Nations Bible

Apocalipse 18

Biblica® Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi 2017 · Toque num versículo para ver as referências cruzadas.

Kuwa kweBhabhironi

1Shure kwaizvozvi ndakaona mumwe mutumwa achiburuka kubva kudenga. Akanga ane simba guru, uye nyika yakavhenekerwa nokubwinya kwake. 2Akadanidzira nenzwi guru achiti:

“Rawa! Rawa Bhabhironi Guta Guru!

Rava musha wamadhimoni

nougaro hwemweya yose yakaipa,

ugaro hweshiri dzose dzine tsvina nedzinonyangadza.

3Nokuti ndudzi dzose dzakanwa

waini inopengesa youpombwe hwaro.

Madzimambo enyika akaita upombwe naro,

uye vashambadziri venyika vakapfuma kubva pazvinofadza zvaro zvizhinji.”

4Ipapo ndakanzwa rimwe inzwi kudenga richiti:

“Budai mariri, vanhu vangu,

kuti murege kugovana naro muzvivi zvaro,

kuti murege kugamuchira matambudziko aro api zvawo;

5nokuti zvivi zvaro zvaita murwi unosvika kudenga,

uye Mwari arangarira mhosva dzaro.

6Ritsivei semabasa arakaita;

ritsivei kaviri pane zvarakaita.

Murivhenganisire migove miviri mumukombe waro.

7Rirwadzisei zvikuru uye murichemedze

sokuzvipa mbiri nomufaro kwarakaita.

Rinozvikudza mumwoyo maro richiti,

‘Ndigere samambokadzi; handisi chirikadzi,

uye handingatongochemi.’

8Naizvozvo, nezuva rimwe chete matambudziko ake achamukunda anoti:

rufu, kuchema, nenzara.

Achaparadzwa nomoto,

nokuti Ishe Mwari anomutonga mukuru.

9“Madzimambo enyika, akaita upombwe naro uye akagovana naro pamufaro waro achati achiona utsi hwokutsva kwaro, achachema uye achaungudza pamusoro paro. 10Vachitya kurwadziwa kwaro, vachamira kure vagochema vachiti:

“ ‘Nhamo! Nhamo, iwe guta guru,

Iwe Bhabhironi, guta resimba!

Kuparara kwako kwasvika muawa imwe chete!’

11“Vashambadziri venyika vachachema uye vachaungudza pamusoro paro nokuti hakuna munhu achatenga nhumbi dzavozve, 12nhumbi dzegoridhe, sirivha, mabwe anokosha namaparera; micheka yakanaka, yepepuru, sirika nemicheka mitsvuku; mhando dzose dzemiti inonhuhwira nezvinhu zvemhando dzose zvakagadzirwa nenyanga dzenzou, namatanda ano mutengo unokosha, ndarira, simbi namabwe akaurungana; 13nhumbi dzesinamoni nezvinonhuhwira, mura nezvizoro zvinonhuhwira, waini namafuta omuorivhi, upfu hwakatsetseka negorosi; mombe namakwai; mabhiza nengoro; nemiviri nemweya yavanhu.

14“Vachati, ‘Muchero wawaipanga wabviswa kwauri. Upfumi hwako hwose nezvinobwinya zvako zvose zvapera, hazvichazowanikwizve.’ 15Vashambadziri vakatengesa zvinhu izvi uye vakawana pfuma yavo kwariri vachamira kure, vachityiswa nokurwadziwa kwaro. Vachachema uye vachaungudza 16uye vachadanidzira vachiti:

“ ‘Nhamo! Nhamo, iwe guta guru,

wakapfeka mucheka wakanaka, nowepepuru, nomutsvuku,

uye unotaima negoridhe, namatombo anokosha namaparera!

17Muawa imwe chete upfumi hwakakura kudai hwaparara!’

“Vafambisi vose vezvikepe mugungwa, navose vanofamba nezvikepe, vashandi vomuzvikepe navose vanorarama nezvinobva mugungwa, vachamira kure. 18Pavachaona utsi hwokutsva kwaro, vachati, ‘Pakambova neguta rakaita seguta guru iri here?’ 19Vachakanda guruva pamisoro yavo, uye nokuchema nokuungudza vachadanidzira vachiti:

“ ‘Nhamo! Nhamo, iro guta guru,

vose vaiva nezvikepe pagungwa

vakapfuma noupfumi hwaro!

Muawa imwe chete, raparara!

20Farai pamusoro paro, imi denga!

Farai, vatsvene navapostori navaprofita!

Mwari aritonga nokuda kwamabatiro arakakuitai.’ ”

21Ipapo mutumwa ane simba akasimudza dombo rakaenzana neguyo guru akarikanda mugungwa, akati:

“Nechisimba chakadai

guta guru reBhabhironi richakandwa pasi,

risingazombowanikwazve.

22Kuimba kwavaridzi vorudimbwa navaimbi, navaridzi venyere navaridzi vehwamanda,

hakuchazonzwikwazve mauri.

Hakuna munhu webasa ripi zvaro

achazowanikwazve mauri.

Inzwi reguyo harichazonzwikwizve mauri.

23Chiedza chomwenje hachichazovhenekerizve mauri.

Inzwi rechikomba neromwenga

hazvichazonzwikwazve mauri.

Vashambadziri vako vakanga vari vakuru venyika.

Nouroyi hwako ndudzi dzose dzakatsauswa.

24Mariri makawanikwa ropa ravaprofita neravatsvene,

neravose vakaurayiwa panyika.”

Ilustração artística — interpretação, não registro histórico.

Você sabia?

A queda da grande Babilônia

  • “Babilônia”, neste capítulo, é a forma grega do nome Babel. Um dicionário bíblico apresenta a forma semítica Babilu, que significa “a porta de Deus”, e observa que as tábuas assírias a chamam de “a cidade da dispersão das tribos”. A mesma entrada situa a cidade junto ao Eufrates, cerca de duzentas milhas acima da confluência desse rio com o Tigre.Fontes: Babylon · o próprio texto bíblico
  • O capítulo mostra a riqueza de Babilônia por meio de quem lucrava com ela. Os reis que viveram no luxo com ela, e os capitães de navio, marinheiros e outros que viviam do mar, ficam à distância e choram ao ver a fumaça do fogo que a consome. Os mercadores pranteiam porque já não há quem compre sua carga, que vai do ouro, da púrpura, da seda e das especiarias até o gado, os cavalos, os carros e escravos e almas de homens.Fontes: o próprio texto bíblico
  • A queda é apresentada como súbita e definitiva. No coração, a cidade diz que se assenta como rainha, que não é viúva e que jamais verá pesar; o capítulo, porém, diz que morte, pesar e fome chegam num só dia e que ela é consumida pelo fogo, enquanto os que observam de longe clamam que o desastre chegou numa só hora. Um anjo poderoso lança ao mar uma pedra do tamanho de uma grande mó e declara que Babilônia será derrubada com a mesma violência e nunca mais será vista; cessam a música, o trabalho dos artesãos, o som da mó, a luz das lâmpadas e as vozes da noiva e do noivo.Fontes: o próprio texto bíblico

Notas escritas com auxílio de IA a partir de fontes abertas (Theographic Bible Metadata, CC BY-SA 4.0; Easton’s Bible Dictionary, domínio público) e revisadas antes de publicar.

Lugares deste capítulo

  • Babylon · Hoje: Rome · 41.892, 12.485 · versículos 2, 10, 21

Só aparecem lugares com identificação de alta confiança (90% ou mais segundo as fontes acadêmicas reunidas pelo OpenBible). Mapa da época: DARE (Digital Atlas of the Roman Empire), CC BY 4.0; mapa atual: © colaboradores do OpenStreetMap; lugares: OpenBible.info (CC BY 4.0).

Créditos e licença desta tradução
Biblica® Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi 2017
The Holy Bible in the Shona language of Zimbabwe: Biblica® Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi 2017
copyright © 2005, 2018 Biblica, Inc.
Language: chiShona
Contributor: Biblica, Inc.
Biblica® Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi™
Kopakodzero © 2005, 2018 ne Biblica, Inc.
Biblica® Open Shona Contemporary Bible™
Copyright © 2005, 2018 by Biblica, Inc.
“Biblica” chiratidzo chekutengeserana chakanyoreswa mu United States uye chiratidzo chehofisi yeBiblica, Inc. Inoshandiswa zviripamutemo.
“Biblica” is a trademark registered in the United States Patent and Trademark Office by Biblica, Inc. Used with permission.
Creative Commons License
Iri basa rinowanikwa pasi peCreative Commons Attribution-ShareAlike 4.0 International License (CC BY-SA). Kuti utarise kopi yeiri rezinesi, shanyira https://creativecommons.org/licenses/by-sa/4.0 kana kutumira tsamba kuCreative Commons, PO Box 1866, Mountain View, CA 94042, USA.
Biblica® chiratidzo chinozikanwa chakanyorwa neBiblica, Inc., uye kushandiswa kwechiratidzo cheBiblica® kunoda mvumo yakanyorwa yeBiblica, Inc. Pasi pemitemo ye rizinesi re CC BY-SA, unogona kuteedzera uye kugovera patsva basa iri risina kugadziridzwa bedzi kana uchichengetedza chiratidzo che Biblica®. Kana iwe ukachinja kopi kana kushandura iri basa, nokudaro uchigadzira rimwe basa, unofanira kubvisa chiratidzo cheBiblica®. Pabasa rakatorwa, unofanirwa kuratidza shanduko dzawakaita uye woratidza sezvinotevera: “Basa rekutanga reBiblica, Inc. rinowanikwa mahara pa www.biblica.com uye nepa open.bible.”
‪
Cherechedzo yekopakodzero inofanirwa kuoneka pamusoro wenyaya kana peji rekopakodzero sezvinotevera:
Biblica® Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi™
Kopakodzero © 2005, 2018 ne Biblica, Inc.
Biblica® Open Shona Contemporary Bible™
Copyright © 2005, 2018 by Biblica, Inc.
“Biblica” chiratidzo chekutengeserana chakanyoreswa mu United States uye chiratidzo chehofisi yeBiblica, Inc. Inoshandiswa zviripamutemo.
“Biblica” is a trademark registered in the United States Patent and Trademark Office by Biblica, Inc. Used with permission.
Unofanirwa zvakare kuita kuti basa rawachinja riwanikwe pasi pe rezinesi yakafanana (CC BY-SA).
Kana iwe uchida kuzivisa Biblica, Inc. maererano neshanduro yako yebasa iri, taura nesu pa https://open.bible/contact-us .
This work is made available under the Creative Commons Attribution-ShareAlike 4‪.0 International License (CC BY-SA). To view a copy of this license, visit https://creativecommons.org/licenses/by-sa/4‪.0 or send a letter to Creative Commons, PO Box 1866, Mountain View, CA 94042, USA.
Biblica® is a trademark registered by Biblica, Inc., and use of the Biblica® trademark requires the written permission of Biblica, Inc. Under the terms of the CC BY-SA license, you may copy and redistribute this unmodified work as long as you keep the Biblica® trademark intact. If you modify a copy or translate this work, thereby creating a derivative work, you must remove the Biblica® trademark. On the derivative work, you must indicate what changes you have made and attribute the work as follows: “The original work by Biblica, Inc. is available for free at www.biblica.com and open.bible.”
‪
Notice of copyright must appear on the title or copyright page of the work as follows:
Biblica® Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi™
Kopakodzero © 2005, 2018 ne Biblica, Inc.
Biblica® Open Shona Contemporary Bible™
Copyright © 2005, 2018 by Biblica, Inc.
“Biblica” chiratidzo chekutengeserana chakanyoreswa mu United States uye chiratidzo chehofisi yeBiblica, Inc. Inoshandiswa zviripamutemo.
“Biblica” is a trademark registered in the United States Patent and Trademark Office by Biblica, Inc. Used with permission.
You must also make your derivative work available under the same license (CC BY-SA).
‪If you would like to notify Biblica, Inc. regarding your translation of this work, please contact us at https://open.bible/contact-us .
This translation is made available to you under the terms of the
Creative Commons Attribution Share-Alike license 4.0.
You have permission to share and redistribute this Bible translation in any format and to make reasonable revisions and adaptations of this translation, provided that:
You include the above copyright and source information.
If you make any changes to the text, you must indicate that you did so in a way that makes it clear that the original licensor is not necessarily endorsing your changes.
If you redistribute this text, you must distribute your contributions under the same license as the original.
Pictures included with Scriptures and other documents on this site are licensed just for use with those Scriptures and documents.
For other uses, please contact the respective copyright owners.
Note that in addition to the rules above, revising and adapting God's Word involves a great responsibility to be true to God's Word. See Revelation 22:18-19.
2023-04-14

Fonte: http://ebible.org/sna/ · eBible.org

Fale com a gente

Conte de onde você lê, como a Bíblia tem te ajudado ou o que podemos melhorar. Lemos todas as mensagens.