Marcos 5
Biblica® Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi 2017 · Toque num versículo para ver as referências cruzadas.
Kuporeswa kwoMurume Akanga Akabatwa naMadhimoni
1Vakayambuka mhiri kwegungwa kunyika yavaGerase. 2Jesu akati abuda mugwa, mumwe murume akanga ano mweya wakaipa akauya achibva kumakuva kuti azosangana naye. 3Murume uyu aigara kumakuva, uye kwakanga kusisina munhu aigona kumusungazve, kunyange kana nengetani. 4Nokuti kazhinji aisungwa maoko namakumbo, asi aidambura ngetani napakati uye achivhuna simbi dzaiva pamakumbo ake. Hakuna munhu aiva nesimba rokumukunda. 5Usiku namasikati aingochema uye achizvicheka-cheka namabwe ari pakati pamakuva uye nomuzvikomo.
6Akati aona Jesu achiri chinhambwe, akamhanya akandowira namabvi ake mberi kwake. 7Akadanidzira nenzwi riri pamusoro achiti, “Munodeiko kwandiri, Jesu, Mwanakomana waMwari Wokumusoro-soro? Pikai kuna Mwari kuti hamuzonditambudzi!” 8Nokuti Jesu akanga ati kwaari, “Buda mumunhu uyu, iwe mweya wakaipa!”
9Ipapo Jesu akamubvunza akati, “Zita rako ndiwe ani?”
Akapindura akati, “Zita rangu ndiRegioni, nokuti tiri vazhinji.” 10Uye akakumbira akumbirazve kuna Jesu kuti arege kuidzinga kubva munyika iyo.
11Boka guru renguruve raifura riri pazvikomo zvaiva pedyo nenzvimbo iyi. 12Madhimoni akakumbirisa kuna Jesu akati, “Titumei henyu pakati penguruve, titenderei henyu kuti tinopinda madziri.” 13Akaatendera, uye mweya yakaipa yakabuda ikaenda ikandopinda munguruve. Boka rinenge zviuru zviviri pakuwanda, rakamhanya richiburukira kumawere rikapinda mugungwa uye rikanyuramo.
14Vaya vakanga vachifudza nguruve vakatiza vakandozivisa izvi muguta nomumaruwa, uye vanhu vakabuda kuti vandoona zvakanga zvaitika. 15Vakati vasvika kuna Jesu, vakaona murume uya akanga akabatwa neRegioni ramadhimoni, agere ipapo, akapfeka uye ava munhu kwaye; uye vakatya. 16Vaya vakanga vazviona vakavaudza zvakanga zvaitika kumunhu akanga ambobatwa namadhimoni, uye vakataura nezvenguruvewo. 17Ipapo vanhu vakatanga kukumbira Jesu kuti abve munyika yavo.
18Jesu paakanga opinda mugwa, munhu akanga akabatwa namadhimoni akakumbira zvikuru kuti aende naye. 19Jesu haana kumutendera, asi akati kwaari, “Chienda kumba kumhuri yako undovaudza zvawaitirwa naShe, uye kuti akunzwira ngoni sei.” 20Saka murume uyu akabva akaenda uye akatanga kutaura muDhekapori zvinhu zvikuru zvaakanga aitirwa naJesu. Uye vanhu vose vakashamiswa.
Musikana Akanga Afa, noMukadzi Airwara
21Jesu akati ayambukazve mhiri negwa kuno rumwe rutivi rwegungwa, vazhinji zhinji vakaungana vakamukomberedza paakanga ari pagungwa. 22Ipapo mumwe wavabati vomusinagoge, ainzi Jairosi, akasvikapo. Paakaona Jesu akawira patsoka dzake 23uye akamukumbirisa zvikuru achiti, “Mwanasikana wangu mudiki ava kufa. Ndapota uyai muise maoko enyu pamusoro pake kuti agoporeswa uye ararame.” 24Saka Jesu akaenda naye.
Vazhinji zhinji vakatevera vachimanikidzirana. 25Uye pakanga pano mukadzi aiva nechirwere chokubuda ropa kwamakore gumi namaviri. 26Akanga atambudzika zvikuru uye achirapwa navanachiremba vazhinji uye akanga apedza zvose zvaaiva nazvo, asi pachinzvimbo chokuva nani akatonyanyisa kurwara. 27Akati anzwa nezvaJesu, akauya mushure make mukati mavazhinji uye akabata nguo yake, 28nokuti akati mumwoyo make, “Kana ndikangobata nguo dzake, ndichaporeswa.” 29Pakarepo tsime reropa rake rakapwa uye akanzwa mumuviri wake kuti akanga asunungurwa kubva pakutambudzika kwake.
30Pakarepo Jesu akanzwa kuti simba rakanga rabuda maari. Akatendeukira kuruzhinji rwavanhu akabvunza achiti, “Ndianiko abata nguo dzangu?”
31Vadzidzi vake vakati, “Muri kuona vanhu vachikutsimbirirai, zvino moti, ‘Ndianiko andibata?’ ”
32Asi Jesu akaramba achitarisa-tarisa kuti aone kuti ndiani akanga aita izvozvo. 33Ipapo mukadzi, achiziva zvakanga zvaitika kwaari, akauya akawira patsoka dzake, uye achidedera nokutya, akamuudza chokwadi chose. 34Iye akati kwaari, “Mwanasikana, kutenda kwako kwakuporesa. Enda norugare uye usunungurwe pakutambudzika kwako.”
35Jesu achiri kutaura, vamwe varume vakauya vachibva kumba kwaJairosi, mukuru wesinagoge. Vakati, “Mwanasikana wenyu afa. Muchanetsereiko mudzidzisi?”
36Asina hanya nezvavakanga vataura, Jesu akati kumukuru wesinagoge, “Usatya; tenda bedzi.”
37Haana kutendera mumwe munhu kuti amutevere kunze kwaPetro, Jakobho naJohani mununʼuna waJakobho. 38Vakati vasvika pamba pomukuru wesinagoge, Jesu akanzwa mheremhere, vanhu vachichema nokuungudza zvikuru. 39Akapinda akati kwavari, “Ko, mheremhere ndeyeiko nokuungudza uku? Mwana haana kufa asi avete.” 40Asi vakamuseka.
Mushure mokunge avabudisa vose panze, akatora baba namai vomwana navadzidzi vaakanga anavo, akapinda makanga muno mwana. 41Akamubata noruoko akati kwaari, “Tarita kumi!” (zvichireva kuti, “Musikana, ndinoti kwauri, muka!”) 42Pakarepo musikana akasimuka akafamba-famba (akanga ana makore gumi namaviri okuberekwa). Nokuda kwaizvozvi, vakashamiswa zvikuru. 43Akarayira nokurayira kukuru kuti parege kuva nomunhu anoziva nezvazvo, uye akavaudza kuti vamupe zvokudya.

Você sabia?
Restauração nas duas margens do mar
- Marcos diz que desembarcaram na região dos gerasenos, e o homem liberto anunciou então por toda a Decápolis quanto Jesus tinha feito por ele. A Decápolis era um distrito de dez cidades a leste e sudeste do Mar da Galileia, habitado sobretudo por gregos, e Gadara era uma delas. Um título de fonte também chama o episódio de endemoninhados gadarenos, um nome de lugar diferente dos gerasenos de Marcos.Fontes: o próprio texto bíblico · Decapolis · Gadarene Demoniacs
- Na outra margem, um chefe da sinagoga chamado Jairo suplicou a Jesus que fosse até sua filhinha. O Easton's Bible Dictionary (1897) o identifica como dirigente da sinagoga de Cafarnaum, cuja única filha Jesus restituiu à vida. Marcos registra “Talitha koum”, explicado como “Menina, eu te digo: levanta-te!”; o dicionário cita “Talitha cumi”, “Moça, levanta-te”, e diz que Jesus mandou dar-lhe comida para fortalecê-la e mostrar que não era um fantasma, mas que havia voltado à vida comum.Fontes: o próprio texto bíblico · Jairus
- Jesus permitiu que apenas Pedro, Tiago e João entrassem com o pai e a mãe da menina. O Easton's Bible Dictionary (1897) descreve Tiago como pescador, filho de Zebedeu e irmão mais velho de João, em sociedade com Pedro, e observa que ele estava presente quando Jesus levantou a filha de Jairo.Fontes: o próprio texto bíblico · James (Son of Zebedee)
Notas escritas com auxílio de IA a partir de fontes abertas (Theographic Bible Metadata, CC BY-SA 4.0; Easton’s Bible Dictionary, domínio público) e revisadas antes de publicar.
Lugares deste capítulo
Só aparecem lugares com identificação de alta confiança (90% ou mais segundo as fontes acadêmicas reunidas pelo OpenBible). Mapa da época: DARE (Digital Atlas of the Roman Empire), CC BY 4.0; mapa atual: © colaboradores do OpenStreetMap; lugares: OpenBible.info (CC BY 4.0).
Créditos e licença desta tradução
Biblica® Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi 2017 The Holy Bible in the Shona language of Zimbabwe: Biblica® Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi 2017 copyright © 2005, 2018 Biblica, Inc. Language: chiShona Contributor: Biblica, Inc. Biblica® Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi™ Kopakodzero © 2005, 2018 ne Biblica, Inc. Biblica® Open Shona Contemporary Bible™ Copyright © 2005, 2018 by Biblica, Inc. “Biblica” chiratidzo chekutengeserana chakanyoreswa mu United States uye chiratidzo chehofisi yeBiblica, Inc. Inoshandiswa zviripamutemo. “Biblica” is a trademark registered in the United States Patent and Trademark Office by Biblica, Inc. Used with permission. Creative Commons License Iri basa rinowanikwa pasi peCreative Commons Attribution-ShareAlike 4.0 International License (CC BY-SA). Kuti utarise kopi yeiri rezinesi, shanyira https://creativecommons.org/licenses/by-sa/4.0 kana kutumira tsamba kuCreative Commons, PO Box 1866, Mountain View, CA 94042, USA. Biblica® chiratidzo chinozikanwa chakanyorwa neBiblica, Inc., uye kushandiswa kwechiratidzo cheBiblica® kunoda mvumo yakanyorwa yeBiblica, Inc. Pasi pemitemo ye rizinesi re CC BY-SA, unogona kuteedzera uye kugovera patsva basa iri risina kugadziridzwa bedzi kana uchichengetedza chiratidzo che Biblica®. Kana iwe ukachinja kopi kana kushandura iri basa, nokudaro uchigadzira rimwe basa, unofanira kubvisa chiratidzo cheBiblica®. Pabasa rakatorwa, unofanirwa kuratidza shanduko dzawakaita uye woratidza sezvinotevera: “Basa rekutanga reBiblica, Inc. rinowanikwa mahara pa www.biblica.com uye nepa open.bible.” Cherechedzo yekopakodzero inofanirwa kuoneka pamusoro wenyaya kana peji rekopakodzero sezvinotevera: Biblica® Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi™ Kopakodzero © 2005, 2018 ne Biblica, Inc. Biblica® Open Shona Contemporary Bible™ Copyright © 2005, 2018 by Biblica, Inc. “Biblica” chiratidzo chekutengeserana chakanyoreswa mu United States uye chiratidzo chehofisi yeBiblica, Inc. Inoshandiswa zviripamutemo. “Biblica” is a trademark registered in the United States Patent and Trademark Office by Biblica, Inc. Used with permission. Unofanirwa zvakare kuita kuti basa rawachinja riwanikwe pasi pe rezinesi yakafanana (CC BY-SA). Kana iwe uchida kuzivisa Biblica, Inc. maererano neshanduro yako yebasa iri, taura nesu pa https://open.bible/contact-us . This work is made available under the Creative Commons Attribution-ShareAlike 4.0 International License (CC BY-SA). To view a copy of this license, visit https://creativecommons.org/licenses/by-sa/4.0 or send a letter to Creative Commons, PO Box 1866, Mountain View, CA 94042, USA. Biblica® is a trademark registered by Biblica, Inc., and use of the Biblica® trademark requires the written permission of Biblica, Inc. Under the terms of the CC BY-SA license, you may copy and redistribute this unmodified work as long as you keep the Biblica® trademark intact. If you modify a copy or translate this work, thereby creating a derivative work, you must remove the Biblica® trademark. On the derivative work, you must indicate what changes you have made and attribute the work as follows: “The original work by Biblica, Inc. is available for free at www.biblica.com and open.bible.” Notice of copyright must appear on the title or copyright page of the work as follows: Biblica® Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi™ Kopakodzero © 2005, 2018 ne Biblica, Inc. Biblica® Open Shona Contemporary Bible™ Copyright © 2005, 2018 by Biblica, Inc. “Biblica” chiratidzo chekutengeserana chakanyoreswa mu United States uye chiratidzo chehofisi yeBiblica, Inc. Inoshandiswa zviripamutemo. “Biblica” is a trademark registered in the United States Patent and Trademark Office by Biblica, Inc. Used with permission. You must also make your derivative work available under the same license (CC BY-SA). If you would like to notify Biblica, Inc. regarding your translation of this work, please contact us at https://open.bible/contact-us . This translation is made available to you under the terms of the Creative Commons Attribution Share-Alike license 4.0. You have permission to share and redistribute this Bible translation in any format and to make reasonable revisions and adaptations of this translation, provided that: You include the above copyright and source information. If you make any changes to the text, you must indicate that you did so in a way that makes it clear that the original licensor is not necessarily endorsing your changes. If you redistribute this text, you must distribute your contributions under the same license as the original. Pictures included with Scriptures and other documents on this site are licensed just for use with those Scriptures and documents. For other uses, please contact the respective copyright owners. Note that in addition to the rules above, revising and adapting God's Word involves a great responsibility to be true to God's Word. See Revelation 22:18-19. 2023-04-14
Fonte: http://ebible.org/sna/ · eBible.org