Nations Bible

Josué 17

Biblica® Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi 2017 · Toque num versículo para ver as referências cruzadas.

1Uyu ndiwo mugove worudzi rwaManase sedangwe raJosefa, ndiko kuti mugove waMakiri dangwe raManase. Makiri ndiye akanga ari tateguru wavaGireadhi, uye akanga apiwa Gireadhi neBhashani nokuti vaMakiri vakanga vari varwi vakuru. 2Saka mugove uyu wakanga uri wavanhu vakasara vaManase dzimba dzaAbhiezeri, Hereki, Asirieri, Shekemu, Hefa naShemidha. Izvi ndizvo zvimwe zvizvarwa zvechirume zvaManase mwanakomana waJosefa nedzimba dzavo.

3Zvino Zerofehadhi mwanakomana waHeferi, mwanakomana waGireadhi, mwanakomana waMakiri, mwanakomana waManase, akanga asina vanakomana asi vanasikana chete. Mazita avo aiti Mara, Noa, Hogira, Mirika, naTiriza. 4Ivo vakaenda kuna Ereazari muprista nokuna Joshua mwanakomana waNuni, nokuvatungamiri vakandoti, “Jehovha akarayira Mozisi kuti atipe nhaka pakati pehama dzedu.” Naizvozvo Joshua akavapa nhaka pamwe chete navanunʼuna vababa vavo, sezvakanga zvarayirwa naJehovha. 5Mugove waManase waisanganisira matunhu gumi tisingaverengi Gireadhi neBhashani dzaiva kumabvazuva kweJorodhani, 6nokuti vanasikana vorudzi rwaManase vakapiwa nhaka pakati pavanakomana. Nyika yeGireadhi yakanga iri yezvimwe zvizvarwa zvose zvaManase.

7Nyika yaManase yaitangira kuAsheri ichindosvika kuMikimetati kumabvazuva kweShekemu. Muganhu wainanga nechezasi uchibva ikoko uye waisanganisira vanhu vakanga vagere muEni Tapua. 8(Nyika yeTapua yakanga iri yaManase asi guta reTapua pacharo raiva pamuganhu waManase, rakanga riri ravaEfuremu.) 9Zvino muganhu waipfuurira zasi kuRwizi rweKana. Kwakanga kuna maguta aiva aEfuremu akanga ari pakati pamaguta aManase, asi muganhu waManase wakanga uri nechokumusoro kworwizi uchindogumira pagungwa. 10Nechezasi nyika iyi yakanga iri yaEfuremu uye kurutivi rwokumusoro yakanga iri yaManase. Nyika yaManase yaisvika kugungwa uye yaiganhurana naAsheri nechokumusoro uye naIsakari kumabvazuva.

11Mukati meIsakari neAsheri, Manase akanga ainewo Bheti Shani, Ibhireami navanhu veDhori, Enidhori, Tanaki neMegidho, pamwe chete nemisha yakapoteredza (yechitatu pakuverengwa iNafoti).

12Asi vana vaManase havana kugona kugara mumaguta aya, nokuti vaKenani vakashinga kugara munyika iyoyo. 13Kunyange zvakadaro hazvo, vaIsraeri vakati vava nesimba, vakaisa vaKenani pasi pavo ndokuvashandisa chibharo, asi havana kuvadzinga zvachose.

14Vanhu vaJosefa vakati kuna Joshua, “Makatipireiko mugove mumwe chete nechikamu chimwe chete kuti ive nhaka yedu? Tiri vanhu vazhinji uye Jehovha akatiropafadza zvikuru.”

15Joshua akapindura achiti, “Kana muri vanhu vazhinji, uye kana nyika yezvikomo yaEfuremu iri diki chaizvo kwamuri, endai kudondo munozvitemera nzvimbo ikoko kunyika yavaPerizi neyavaRefaiti.”

16Vanhu vaJosefa vakati, “Nyika yamakomo haitikwaniri, uye vaKenani vose vanogara mubani vane ngoro dzesimbi, ivo vose vari muBheti Sheani nemisha yaro pamwe chete navari muMupata weJezireeri.”

17Asi Joshua akati kuimba yaJosefa, imba yaEfuremu naManase, “Imi muri vanhu vazhinji uye mune simba guru. Hamungave nomugove mumwe chete 18asi nyika yamakomo ichava yenyu; nokuti kunyange riri dondo, muchafanira kuritema rigova renyu kusvikira kwarinoperera, nokuti munofanira kudzinga vaKenani, kunyange vane ngoro dzesimbi uye vane simba.”

Ilustração artística — interpretação, não registro histórico.

Você sabia?

A herança de Manassés e da casa de José

  • A tribo de Manassés foi dividida geograficamente em ambos os lados do rio Jordão. Como o clã de Maquir era conhecido por sua valentia militar, eles já haviam recebido as regiões orientais de Gileade e Basã, enquanto os outros clãs receberam dez porções a oeste do Jordão.Fontes: o próprio texto bíblico · Machir · Gilead · Bashan
  • As filhas de Zelofeade — Macla, Noa, Hogla, Milca e Tirza — apresentaram-se diante de Josué e do sacerdote Eleazar para reivindicar a herança concedida por ordem do Senhor a Moisés. Isso garantiu que elas recebessem porções de terra juntamente com os irmãos de seu pai.Fontes: o próprio texto bíblico · Hepher · Machir
  • Quando as tribos da casa de José reclamaram que o território designado era pequeno demais, Josué os encorajou a desbravar as florestas das montanhas em vez de temerem os cananeus dos vales, que possuíam carros de ferro em cidades como Bete-Seã.Fontes: o próprio texto bíblico · Joshua · Beth-shean

Notas escritas com auxílio de IA a partir de fontes abertas (Theographic Bible Metadata, CC BY-SA 4.0; Easton’s Bible Dictionary, domínio público) e revisadas antes de publicar.

Lugares deste capítulo

  • Bashan · 32.781, 35.935 · versículos 1, 5
  • Gilead · Hoje: Gilead 1 · 32.187, 35.692 · versículos 1, 5, 6
  • Jordan · Hoje: Jordan River · 31.761, 35.558 · versículos 1, 2, 5
  • Shechem · Hoje: Tell Balatah · 32.214, 35.282 · versículo 7
  • Great Sea · Hoje: Mediterranean Sea · 31.805, 34.170 · versículos 9, 10
  • Megiddo · Hoje: Tel Megiddo · 32.585, 35.184 · versículo 11
  • Taanach · Hoje: Tell Ta’anakh · 32.522, 35.219 · versículo 11
  • Valley of Jezreel · Hoje: Jezreel Valley · 32.596, 35.242 · versículo 16

Só aparecem lugares com identificação de alta confiança (90% ou mais segundo as fontes acadêmicas reunidas pelo OpenBible). Mapa da época: DARE (Digital Atlas of the Roman Empire), CC BY 4.0; mapa atual: © colaboradores do OpenStreetMap; lugares: OpenBible.info (CC BY 4.0).

Créditos e licença desta tradução
Biblica® Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi 2017
The Holy Bible in the Shona language of Zimbabwe: Biblica® Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi 2017
copyright © 2005, 2018 Biblica, Inc.
Language: chiShona
Contributor: Biblica, Inc.
Biblica® Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi™
Kopakodzero © 2005, 2018 ne Biblica, Inc.
Biblica® Open Shona Contemporary Bible™
Copyright © 2005, 2018 by Biblica, Inc.
“Biblica” chiratidzo chekutengeserana chakanyoreswa mu United States uye chiratidzo chehofisi yeBiblica, Inc. Inoshandiswa zviripamutemo.
“Biblica” is a trademark registered in the United States Patent and Trademark Office by Biblica, Inc. Used with permission.
Creative Commons License
Iri basa rinowanikwa pasi peCreative Commons Attribution-ShareAlike 4.0 International License (CC BY-SA). Kuti utarise kopi yeiri rezinesi, shanyira https://creativecommons.org/licenses/by-sa/4.0 kana kutumira tsamba kuCreative Commons, PO Box 1866, Mountain View, CA 94042, USA.
Biblica® chiratidzo chinozikanwa chakanyorwa neBiblica, Inc., uye kushandiswa kwechiratidzo cheBiblica® kunoda mvumo yakanyorwa yeBiblica, Inc. Pasi pemitemo ye rizinesi re CC BY-SA, unogona kuteedzera uye kugovera patsva basa iri risina kugadziridzwa bedzi kana uchichengetedza chiratidzo che Biblica®. Kana iwe ukachinja kopi kana kushandura iri basa, nokudaro uchigadzira rimwe basa, unofanira kubvisa chiratidzo cheBiblica®. Pabasa rakatorwa, unofanirwa kuratidza shanduko dzawakaita uye woratidza sezvinotevera: “Basa rekutanga reBiblica, Inc. rinowanikwa mahara pa www.biblica.com uye nepa open.bible.”
‪
Cherechedzo yekopakodzero inofanirwa kuoneka pamusoro wenyaya kana peji rekopakodzero sezvinotevera:
Biblica® Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi™
Kopakodzero © 2005, 2018 ne Biblica, Inc.
Biblica® Open Shona Contemporary Bible™
Copyright © 2005, 2018 by Biblica, Inc.
“Biblica” chiratidzo chekutengeserana chakanyoreswa mu United States uye chiratidzo chehofisi yeBiblica, Inc. Inoshandiswa zviripamutemo.
“Biblica” is a trademark registered in the United States Patent and Trademark Office by Biblica, Inc. Used with permission.
Unofanirwa zvakare kuita kuti basa rawachinja riwanikwe pasi pe rezinesi yakafanana (CC BY-SA).
Kana iwe uchida kuzivisa Biblica, Inc. maererano neshanduro yako yebasa iri, taura nesu pa https://open.bible/contact-us .
This work is made available under the Creative Commons Attribution-ShareAlike 4‪.0 International License (CC BY-SA). To view a copy of this license, visit https://creativecommons.org/licenses/by-sa/4‪.0 or send a letter to Creative Commons, PO Box 1866, Mountain View, CA 94042, USA.
Biblica® is a trademark registered by Biblica, Inc., and use of the Biblica® trademark requires the written permission of Biblica, Inc. Under the terms of the CC BY-SA license, you may copy and redistribute this unmodified work as long as you keep the Biblica® trademark intact. If you modify a copy or translate this work, thereby creating a derivative work, you must remove the Biblica® trademark. On the derivative work, you must indicate what changes you have made and attribute the work as follows: “The original work by Biblica, Inc. is available for free at www.biblica.com and open.bible.”
‪
Notice of copyright must appear on the title or copyright page of the work as follows:
Biblica® Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi™
Kopakodzero © 2005, 2018 ne Biblica, Inc.
Biblica® Open Shona Contemporary Bible™
Copyright © 2005, 2018 by Biblica, Inc.
“Biblica” chiratidzo chekutengeserana chakanyoreswa mu United States uye chiratidzo chehofisi yeBiblica, Inc. Inoshandiswa zviripamutemo.
“Biblica” is a trademark registered in the United States Patent and Trademark Office by Biblica, Inc. Used with permission.
You must also make your derivative work available under the same license (CC BY-SA).
‪If you would like to notify Biblica, Inc. regarding your translation of this work, please contact us at https://open.bible/contact-us .
This translation is made available to you under the terms of the
Creative Commons Attribution Share-Alike license 4.0.
You have permission to share and redistribute this Bible translation in any format and to make reasonable revisions and adaptations of this translation, provided that:
You include the above copyright and source information.
If you make any changes to the text, you must indicate that you did so in a way that makes it clear that the original licensor is not necessarily endorsing your changes.
If you redistribute this text, you must distribute your contributions under the same license as the original.
Pictures included with Scriptures and other documents on this site are licensed just for use with those Scriptures and documents.
For other uses, please contact the respective copyright owners.
Note that in addition to the rules above, revising and adapting God's Word involves a great responsibility to be true to God's Word. See Revelation 22:18-19.
2023-04-14

Fonte: http://ebible.org/sna/ · eBible.org

Fale com a gente

Conte de onde você lê, como a Bíblia tem te ajudado ou o que podemos melhorar. Lemos todas as mensagens.