Números 28
Biblica® Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi 2017 · Toque num versículo para ver as referências cruzadas.
Zvipiriso zvamazuva ose
1Jehovha akati kuna Mozisi, 2“Upe murayiro uyu kuvaIsraeri, uti kwavari, ‘Onai kuti maisa pamberi pangu panguva yakatarwa, zvokudya zvangu zvezvipiriso zvinoitwa nomoto, sezvinonhuhwira zvinondifadza.’ 3Uti kwavari: ‘Ichi ndicho chipiriso chakaitwa nomoto chamunofanira kupa kuna Jehovha: makwayana maviri egore rimwe chete asina kuremara, sechipiriso chinopiswa chamazuva ose, zuva rimwe nerimwe. 4Ugadzire gwayana rimwe chete mangwanani uye rimwe racho panguva yamadekwana, 5pamwe chete nechipiriso chezviyo, chegumi cheefa youpfu hwakatsetseka hwakavhenganiswa nechikamu chimwe chete muzvina chehini yamafuta omuorivhi akasvinwa. 6Ichi ndicho chipiriso chinopiswa chamazuva ose chakatarwa paGomo reSinai kuti chive munhuwi unonhuhwira zvinofadza, chipiriso chinoitirwa Jehovha nomoto. 7Panobayirwa gwayana rimwe nerimwe, chipiriso chokunwa chinopiwa panguva imwe cheteyo chinofanira kuva chikamu chimwe chete muzvina chehini, chezvinonhuhwira zvakaviriswa. Udurure chipiriso chinonwiwa kuna Jehovha panzvimbo tsvene. 8Ugadzire gwayana rechipiri panguva dzamadekwana, pamwe chete nechipiriso chezviyo nechipiriso chinonwiwa, zvakafanana nezvamangwanani. Ichi ndicho chipiriso chinoitwa nomoto, chinonhuhwira zvinofadza kuna Jehovha.
Zvipiriso zveSabata
9“ ‘Nomusi weSabata, muite chipiriso chamakwayana maviri egore rimwe chete asina kuremara, pamwe chete nechipiriso chacho chokunwa, uye nechipiriso chezviyo chezvegumi zviviri zveefa youpfu hwakatsetseka, hwakavhenganiswa namafuta. 10Ichi ndicho chipiriso chinopiswa cheSabata rimwe nerimwe, pamusoro pechipiriso chinopiswa chamazuva ose uye nechipiriso chacho chinonwiwa.
Zvipiriso zvomwedzi nomwedzi
11“ ‘Nomusi wokutanga womwedzi woga woga, mupe kuna Jehovha chipiriso chehando duku mbiri, gondobwe rimwe chete namakwayana makono manomwe egore rimwe chete, ose asina kuremara. 12Pamwe chete nehando imwe neimwe, panofanira kuva nechipiriso chezviyo chezvegumi zviviri zveefa yeupfu hwakatsetseka, hwakavhenganiswa namafuta; 13uye negwayana rimwe nerimwe, chipiriso chezviyo chechegumi cheefa yeupfu hwakatsetseka, hwakavhenganiswa namafuta. Izvi ndizvo zvinoitwa pachipiriso chinopiswa, chinonhuhwira zvinofadza, chipiriso chinoitirwa Jehovha nomoto. 14Pamwe chete nehando imwe neimwe, panofanira kuva nechipiriso chokunwa chehafu yehini yewaini; pamwe chete negondobwe, chikamu chimwe chete kubva muzvitatu chehini; uye pamwe chete negwayana rimwe nerimwe, chikamu chimwe chete muzvina chehini. Ichi ndicho chipiriso chinopiswa chomwedzi mumwe nomumwe chinofanira kupiwa pakugara kwomwedzi mumwe nomumwe pagore. 15Pamusoro pechipiriso chinopiswa chamazuva ose nechipiriso chacho chokunwa, nhongo imwe chete inofanira kupiwa sechipiriso chechivi kuna Jehovha.
Pasika
16“ ‘Pazuva regumi namana romwedzi wokutanga munofanira kuita Pasika yaJehovha. 17Pazuva regumi namana romwedzi uyu, munofanira kuita mutambo; kwamazuva manomwe munofanira kudya chingwa chisina mbiriso. 18Pazuva rokutanga munofanira kuita ungano tsvene uye murege kuita mabasa amazuva ose. 19Mupe kuna Jehovha chipiriso chakaitwa nomoto, chipiriso chinopiswa chehando duku mbiri, gondobwe rimwe chete uye makwayana makono manomwe ane gore rimwe chete, ose asina kuremara. 20Pamwe chete nehando imwe neimwe mugadzire chipiriso chezviyo, chezvikamu zvitatu mugumi zveefa yeupfu hwakatsetseka, hwakavhenganiswa namafuta; pamwe chete negondobwe, zvikamu zviviri mugumi; 21uye pamwe chete nerimwe nerimwe ramakwayana manomwe, chikamu chimwe chete mugumi; 22uisewo nhongo imwe chete yembudzi sechipiriso chechivi kuti iwe uzviyananisire. 23Mugadzire izvi pamwe chete nezvipiriso zvinopiswa zvamangwanani zvamazuva ose. 24Nenzira iyi mugadzire zvokudya zvezvipiriso zvinoitwa nomoto mazuva ose kwamazuva manomwe sezvinonhuhwira zvinofadza kuna Jehovha; zvinofanira kugadzirwa pamwe chete nezvipiriso zvinopiswa nechipiriso chacho chinonwiwa. 25Pazuva rechinomwe muite ungano tsvene uye murege kuita basa ramazuva ose.
Mutambo waMavhiki
26“ ‘Pazuva rezvibereko zvokutanga, pamunopa zvipiriso zvenyu kuna Jehovha, zvezvitsva zvezviyo panguva yoMutambo weMavhiki, muite ungano tsvene uye murege kuita basa ramazuva ose. 27Mupe chipiriso chinopiswa chehando duku mbiri, gondobwe rimwe chete uye makwayana manomwe makono egore rimwe chete, chive chipiriso chinofadza kuna Jehovha. 28Pamwe chete nehando imwe neimwe, panofanira kuva nechipiriso chezviyo chezvikamu zvitatu mugumi zveefa yeupfu hwakatsetseka hwakavhenganiswa namafuta; pamwe chete negondobwe, zvikamu zviviri mugumi; 29uye nerimwe nerimwe ramakwayana manomwe, chikamu chimwe chete mugumi. 30Muisewo nhongo imwe chete kuti muzviyananisire. 31Mugadzire izvi pamwe chete nezvipiriso zvazvo zvokunwa, pamusoro pezvipiriso zvinopiswa zvamazuva ose uye nechipiriso chacho chezviyo. Munofanira kuva nechokwadi kuti zvipfuwo zvacho hazvina kuremara.
Você sabia?
Ofertas para Dias, Meses e Festas
- O ritual diário exigia dois cordeiros machos de um ano e sem defeito, um oferecido pela manhã e o outro ao entardecer, acompanhados de flor de farinha misturada com azeite de olivas prensadas e uma oferta de libação derramada no santuário. Esse ritmo contínuo foi estabelecido originalmente no monte Sinai.Fontes: o próprio texto bíblico · Mount Sinai
- Os sacrifícios prescritos para ocasiões sagradas — como o sábado semanal, as luas novas mensais, a Páscoa e a Festa das Semanas — não substituíam a oferta diária, mas eram apresentados além dos holocaustos regulares da manhã e da tarde.Fontes: o próprio texto bíblico
Notas escritas com auxílio de IA a partir de fontes abertas (Theographic Bible Metadata, CC BY-SA 4.0; Easton’s Bible Dictionary, domínio público) e revisadas antes de publicar.
Créditos e licença desta tradução
Biblica® Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi 2017 The Holy Bible in the Shona language of Zimbabwe: Biblica® Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi 2017 copyright © 2005, 2018 Biblica, Inc. Language: chiShona Contributor: Biblica, Inc. Biblica® Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi™ Kopakodzero © 2005, 2018 ne Biblica, Inc. Biblica® Open Shona Contemporary Bible™ Copyright © 2005, 2018 by Biblica, Inc. “Biblica” chiratidzo chekutengeserana chakanyoreswa mu United States uye chiratidzo chehofisi yeBiblica, Inc. Inoshandiswa zviripamutemo. “Biblica” is a trademark registered in the United States Patent and Trademark Office by Biblica, Inc. Used with permission. Creative Commons License Iri basa rinowanikwa pasi peCreative Commons Attribution-ShareAlike 4.0 International License (CC BY-SA). Kuti utarise kopi yeiri rezinesi, shanyira https://creativecommons.org/licenses/by-sa/4.0 kana kutumira tsamba kuCreative Commons, PO Box 1866, Mountain View, CA 94042, USA. Biblica® chiratidzo chinozikanwa chakanyorwa neBiblica, Inc., uye kushandiswa kwechiratidzo cheBiblica® kunoda mvumo yakanyorwa yeBiblica, Inc. Pasi pemitemo ye rizinesi re CC BY-SA, unogona kuteedzera uye kugovera patsva basa iri risina kugadziridzwa bedzi kana uchichengetedza chiratidzo che Biblica®. Kana iwe ukachinja kopi kana kushandura iri basa, nokudaro uchigadzira rimwe basa, unofanira kubvisa chiratidzo cheBiblica®. Pabasa rakatorwa, unofanirwa kuratidza shanduko dzawakaita uye woratidza sezvinotevera: “Basa rekutanga reBiblica, Inc. rinowanikwa mahara pa www.biblica.com uye nepa open.bible.” Cherechedzo yekopakodzero inofanirwa kuoneka pamusoro wenyaya kana peji rekopakodzero sezvinotevera: Biblica® Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi™ Kopakodzero © 2005, 2018 ne Biblica, Inc. Biblica® Open Shona Contemporary Bible™ Copyright © 2005, 2018 by Biblica, Inc. “Biblica” chiratidzo chekutengeserana chakanyoreswa mu United States uye chiratidzo chehofisi yeBiblica, Inc. Inoshandiswa zviripamutemo. “Biblica” is a trademark registered in the United States Patent and Trademark Office by Biblica, Inc. Used with permission. Unofanirwa zvakare kuita kuti basa rawachinja riwanikwe pasi pe rezinesi yakafanana (CC BY-SA). Kana iwe uchida kuzivisa Biblica, Inc. maererano neshanduro yako yebasa iri, taura nesu pa https://open.bible/contact-us . This work is made available under the Creative Commons Attribution-ShareAlike 4.0 International License (CC BY-SA). To view a copy of this license, visit https://creativecommons.org/licenses/by-sa/4.0 or send a letter to Creative Commons, PO Box 1866, Mountain View, CA 94042, USA. Biblica® is a trademark registered by Biblica, Inc., and use of the Biblica® trademark requires the written permission of Biblica, Inc. Under the terms of the CC BY-SA license, you may copy and redistribute this unmodified work as long as you keep the Biblica® trademark intact. If you modify a copy or translate this work, thereby creating a derivative work, you must remove the Biblica® trademark. On the derivative work, you must indicate what changes you have made and attribute the work as follows: “The original work by Biblica, Inc. is available for free at www.biblica.com and open.bible.” Notice of copyright must appear on the title or copyright page of the work as follows: Biblica® Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi™ Kopakodzero © 2005, 2018 ne Biblica, Inc. Biblica® Open Shona Contemporary Bible™ Copyright © 2005, 2018 by Biblica, Inc. “Biblica” chiratidzo chekutengeserana chakanyoreswa mu United States uye chiratidzo chehofisi yeBiblica, Inc. Inoshandiswa zviripamutemo. “Biblica” is a trademark registered in the United States Patent and Trademark Office by Biblica, Inc. Used with permission. You must also make your derivative work available under the same license (CC BY-SA). If you would like to notify Biblica, Inc. regarding your translation of this work, please contact us at https://open.bible/contact-us . This translation is made available to you under the terms of the Creative Commons Attribution Share-Alike license 4.0. You have permission to share and redistribute this Bible translation in any format and to make reasonable revisions and adaptations of this translation, provided that: You include the above copyright and source information. If you make any changes to the text, you must indicate that you did so in a way that makes it clear that the original licensor is not necessarily endorsing your changes. If you redistribute this text, you must distribute your contributions under the same license as the original. Pictures included with Scriptures and other documents on this site are licensed just for use with those Scriptures and documents. For other uses, please contact the respective copyright owners. Note that in addition to the rules above, revising and adapting God's Word involves a great responsibility to be true to God's Word. See Revelation 22:18-19. 2023-04-14
Fonte: http://ebible.org/sna/ · eBible.org