Nations Bible

Números 18

Biblica® Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi 2017 · Toque num versículo para ver as referências cruzadas.

Mabasa aVaprista navaRevhi

1Jehovha akati kuna Aroni, “Iwe, navanakomana vako nemhuri yababa vako munofanira kuva nebasa rokutakura mhosva dzinotadzirwa nzvimbo tsvene, uye iwe navanakomana vako bedzi ndimi munofanira kuita basa rokutakura mhosva dzinotadzirwa basa rouprista. 2Uya nehama dzako ivo vaRevhi vanobva kurudzi rwamadzitateguru ako kuti vazobatana newe uye vagokubatsira iwe navanakomana vako pamunoshumira pamberi peTende reChipupuriro. 3Vanofanira kuva pasi pako uye vanofanira kuita mabasa ose eTende asi havafaniri kuswedera pedyo nemidziyo yenzvimbo tsvene kana aritari, kana kuti mose ivo newe muchafa. 4Vanofanira kubatana newe vagoita basa rokuchengeta Tende Rokusangana, basa rose rapaTende uye hakuna mumwezve anofanira kuswedera pauri.

5“Munofanira kuva nebasa rokuchengeta nzvimbo tsvene nearitari, kuti hasha dzirege kuwira pavaIsraerizve. 6Ini pachangu ndakasarudza hama dzako ivo vaRevhi pakati pavaIsraeri kuti vave sechipo kwauri, vakumikidzwe kuna Jehovha kuti vaite basa paTende Rokusangana. 7Asi iwe chete navanakomana vako ndimi mungashanda savaprista pazvinhu zvose zviri paaritari nezviri mukati mechifukidziro. Ndiri kukupai basa rouprista sechipo. Ani naani anoswedera panzvimbo tsvene anofanira kuurayiwa.”

Zvipiriso zvaVaprista navaRevhi

8Ipapo Jehovha akati kuna Aroni, “Ini ndimene ndakugadza kuti uve muchengeti wezvipiriso zvinopiwa kwandiri; zvipiriso zvose zvitsvene zvinopiwa kwandiri navaIsraeri ndinozvipa kwauri iwe navanakomana vako somugove wako uye ugova mugove wako wamazuva ose. 9Iwe unofanira kuva nomugove wezvipiriso zvitsvene-tsvene zvinosara pane zvinopiswa. Pazvipo zvose zvavanondivigira sezvipiriso zvitsvene-tsvene, zvingava zvezviyo kana zvechivi kana chipiriso chemhosva, chikamu ichocho ndechako iwe navanakomana vako. 10Muchidye sechinhu chitsvene-tsvene; murume wose achachidya. Chinofanira kuva chitsvene kwamuri.

11“Izvi ndezvako zvakare: chimwe nechimwe chinotsaurwa kubva pazvipo zvose zvezvipiriso zvinoninirwa zvavaIsraeri. Ndinokupa izvi iwe navanakomana vako navanasikana vako somugove wako wamazuva ose. Munhu wose weimba yako anenge akachena angazvidya hake.

12“Ndinokupa mafuta omuorivhi akaisvonaka uye waini yose yakaisvonaka nezviyo zvavanovigira Jehovha sezvibereko zvokutanga zvegohwo ravo. 13Zvibereko zvose zvenyika zvavanovigira Jehovha zvichava zvako. Munhu wose weimba yako anenge akachena angazvidya.

14“Zvinhu zvose zvakatsaurirwa Jehovha muIsraeri ndezvako. 15Chibereko chinotanga kuzarura chizvaro, chingava chomunhu kana chechipfuwo, chinopiwa kuna Jehovha, ndechako. Asi unofanira kudzikinura mwanakomana wose wedangwe uye dangwe rose remhuka dzisina kunaka. 16Kana zvava nomwedzi mumwe chete, unofanira kuzvidzikinura nomutengo wedzikinuro wakatarwa wamashekeri mashanu esirivha, maererano neshekeri renzvimbo tsvene, rinorema magera makumi maviri.

17“Asi haufaniri kudzikinura mhuru nzombe yedangwe, gwai kana mbudzi, zvitsvene. Usase ropa razvo paaritari ugopisa mafuta azvo sechipiriso chinoitwa nomoto, chive chinonhuhwira zvinofadza kuna Jehovha. 18Nyama yazvo ichava yako, sezvakangoita chityu chechipiriso chokuninira nechidya chokurudyi zvagara zviri zvako. 19Ndinokupa zvose zvipiriso zvitsvene zvakatsaurirwa Jehovha navaIsraeri, iwe navanakomana navanasikana vako somugove wako wenguva yose. Isungano yemunyu nokusingaperi pamberi paJehovha kwamuri mose iwe nezvizvarwa zvako.”

20Jehovha akati kuna Aroni, “Iwe haungawani nhaka munyika mavo, uye haungavi nomugove nenhaka pakati pavaIsraeri.

21“VaRevhi ndinovapa zvegumi zvose zvavaIsraeri senhaka yavo kutsiva basa ravanoita pavanenge vachishumira paTende Rokusangana. 22Kubva zvino zvichienda mberi, vaIsraeri havafaniri kuswedera kuTende Rokusangana, kuti varege kuva nemhosva yezvivi zvavo vakazofa. 23VaRevhi ndivo vanofanira kuita basa paTende Rokusangana uye vagotakura zvakaipa zvavanhu. Uyu mutemo uchagara uripo kusvikira kuzvizvarwa zvinotevera. Ivo havangawani nhaka pakati pavaIsraeri. 24Pachinzvimbo chaizvozvo ndinopa kuvaRevhi nhaka yezvegumi zvinopiwa kuna Jehovha navaIsraeri. Ndokusaka ndakati kwavari: ‘Havangavi nenhaka pakati pavaIsraeri.’ ”

25Jehovha akati kuna Mozisi, 26“Taura kuvaRevhi uti kwavari: ‘Pamunogamuchira zvegumi kubva kuvaIsraeri zvandinokupai senhaka yenyu, munofanira kupa chegumi chezvegumi sechipiriso chaJehovha. 27Chipiriso chako chichaverengwa kwauri sechezviyo zvinobva paburiro kana muto wewaini unobva pachisviniro chewaini. 28Nenzira iyi nemiwo munofanira kupa chipiriso kuna Jehovha kubva pazvegumi zvose zvamunogamuchira kubva kuvaIsraeri. Kubva pazvegumi izvi, munofanira kupa mugove waJehovha kuna Aroni muprista. 29Munofanira kupa somugove waJehovha chakanakisisa uye chikamu chitsvene chezvinhu zvose zvamunenge mapiwa.’

30“Uti kuvaRevhi: ‘Pamunouyisa chikamu chakanakisisa, chichagamuchirwa kubva kwamuri sechakabva paburiro kana pachisviniro chewaini, 31iwe nemhuri yako mungadya henyu zvakasara zvose chero pamunenge muri, nokuti ndiwo mubayiro wenyu webasa renyu rapaTende Rokusangana. 32Hamungazovi nemhosva pachinhu kana muchiuyisa chikamu chakanakisisa chacho; ipapo hamungazosvibisi zvitsvene zvavaIsraeri, uye hamuzofi.’ ”

Ilustração artística — interpretação, não registro histórico.

Você sabia?

Deveres e porções para sacerdotes e levitas

  • Números 18 estabelece um limite claro entre a família sacerdotal de Arão e o restante da tribo de Levi. Enquanto os levitas eram encarregados de auxiliar nas tarefas gerais da Tenda do Encontro, apenas Arão e seus filhos podiam servir junto ao altar e dentro do santuário, sob pena de morte para qualquer pessoa não autorizada.Fontes: o próprio texto bíblico · Aaron · Levi (patriarch)
  • Diferente das outras tribos, os sacerdotes e levitas não receberam herança territorial na terra, pois o próprio Deus declarou ser a porção deles. A família de Arão era sustentada por partes das ofertas sagradas, primícias e valores de resgate dos primogênitos, provisão permanente descrita como uma aliança de sal.Fontes: o próprio texto bíblico · Aaron
  • Os levitas recebiam os dízimos dos israelitas como compensação pelo trabalho na Tenda do Encontro. Por sua vez, eram obrigados a consagrar a melhor décima parte do que recebiam — o dízimo do dízimo — como uma oferta entregue diretamente ao sacerdote Arão.Fontes: o próprio texto bíblico · Aaron

Notas escritas com auxílio de IA a partir de fontes abertas (Theographic Bible Metadata, CC BY-SA 4.0; Easton’s Bible Dictionary, domínio público) e revisadas antes de publicar.

Créditos e licença desta tradução
Biblica® Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi 2017
The Holy Bible in the Shona language of Zimbabwe: Biblica® Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi 2017
copyright © 2005, 2018 Biblica, Inc.
Language: chiShona
Contributor: Biblica, Inc.
Biblica® Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi™
Kopakodzero © 2005, 2018 ne Biblica, Inc.
Biblica® Open Shona Contemporary Bible™
Copyright © 2005, 2018 by Biblica, Inc.
“Biblica” chiratidzo chekutengeserana chakanyoreswa mu United States uye chiratidzo chehofisi yeBiblica, Inc. Inoshandiswa zviripamutemo.
“Biblica” is a trademark registered in the United States Patent and Trademark Office by Biblica, Inc. Used with permission.
Creative Commons License
Iri basa rinowanikwa pasi peCreative Commons Attribution-ShareAlike 4.0 International License (CC BY-SA). Kuti utarise kopi yeiri rezinesi, shanyira https://creativecommons.org/licenses/by-sa/4.0 kana kutumira tsamba kuCreative Commons, PO Box 1866, Mountain View, CA 94042, USA.
Biblica® chiratidzo chinozikanwa chakanyorwa neBiblica, Inc., uye kushandiswa kwechiratidzo cheBiblica® kunoda mvumo yakanyorwa yeBiblica, Inc. Pasi pemitemo ye rizinesi re CC BY-SA, unogona kuteedzera uye kugovera patsva basa iri risina kugadziridzwa bedzi kana uchichengetedza chiratidzo che Biblica®. Kana iwe ukachinja kopi kana kushandura iri basa, nokudaro uchigadzira rimwe basa, unofanira kubvisa chiratidzo cheBiblica®. Pabasa rakatorwa, unofanirwa kuratidza shanduko dzawakaita uye woratidza sezvinotevera: “Basa rekutanga reBiblica, Inc. rinowanikwa mahara pa www.biblica.com uye nepa open.bible.”
‪
Cherechedzo yekopakodzero inofanirwa kuoneka pamusoro wenyaya kana peji rekopakodzero sezvinotevera:
Biblica® Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi™
Kopakodzero © 2005, 2018 ne Biblica, Inc.
Biblica® Open Shona Contemporary Bible™
Copyright © 2005, 2018 by Biblica, Inc.
“Biblica” chiratidzo chekutengeserana chakanyoreswa mu United States uye chiratidzo chehofisi yeBiblica, Inc. Inoshandiswa zviripamutemo.
“Biblica” is a trademark registered in the United States Patent and Trademark Office by Biblica, Inc. Used with permission.
Unofanirwa zvakare kuita kuti basa rawachinja riwanikwe pasi pe rezinesi yakafanana (CC BY-SA).
Kana iwe uchida kuzivisa Biblica, Inc. maererano neshanduro yako yebasa iri, taura nesu pa https://open.bible/contact-us .
This work is made available under the Creative Commons Attribution-ShareAlike 4‪.0 International License (CC BY-SA). To view a copy of this license, visit https://creativecommons.org/licenses/by-sa/4‪.0 or send a letter to Creative Commons, PO Box 1866, Mountain View, CA 94042, USA.
Biblica® is a trademark registered by Biblica, Inc., and use of the Biblica® trademark requires the written permission of Biblica, Inc. Under the terms of the CC BY-SA license, you may copy and redistribute this unmodified work as long as you keep the Biblica® trademark intact. If you modify a copy or translate this work, thereby creating a derivative work, you must remove the Biblica® trademark. On the derivative work, you must indicate what changes you have made and attribute the work as follows: “The original work by Biblica, Inc. is available for free at www.biblica.com and open.bible.”
‪
Notice of copyright must appear on the title or copyright page of the work as follows:
Biblica® Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi™
Kopakodzero © 2005, 2018 ne Biblica, Inc.
Biblica® Open Shona Contemporary Bible™
Copyright © 2005, 2018 by Biblica, Inc.
“Biblica” chiratidzo chekutengeserana chakanyoreswa mu United States uye chiratidzo chehofisi yeBiblica, Inc. Inoshandiswa zviripamutemo.
“Biblica” is a trademark registered in the United States Patent and Trademark Office by Biblica, Inc. Used with permission.
You must also make your derivative work available under the same license (CC BY-SA).
‪If you would like to notify Biblica, Inc. regarding your translation of this work, please contact us at https://open.bible/contact-us .
This translation is made available to you under the terms of the
Creative Commons Attribution Share-Alike license 4.0.
You have permission to share and redistribute this Bible translation in any format and to make reasonable revisions and adaptations of this translation, provided that:
You include the above copyright and source information.
If you make any changes to the text, you must indicate that you did so in a way that makes it clear that the original licensor is not necessarily endorsing your changes.
If you redistribute this text, you must distribute your contributions under the same license as the original.
Pictures included with Scriptures and other documents on this site are licensed just for use with those Scriptures and documents.
For other uses, please contact the respective copyright owners.
Note that in addition to the rules above, revising and adapting God's Word involves a great responsibility to be true to God's Word. See Revelation 22:18-19.
2023-04-14

Fonte: http://ebible.org/sna/ · eBible.org

Fale com a gente

Conte de onde você lê, como a Bíblia tem te ajudado ou o que podemos melhorar. Lemos todas as mensagens.