Nations Bible

Levítico 11

Biblica® Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi 2017 · Toque num versículo para ver as referências cruzadas.

Zvokudya zvakachena nezvisina kuchena

1Jehovha akati kuna Mozisi naAroni, 2“Taurai kuvaIsraeri muti, ‘Pamhuka dzose dzinofamba panyika, idzi ndidzo dzamunogona kudya: 3Munogona kudya mhuka ipi zvayo ina mahwanda, akapararana zvachose, uye inozeya zvokudya.

4“ ‘Asi kune dzimwe dzinongozeya kudya chete, kana kuti dzimwe dzine mahwanda akaparadzana chete, idzi hamufaniri kudzidya. Ngamera, kunyange ichizeya zvokudya, haina mahwanda akapatsanuka; haina kuchena kwamuri. 5Mbira kunyange ichizeya zvokudya, haina mahwanda akapatsanuka, haina kuchena kwamuri. 6Tsuro kunyange ichizeya zvokudya, haina mahwanda akapatsanuka, haina kuchena kwamuri. 7Nguruve kunyange ine mahwanda akanyatsopatsanuka, haizeyi zvokudya, haina kuchena kwamuri. 8Hamufaniri kudya nyama yazvo kana kubata zvitunha zvazvo; hazvina kuchena kwamuri.

9“ ‘Pazvisikwa zvose zvinogara mumvura yamakungwa nenzizi, munogona kudya dzose dzine zvimbi namakwati. 10Asi zvipuka zvose zvomugungwa kana munzizi zvisina zvimbi namakwati, kunyange pakati pezvinouya samatutu kana pakati pezvose zvisikwa zvinorarama mumvura, zvinonyangadza kwamuri. 11Uye sezvo zvichinyangadza kwamuri hamufaniri kudya nyama yazvo uye munofanira kusema zvitunha zvazvo. 12Chose chinhu chinorarama mumvura chisina zvimbi namakwati chinonyangadza kwamuri.

13“ ‘Idzi ndidzo shiri dzamunofanira kusema, uye musadzidya nokuti dzinonyangadza kwamuri: gondo, gora, chapungu, 14njerere, marudzi ose oruvangu rutema, 15marudzi ose amakunguo, 16marudzi ose amazizi, shiri yegungwa namarudzi ose oruvangu, 17nezizi duku, nekanyururahove, nezizi guru, 18nejichidza, nekondo, negora, 19neshuramurove, namarudzi ose ekondo, nemhupupu nechiremwaremwa.

20“ ‘Zvose zvipukanana zvinobhururuka, zvinofamba namakumbo mana zvinonyangadza kwamuri. 21Kunyange zvakadaro, kunewo zvimwe zvipuka zvine mapapiro zvinofamba namakumbo mana zvamunogona kudya, izvo zvine makumbo akabatanidzwa okukwakuka nawo. 22Pakati pezvizvi munogona kudya marudzi ose emhashu, namarudzi ose amakurwe namarudzi ebambamukota. 23Asi zvimwe zvose zvipukanana zvine mapapiro zvine makumbo mana munofanira kuzvisema.

24“ ‘Musazvisvibisa nezvizvi; ani naani anobata zvitunha zvazvo achava akasviba kusvikira manheru. 25Ani naani achanhonga chimwe chezvitunha zvazvo anofanira kusuka nguo dzake uye achava akasviba kusvikira manheru.

26“ ‘Mhuka yose yose ina mahwanda akapararana asi asina kunyatsopararana, isingazeyi kudya, haina kuchena kwamuri; ani naani anobata chitunha chayo achava asina kuchena. 27Pamhuka dzose dzinofamba namakumbo mana, idzo dzine tsoka dzakafara hadzina kuchena kwamuri; ani naani anobata chitunha chadzo achava akasviba kusvikira manheru. 28Ani naani achanhonga zvitunha zvadzo anofanira kusuka nguo dzake uye achava akasviba kusvikira manheru. Hadzina kuchena kwamuri.

29“ ‘Pamhuka dzinokambaira panyika, idzi hadzina kuchena kwamuri: chidembo, gonzo, namarudzi ose egwavava, 30chifurira, namarudzi ose amadzvinyu, dhambakura nerwaivhi. 31Pane zvose zvinokambaira panyika, izvi hazvina kuchena kwamuri. Asi ani naani anozvibata kana zvafa achava akasviba kusvikira manheru. 32Kana chimwe chazvo chikafa, chikawira pamusoro pechimwe chinhu, chinhu ichocho hazvinei kuti chinoshandiswei, chinova chisina kuchena kunyange chakagadzirwa nomuti, mucheka, dehwe, kana saga. Chiisei mumvura; chichava chisina kuchena kusvikira manheru, uye ipapo chichava chakachena. 33Kana chimwe chazvo chikawira muhari yevhu, zvose zviri mairi zvichava zvisina kuchena, uye munofanira kuputsa hari yacho. 34Chokudya chipi zvacho chinogona kudyiwa, asi chine mvura pachiri, yabva muhari iyoyo chichava chisina kuchena uye kana chipi zvacho chinganwiwa kubva imomo hachina kuchena. 35Chose chinhu chinowirwa nechitunha chazvo chinova chisina kuchena; choto kana hari yokubikira zvinofanira kuputswa. Hazvina kuchena uye munofanira kuzvibata sezvisina kuchena. 36Asi chitubu, kana tsime rokuchera mvura zvinoramba zvakachena, asi ani naani anobata chimwe chezvitunha izvi achava asina kuchena. 37Kana chitunha chikawira pambeu ipi zvayo inofanira kudyarwa, inoramba yakachena. 38Asi kana mvura yaiswa pambeu, uye chitunha chikawira pairi, inova isina kuchena kwamuri.

39“ ‘Kana mhuka yamunobvumirwa kudya ikafa yoga, munhu wose achabata mutumbi wayo achava asina kuchena kusvikira manheru. 40Munhu wose achadya imwe nyama yacho anofanira kusuka nguo dzake agova asina kuchena kusvikira manheru.

41“ ‘Chisikwa chose chinokambaira panyika chinonyangadza, hachifaniri kudyiwa. 42Hamufaniri kudya chisikwa chipi zvacho chinokambaira panyika, chingava chinofamba nedumbu kana chinofamba namakumbo mana kana namakumbo akawanda, chinonyangadza. 43Musazvisvibisa nechimwe chezvisikwa izvi. Musazvisvibisa nazvo kana nokuda kwazvo. 44Ndini Jehovha Mwari wenyu, zvitsaurei mugova vatsvene, nokuti ndiri mutsvene. Musazvisvibisa nechipuka chipi zvacho chinofamba-famba pasi. 45Ndini Jehovha akakubudisai muIjipiti kuti ndive Mwari wenyu; saka ivai vatsvene nokuti ndiri mutsvene.

46“ ‘Ndiyo mitemo iri maererano nemhuka, shiri, zvipenyu zvose zvinofamba mumvura nezvipuka zvose zvinofamba panyika. 47Munofanira kuisa mutsauko pakati pezvisina kuchena nezvakachena, pakati pezvisikwa zvipenyu zvinogona kudyiwa nezvisingagoni kudyiwa.’ ”

Ilustração artística — interpretação, não registro histórico.

Você sabia?

Animais Limpos e Impuros

  • As leis alimentares de Levítico estabelecem critérios duplos claros para animais terrestres e aquáticos: as criaturas da terra precisavam ruminar e ter cascos fendidos para serem comidas, enquanto as criaturas das águas precisavam ter tanto barbatanas quanto escamas.Fontes: o próprio texto bíblico
  • As leis de pureza se estendiam aos utensílios domésticos: panelas de barro e fornos contaminados pelo cadáver de um animal rastejante impuro não podiam ser apenas lavados como objetos de madeira ou tecido, mas deviam ser completamente quebrados.Fontes: o próprio texto bíblico
  • O propósito teológico declarado para distinguir entre o puro e o impuro era a consagração de Israel a Deus, que os tirou do Egito e os chamou a serem santos porque Ele é santo.Fontes: o próprio texto bíblico · Egypt

Notas escritas com auxílio de IA a partir de fontes abertas (Theographic Bible Metadata, CC BY-SA 4.0; Easton’s Bible Dictionary, domínio público) e revisadas antes de publicar.

Lugares deste capítulo

  • Egypt · 30.129, 31.308 · versículo 45

Só aparecem lugares com identificação de alta confiança (90% ou mais segundo as fontes acadêmicas reunidas pelo OpenBible). Mapa da época: DARE (Digital Atlas of the Roman Empire), CC BY 4.0; mapa atual: © colaboradores do OpenStreetMap; lugares: OpenBible.info (CC BY 4.0).

Créditos e licença desta tradução
Biblica® Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi 2017
The Holy Bible in the Shona language of Zimbabwe: Biblica® Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi 2017
copyright © 2005, 2018 Biblica, Inc.
Language: chiShona
Contributor: Biblica, Inc.
Biblica® Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi™
Kopakodzero © 2005, 2018 ne Biblica, Inc.
Biblica® Open Shona Contemporary Bible™
Copyright © 2005, 2018 by Biblica, Inc.
“Biblica” chiratidzo chekutengeserana chakanyoreswa mu United States uye chiratidzo chehofisi yeBiblica, Inc. Inoshandiswa zviripamutemo.
“Biblica” is a trademark registered in the United States Patent and Trademark Office by Biblica, Inc. Used with permission.
Creative Commons License
Iri basa rinowanikwa pasi peCreative Commons Attribution-ShareAlike 4.0 International License (CC BY-SA). Kuti utarise kopi yeiri rezinesi, shanyira https://creativecommons.org/licenses/by-sa/4.0 kana kutumira tsamba kuCreative Commons, PO Box 1866, Mountain View, CA 94042, USA.
Biblica® chiratidzo chinozikanwa chakanyorwa neBiblica, Inc., uye kushandiswa kwechiratidzo cheBiblica® kunoda mvumo yakanyorwa yeBiblica, Inc. Pasi pemitemo ye rizinesi re CC BY-SA, unogona kuteedzera uye kugovera patsva basa iri risina kugadziridzwa bedzi kana uchichengetedza chiratidzo che Biblica®. Kana iwe ukachinja kopi kana kushandura iri basa, nokudaro uchigadzira rimwe basa, unofanira kubvisa chiratidzo cheBiblica®. Pabasa rakatorwa, unofanirwa kuratidza shanduko dzawakaita uye woratidza sezvinotevera: “Basa rekutanga reBiblica, Inc. rinowanikwa mahara pa www.biblica.com uye nepa open.bible.”
‪
Cherechedzo yekopakodzero inofanirwa kuoneka pamusoro wenyaya kana peji rekopakodzero sezvinotevera:
Biblica® Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi™
Kopakodzero © 2005, 2018 ne Biblica, Inc.
Biblica® Open Shona Contemporary Bible™
Copyright © 2005, 2018 by Biblica, Inc.
“Biblica” chiratidzo chekutengeserana chakanyoreswa mu United States uye chiratidzo chehofisi yeBiblica, Inc. Inoshandiswa zviripamutemo.
“Biblica” is a trademark registered in the United States Patent and Trademark Office by Biblica, Inc. Used with permission.
Unofanirwa zvakare kuita kuti basa rawachinja riwanikwe pasi pe rezinesi yakafanana (CC BY-SA).
Kana iwe uchida kuzivisa Biblica, Inc. maererano neshanduro yako yebasa iri, taura nesu pa https://open.bible/contact-us .
This work is made available under the Creative Commons Attribution-ShareAlike 4‪.0 International License (CC BY-SA). To view a copy of this license, visit https://creativecommons.org/licenses/by-sa/4‪.0 or send a letter to Creative Commons, PO Box 1866, Mountain View, CA 94042, USA.
Biblica® is a trademark registered by Biblica, Inc., and use of the Biblica® trademark requires the written permission of Biblica, Inc. Under the terms of the CC BY-SA license, you may copy and redistribute this unmodified work as long as you keep the Biblica® trademark intact. If you modify a copy or translate this work, thereby creating a derivative work, you must remove the Biblica® trademark. On the derivative work, you must indicate what changes you have made and attribute the work as follows: “The original work by Biblica, Inc. is available for free at www.biblica.com and open.bible.”
‪
Notice of copyright must appear on the title or copyright page of the work as follows:
Biblica® Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi™
Kopakodzero © 2005, 2018 ne Biblica, Inc.
Biblica® Open Shona Contemporary Bible™
Copyright © 2005, 2018 by Biblica, Inc.
“Biblica” chiratidzo chekutengeserana chakanyoreswa mu United States uye chiratidzo chehofisi yeBiblica, Inc. Inoshandiswa zviripamutemo.
“Biblica” is a trademark registered in the United States Patent and Trademark Office by Biblica, Inc. Used with permission.
You must also make your derivative work available under the same license (CC BY-SA).
‪If you would like to notify Biblica, Inc. regarding your translation of this work, please contact us at https://open.bible/contact-us .
This translation is made available to you under the terms of the
Creative Commons Attribution Share-Alike license 4.0.
You have permission to share and redistribute this Bible translation in any format and to make reasonable revisions and adaptations of this translation, provided that:
You include the above copyright and source information.
If you make any changes to the text, you must indicate that you did so in a way that makes it clear that the original licensor is not necessarily endorsing your changes.
If you redistribute this text, you must distribute your contributions under the same license as the original.
Pictures included with Scriptures and other documents on this site are licensed just for use with those Scriptures and documents.
For other uses, please contact the respective copyright owners.
Note that in addition to the rules above, revising and adapting God's Word involves a great responsibility to be true to God's Word. See Revelation 22:18-19.
2023-04-14

Fonte: http://ebible.org/sna/ · eBible.org

Fale com a gente

Conte de onde você lê, como a Bíblia tem te ajudado ou o que podemos melhorar. Lemos todas as mensagens.