Nations Bible

Josué 9

Biblica® Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi 2017 · Toque num versículo para ver as referências cruzadas.

VaIsraeri vanonyengedzwa navaGibheoni

1Zvino madzimambo ose aigara kumavirira kweJorodhani navaiva munyika yamakomo, mujinga mamakomo kumadokero, mumahombekombe ose eGungwa Guru kusvikira kuRebhanoni (madzimambo avaHiti, navaAmori, navaKenani, navaPerizi, navaHivhi navaJebhusi) vakanzwa nezvazvo. 2Vakaungana pamwe chete kuti varwisane naJoshua navaIsraeri.

3Asi vanhu veGibheoni pavakanzwa zvakanga zvaitwa Jeriko neAi naJoshua, 4vakafunga zano: Vakaenda senhume nembongoro dzavo dzakatakura masaga akasakara nehomwe dzewaini dzakasakara, dzakatsemuka dzikasonanidzwazve. 5Varume vakapfeka shangu dzakasakara. Zvingwa zvose zvembuva yavo zvakanga zvakaoma nokuvhuvha. 6Ipapo vakaenda kuna Joshua mumusasa paGirigari ndokubva vati kwaari nokuvarume veIsraeri, “Tabva kunyika iri kure; zvino itai sungano nesu.”

7Zvino varume veIsraeri vakati kuvaHivhi, “Asi zvichida munogara pedyo nesu. Tingagoita sungano nemi sei?”

8Ivo ndokuti kuna Joshua, “Tiri varanda venyu.”

Asi Joshua akavabvunza achiti, “Ndimi vanaani uye munobvepi?”

9Ivo vakati kwaari, “Varanda venyu vabva kunyika iri kure kure nokuda kwomukurumbira waJehovha Mwari wenyu. Nokuti takanzwa nezvake: zvose zvaakaita muIjipiti, 10uye nezvose zvaakaita kumadzimambo maviri avaAmoni kumabvazuva eJorodhani nokuna Sihoni mambo weHeshibhoni, naOgi mambo weBhashani, aitonga muAshitaroti. 11Zvino vakuru vedu navagari vose vomunyika yedu vakati kwatiri, ‘Torai mbuva yerwendo rwenyu; muende munosangana navo muti kwavari, “Tiri varanda venyu; itai sungano nesu.” ’ 12Zvingwa zvedu izvi zvakanga zvichidziya patakazvitora mudzimba dzedu zuva ratakasimuka tichiuya kuno. Asi zvino chionai kuoma nokuvhuvha kwazvaita. 13Uye homwe dzewaini idzi dzaiva itsva patakadzizadza, asi chionai kubvaruka kwadzaita. Uye mbatya dzedu neshangu dzedu zvasakara nokuda kworwendo rurefu refu.”

14Varume veIsraeri vakaravira mbuva yavo asi havana kubvunza Jehovha. 15Ipapo Joshua akaita sungano yorugare navo kuti vavarege vari vapenyu, uye vakuru veungano vakaisimbisa nemhiko.

16Zvino mushure mamazuva matatu vaita sungano navaGibheoni, vaIsraeri vakanzwa kuti vakanga vari vavakidzani, vagere pedyo navo. 17Naizvozvo vaIsraeri vakasimuka vakasvika mumaguta avo zuva rechitatu: aiti Gibheoni, neKefira, neBheroti, neKiriati Jearimi. 18Asi vaIsraeri havana kuvarwisa, nokuti vakuru veungano vakanga vaita mhiko kwavari naJehovha, Mwari waIsraeri.

Ungano yose yakapopotera vatungamiri, 19asi vatungamiri vose vakapindura vachiti, “Takapika kwavari naJehovha, Mwari waIsraeri, zvino hatigoni kuita chinhu kwavari. 20Izvi ndizvo zvatichaita kwavari: Tichavarega vari vapenyu, kuitira kuti kutsamwa kwaMwari kurege kutiwira nokuda kwokuputsa mhiko yatakapika kwavari.” 21Vakaenderera mberi vachiti, “Varegei vari vapenyu, asi ngavave vatemi vehuni navacheri vemvura veungano yose.” Naizvozvo zvakanga zvarehwa navatungamiri zvakaitwa.

22Ipapo Joshua akadana vaGibheoni akati kwavari, “Sei makatinyengedza muchiti, ‘Tinogara kure kure nemi,’ asi imi muchigara pedyo nesu? 23Naizvozvo mava vanhu vakatukwa: Hamuchazofi makarega kuva vatemi vehuni navacheri vemvura veimba yaMwari wangu.”

24Ivo vakapindura Joshua vachiti, “Varanda venyu vakanga vaudzwa pachena kuti Jehovha Mwari wenyu akanga arayira Mozisi muranda wake sei kuti akupei nyika yose nokuparadza vose vageremo pamberi penyu. Naizvozvo taityira upenyu hwedu nokuda kwenyu, zvino ndicho chikonzero takaita izvi. 25Zvino tava mumaoko enyu. Itai kwatiri chero zvamunoona zvakanaka uye zvakarurama.”

26Naizvozvo Joshua akavaponesa kubva kuvaIsraeri, ivo vakasavauraya. 27Zuva iroro Joshua akaita vaGibheoni vatemi vehuni navacheri vemvura yeungano neyearitari yaJehovha panzvimbo yaizosarudzwa naJehovha. Uye ndizvo zvavari kusvikira nanhasi.

Ilustração artística — interpretação, não registro histórico.

Você sabia?

O tratado dos gibeonitas

  • Os habitantes de Gibeão eram heveus cujo território incluía quatro cidades: Gibeão, Quefira, Beerote e Quiriate-Jearim. Situada a poucos quilômetros a noroeste de Jerusalém, Gibeão era uma importante cidade nas colinas que optou pela diplomacia em vez de se unir à aliança militar dos reis cananeus vizinhos.Fontes: o próprio texto bíblico · Gibeon · Hivite
  • Para forjar a evidência de uma longa viagem, os gibeonitas levaram odres rachados, sandálias gastas, roupas esfarrapadas e pão seco e mofado. Os líderes de Israel examinaram as provisões físicas, mas não buscaram o conselho do Senhor, o que os levou a firmar um pacto de paz.Fontes: o próprio texto bíblico
  • No antigo Israel, um juramento feito em nome do Senhor era irrevogável, mesmo quando obtido por engano. Como os líderes haviam jurado por Deus, os israelitas pouparam a vida dos gibeonitas e os designaram para servir como cortadores de lenha e carregadores de água para a comunidade e o altar.Fontes: o próprio texto bíblico

Notas escritas com auxílio de IA a partir de fontes abertas (Theographic Bible Metadata, CC BY-SA 4.0; Easton’s Bible Dictionary, domínio público) e revisadas antes de publicar.

Lugares deste capítulo

  • Great Sea · Hoje: Mediterranean Sea · 31.805, 34.170 · versículo 1
  • Jericho · Hoje: Tell es Sultan · 31.872, 35.445 · versículos 1, 3
  • Jordan · Hoje: Jordan River · 31.761, 35.558 · versículos 1, 10
  • Lebanon · 33.540, 35.584 · versículo 1
  • Shephelah · 31.692, 34.875 · versículo 1
  • Gibeon · Hoje: El Jib · 31.847, 35.183 · versículos 3, 17
  • Egypt · 30.129, 31.308 · versículo 9
  • Bashan · 32.781, 35.935 · versículo 10
  • Kiriath-jearim · Hoje: Deir el Azar · 31.809, 35.104 · versículo 17

Só aparecem lugares com identificação de alta confiança (90% ou mais segundo as fontes acadêmicas reunidas pelo OpenBible). Mapa da época: DARE (Digital Atlas of the Roman Empire), CC BY 4.0; mapa atual: © colaboradores do OpenStreetMap; lugares: OpenBible.info (CC BY 4.0).

Créditos e licença desta tradução
Biblica® Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi 2017
The Holy Bible in the Shona language of Zimbabwe: Biblica® Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi 2017
copyright © 2005, 2018 Biblica, Inc.
Language: chiShona
Contributor: Biblica, Inc.
Biblica® Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi™
Kopakodzero © 2005, 2018 ne Biblica, Inc.
Biblica® Open Shona Contemporary Bible™
Copyright © 2005, 2018 by Biblica, Inc.
“Biblica” chiratidzo chekutengeserana chakanyoreswa mu United States uye chiratidzo chehofisi yeBiblica, Inc. Inoshandiswa zviripamutemo.
“Biblica” is a trademark registered in the United States Patent and Trademark Office by Biblica, Inc. Used with permission.
Creative Commons License
Iri basa rinowanikwa pasi peCreative Commons Attribution-ShareAlike 4.0 International License (CC BY-SA). Kuti utarise kopi yeiri rezinesi, shanyira https://creativecommons.org/licenses/by-sa/4.0 kana kutumira tsamba kuCreative Commons, PO Box 1866, Mountain View, CA 94042, USA.
Biblica® chiratidzo chinozikanwa chakanyorwa neBiblica, Inc., uye kushandiswa kwechiratidzo cheBiblica® kunoda mvumo yakanyorwa yeBiblica, Inc. Pasi pemitemo ye rizinesi re CC BY-SA, unogona kuteedzera uye kugovera patsva basa iri risina kugadziridzwa bedzi kana uchichengetedza chiratidzo che Biblica®. Kana iwe ukachinja kopi kana kushandura iri basa, nokudaro uchigadzira rimwe basa, unofanira kubvisa chiratidzo cheBiblica®. Pabasa rakatorwa, unofanirwa kuratidza shanduko dzawakaita uye woratidza sezvinotevera: “Basa rekutanga reBiblica, Inc. rinowanikwa mahara pa www.biblica.com uye nepa open.bible.”
‪
Cherechedzo yekopakodzero inofanirwa kuoneka pamusoro wenyaya kana peji rekopakodzero sezvinotevera:
Biblica® Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi™
Kopakodzero © 2005, 2018 ne Biblica, Inc.
Biblica® Open Shona Contemporary Bible™
Copyright © 2005, 2018 by Biblica, Inc.
“Biblica” chiratidzo chekutengeserana chakanyoreswa mu United States uye chiratidzo chehofisi yeBiblica, Inc. Inoshandiswa zviripamutemo.
“Biblica” is a trademark registered in the United States Patent and Trademark Office by Biblica, Inc. Used with permission.
Unofanirwa zvakare kuita kuti basa rawachinja riwanikwe pasi pe rezinesi yakafanana (CC BY-SA).
Kana iwe uchida kuzivisa Biblica, Inc. maererano neshanduro yako yebasa iri, taura nesu pa https://open.bible/contact-us .
This work is made available under the Creative Commons Attribution-ShareAlike 4‪.0 International License (CC BY-SA). To view a copy of this license, visit https://creativecommons.org/licenses/by-sa/4‪.0 or send a letter to Creative Commons, PO Box 1866, Mountain View, CA 94042, USA.
Biblica® is a trademark registered by Biblica, Inc., and use of the Biblica® trademark requires the written permission of Biblica, Inc. Under the terms of the CC BY-SA license, you may copy and redistribute this unmodified work as long as you keep the Biblica® trademark intact. If you modify a copy or translate this work, thereby creating a derivative work, you must remove the Biblica® trademark. On the derivative work, you must indicate what changes you have made and attribute the work as follows: “The original work by Biblica, Inc. is available for free at www.biblica.com and open.bible.”
‪
Notice of copyright must appear on the title or copyright page of the work as follows:
Biblica® Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi™
Kopakodzero © 2005, 2018 ne Biblica, Inc.
Biblica® Open Shona Contemporary Bible™
Copyright © 2005, 2018 by Biblica, Inc.
“Biblica” chiratidzo chekutengeserana chakanyoreswa mu United States uye chiratidzo chehofisi yeBiblica, Inc. Inoshandiswa zviripamutemo.
“Biblica” is a trademark registered in the United States Patent and Trademark Office by Biblica, Inc. Used with permission.
You must also make your derivative work available under the same license (CC BY-SA).
‪If you would like to notify Biblica, Inc. regarding your translation of this work, please contact us at https://open.bible/contact-us .
This translation is made available to you under the terms of the
Creative Commons Attribution Share-Alike license 4.0.
You have permission to share and redistribute this Bible translation in any format and to make reasonable revisions and adaptations of this translation, provided that:
You include the above copyright and source information.
If you make any changes to the text, you must indicate that you did so in a way that makes it clear that the original licensor is not necessarily endorsing your changes.
If you redistribute this text, you must distribute your contributions under the same license as the original.
Pictures included with Scriptures and other documents on this site are licensed just for use with those Scriptures and documents.
For other uses, please contact the respective copyright owners.
Note that in addition to the rules above, revising and adapting God's Word involves a great responsibility to be true to God's Word. See Revelation 22:18-19.
2023-04-14

Fonte: http://ebible.org/sna/ · eBible.org

Fale com a gente

Conte de onde você lê, como a Bíblia tem te ajudado ou o que podemos melhorar. Lemos todas as mensagens.