Nations Bible

Josué 19

Biblica® Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi 2017 · Toque num versículo para ver as referências cruzadas.

Mugove waSimeoni

1Mugove wechipiri wakapiwa kuna Simeoni, mhuri nemhuri. Nhaka yavo yakanga iri pakati penyika yavaJudha. 2Nhaka yavo yaisanganisira:

Bheerishebha (kana kuti Shebha), Moradha, 3Hazari Shuari, Bhara, Ezemi, 4Eritoradhi, Bheturi, Homa, 5Zikiragi, Bheti Makabhoti, Hazari Susa, 6Bheti Rebhaoti neShareheni, maguta gumi namatatu nemisha yawo;

7Aini, Rimoni, Eteri neAshani, maguta mana nemisha yawo, 8nemisha yose yakanga yakapoteredza maguta ose aya kusvikira kuBhaarati Bheeri (Rama muNegevhi). 9Nhaka yavaSimeoni yakanga yatorwa pamugove waJudha, nokuti mugove waJudha wakanga wakakura kupfuura zvavaida. Saka vaSimeoni vakapiwa nhaka mukati menyika yaJudha.

Mugove waZebhuruni

10Mugove wechitatu wakapiwa kuna Zebhuruni, mhuri nemhuri:

Muganhu wenyika yavo waisvika kuSaridhi. 11Wainanga kumavirira uchisvika kuMarara, ndokundobata Dhabhesheti, uye waitandavara kusvika kurukova rwuri pedyo neJokineami. 12Wakanga uchidzokera kumabvazuva uchibva kuSaridhi wakananga kumabvazuva uchienda kunyika yeKisiroti Tabhori ndokupfuurira kuDhabherati uchindokwidza kuJafia. 13Ipapo wakaramba wakananga kumabvazuva uchienda kuGati Hefa neEti Kazini; uchindobudira paRimoni ndokudzoka wakananga kuNea. 14Ipapo muganhu wakapoterera nechokumusoro uchienda kuHanatoni ndokugumira paMupata weIfita Eri. 15Waisanganisirawo Katati, Naharari, Shimironi, Idhara neBheterehema. Pakanga pane maguta gumi namaviri nemisha yawo. 16Maguta aya nemisha yawo ndiwo akanga ari nhaka yaZebhuruni, mhuri nemhuri.

Mugove waIsakari

17Mugove wechina wakapiwa Isakari, mhuri nemhuri. 18Nyika yavo yaisanganisira:

Jezireeri, Kesuroti, Shunami, 19Hafaraimi, Shioni, Anaharati, 20Rabhiti, Kishioni, Ebhezi, 21Remeti, Eni Ganimi, Eni Hadha, Bheti Pazezi. 22Muganhu waindobatawo Tabhori, Shahazuma, neBheti Shameshi ndokuguma paJorodhani. Paiva namaguta gumi namatanhatu nemisha yawo. 23Maguta aya nemisha yawo akanga ari nhaka yorudzi rwaIsakari, mhuri nemhuri.

Mugove waAsheri

24Mugove wechishanu wakapiwa rudzi rwavana vaAsheri, mhuri nemhuri. 25Nyika yavo yaisanganisira:

Herikati, Hari, Bheteni, Akishafi, 26Aramereki, Amadhi, neMishari. Nechokumavirira, muganhu waibata Karimeri neShihori Ribhinati. 27Ipapo waidzokera kumabvazuva wakananga kumusoro kuBheti Dhagoni, ugobata Zebhuruni noMupata weIfita Eri, uye ugonanga kumusoro kuBheti Emeki nokuNeyeri, uchipfuura Kabhuri iri nechokuruboshwe. 28Wakananga kuAdhudhoni, Rehobhu, Hamoni neKana, kusvikira kuSidhoni Huru. 29Ipapo muganhu wakadzokera kumashure wakananga kuRama ukaenda kuguta rakakomberedzwa reTire, ndokudzokera kuHosa ukandobudira pagungwa riri mudunhu reAkizibhi, 30Uma, Afeki neRehobhi. Pakanga pane maguta makumi maviri namaviri nemisha yawo. 31Maguta aya nemisha yawo ndiwo akanga ari nhaka yorudzi rwaAsheri, mhuri nemhuri.

Mugove waNafutari

32Mugove wechitanhatu wakapiwa kuna Nafutari, mhuri nemhuri:

33Muganhu wavo wakatangira paHerefi napamuti mukuru weZaananimi, uchipfuura napaAdhoni Nekebhi, neJabhuneeri, kusvikira paRakumi uye uchigumira paJorodhani. 34Muganhu wakaenda kumavirira ndokupfuura napaAzinoti Tabhori uye ukandobudira paHukoki. Waindobata Zebhuruni nechezasi, Asheri riri kumavirira neJorodhani rwuri kumabvazuva. 35Maguta akanga ane masvingo aiti Zidhimu, Zeri, Hamati, Rakati, Kinereti, 36Adhama, Rama, Hazori, 37Kedheshi, Edhirei, Eni Hazori, 38Ironi, Migidhari Eri, Horemi, Bheti Anati neBheti Shemeshi. Paiva namaguta gumi namapfumbamwe nemisha yawo. 39Maguta aya nemisha yawo ndiwo akanga ari nhaka yorudzi rwaNafutari, mhuri nemhuri.

Mugove waDhani

40Mugove wechinomwe wakapiwa kurudzi rwaDhani, mhuri nemhuri. 41Nyika yenhaka yavo yaisanganisira:

Zora, Eshitaori, Iri Shemeshi, 42Shaarabhini, Aijaroni, Itira, 43Eroni, Timuna, Ekironi, 44Eriteke, Gibhetoni, Bhaarati, 45Jehudhi, Bhene Bheraki, Gati Rimoni, 46Me Jakironi, Rakoni nenyika yakatarisana neJopa. 47(Asi vana vaDhani vakaomerwa nokutora nyika yavo, saka vakaenda vakandorwisa Reshemi, vakaitora, vakaibaya nomunondo, ndokugara mairi. Vakagara muReshemi ndokuitumidza kuti Dhani zita ratateguru wavo.) 48Maguta aya nemisha yawo ndiwo akanga ari nhaka yorudzi rwaDhani, mhuri nemhuri.

Mugove waJoshua

49Pavakapedza kugoverana nyika muzvikamu zvakafanira, vaIsraeri vakapa Joshua mwanakomana waNuni nhaka yake pakati pavo, 50sezvakanga zvarayirwa naJehovha. Vakamupa guta raakanga akumbira, Timunati Sera panyika yamakomo yaEfuremu. Uye akavaka guta iri akagaramo.

51Idzi ndidzo nyika dzakagoverwa nemijenya paShiro pamberi paJehovha pamukova weTende Rokusangana, nomuprista Ereazari naJoshua mwanakomana waNuni, navakuru vedzimba dzamarudzi avana vaIsraeri. Naizvozvo vakapedza kukamura-kamura nyika.

Ilustração artística — interpretação, não registro histórico.

Você sabia?

A partilha final da terra

  • Simeão recebeu uma herança localizada inteiramente dentro do território maior de Judá, porque a porção de Judá era considerada grande demais para eles. Isso incluía povoados do sul, como Berseba e Molada.Fontes: o próprio texto bíblico · Simeon · Beersheba · Moladah
  • Dã foi a última tribo a receber sua porção de terra, situada na fronteira ocidental em direção ao mar. Ao enfrentar dificuldades para manter o território original, os danitas marcharam para o norte, conquistaram a cidade de Lesem e a renomearam como Dã em homenagem ao seu antepassado.Fontes: o próprio texto bíblico · Dan
  • Somente após a conclusão da partilha das terras tribais é que os líderes concederam a Josué, filho de Num, sua herança pessoal. Ele pediu e recebeu a cidade de Timnate-Sera, na região montanhosa de Efraim, a qual reconstruiu e onde se estabeleceu.Fontes: o próprio texto bíblico · Joshua

Notas escritas com auxílio de IA a partir de fontes abertas (Theographic Bible Metadata, CC BY-SA 4.0; Easton’s Bible Dictionary, domínio público) e revisadas antes de publicar.

Lugares deste capítulo

  • Negeb · 31.245, 34.841 · versículo 8
  • Jokneam · Hoje: Tel Yokneam · 32.664, 35.108 · versículo 11
  • Bethlehem · Hoje: Beit Lahm · 32.735, 35.186 · versículo 15
  • Shunem · Hoje: Sulam · 32.606, 35.334 · versículo 18
  • Jordan · Hoje: Jordan River · 31.761, 35.558 · versículos 22, 33, 34
  • Mount Tabor · Hoje: Jebel et Tur · 32.686, 35.393 · versículo 22
  • Mount Carmel · 32.672, 35.023 · versículo 26
  • Sidon · Hoje: Sandikli archaeological site in Sidon · 33.561, 35.372 · versículo 28
  • Great Sea · Hoje: Mediterranean Sea · 31.805, 34.170 · versículo 29
  • Tyre · 33.271, 35.196 · versículo 29
  • Allon · Hoje: in Hanot Taggarim · 32.721, 35.411 · versículo 33
  • Hazor · Hoje: Tel Hazor · 33.018, 35.569 · versículo 36
  • Kedesh · Hoje: Tel Kedesh · 33.112, 35.530 · versículo 37
  • Ir-shemesh · Hoje: Tel Bet Shemesh · 31.751, 34.975 · versículo 41
  • Ekron · Hoje: Tel Miqne · 31.777, 34.852 · versículo 43
  • Joppa · Hoje: Jaffa · 32.054, 34.753 · versículo 46
  • Dan · Hoje: Tel Dan · 33.249, 35.652 · versículo 47
  • Shiloh · Hoje: Khirbet Seilun · 32.056, 35.290 · versículo 51

Só aparecem lugares com identificação de alta confiança (90% ou mais segundo as fontes acadêmicas reunidas pelo OpenBible). Mapa da época: DARE (Digital Atlas of the Roman Empire), CC BY 4.0; mapa atual: © colaboradores do OpenStreetMap; lugares: OpenBible.info (CC BY 4.0).

Créditos e licença desta tradução
Biblica® Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi 2017
The Holy Bible in the Shona language of Zimbabwe: Biblica® Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi 2017
copyright © 2005, 2018 Biblica, Inc.
Language: chiShona
Contributor: Biblica, Inc.
Biblica® Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi™
Kopakodzero © 2005, 2018 ne Biblica, Inc.
Biblica® Open Shona Contemporary Bible™
Copyright © 2005, 2018 by Biblica, Inc.
“Biblica” chiratidzo chekutengeserana chakanyoreswa mu United States uye chiratidzo chehofisi yeBiblica, Inc. Inoshandiswa zviripamutemo.
“Biblica” is a trademark registered in the United States Patent and Trademark Office by Biblica, Inc. Used with permission.
Creative Commons License
Iri basa rinowanikwa pasi peCreative Commons Attribution-ShareAlike 4.0 International License (CC BY-SA). Kuti utarise kopi yeiri rezinesi, shanyira https://creativecommons.org/licenses/by-sa/4.0 kana kutumira tsamba kuCreative Commons, PO Box 1866, Mountain View, CA 94042, USA.
Biblica® chiratidzo chinozikanwa chakanyorwa neBiblica, Inc., uye kushandiswa kwechiratidzo cheBiblica® kunoda mvumo yakanyorwa yeBiblica, Inc. Pasi pemitemo ye rizinesi re CC BY-SA, unogona kuteedzera uye kugovera patsva basa iri risina kugadziridzwa bedzi kana uchichengetedza chiratidzo che Biblica®. Kana iwe ukachinja kopi kana kushandura iri basa, nokudaro uchigadzira rimwe basa, unofanira kubvisa chiratidzo cheBiblica®. Pabasa rakatorwa, unofanirwa kuratidza shanduko dzawakaita uye woratidza sezvinotevera: “Basa rekutanga reBiblica, Inc. rinowanikwa mahara pa www.biblica.com uye nepa open.bible.”
‪
Cherechedzo yekopakodzero inofanirwa kuoneka pamusoro wenyaya kana peji rekopakodzero sezvinotevera:
Biblica® Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi™
Kopakodzero © 2005, 2018 ne Biblica, Inc.
Biblica® Open Shona Contemporary Bible™
Copyright © 2005, 2018 by Biblica, Inc.
“Biblica” chiratidzo chekutengeserana chakanyoreswa mu United States uye chiratidzo chehofisi yeBiblica, Inc. Inoshandiswa zviripamutemo.
“Biblica” is a trademark registered in the United States Patent and Trademark Office by Biblica, Inc. Used with permission.
Unofanirwa zvakare kuita kuti basa rawachinja riwanikwe pasi pe rezinesi yakafanana (CC BY-SA).
Kana iwe uchida kuzivisa Biblica, Inc. maererano neshanduro yako yebasa iri, taura nesu pa https://open.bible/contact-us .
This work is made available under the Creative Commons Attribution-ShareAlike 4‪.0 International License (CC BY-SA). To view a copy of this license, visit https://creativecommons.org/licenses/by-sa/4‪.0 or send a letter to Creative Commons, PO Box 1866, Mountain View, CA 94042, USA.
Biblica® is a trademark registered by Biblica, Inc., and use of the Biblica® trademark requires the written permission of Biblica, Inc. Under the terms of the CC BY-SA license, you may copy and redistribute this unmodified work as long as you keep the Biblica® trademark intact. If you modify a copy or translate this work, thereby creating a derivative work, you must remove the Biblica® trademark. On the derivative work, you must indicate what changes you have made and attribute the work as follows: “The original work by Biblica, Inc. is available for free at www.biblica.com and open.bible.”
‪
Notice of copyright must appear on the title or copyright page of the work as follows:
Biblica® Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi™
Kopakodzero © 2005, 2018 ne Biblica, Inc.
Biblica® Open Shona Contemporary Bible™
Copyright © 2005, 2018 by Biblica, Inc.
“Biblica” chiratidzo chekutengeserana chakanyoreswa mu United States uye chiratidzo chehofisi yeBiblica, Inc. Inoshandiswa zviripamutemo.
“Biblica” is a trademark registered in the United States Patent and Trademark Office by Biblica, Inc. Used with permission.
You must also make your derivative work available under the same license (CC BY-SA).
‪If you would like to notify Biblica, Inc. regarding your translation of this work, please contact us at https://open.bible/contact-us .
This translation is made available to you under the terms of the
Creative Commons Attribution Share-Alike license 4.0.
You have permission to share and redistribute this Bible translation in any format and to make reasonable revisions and adaptations of this translation, provided that:
You include the above copyright and source information.
If you make any changes to the text, you must indicate that you did so in a way that makes it clear that the original licensor is not necessarily endorsing your changes.
If you redistribute this text, you must distribute your contributions under the same license as the original.
Pictures included with Scriptures and other documents on this site are licensed just for use with those Scriptures and documents.
For other uses, please contact the respective copyright owners.
Note that in addition to the rules above, revising and adapting God's Word involves a great responsibility to be true to God's Word. See Revelation 22:18-19.
2023-04-14

Fonte: http://ebible.org/sna/ · eBible.org

Fale com a gente

Conte de onde você lê, como a Bíblia tem te ajudado ou o que podemos melhorar. Lemos todas as mensagens.