Nations Bible

Números 35

Biblica® Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi 2017 · Toque num versículo para ver as referências cruzadas.

Maguta avaRevhi

1Pamapani eMoabhu pedyo neJorodhani uchibva mhiri kuJeriko, Jehovha akati kuna Mozisi, 2“Rayira vaIsraeri kuti vape vaRevhi maguta okuti vagare kubva panhaka ichatorwa navaIsraeri. Uye muvape mafuro akapoteredza maguta avo. 3Ipapo vachava namaguta okugara uye namafuro emombe dzavo, makwai nezvimwe zvipfuwo zvavo zvose.

4“Mafuro akapoteredza maguta amunopa vaRevhi achasvitsa makubhiti chiuru chimwe chete kubva pamasvingo eguta. 5Uyere makubhiti zviuru zviviri nechokunze kweguta, kurutivi rwokumabvazuva, kurutivi rwezasi uyere makubhiti zviuru zviviri, uye kurutivi rwokumavirira makubhiti zviuru zviviri, uye nechokumusoro, makubhiti zviuru zviviri, guta riri pakati. Nzvimbo iyi ichava mafuro amaguta.

Maguta oUtiziro

6“Maguta matanhatu pane auchapa vaRevhi achava outiziro, kuti munhu anenge auraya mumwe atizireko. Pamusoro paiwayo, muvape mamwe maguta makumi mana namaviri. 7Maguta ose amunopa vaRevhi anofanira kuva makumi mana namasere, pamwe chete namafuro avo. 8Maguta amunopa vaRevhi kubva munyika inotorwa navaIsraeri anofanira kupiwa zvakaenzanirana nenhaka yorudzi rumwe norumwe: Utore maguta akawanda kubva kurudzi rune akawanda, asi utore mashoma kubva kurudzi rune mashoma.”

9Ipapo Jehovha akati kuna Mozisi, 10“Taura kuvaIsraeri uti kwavari: ‘Kana mayambuka Jorodhani mapinda muKenani, 11musarudze mamwe maguta kuti ave outiziro, okuti munhu anenge auraya mumwe asingaiti nobwoni atizireko. 12Achava nzvimbo dzoutiziro kubva kumutsivi, kuitira kuti munhu anopomerwa mhosva youmhondi arege kufa asati atongwa pamberi peungano. 13Maguta matanhatu amunopa aya achava maguta enyu outiziro. 14Mupe maguta matatu mhiri kwaJorodhani uye mamwe matatu muKenani kuti ave maguta outiziro. 15Maguta matanhatu aya achava nzvimbo youtiziro yavaIsraeri, vatorwa kana vamwe vanhu vagere pakati pavo, kuitira kuti ani naani anenge auraya mumwe asingaiti nobwoni atizireko.

16“ ‘Kana munhu akarova mumwe nesimbi akafa, iye imhondi; mhondi ichafanira kuurayiwa. 17Uye kana ani naani aine dombo muruoko rwake rinogona kuuraya, akarova mumwe munhu naro akafa, iye imhondi; mhondi inofanira kuurayiwa. 18Uye kana ani naani akange ane danda muruoko rwake rinogona kuuraya, uye akarova mumwe munhu akafa, iye imhondi; mhondi ichaurayiwa. 19Mutsivi weropa achauraya mhondi iyo; paanosangana naye, achamuuraya. 20Kana ani zvake anga ane ruvengo kare akasundidzira mumwe kana kupotsera chimwe chinhu kwaari nobwoni iye akafa, 21uye kana akamurova nechibhakera achimuvenga munhu uyo akafa, munhu iyeye anofanira kuurayiwa; munhu iyeye imhondi. Mutsivi weropa achauraya mhondi iyo paanosangana naye.

22“ ‘Asi kana panga pasina ruvengo mumwe akakaruka asundidzira mumwe kana kupotsera chimwe chinhu kwaari asingaiti nobwoni, 23kana anga asingamuoni, akapotsera dombo kwaari rinogona kumuuraya, uye iye akafa, ipapo sezvo anga asiri muvengi wake uye anga asingafungi kumukuvadza, 24ungano inofanira kutonga pakati pake nomutsivi weropa maererano nemitemo iyi. 25Ungano inofanira kudzivirira munhu anopomerwa umhondi kubva pamutsivi weropa uye vachamudzosera kuguta routiziro uko kwaakanga atizira. Anofanira kugara ikoko kusvikira muprista mukuru afa, uyo akanga akazodzwa namafuta matsvene.

26“ ‘Asi kana uyo anopomerwa akangobuda kunze akadarika muganhu weguta routiziro, uko kwaakatizira, 27uye mutsivi weropa akamuwana ari kunze kweguta, mutsivi weropa achauraya muurayi uyu akasapiwa mhosva youmhondi. 28Muurayi anofanira kugara muguta rake routiziro kusvikira pakufa kwomuprista mukuru; anofanira kudzokera chete kunzvimbo yake kana muprista mukuru afa.

29“ ‘Izvi zvinofanira kuva murayiro wokutonga nawo kusvikira kumarudzi enyu ose anotevera, kwose kwamunogara.

30“ ‘Ani naani anouraya munhu anofanira kuurayiwa semhondi kana chete pane zvapupu. Asi hapafaniri kuva nomunhu anourayiwa kana pachingova nechapupu chimwe chete.

31“ ‘Murege kugamuchira dzikinuro youpenyu hwemhondi, inofanira kufa. Anofanira kufa zvirokwazvo.

32“ ‘Murege kugamuchira dzikinuro yomunhu upi zvake akatiza kuguta routiziro nokudaro muchimutendera kudzokera kuti andogarazve munyika yake muprista mukuru asati afa.

33“ ‘Murege kusvibisa nyika yamunogara. Kuteura ropa kunosvibisa nyika, uye nyika haingayananisirwi pamusoro peropa rakateurirwamo, asi chete neropa romunhu akariteura. 34Musasvibisa nyika yamugere uye yandinogara, nokuti ini Jehovha, ndigere pakati pavaIsraeri.’ ”

Ilustração artística — interpretação, não registro histórico.

Você sabia?

Cidades Levíticas e Cidades de Refúgio

  • Ao contrário das outras tribos, os levitas não receberam uma faixa contínua de território. Em vez disso, os israelitas deveriam lhes fornecer quarenta e oito cidades com suas pastagens ao redor, cedidas por cada tribo de acordo com a proporção de sua herança territorial.Fontes: o próprio texto bíblico
  • Seis das quarenta e oito cidades levíticas foram estabelecidas como cidades de refúgio, sendo três a leste do Jordão e três na terra de Canaã. Esses locais ofereciam proteção legal tanto a israelitas quanto a estrangeiros residentes que cometessem um homicídio involuntário, abrigando-os do vingador de sangue até o julgamento pela comunidade.Fontes: o próprio texto bíblico · Canaan · Jordan
  • A lei distinguia com precisão entre o homicídio doloso e a morte acidental, exigindo o testemunho de mais de uma testemunha para a pena capital. Além disso, proibia-se o pagamento de resgate para livrar um assassino ou para permitir que um homicida involuntário voltasse para casa antes da morte do sumo sacerdote.Fontes: o próprio texto bíblico

Notas escritas com auxílio de IA a partir de fontes abertas (Theographic Bible Metadata, CC BY-SA 4.0; Easton’s Bible Dictionary, domínio público) e revisadas antes de publicar.

Lugares deste capítulo

  • Jericho · Hoje: Tell es Sultan · 31.872, 35.445 · versículo 1
  • Jordan · Hoje: Jordan River · 31.761, 35.558 · versículos 1, 10, 14
  • Moab · Hoje: Moab 2 · 31.840, 35.674 · versículo 1
  • Canaan · 32.767, 35.333 · versículos 10, 14

Só aparecem lugares com identificação de alta confiança (90% ou mais segundo as fontes acadêmicas reunidas pelo OpenBible). Mapa da época: DARE (Digital Atlas of the Roman Empire), CC BY 4.0; mapa atual: © colaboradores do OpenStreetMap; lugares: OpenBible.info (CC BY 4.0).

Créditos e licença desta tradução
Biblica® Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi 2017
The Holy Bible in the Shona language of Zimbabwe: Biblica® Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi 2017
copyright © 2005, 2018 Biblica, Inc.
Language: chiShona
Contributor: Biblica, Inc.
Biblica® Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi™
Kopakodzero © 2005, 2018 ne Biblica, Inc.
Biblica® Open Shona Contemporary Bible™
Copyright © 2005, 2018 by Biblica, Inc.
“Biblica” chiratidzo chekutengeserana chakanyoreswa mu United States uye chiratidzo chehofisi yeBiblica, Inc. Inoshandiswa zviripamutemo.
“Biblica” is a trademark registered in the United States Patent and Trademark Office by Biblica, Inc. Used with permission.
Creative Commons License
Iri basa rinowanikwa pasi peCreative Commons Attribution-ShareAlike 4.0 International License (CC BY-SA). Kuti utarise kopi yeiri rezinesi, shanyira https://creativecommons.org/licenses/by-sa/4.0 kana kutumira tsamba kuCreative Commons, PO Box 1866, Mountain View, CA 94042, USA.
Biblica® chiratidzo chinozikanwa chakanyorwa neBiblica, Inc., uye kushandiswa kwechiratidzo cheBiblica® kunoda mvumo yakanyorwa yeBiblica, Inc. Pasi pemitemo ye rizinesi re CC BY-SA, unogona kuteedzera uye kugovera patsva basa iri risina kugadziridzwa bedzi kana uchichengetedza chiratidzo che Biblica®. Kana iwe ukachinja kopi kana kushandura iri basa, nokudaro uchigadzira rimwe basa, unofanira kubvisa chiratidzo cheBiblica®. Pabasa rakatorwa, unofanirwa kuratidza shanduko dzawakaita uye woratidza sezvinotevera: “Basa rekutanga reBiblica, Inc. rinowanikwa mahara pa www.biblica.com uye nepa open.bible.”
‪
Cherechedzo yekopakodzero inofanirwa kuoneka pamusoro wenyaya kana peji rekopakodzero sezvinotevera:
Biblica® Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi™
Kopakodzero © 2005, 2018 ne Biblica, Inc.
Biblica® Open Shona Contemporary Bible™
Copyright © 2005, 2018 by Biblica, Inc.
“Biblica” chiratidzo chekutengeserana chakanyoreswa mu United States uye chiratidzo chehofisi yeBiblica, Inc. Inoshandiswa zviripamutemo.
“Biblica” is a trademark registered in the United States Patent and Trademark Office by Biblica, Inc. Used with permission.
Unofanirwa zvakare kuita kuti basa rawachinja riwanikwe pasi pe rezinesi yakafanana (CC BY-SA).
Kana iwe uchida kuzivisa Biblica, Inc. maererano neshanduro yako yebasa iri, taura nesu pa https://open.bible/contact-us .
This work is made available under the Creative Commons Attribution-ShareAlike 4‪.0 International License (CC BY-SA). To view a copy of this license, visit https://creativecommons.org/licenses/by-sa/4‪.0 or send a letter to Creative Commons, PO Box 1866, Mountain View, CA 94042, USA.
Biblica® is a trademark registered by Biblica, Inc., and use of the Biblica® trademark requires the written permission of Biblica, Inc. Under the terms of the CC BY-SA license, you may copy and redistribute this unmodified work as long as you keep the Biblica® trademark intact. If you modify a copy or translate this work, thereby creating a derivative work, you must remove the Biblica® trademark. On the derivative work, you must indicate what changes you have made and attribute the work as follows: “The original work by Biblica, Inc. is available for free at www.biblica.com and open.bible.”
‪
Notice of copyright must appear on the title or copyright page of the work as follows:
Biblica® Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi™
Kopakodzero © 2005, 2018 ne Biblica, Inc.
Biblica® Open Shona Contemporary Bible™
Copyright © 2005, 2018 by Biblica, Inc.
“Biblica” chiratidzo chekutengeserana chakanyoreswa mu United States uye chiratidzo chehofisi yeBiblica, Inc. Inoshandiswa zviripamutemo.
“Biblica” is a trademark registered in the United States Patent and Trademark Office by Biblica, Inc. Used with permission.
You must also make your derivative work available under the same license (CC BY-SA).
‪If you would like to notify Biblica, Inc. regarding your translation of this work, please contact us at https://open.bible/contact-us .
This translation is made available to you under the terms of the
Creative Commons Attribution Share-Alike license 4.0.
You have permission to share and redistribute this Bible translation in any format and to make reasonable revisions and adaptations of this translation, provided that:
You include the above copyright and source information.
If you make any changes to the text, you must indicate that you did so in a way that makes it clear that the original licensor is not necessarily endorsing your changes.
If you redistribute this text, you must distribute your contributions under the same license as the original.
Pictures included with Scriptures and other documents on this site are licensed just for use with those Scriptures and documents.
For other uses, please contact the respective copyright owners.
Note that in addition to the rules above, revising and adapting God's Word involves a great responsibility to be true to God's Word. See Revelation 22:18-19.
2023-04-14

Fonte: http://ebible.org/sna/ · eBible.org

Fale com a gente

Conte de onde você lê, como a Bíblia tem te ajudado ou o que podemos melhorar. Lemos todas as mensagens.