Nations Bible

Mateus 23

Biblica® Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi 2017 · Toque num versículo para ver as referências cruzadas.

Jesu Anotuka Vanyori nevaFarisi

1Ipapo Jesu akataura kuvanhu vazhinji nokuvadzidzi vake achiti, 2“Vadzidzisi vomurayiro navaFarisi vagere pachigaro chaMozisi. 3Saka munofanira kuvateerera muite zvinhu zvose zvavanokuudzai. Asi musaita zvavanoita, nokuti havaiti zvavanoparidza. 4Vanosunga mitoro inorema voitakudza pamafudzi avanhu, asi ivo pachavo havadi kusimudza munwe kuti vaibvise.

5“Vanoita zvinhu zvose kuti vaonekwe navanhu. Vanotambanudza mafirakiteri avo uye vanorebesa pfunha dzenguo dzavo. 6Vanoda zvigaro zvapamberi pamitambo nezvigaro zvapamusoro-soro mumasinagoge. 7Vanofarira kukwaziswa pamisika uye kuti vanzi ‘Rabhi’ navanhu.

8“Asi imi hamufaniri kunzi ‘Rabhi’ nokuti munongova naTenzi mumwe chete uye mose muri hama. 9Musadana ani zvake ari panyika muchiti, ‘Baba’ nokuti munongova naBaba vamwe chete uye vari kudenga. 10Uye musadaidzwa muchinzi ‘mudzidzisi’ nokuti muno Mudzidzisi mumwe chete iye Kristu. 11Mukuru pakati penyu ndiye achava muranda wenyu. 12Nokuti ani naani anozvikudza achaninipiswa uye ani naani anozvininipisa achakudzwa.

13“Mune nhamo imi vadzidzisi vomurayiro nemi vaFarisi, vanyengeri! Nokuti munopfigira vanhu umambo hwedenga vachizviona. Imi pachenyu hamupindi, uye vaya vanoedza kupinda hamuvatenderi. 14Mune nhamo imi vadzidzisi vomurayiro nemi vaFarisi, vanyengeri! Munoparadza dzimba dzechirikadzi, uye munoita minyengetero mirefu kuti muonekwe. Naizvozvo muchatongwa zvakaomesesa.

15“Mune nhamo imi vadzidzisi vomurayiro nemi vaFarisi, vanyengeri! Munofamba panyika napamakungwa kuti mutendeutse munhu mumwe chete. Kana atendeuka munomuita mwanakomana wegehena kakapetwa kaviri panemi.

16“Mune nhamo imi vatungamiri mapofu! Imi munoti, ‘Kana munhu akapika netemberi, hazvina hazvo mhosva, asi kana munhu akapika negoridhe romutemberi anosungwa nemhiko yake.’ 17Imi mapenzi amapofu! Chikuru chii: Goridhe netemberi inoita kuti goridhe rive dzvene? 18Uyezve imi munoti, ‘Kana munhu upi zvake akapika nearitari hazvirevi chinhu, asi kana munhu upi zvake akapika nechipo chiri pairi, asungwa nemhiko yake.’ 19Imi mapofu! Chikuru chii: Chipo kana kuti aritari inoita kuti chipo chive chitsvene? 20Naizvozvo, uyo anopika nearitari anopika nayo nezvose zviri pairi. 21Uye uyo anopika netemberi anopika nayo uye naiye anogara mairi. 22Uye uyo anopika nedenga anopika nechigaro choushe chaMwari uye naiye anogara pachiri.

23“Mune nhamo imi vadzidzisi vomurayiro nemi vaFarisi, imi vanyengeri! Munopa chegumi chezvose zvinonhuhwira zvinoti: mindi, anisi nekumini. Asi munoshaya hanya nezvinhu zvinokosha zvomurayiro zvinoti: kururamisira, ngoni nokutendeka. Maifanira kuita izviwo musingakanganwi zvokutanga. 24Imi vatungamiri mapofu, munomimina nyunyu asi muchimedza ngamera.

25“Mune nhamo imi vadzidzisi vomurayiro nemi vaFarisi, imi vanyengeri! Munosuka mikombe nendiro kunze asi mukati menyu muzere namakaro nokusazvidzora. 26Iwe bofu romuFarisi! Tanga wachenesa mukati momukombe nendiro, uye ipapo kunze kwazvo kuchachenawo.

27“Mune nhamo imi vadzidzisi vomurayiro nemi vaFarisi, imi vanyengeri! Makafanana namakuva akacheneswa kunze anoratidzika kuva akanaka kunze asi mukati muzere mapfupa avanhu vakafa nezvinhu zvose zvine tsvina. 28Nenzira imwe cheteyo, munoonekwa navanhu kunze semakarurama asi mukati menyu muzere nounyengeri uye nohuipi.

29“Mune nhamo imi vadzidzisi vomurayiro nemi vaFarisi, imi vanyengeri! Munovaka makuva avaprofita nokushongedza makuva avakarurama. 30Uye moti, ‘Dai takanga tararama pamazuva amadzitateguru edu, tingadai tisina kubatsirana navo pakuteura ropa ravaprofita.’ 31Saka muri kuzvipupurira pachenyu kuti muri zvizvarwa zvaivavo vakaponda vaprofita. 32Zvino chizadzisai chiyero chechivi chamadzitateguru enyu!

33“Imi nyoka! Imi vana venyoka! Muchatiza seiko kutongwa kunokuendesai kugehena? 34Naizvozvo ndiri kukutumirai vaprofita navachenjeri navadzidzisi. Vamwe vavo muchavauraya uye muchavaroverera pamuchinjikwa; vamwe muchavarova mumasinagoge enyu uye muchavadzingirira kubva kune rimwe guta kusvikira kune rimwe guta. 35Uye nokudaro, ropa ravakarurama vose rakateurwa panyika richauya pamusoro penyu kubvira paropa raAbheri akanga akarurama kusvikira paropa raZekaria mwanakomana waBherekia uyo wamakauraya pakati petemberi nearitari. 36Ndinokuudzai chokwadi kuti zvose izvi zvichava pamusoro porudzi urwu.

37“Iwe Jerusarema, Jerusarema! Iwe unouraya vaprofita nokutaka namabwe avo vanotumirwa kwauri, kazhinji sei kandaidisa kuunganidza vana vako sezvinoita nhunzvi yehuku inounganidza hukwana dzayo pasi pamapapiro ayo. 38Tarira, wasiyirwa imba yako yangova dongo. 39Ndinokuudza kuti, hauchazondionizve kusvikira wati, ‘Akaropafadzwa anouya muzita raIshe.’ ”

Você sabia?

Os ais de Jesus e o lamento por Jerusalém

  • Jesus fala do sangue justo derramado desde Abel, o segundo filho de Adão e Eva, a quem seu irmão Caim matou, até Zacarias, filho de Baraquias, assassinado entre o templo e o altar. Um relato relacionado diz que isso alude a Zacarias, filho ou neto do sumo sacerdote Joiada, que foi apedrejado no pátio do templo por ordem do rei, depois de condenar o rei e o povo.Fontes: o próprio texto bíblico · Abel · Zacharias · Jehoiada
  • Jesus compara seu anseio de reunir os filhos de Jerusalém a uma galinha que ajunta os pintinhos debaixo das asas. Uma nota de dicionário diz que essa ave conhecida era comum entre os judeus da Palestina em tempos posteriores e que ela só é mencionada neste lamento e no lamento semelhante de Lucas.Fontes: o próprio texto bíblico · Josiah
  • O lamento é dirigido a Jerusalém, uma cidade nas montanhas cujo nome se explica como “possessão de paz” ou “fundamento de paz”. A forma dual do nome provavelmente se refere aos dois montes sobre os quais ela foi construída, Sião e Moriá, ou, como alguns supõem, às partes alta e baixa da cidade. Jesus diz que a cidade mata os profetas e apedreja os que lhe são enviados, e que a casa dela lhe fica desolada.Fontes: o próprio texto bíblico · Jerusalem

Notas escritas com auxílio de IA a partir de fontes abertas (Theographic Bible Metadata, CC BY-SA 4.0; Easton’s Bible Dictionary, domínio público) e revisadas antes de publicar.

Lugares deste capítulo

  • Jerusalem · 31.777, 35.234 · versículo 37

Só aparecem lugares com identificação de alta confiança (90% ou mais segundo as fontes acadêmicas reunidas pelo OpenBible). Mapa da época: DARE (Digital Atlas of the Roman Empire), CC BY 4.0; mapa atual: © colaboradores do OpenStreetMap; lugares: OpenBible.info (CC BY 4.0).

Créditos e licença desta tradução
Biblica® Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi 2017
The Holy Bible in the Shona language of Zimbabwe: Biblica® Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi 2017
copyright © 2005, 2018 Biblica, Inc.
Language: chiShona
Contributor: Biblica, Inc.
Biblica® Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi™
Kopakodzero © 2005, 2018 ne Biblica, Inc.
Biblica® Open Shona Contemporary Bible™
Copyright © 2005, 2018 by Biblica, Inc.
“Biblica” chiratidzo chekutengeserana chakanyoreswa mu United States uye chiratidzo chehofisi yeBiblica, Inc. Inoshandiswa zviripamutemo.
“Biblica” is a trademark registered in the United States Patent and Trademark Office by Biblica, Inc. Used with permission.
Creative Commons License
Iri basa rinowanikwa pasi peCreative Commons Attribution-ShareAlike 4.0 International License (CC BY-SA). Kuti utarise kopi yeiri rezinesi, shanyira https://creativecommons.org/licenses/by-sa/4.0 kana kutumira tsamba kuCreative Commons, PO Box 1866, Mountain View, CA 94042, USA.
Biblica® chiratidzo chinozikanwa chakanyorwa neBiblica, Inc., uye kushandiswa kwechiratidzo cheBiblica® kunoda mvumo yakanyorwa yeBiblica, Inc. Pasi pemitemo ye rizinesi re CC BY-SA, unogona kuteedzera uye kugovera patsva basa iri risina kugadziridzwa bedzi kana uchichengetedza chiratidzo che Biblica®. Kana iwe ukachinja kopi kana kushandura iri basa, nokudaro uchigadzira rimwe basa, unofanira kubvisa chiratidzo cheBiblica®. Pabasa rakatorwa, unofanirwa kuratidza shanduko dzawakaita uye woratidza sezvinotevera: “Basa rekutanga reBiblica, Inc. rinowanikwa mahara pa www.biblica.com uye nepa open.bible.”
‪
Cherechedzo yekopakodzero inofanirwa kuoneka pamusoro wenyaya kana peji rekopakodzero sezvinotevera:
Biblica® Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi™
Kopakodzero © 2005, 2018 ne Biblica, Inc.
Biblica® Open Shona Contemporary Bible™
Copyright © 2005, 2018 by Biblica, Inc.
“Biblica” chiratidzo chekutengeserana chakanyoreswa mu United States uye chiratidzo chehofisi yeBiblica, Inc. Inoshandiswa zviripamutemo.
“Biblica” is a trademark registered in the United States Patent and Trademark Office by Biblica, Inc. Used with permission.
Unofanirwa zvakare kuita kuti basa rawachinja riwanikwe pasi pe rezinesi yakafanana (CC BY-SA).
Kana iwe uchida kuzivisa Biblica, Inc. maererano neshanduro yako yebasa iri, taura nesu pa https://open.bible/contact-us .
This work is made available under the Creative Commons Attribution-ShareAlike 4‪.0 International License (CC BY-SA). To view a copy of this license, visit https://creativecommons.org/licenses/by-sa/4‪.0 or send a letter to Creative Commons, PO Box 1866, Mountain View, CA 94042, USA.
Biblica® is a trademark registered by Biblica, Inc., and use of the Biblica® trademark requires the written permission of Biblica, Inc. Under the terms of the CC BY-SA license, you may copy and redistribute this unmodified work as long as you keep the Biblica® trademark intact. If you modify a copy or translate this work, thereby creating a derivative work, you must remove the Biblica® trademark. On the derivative work, you must indicate what changes you have made and attribute the work as follows: “The original work by Biblica, Inc. is available for free at www.biblica.com and open.bible.”
‪
Notice of copyright must appear on the title or copyright page of the work as follows:
Biblica® Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi™
Kopakodzero © 2005, 2018 ne Biblica, Inc.
Biblica® Open Shona Contemporary Bible™
Copyright © 2005, 2018 by Biblica, Inc.
“Biblica” chiratidzo chekutengeserana chakanyoreswa mu United States uye chiratidzo chehofisi yeBiblica, Inc. Inoshandiswa zviripamutemo.
“Biblica” is a trademark registered in the United States Patent and Trademark Office by Biblica, Inc. Used with permission.
You must also make your derivative work available under the same license (CC BY-SA).
‪If you would like to notify Biblica, Inc. regarding your translation of this work, please contact us at https://open.bible/contact-us .
This translation is made available to you under the terms of the
Creative Commons Attribution Share-Alike license 4.0.
You have permission to share and redistribute this Bible translation in any format and to make reasonable revisions and adaptations of this translation, provided that:
You include the above copyright and source information.
If you make any changes to the text, you must indicate that you did so in a way that makes it clear that the original licensor is not necessarily endorsing your changes.
If you redistribute this text, you must distribute your contributions under the same license as the original.
Pictures included with Scriptures and other documents on this site are licensed just for use with those Scriptures and documents.
For other uses, please contact the respective copyright owners.
Note that in addition to the rules above, revising and adapting God's Word involves a great responsibility to be true to God's Word. See Revelation 22:18-19.
2023-04-14

Fonte: http://ebible.org/sna/ · eBible.org

Fale com a gente

Conte de onde você lê, como a Bíblia tem te ajudado ou o que podemos melhorar. Lemos todas as mensagens.