Levítico 24
Biblica® Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi 2017 · Toque num versículo para ver as referências cruzadas.
Mafuta nechingwa zvinoiswa pamberi paJehovha
1Jehovha akati kuna Mozisi, 2“Rayira vaIsraeri kuti vauye kwauri namafuta akaisvonaka amaorivhi akasvinwa, omwenje, kuitira kuti mwenje irambe ichibvira nguva dzose. 3Kunze kwechidzitiro cheChipupuriro muTende Rokusangana, Aroni anofanira kuchengetedza mwenje iyi pamberi paJehovha kubva manheru kusvikira kwaedza, nguva dzose. Uyu unofanira kuva murayiro unogara nokusingaperi kuzvizvarwa zvichauya. 4Mwenje iri pachigadziko chomwenje chegoridhe rakaisvonaka chiri pamberi paJehovha inofanira kuchengetedzwa nguva dzose.
5“Torai upfu hwakatsetseka mugobika zvingwa gumi nezviviri muchishandisa zvikamu zviviri kubva mugumi zveefa pachingwa chimwe nechimwe. 6Zviisei mumitsara miviri, zvitanhatu mumutsara mumwe nomumwe, patafura yegoridhe rakaisvonaka pamberi paJehovha. 7Pamutsetse mumwe nomumwe isai zvinonhuhwira zvive chirangaridzo chinomirira chingwa uye zvive chipiriso chinoitirwa Jehovha nomoto. 8Chingwa ichi chinofanira kuiswa pamberi paJehovha nguva nenguva, Sabata neSabata zvakamirira vaIsraeri sesungano inogara nokusingaperi. 9NdechaAroni navanakomana vake, vanofanira kuchidyira munzvimbo tsvene, nokuti ichi chikamu chitsvene-tsvene chezvipiriso zvavo zvenguva nenguva zvinoitirwa Jehovha nomoto.”
Akatuka Jehovha akatakwa namabwe
10Zvino mwanakomana wavamwe mai vechiIsraeri uye baba vake vari vechiIjipita, akafamba pakati pavana vaIsraeri, uye mwanakomana womukadzi muIsraeri akarwa nomurume muIsraeri mumusasa. 11Mwanakomana womukadzi muIsraeri akatuka Zita raJehovha nechituko; naizvozvo vakauya naye kuna Mozisi. (Zita ramai vake rainzi Sheromiti, mwanasikana waDhibhiri worudzi rwaDhani.) 12Vakamuisa mutorongo kusvikira kuda kwaJehovha kwaiswa pachena kwavari.
13Ipapo Jehovha akati kuna Mozisi, 14“Tora mutuki uende naye kunze kwomusasa. Vose vakamunzwa vanofanira kuisa maoko avo pamusoro wake uye ungano yose inofanira kumutaka namabwe. 15Uti kuvaIsraeri, ‘Kana munhu upi zvake akatuka Mwari wake achava nemhosva; 16ani naani anotuka zita raJehovha anofanira kuurayiwa. Ungano yose inofanira kumutaka namabwe. Kunyange ari mutorwa kana chizvarwa chenyu, akatuka Zita raJehovha anofanira kuurayiwa.
17“ ‘Ani naani anouraya munhu, anofanira kuurayiwa. 18Munhu wose anouraya chipfuwo chomumwe munhu anofanira kuripa, upenyu hunotsiviwa noupenyu. 19Kana munhu akakuvadza muvakidzani wake, zvose zvaaita zvinofanira kuitwa kwaari. 20Kutyora kunotsiviwa nokutyora, ziso rinotsiviwa neziso, zino rinotsiviwa nezino. Sezvaakuvadza mumwe saka naiye anofanira kukuvadzwa. 21Ani naani anouraya mhuka anofanira kuripa asi ani naani anouraya munhu anofanira kuurayiwa. 22Munofanira kuva nomutemo mumwe chete pamutorwa napachizvarwa chemo. Ndini Jehovha Mwari wenyu.’ ”
23Ipapo Mozisi akataura navaIsraeri, vakatora mutuki vakaenda naye kunze kwomusasa, vakamutaka namabwe akafa. VaIsraeri vakaita sezvakarayirwa Mozisi naJehovha.

Você sabia?
As Lâmpadas do Tabernáculo, os Pães e a Igualdade na Lei
- Arão recebeu a ordem de cuidar do candelabro de ouro puro fora do véu do Testemunho, desde a tarde até a manhã, usando azeite puro de olivas prensadas trazido pelos israelitas. Ao lado do candelabro ficava uma mesa de ouro puro com doze pães dispostos em duas fileiras com incenso puro, renovados a cada sábado e consumidos exclusivamente por Arão e seus filhos em lugar sagrado.Fontes: o próprio texto bíblico · Aaron
- Uma disputa no acampamento envolveu um homem cuja mãe, Selomite, filha de Dibri, pertencia à tribo de Dã, enquanto seu pai era egípcio. Quando o homem blasfemou o Nome durante uma briga, foi mantido sob custódia até que Moisés recebesse instrução divina sobre como aplicar a justiça.Fontes: o próprio texto bíblico · Shelomith · Dibri · Dan
- A decisão legal apresentada nesta passagem estabeleceu que o mesmo padrão de justiça se aplicava igualmente ao estrangeiro residente e ao natural da terra. Também reiterou o princípio da justiça proporcional, sintetizado como fratura por fratura, olho por olho e dente por dente.Fontes: o próprio texto bíblico
Notas escritas com auxílio de IA a partir de fontes abertas (Theographic Bible Metadata, CC BY-SA 4.0; Easton’s Bible Dictionary, domínio público) e revisadas antes de publicar.
Créditos e licença desta tradução
Biblica® Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi 2017 The Holy Bible in the Shona language of Zimbabwe: Biblica® Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi 2017 copyright © 2005, 2018 Biblica, Inc. Language: chiShona Contributor: Biblica, Inc. Biblica® Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi™ Kopakodzero © 2005, 2018 ne Biblica, Inc. Biblica® Open Shona Contemporary Bible™ Copyright © 2005, 2018 by Biblica, Inc. “Biblica” chiratidzo chekutengeserana chakanyoreswa mu United States uye chiratidzo chehofisi yeBiblica, Inc. Inoshandiswa zviripamutemo. “Biblica” is a trademark registered in the United States Patent and Trademark Office by Biblica, Inc. Used with permission. Creative Commons License Iri basa rinowanikwa pasi peCreative Commons Attribution-ShareAlike 4.0 International License (CC BY-SA). Kuti utarise kopi yeiri rezinesi, shanyira https://creativecommons.org/licenses/by-sa/4.0 kana kutumira tsamba kuCreative Commons, PO Box 1866, Mountain View, CA 94042, USA. Biblica® chiratidzo chinozikanwa chakanyorwa neBiblica, Inc., uye kushandiswa kwechiratidzo cheBiblica® kunoda mvumo yakanyorwa yeBiblica, Inc. Pasi pemitemo ye rizinesi re CC BY-SA, unogona kuteedzera uye kugovera patsva basa iri risina kugadziridzwa bedzi kana uchichengetedza chiratidzo che Biblica®. Kana iwe ukachinja kopi kana kushandura iri basa, nokudaro uchigadzira rimwe basa, unofanira kubvisa chiratidzo cheBiblica®. Pabasa rakatorwa, unofanirwa kuratidza shanduko dzawakaita uye woratidza sezvinotevera: “Basa rekutanga reBiblica, Inc. rinowanikwa mahara pa www.biblica.com uye nepa open.bible.” Cherechedzo yekopakodzero inofanirwa kuoneka pamusoro wenyaya kana peji rekopakodzero sezvinotevera: Biblica® Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi™ Kopakodzero © 2005, 2018 ne Biblica, Inc. Biblica® Open Shona Contemporary Bible™ Copyright © 2005, 2018 by Biblica, Inc. “Biblica” chiratidzo chekutengeserana chakanyoreswa mu United States uye chiratidzo chehofisi yeBiblica, Inc. Inoshandiswa zviripamutemo. “Biblica” is a trademark registered in the United States Patent and Trademark Office by Biblica, Inc. Used with permission. Unofanirwa zvakare kuita kuti basa rawachinja riwanikwe pasi pe rezinesi yakafanana (CC BY-SA). Kana iwe uchida kuzivisa Biblica, Inc. maererano neshanduro yako yebasa iri, taura nesu pa https://open.bible/contact-us . This work is made available under the Creative Commons Attribution-ShareAlike 4.0 International License (CC BY-SA). To view a copy of this license, visit https://creativecommons.org/licenses/by-sa/4.0 or send a letter to Creative Commons, PO Box 1866, Mountain View, CA 94042, USA. Biblica® is a trademark registered by Biblica, Inc., and use of the Biblica® trademark requires the written permission of Biblica, Inc. Under the terms of the CC BY-SA license, you may copy and redistribute this unmodified work as long as you keep the Biblica® trademark intact. If you modify a copy or translate this work, thereby creating a derivative work, you must remove the Biblica® trademark. On the derivative work, you must indicate what changes you have made and attribute the work as follows: “The original work by Biblica, Inc. is available for free at www.biblica.com and open.bible.” Notice of copyright must appear on the title or copyright page of the work as follows: Biblica® Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi™ Kopakodzero © 2005, 2018 ne Biblica, Inc. Biblica® Open Shona Contemporary Bible™ Copyright © 2005, 2018 by Biblica, Inc. “Biblica” chiratidzo chekutengeserana chakanyoreswa mu United States uye chiratidzo chehofisi yeBiblica, Inc. Inoshandiswa zviripamutemo. “Biblica” is a trademark registered in the United States Patent and Trademark Office by Biblica, Inc. Used with permission. You must also make your derivative work available under the same license (CC BY-SA). If you would like to notify Biblica, Inc. regarding your translation of this work, please contact us at https://open.bible/contact-us . This translation is made available to you under the terms of the Creative Commons Attribution Share-Alike license 4.0. You have permission to share and redistribute this Bible translation in any format and to make reasonable revisions and adaptations of this translation, provided that: You include the above copyright and source information. If you make any changes to the text, you must indicate that you did so in a way that makes it clear that the original licensor is not necessarily endorsing your changes. If you redistribute this text, you must distribute your contributions under the same license as the original. Pictures included with Scriptures and other documents on this site are licensed just for use with those Scriptures and documents. For other uses, please contact the respective copyright owners. Note that in addition to the rules above, revising and adapting God's Word involves a great responsibility to be true to God's Word. See Revelation 22:18-19. 2023-04-14
Fonte: http://ebible.org/sna/ · eBible.org