you must remove the Biblica® trademark. On the derivative work, you must indicate what changes you have made and attribute the work as follows: “The original work by Biblica, Inc. is available for free at www.biblica.com and open.bible.”
‪
Notice of copyright must appear on the title or copyright page of the work as follows:
Biblica® Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi™
Kopakodzero © 2005, 2018 ne Biblica, Inc.
Biblica® Open Shona Contemporary Bible™
Copyright © 2005, 2018 by Biblica, Inc.
“Biblica” chiratidzo chekutengeserana chakanyoreswa mu United States uye chiratidzo chehofisi yeBiblica, Inc. Inoshandiswa zviripamutemo.
“Biblica” is a trademark registered in the United States Patent and Trademark Office by Biblica, Inc. Used with permission.
You must also make your derivative work available under the same license (CC BY-SA).
‪If you would like to notify Biblica, Inc. regarding your translation of this work, please contact us at https://open.bible/contact-us .
This translation is made available to you under the terms of the
Creative Commons Attribution Share-Alike license 4.0.
You have permission to share and redistribute this Bible translation in any format and to make reasonable revisions and adaptations of this translation, provided that:
You include the above copyright and source information.
If you make any changes to the text, you must indicate that you did so in a way that makes it clear that the original licensor is not necessarily endorsing your changes.
If you redistribute this text, you must distribute your contributions under the same license as the original.
Pictures included with Scriptures and other documents on this site are licensed just for use with those Scriptures and documents.
For other uses, please contact the respective copyright owners.
Note that in addition to the rules above, revising and adapting God's Word involves a great responsibility to be true to God's Word. See Revelation 22:18-19.
2023-04-14

Fonte: http://ebible.org/sna/ · eBible.org

Fale com a gente

Conte de onde você lê, como a Bíblia tem te ajudado ou o que podemos melhorar. Lemos todas as mensagens.