Nations Bible

Josué 23

Biblica® Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi 2017 · Toque num versículo para ver as referências cruzadas.

Joshua anoonekana naVatungamiri

1Zvino mazuva mazhinji akati apfuura uye Jehovha akanga azorodza vaIsraeri pavavengi vavo vose vakanga vakavapoteredza, Joshua akanga akwegura kwazvo ava namakore mazhinji panguva iyoyo. 2Akadana vaIsraeri vose, vakuru vavo, navatungamiri vavo, vatongi vavo, navatariri vavo, akati kwavari, “Ndakwegura uye ndava namakore mazhinji. 3Imi pachenyu makaona zvose zvakaitwa naJehovha Mwari wenyu kunyika idzi dzose nokuda kwenyu; ndiJehovha Mwari wenyu akakurwirai. 4Rangarirai kuti ndakakugoverai kuti ive nhaka yamarudzi enyu, nyika yose yendudzi dzakasara, ndudzi dzandakakunda pakati peJorodhani neGungwa Guru kumavirazuva. 5Jehovha Mwari pachake achavadzinga pamberi penyu. Achavabvisa pamberi penyu, uye imi muchatora nyika yavo ive yenyu, sezvamakavimbiswa naJehovha Mwari wenyu.

6“Simbai kwazvo; muchenjerere kuti muteerere zvose zvakanyorwa mubhuku romurayiro waMozisi, musingatsaukiri kurudyi kana kuruboshwe. 7Musafambidzana nendudzi dzakasara pakati penyu, kana kudana kumazita avamwari vavo, kana kupika navo. Hamufaniri kuvashumira, kana kuvapfugamira. 8Asi namatirai pana Jehovha Mwari wenyu sezvamakaita kusvikira nhasi.

9“Jehovha akadzinga pamberi penyu ndudzi huru dzaiva nesimba, asi kana muri imi hakuna munhu akagona kumira pamberi penyu kusvikira nhasi. 10Munhu mumwe chete kwamuri achadzinga vanhu vane chiuru, nokuti Jehovha Mwari wenyu ndiye anokurwirai sezvaakavimbisa. 11Saka chenjererai kuti mude Jehovha Mwari wenyu.

12“Asi kana mukangodzokera mukandobatana navakasara vendudzi idzi, dzigere pakati penyu uye kana mukawanana navo mukafambidzana navo, 13ipapo zvirokwazvo Jehovha Mwari wenyu haangazodzingi ndudzi pamberi penyu. Asi vachava musungo neriva kwamuri, netyava kumisana yenyu neminzwa pameso enyu, kusvikira mapera panyika ino yakanaka, yamakapiwa naJehovha Mwari wenyu.

14“Zvino ini ndava kuenda nenzira yenyika yose. Imi munoziva mumwoyo yenyu yose nomumweya yenyu yose, kuti hapana chinhu chimwe pazvose zvakanaka zvakavimbiswa naJehovha Mwari wenyu chakakona. 15Asi sezvo zvakanaka zvose zvakavimbiswa naJehovha Mwari wenyu zvakaitika, saizvozvo Jehovha achauyisa pamusoro penyu zvakaipa zvose zvaakareva kusvikira akuparadzai panyika iyi yakanaka, yaakakupai. 16Kana mukaputsa sungano yaJehovha Mwari wenyu, yaakakurayirai, mukandoshumira vamwe vamwari uye mukavapfugamira kutsamwa kwaJehovha kuchakumukirai, mukakurumidza kuparara panyika yakanaka yaakakupai.”

Ilustração artística — interpretação, não registro histórico.

Você sabia?

O Discurso de Despedida de Josué

  • Em idade avançada, depois que Israel desfrutou de um período de descanso de seus inimigos, Josué reuniu os anciãos, líderes, juízes e oficiais de Israel. Ele os exortou a serem fortes e a guardarem fielmente tudo o que estava escrito no Livro da Lei de Moisés.Fontes: o próprio texto bíblico · Joshua · Moses
  • O território concedido às tribos estendia-se desde o rio Jordão para o ocidente até o Grande Mar, designação antiga para o Mar Mediterrâneo. Josué advertiu Israel contra fazer alianças, casar-se entre si ou adorar os deuses das nações que ainda permaneciam na região.Fontes: o próprio texto bíblico · Jordan · Great Sea
  • Josué enfatizou a fidelidade à aliança, destacando que, assim como nenhuma das boas promessas de Deus havia falhado, violar o pacto e servir a outros deuses traria inevitavelmente a ruína e a perda da terra.Fontes: o próprio texto bíblico

Notas escritas com auxílio de IA a partir de fontes abertas (Theographic Bible Metadata, CC BY-SA 4.0; Easton’s Bible Dictionary, domínio público) e revisadas antes de publicar.

Lugares deste capítulo

  • Great Sea · Hoje: Mediterranean Sea · 31.805, 34.170 · versículo 4
  • Jordan · Hoje: Jordan River · 31.761, 35.558 · versículo 4

Só aparecem lugares com identificação de alta confiança (90% ou mais segundo as fontes acadêmicas reunidas pelo OpenBible). Mapa da época: DARE (Digital Atlas of the Roman Empire), CC BY 4.0; mapa atual: © colaboradores do OpenStreetMap; lugares: OpenBible.info (CC BY 4.0).

Créditos e licença desta tradução
Biblica® Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi 2017
The Holy Bible in the Shona language of Zimbabwe: Biblica® Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi 2017
copyright © 2005, 2018 Biblica, Inc.
Language: chiShona
Contributor: Biblica, Inc.
Biblica® Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi™
Kopakodzero © 2005, 2018 ne Biblica, Inc.
Biblica® Open Shona Contemporary Bible™
Copyright © 2005, 2018 by Biblica, Inc.
“Biblica” chiratidzo chekutengeserana chakanyoreswa mu United States uye chiratidzo chehofisi yeBiblica, Inc. Inoshandiswa zviripamutemo.
“Biblica” is a trademark registered in the United States Patent and Trademark Office by Biblica, Inc. Used with permission.
Creative Commons License
Iri basa rinowanikwa pasi peCreative Commons Attribution-ShareAlike 4.0 International License (CC BY-SA). Kuti utarise kopi yeiri rezinesi, shanyira https://creativecommons.org/licenses/by-sa/4.0 kana kutumira tsamba kuCreative Commons, PO Box 1866, Mountain View, CA 94042, USA.
Biblica® chiratidzo chinozikanwa chakanyorwa neBiblica, Inc., uye kushandiswa kwechiratidzo cheBiblica® kunoda mvumo yakanyorwa yeBiblica, Inc. Pasi pemitemo ye rizinesi re CC BY-SA, unogona kuteedzera uye kugovera patsva basa iri risina kugadziridzwa bedzi kana uchichengetedza chiratidzo che Biblica®. Kana iwe ukachinja kopi kana kushandura iri basa, nokudaro uchigadzira rimwe basa, unofanira kubvisa chiratidzo cheBiblica®. Pabasa rakatorwa, unofanirwa kuratidza shanduko dzawakaita uye woratidza sezvinotevera: “Basa rekutanga reBiblica, Inc. rinowanikwa mahara pa www.biblica.com uye nepa open.bible.”
‪
Cherechedzo yekopakodzero inofanirwa kuoneka pamusoro wenyaya kana peji rekopakodzero sezvinotevera:
Biblica® Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi™
Kopakodzero © 2005, 2018 ne Biblica, Inc.
Biblica® Open Shona Contemporary Bible™
Copyright © 2005, 2018 by Biblica, Inc.
“Biblica” chiratidzo chekutengeserana chakanyoreswa mu United States uye chiratidzo chehofisi yeBiblica, Inc. Inoshandiswa zviripamutemo.
“Biblica” is a trademark registered in the United States Patent and Trademark Office by Biblica, Inc. Used with permission.
Unofanirwa zvakare kuita kuti basa rawachinja riwanikwe pasi pe rezinesi yakafanana (CC BY-SA).
Kana iwe uchida kuzivisa Biblica, Inc. maererano neshanduro yako yebasa iri, taura nesu pa https://open.bible/contact-us .
This work is made available under the Creative Commons Attribution-ShareAlike 4‪.0 International License (CC BY-SA). To view a copy of this license, visit https://creativecommons.org/licenses/by-sa/4‪.0 or send a letter to Creative Commons, PO Box 1866, Mountain View, CA 94042, USA.
Biblica® is a trademark registered by Biblica, Inc., and use of the Biblica® trademark requires the written permission of Biblica, Inc. Under the terms of the CC BY-SA license, you may copy and redistribute this unmodified work as long as you keep the Biblica® trademark intact. If you modify a copy or translate this work, thereby creating a derivative work, you must remove the Biblica® trademark. On the derivative work, you must indicate what changes you have made and attribute the work as follows: “The original work by Biblica, Inc. is available for free at www.biblica.com and open.bible.”
‪
Notice of copyright must appear on the title or copyright page of the work as follows:
Biblica® Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi™
Kopakodzero © 2005, 2018 ne Biblica, Inc.
Biblica® Open Shona Contemporary Bible™
Copyright © 2005, 2018 by Biblica, Inc.
“Biblica” chiratidzo chekutengeserana chakanyoreswa mu United States uye chiratidzo chehofisi yeBiblica, Inc. Inoshandiswa zviripamutemo.
“Biblica” is a trademark registered in the United States Patent and Trademark Office by Biblica, Inc. Used with permission.
You must also make your derivative work available under the same license (CC BY-SA).
‪If you would like to notify Biblica, Inc. regarding your translation of this work, please contact us at https://open.bible/contact-us .
This translation is made available to you under the terms of the
Creative Commons Attribution Share-Alike license 4.0.
You have permission to share and redistribute this Bible translation in any format and to make reasonable revisions and adaptations of this translation, provided that:
You include the above copyright and source information.
If you make any changes to the text, you must indicate that you did so in a way that makes it clear that the original licensor is not necessarily endorsing your changes.
If you redistribute this text, you must distribute your contributions under the same license as the original.
Pictures included with Scriptures and other documents on this site are licensed just for use with those Scriptures and documents.
For other uses, please contact the respective copyright owners.
Note that in addition to the rules above, revising and adapting God's Word involves a great responsibility to be true to God's Word. See Revelation 22:18-19.
2023-04-14

Fonte: http://ebible.org/sna/ · eBible.org

Fale com a gente

Conte de onde você lê, como a Bíblia tem te ajudado ou o que podemos melhorar. Lemos todas as mensagens.