Nations Bible

Levítico 16

Biblica® Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi 2017 · Toque num versículo para ver as referências cruzadas.

Zuva roKuyananisira

1Jehovha akataura naMozisi mushure mokufa kwavanakomana vaAroni vaviri avo vakafa pavakaswedera kuna Jehovha. 2Jehovha akati kuna Mozisi, “Udza mukoma wako Aroni kuti asangopinda paanodira muNzvimbo Tsvene-tsvene kuseri kwechidzitiro pamberi pechigaro chenyasha paareka, nokuti angangofa, nokuti ndinozviratidza mugore pamusoro pechigaro chenyasha.

3“Aya ndiwo mapindiro anofanira kuita Aroni munzvimbo tsvene: apinde nehando diki yechipiriso chechivi uye negondobwe rechipiriso chinopiswa. 4Anofanira kupfeka nguo tsvene yomucheka, nguo dzomukati dzomucheka pamuviri wake; anofanira kusunga bhanhire romucheka muchiuno chake agopfeka nguwani yomucheka. Idzi ndidzo nguo tsvene, saka anofanira kushamba nemvura asati adzipfeka. 5Kubva kuungano yavaIsraeri anofanira kutora nhongo mbiri dzechipiriso chechivi uye negondobwe rechipiriso chinopiswa.

6“Aroni anofanira kupa hando yechipiriso chechivi chake kuti azviyananisire iye nemhuri yake. 7Ipapo anofanira kutora mbudzi mbiri agouya nadzo pamberi paJehovha pamusuo weTende Rokusangana. 8Anofanira kukanda mijenya pambudzi mbiri idzi, mumwe mujenya waJehovha nomumwe wembudzi yokutakudzwa. 9Aroni anofanira kuuya nembudzi yakabatwa nomujenya waJehovha agoibayira sechipiriso chechivi. 10Asi mbudzi inosarudzwa nomujenya sembudzi yokutakudzwa ichauyiswa iri mhenyu pamberi paJehovha igoshandiswa pakuyananisira, icharegedzwa ichienda kurenje sembudzi yokutakudzwa.

11“Aroni anofanira kuuya nehando yake yechipiriso chake chechivi, kuti azviyananisire iye nemhuri yake, uye anofanira kubaya hando yechipiriso chake chechivi. 12Anofanira kutora hadyana yakazara namazimbe ari kubvira kubva paaritari pamberi paJehovha nezvanza zviviri zvezvinonhuhwira zvakatsetseka agoenda nazvo seri kwechidzitiro. 13Anofanira kuisa zvinonhuhwira pamusoro pomoto pamberi paJehovha, uye utsi hwezvinonhuhwira huchafukidza chigaro chenyasha pamusoro peChipupuriro, kuti asafa. 14Anofanira kutora rimwe ropa rehando uye nomunwe wake agorisasa pamberi pechigaro chenyasha.

15“Ipapo anofanira kubaya mbudzi yechipiriso chechivi chavanhu agotora agoenda neropa racho seri kwechidzitiro agoita naro sezvaakaita neropa rehando. Acharisasa pachigaro chenyasha napamberi pacho. 16Nenzira iyi achayananisira Nzvimbo Tsvene-tsvene nokuda kwokudarika uye nokumukira kwavaIsraeri, zvisinei kuti zvivi zvavo zvanga zviri zvipi. Anofanira kuitira Tende Rokusangana zvimwe chetezvo, iro riri pakati pavo, pakati pokusachena kwavo. 17Hapana munhu anofanira kunge ari muTende Rokusangana panguva inopindwamo naAroni kunoyananisira muNzvimbo Tsvene-tsvene kusvikira abuda, azviyananisira iye nemhuri yake uye neungano yose yavaIsraeri.

18“Ipapo achabuda oenda kuaritari iri pamberi paJehovha agoiyananisira. Achatora rimwe ropa rehando nerembudzi agoriisa panyanga dzose dzearitari. 19Achasasa rimwe ropa racho pairi nomunwe wake kanomwe kuti aichenese uye aitsaure kubva pakusachena kwavaIsraeri.

20“Kana Aroni apedza kuyananisira Nzvimbo Tsvene-tsvene, Tende Rokusangana nearitari, achauya nembudzi mhenyu. 21Anofanira kuisa maoko ake ose pamusoro wembudzi mhenyu agoreurura pamusoro payo kuipa nokumukira kwose kwavaIsraeri, zvivi zvavo zvose agozviisa pamusoro pembudzi. Acharega mbudzi ichienda kurenje nomunhu anenge apiwa basa iroro. 22Mbudzi iyi ichatakura pairi zvivi zvavo zvose kunzvimbo isina vanhu, uye munhu uyu achairegedzera murenje.

23“Ipapo Aroni achapinda muTende Rokusangana agobvisa nguo dzomucheka dzaapfeka asati apinda muNzvimbo Tsvene-tsvene uye achadzisiya imomo. 24Achashamba nemvura munzvimbo tsvene agopfeka nguo dzake dzamazuva ose. Ipapo achabuda agobayira chipiriso chake chinopiswa nechipiriso chinopiswa chavanhu, agozviyananisira iye navanhu. 25Achapisawo mafuta echipiriso chechivi paaritari.

26“Murume achandoregedzera mbudzi yokutakudzwa, anofanira kusuka nguo dzake agoshamba nemvura; mushure maizvozvo agozopinda mumusasa. 27Hando yechipiriso chezvivi nembudzi yechipiriso chezvivi, zvine ropa rinenge rauyiswa muNzvimbo Tsvene-tsvene kuti zviyananisire, zvinofanira kuendeswa kunze kwomusasa, matehwe acho, nyama namazvizvi zvinofanira kupiswa. 28Munhu anozvipisa anofanira kusuka nguo dzake agoshamba nemvura mushure maizvozvo agozopinda mumusasa.

29“Uyu unofanira kuva mutemo unogara nokusingaperi kwamuri: Pazuva regumi romwedzi wechinomwe munofanira kutsanya musingaiti kana basa, chingava chizvarwa chenyu kana mutorwa agere pakati penyu, 30nokuti pazuva iri muchayananisirwa, kuti mucheneswe. Ipapo, pamberi paJehovha muchava vakachena pazvivi zvenyu zvose. 31Isabata rokuzorora, uye munofanira kuzvinyima; uyu murayiro unogara nokusingaperi. 32Muprista akazodzwa nokugadzwa kuti atevere baba vake somuprista mukuru anofanira kuyananisira. Anofanira kupfeka nguo dzomucheka, nguo tsvene 33agoyananisira Nzvimbo Tsvene-tsvene neTende Rokusangana, nearitari uye navaprista navamwe vanhu vose veungano.

34“Uyu unofanira kuva murayiro unogara nokusingaperi kwamuri: Kuyananisira uku kunofanira kuitwa kamwe chete pagore, nokuda kwezvivi zvose zvavaIsraeri.”

Uye zvakaitwa, sezvakarayirwa Mozisi naJehovha.

Você sabia?

Os Rituais do Dia da Expiação

  • O sumo sacerdote entrava no Lugar Santíssimo, atrás do véu, apenas no Dia da Expiação, no décimo dia do sétimo mês. Antes de entrar, ele se banhava e vestia vestes sagradas de linho simples em vez de trajes suntuosos, levando incenso para formar uma nuvem protetora sobre o propiciatório.Fontes: o próprio texto bíblico · Holy Place
  • O ritual exigia dois bodes: um era sacrificado como oferta pelo pecado para purificar o santuário, e o outro era enviado vivo ao deserto levando as iniquidades de Israel. O termo hebraico associado ao bode emissário, Azazel, tem sido interpretado de diversas formas, como um lugar desolado no deserto, um espírito maligno ou uma palavra que significa separação.Fontes: o próprio texto bíblico · Azazel

Notas escritas com auxílio de IA a partir de fontes abertas (Theographic Bible Metadata, CC BY-SA 4.0; Easton’s Bible Dictionary, domínio público) e revisadas antes de publicar.

Créditos e licença desta tradução
Biblica® Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi 2017
The Holy Bible in the Shona language of Zimbabwe: Biblica® Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi 2017
copyright © 2005, 2018 Biblica, Inc.
Language: chiShona
Contributor: Biblica, Inc.
Biblica® Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi™
Kopakodzero © 2005, 2018 ne Biblica, Inc.
Biblica® Open Shona Contemporary Bible™
Copyright © 2005, 2018 by Biblica, Inc.
“Biblica” chiratidzo chekutengeserana chakanyoreswa mu United States uye chiratidzo chehofisi yeBiblica, Inc. Inoshandiswa zviripamutemo.
“Biblica” is a trademark registered in the United States Patent and Trademark Office by Biblica, Inc. Used with permission.
Creative Commons License
Iri basa rinowanikwa pasi peCreative Commons Attribution-ShareAlike 4.0 International License (CC BY-SA). Kuti utarise kopi yeiri rezinesi, shanyira https://creativecommons.org/licenses/by-sa/4.0 kana kutumira tsamba kuCreative Commons, PO Box 1866, Mountain View, CA 94042, USA.
Biblica® chiratidzo chinozikanwa chakanyorwa neBiblica, Inc., uye kushandiswa kwechiratidzo cheBiblica® kunoda mvumo yakanyorwa yeBiblica, Inc. Pasi pemitemo ye rizinesi re CC BY-SA, unogona kuteedzera uye kugovera patsva basa iri risina kugadziridzwa bedzi kana uchichengetedza chiratidzo che Biblica®. Kana iwe ukachinja kopi kana kushandura iri basa, nokudaro uchigadzira rimwe basa, unofanira kubvisa chiratidzo cheBiblica®. Pabasa rakatorwa, unofanirwa kuratidza shanduko dzawakaita uye woratidza sezvinotevera: “Basa rekutanga reBiblica, Inc. rinowanikwa mahara pa www.biblica.com uye nepa open.bible.”
‪
Cherechedzo yekopakodzero inofanirwa kuoneka pamusoro wenyaya kana peji rekopakodzero sezvinotevera:
Biblica® Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi™
Kopakodzero © 2005, 2018 ne Biblica, Inc.
Biblica® Open Shona Contemporary Bible™
Copyright © 2005, 2018 by Biblica, Inc.
“Biblica” chiratidzo chekutengeserana chakanyoreswa mu United States uye chiratidzo chehofisi yeBiblica, Inc. Inoshandiswa zviripamutemo.
“Biblica” is a trademark registered in the United States Patent and Trademark Office by Biblica, Inc. Used with permission.
Unofanirwa zvakare kuita kuti basa rawachinja riwanikwe pasi pe rezinesi yakafanana (CC BY-SA).
Kana iwe uchida kuzivisa Biblica, Inc. maererano neshanduro yako yebasa iri, taura nesu pa https://open.bible/contact-us .
This work is made available under the Creative Commons Attribution-ShareAlike 4‪.0 International License (CC BY-SA). To view a copy of this license, visit https://creativecommons.org/licenses/by-sa/4‪.0 or send a letter to Creative Commons, PO Box 1866, Mountain View, CA 94042, USA.
Biblica® is a trademark registered by Biblica, Inc., and use of the Biblica® trademark requires the written permission of Biblica, Inc. Under the terms of the CC BY-SA license, you may copy and redistribute this unmodified work as long as you keep the Biblica® trademark intact. If you modify a copy or translate this work, thereby creating a derivative work, you must remove the Biblica® trademark. On the derivative work, you must indicate what changes you have made and attribute the work as follows: “The original work by Biblica, Inc. is available for free at www.biblica.com and open.bible.”
‪
Notice of copyright must appear on the title or copyright page of the work as follows:
Biblica® Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi™
Kopakodzero © 2005, 2018 ne Biblica, Inc.
Biblica® Open Shona Contemporary Bible™
Copyright © 2005, 2018 by Biblica, Inc.
“Biblica” chiratidzo chekutengeserana chakanyoreswa mu United States uye chiratidzo chehofisi yeBiblica, Inc. Inoshandiswa zviripamutemo.
“Biblica” is a trademark registered in the United States Patent and Trademark Office by Biblica, Inc. Used with permission.
You must also make your derivative work available under the same license (CC BY-SA).
‪If you would like to notify Biblica, Inc. regarding your translation of this work, please contact us at https://open.bible/contact-us .
This translation is made available to you under the terms of the
Creative Commons Attribution Share-Alike license 4.0.
You have permission to share and redistribute this Bible translation in any format and to make reasonable revisions and adaptations of this translation, provided that:
You include the above copyright and source information.
If you make any changes to the text, you must indicate that you did so in a way that makes it clear that the original licensor is not necessarily endorsing your changes.
If you redistribute this text, you must distribute your contributions under the same license as the original.
Pictures included with Scriptures and other documents on this site are licensed just for use with those Scriptures and documents.
For other uses, please contact the respective copyright owners.
Note that in addition to the rules above, revising and adapting God's Word involves a great responsibility to be true to God's Word. See Revelation 22:18-19.
2023-04-14

Fonte: http://ebible.org/sna/ · eBible.org

Fale com a gente

Conte de onde você lê, como a Bíblia tem te ajudado ou o que podemos melhorar. Lemos todas as mensagens.