Josué 14
Biblica® Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi 2017 · Toque num versículo para ver as referências cruzadas.
Kuganhurwa kweNyika yokuMavirira kweJorodhani
1Zvino idzi ndidzo nzvimbo dzakagamuchirwa navana vaIsraeri senhaka munyika yeKenani, dzavakagoverwa nomuprista Ereazari, naJoshua mwanakomana waNuni, navakuru vedzimba dzamadzibaba amarudzi avana vaIsraeri. 2Nhaka yavo yakagoverwa nemijenya kumarudzi mapfumbamwe nehafu yamarudzi, sezvakanga zvaraiyirwa naJehovha kuna Mozisi. 3Mozisi akanga apa marudzi maviri ane hafu nhaka yawo kumabvazuva kweJorodhani; asi vaRevhi haana kuvapa nhaka pakati pavo, 4nokuti vana vaJosefa vakanga vava marudzi maviri, rwaManase norwaEfuremu. VaRevhi havana kuwana mugove wenyika asi maguta okugara, namafuro amakwai avo nemombe dzavo. 5Naizvozvo vana vaIsraeri vakakamura-kamura nyika, sezvazvakanga zvarayirwa Mozisi naJehovha.
Karebhu anopiwa Hebhuroni
6Zvino vanhu veJudha vakaenda kuna Joshua paGirigari, uye Karebhu, mwanakomana waJefune muKenizi, akati kwaari, “Imi munoziva zvakataurwa naJehovha kuna Mozisi munhu waMwari, pamusoro pangu nemi, paKadheshi Bharinea. 7Ndakanga ndava namakore makumi mana pandakatumwa naMozisi muranda waJehovha, paKadheshi Bharinea kundosora nyika, uye ndakadzoka neshoko kwaari sezvandakafunga ini, 8asi hama dzangu dzakanga dzakwidza neni dzakaodza mwoyo yavanhu, nokutya. Kunyange zvakadaro ini ndakatevera Jehovha Mwari wangu nomwoyo wose. 9Saka pazuva iro Mozisi akapika kwandiri akati, ‘Nyika yose yauchafamba pairi netsoka dzako, ichava nhaka yako, navana vako nokusingaperi, nokuti wakatevera Jehovha Mwari wangu nomwoyo wako wose.’
10“Zvino ipapo, sokuvimbiswa kwakaitwa naJehovha, akandiraramisa kwamakore makumi mana namashanu, kubva panguva yaakataura izvi kuna Mozisi, vaIsraeri pavaidzungaira murenje. Naizvozvo nhasi ndiri pano, ndava namakore makumi masere namashanu! 11Ndichakangosimba nanhasi sezvandakanga ndakaita musi wandakatumwa naMozisi; ndichine simba guru rokuti ndinokwanisa kuenda kundorwa sezvandakanga ndakaita kare. 12Zvino chindipa nyika iyo yamakomo, yandakavimbiswa naJehovha musi iwoyo. Iwe pachako wakanzwa kare kuti vaAnaki vakanga varipo uye kuti maguta avo akanga ari makuru uye akakomberedzwa, asi Jehovha achindibatsira, ndichavadzinga sezvaakataura.”
13Ipapo Joshua akaropafadza Karebhu, mwanakomana waJefune akamupa Hebhuroni senhaka yake. 14Naizvozvo Hebhuroni yakava nhaka yaKarebhu mwanakomana waJefune muKenizi kubvira ipapo, nokuti akatevera Jehovha, Mwari waIsraeri, nomwoyo wake wose. 15(Hebhuroni yaimbonzi Kiriati Abha ichibva pana Abha akanga ano mukurumbira pakati pavaAnaki vose.)
Ipapo nyika yakazorora pakurwa hondo.

Você sabia?
A herança de Calebe e a divisão de Canaã
- A distribuição das terras a oeste do Jordão foi conduzida pelo sumo sacerdote Eleazar, por Josué e pelos chefes tribais, usando sortes para nove tribos e meia. A tribo de Levi não recebeu um território próprio, mas apenas cidades com pastagens, enquanto os filhos de José, Efraim e Manassés, formaram duas porções tribais distintas.Fontes: o próprio texto bíblico · Eleazar · Joseph (son of Jacob)
- Aos oitenta e cinco anos de idade, Calebe aproximou-se de Josué no acampamento em Gilgal para pedir a região montanhosa e fortificada de Hebrom, recordando a promessa feita quarenta e cinco anos antes por Moisés em Cades-Barneia. A cidade de Hebrom chamava-se anteriormente Quiriate-Arba, em homenagem a Arba, o maior homem entre os anaquins.Fontes: o próprio texto bíblico · Caleb · Hebron · Kadesh-barnea
Notas escritas com auxílio de IA a partir de fontes abertas (Theographic Bible Metadata, CC BY-SA 4.0; Easton’s Bible Dictionary, domínio público) e revisadas antes de publicar.
Lugares deste capítulo
- Canaan · 32.767, 35.333 · versículos 1, 7, 9
- Jordan · Hoje: Jordan River · 31.761, 35.558 · versículo 3
- Hebron · Hoje: Tel Rumeida · 31.525, 35.102 · versículos 13, 14, 15
Só aparecem lugares com identificação de alta confiança (90% ou mais segundo as fontes acadêmicas reunidas pelo OpenBible). Mapa da época: DARE (Digital Atlas of the Roman Empire), CC BY 4.0; mapa atual: © colaboradores do OpenStreetMap; lugares: OpenBible.info (CC BY 4.0).
Créditos e licença desta tradução
Biblica® Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi 2017 The Holy Bible in the Shona language of Zimbabwe: Biblica® Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi 2017 copyright © 2005, 2018 Biblica, Inc. Language: chiShona Contributor: Biblica, Inc. Biblica® Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi™ Kopakodzero © 2005, 2018 ne Biblica, Inc. Biblica® Open Shona Contemporary Bible™ Copyright © 2005, 2018 by Biblica, Inc. “Biblica” chiratidzo chekutengeserana chakanyoreswa mu United States uye chiratidzo chehofisi yeBiblica, Inc. Inoshandiswa zviripamutemo. “Biblica” is a trademark registered in the United States Patent and Trademark Office by Biblica, Inc. Used with permission. Creative Commons License Iri basa rinowanikwa pasi peCreative Commons Attribution-ShareAlike 4.0 International License (CC BY-SA). Kuti utarise kopi yeiri rezinesi, shanyira https://creativecommons.org/licenses/by-sa/4.0 kana kutumira tsamba kuCreative Commons, PO Box 1866, Mountain View, CA 94042, USA. Biblica® chiratidzo chinozikanwa chakanyorwa neBiblica, Inc., uye kushandiswa kwechiratidzo cheBiblica® kunoda mvumo yakanyorwa yeBiblica, Inc. Pasi pemitemo ye rizinesi re CC BY-SA, unogona kuteedzera uye kugovera patsva basa iri risina kugadziridzwa bedzi kana uchichengetedza chiratidzo che Biblica®. Kana iwe ukachinja kopi kana kushandura iri basa, nokudaro uchigadzira rimwe basa, unofanira kubvisa chiratidzo cheBiblica®. Pabasa rakatorwa, unofanirwa kuratidza shanduko dzawakaita uye woratidza sezvinotevera: “Basa rekutanga reBiblica, Inc. rinowanikwa mahara pa www.biblica.com uye nepa open.bible.” Cherechedzo yekopakodzero inofanirwa kuoneka pamusoro wenyaya kana peji rekopakodzero sezvinotevera: Biblica® Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi™ Kopakodzero © 2005, 2018 ne Biblica, Inc. Biblica® Open Shona Contemporary Bible™ Copyright © 2005, 2018 by Biblica, Inc. “Biblica” chiratidzo chekutengeserana chakanyoreswa mu United States uye chiratidzo chehofisi yeBiblica, Inc. Inoshandiswa zviripamutemo. “Biblica” is a trademark registered in the United States Patent and Trademark Office by Biblica, Inc. Used with permission. Unofanirwa zvakare kuita kuti basa rawachinja riwanikwe pasi pe rezinesi yakafanana (CC BY-SA). Kana iwe uchida kuzivisa Biblica, Inc. maererano neshanduro yako yebasa iri, taura nesu pa https://open.bible/contact-us . This work is made available under the Creative Commons Attribution-ShareAlike 4.0 International License (CC BY-SA). To view a copy of this license, visit https://creativecommons.org/licenses/by-sa/4.0 or send a letter to Creative Commons, PO Box 1866, Mountain View, CA 94042, USA. Biblica® is a trademark registered by Biblica, Inc., and use of the Biblica® trademark requires the written permission of Biblica, Inc. Under the terms of the CC BY-SA license, you may copy and redistribute this unmodified work as long as you keep the Biblica® trademark intact. If you modify a copy or translate this work, thereby creating a derivative work, you must remove the Biblica® trademark. On the derivative work, you must indicate what changes you have made and attribute the work as follows: “The original work by Biblica, Inc. is available for free at www.biblica.com and open.bible.” Notice of copyright must appear on the title or copyright page of the work as follows: Biblica® Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi™ Kopakodzero © 2005, 2018 ne Biblica, Inc. Biblica® Open Shona Contemporary Bible™ Copyright © 2005, 2018 by Biblica, Inc. “Biblica” chiratidzo chekutengeserana chakanyoreswa mu United States uye chiratidzo chehofisi yeBiblica, Inc. Inoshandiswa zviripamutemo. “Biblica” is a trademark registered in the United States Patent and Trademark Office by Biblica, Inc. Used with permission. You must also make your derivative work available under the same license (CC BY-SA). If you would like to notify Biblica, Inc. regarding your translation of this work, please contact us at https://open.bible/contact-us . This translation is made available to you under the terms of the Creative Commons Attribution Share-Alike license 4.0. You have permission to share and redistribute this Bible translation in any format and to make reasonable revisions and adaptations of this translation, provided that: You include the above copyright and source information. If you make any changes to the text, you must indicate that you did so in a way that makes it clear that the original licensor is not necessarily endorsing your changes. If you redistribute this text, you must distribute your contributions under the same license as the original. Pictures included with Scriptures and other documents on this site are licensed just for use with those Scriptures and documents. For other uses, please contact the respective copyright owners. Note that in addition to the rules above, revising and adapting God's Word involves a great responsibility to be true to God's Word. See Revelation 22:18-19. 2023-04-14
Fonte: http://ebible.org/sna/ · eBible.org